Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 17

Bvuma Kubatsirwa naJehovha Ukunde Satani Nemadhimoni

Bvuma Kubatsirwa naJehovha Ukunde Satani Nemadhimoni

‘Tinorwa nemasimba emweya yakaipa ari munzvimbo dzemumatenga.VAEF. 6:12.

RWIYO 55 Musavatye!

ZVICHADZIDZWA *

1. Sezvinotaurwa pana VaEfeso 6:10-13, ndeipi imwe nzira yakanaka chaizvo inoshandiswa naJehovha pakuratidza kuti ane hanya nesu? Tsanangura.

IMWE nzira yakanaka chaizvo inoshandiswa naJehovha pakuratidza kuti ane hanya nesu ndeyekutibatsira kuti tirwise vavengi vedu. Vavengi vedu vakuru ndiSatani nemadhimoni. Jehovha anotiyambira nezvevavengi vedu ava uye anotipa zvatinoda kuti tivarwise. (Verenga VaEfeso 6:10-13.) Kana tikabvuma kubatsirwa naJehovha tonyatsovimba naye, tinogona kubudirira pakurwisana naDhiyabhorosi. Tinogona kuva nechivimbo sechaiva nemuapostora Pauro. Akanyora kuti: “Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?”—VaR. 8:31.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 SevaKristu vechokwadi, hatingogari tichifunga nezvaSatani nemadhimoni. Tinonyanya kuisa pfungwa dzedu pakudzidza nezvaJehovha uye pakumushumira. (Pis. 25:5) Asi tinofanira kuziva nzira dzinoshandiswa naSatani. Nei tichifanira kudziziva? Kuitira kuti tisanyengerwa naye. (2 VaK. 2:11) Munyaya ino tichakurukura nzira inonyanya kushandiswa naSatani nemadhimoni kuedza kunyengera vanhu. Tichaonawo kuti tingaitei kuti tikwanise kuvakunda.

SATANI NEMADHIMONI VANONYENGERA SEI VANHU?

3-4. (a) Kuita zvemidzimu kuita sei? (b) Vanhu vanotenda zvemidzimu vakawanda zvakadii?

3 Nzira inonyanya kushandiswa naSatani nemadhimoni pakuedza kunyengera vanhu ndeyekuita zvemidzimu. Vaya vanoita zvemidzimu vanoti vanoziva kana kuti vanoita zvinhu zvisingagoni kuzivikanwa kana kuitwa nevanhu. Vamwe vanoti vanogona kuziva zvichaitika vachiita zvekushopera kana kuti vachiongorora nyeredzi. Vamwewo vangaita sevari kutaura nevakafa. Vamwe vanoita zveuroyi kana zvemashiripiti, uye vanoedza kutsinga vamwe. *

4 Vanhu vanotenda zvemidzimu vakawanda zvakadii? Ongororo yakaitwa munyika 18 dzekuLatin America neCaribbean yakaratidza kuti munhu mumwe chete pavanhu vatatu veko anotenda mune zvemashiripiti kana zveuroyi, uye vanhu vakada kuwanda saizvozvo vanotenda kuti zvinoita kuti munhu ataure nemidzimu. Panewo imwe ongororo yakaitwa munyika 18 dzemuAfrica. Munyika idzodzo, pavanhu vakabvunzwa, vanopfuura hafu yavo vakati vanotenda kuti uroyi huriko uye hunogona kukuvadza vanhu. Saka pasinei nekwatinogara, tinofanira kungwarira kuti tisabatanidzwa mune zvemidzimu. Uye ngatiyeukei kuti Satani ari kuedza “kutsausa nyika yese inogarwa.”—Zvak. 12:9.

5. Jehovha anoona sei tsika yekuita zvemidzimu?

5 Jehovha ‘ndiMwari wechokwadi.’ (Pis. 31:5) Saka anoona sei tsika yekuita zvemidzimu? Anoivenga! Jehovha akaudza vaIsraeri kuti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu anopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto, munhu anoshopera, anoita zvemashiripiti kana munhu anotenda mashura kana muroyi, kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga, kana anobvunza svikiro, kana vafemberi, kana anobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha.” (Dheut. 18:10-12) VaKristu havasi pasi peMutemo waMosesi wakapiwa vaIsraeri naJehovha. Asi tinoziva kuti maonero aanoita tsika yekuita zvemidzimu haana kuchinja.—Mar. 3:6.

6. (a) Satani anoshandisa sei zvemidzimu kuti akanganise vanhu? (b) Sezvinotaurwa pana Muparidzi 9:5, ndechipi chokwadi pamusoro pevakafa?

6 Jehovha anotiyambira kuti tisaita zvemidzimu nekuti anoziva kuti Satani anozvishandisa kuti akanganise vanhu. Satani anoshandisa zvemidzimu kuti asimbise nhema dzake, kusanganisira dzekuti vanhu vakafa vapenyu kune imwe nzvimbo. (Verenga Muparidzi 9:5.) Satani anoshandisawo zvemidzimu kuti vanhu vagare vachitya uye kuita kuti vasashumira Jehovha. Chinangwa chake ndechekuti vanhu vanoita zvemidzimu vapedzisire vava kuvimba nemadhimoni pane kuvimba naJehovha.

ZVATINGAITA KUTI TIRWISE SATANI NEMADHIMONI

7. Jehovha anotiudzei?

7 Sezvataona, Jehovha anotiudza zvatinofanira kuziva kuti tisatsauswa naSatani nemadhimoni. Ngatikurukurei zvimwe zvinhu zvatinofanira kuita kuti tirwise Satani nemadhimoni.

8. (a) Ndeipi nzira huru yatingarwisa nayo Satani nemadhimoni? (b) Pisarema 146:4 inofumura sei nhema dzaSatani pamusoro pevakafa?

8 Verenga Shoko raMwari uye fungisisa zvaunenge waverenga. Iyi ndiyo nzira huru yaungaramba nayo nhema dzaSatani nemadhimoni. Shoko raMwari rakaita sebakatwa rakapinza rinofumura nhema dzaSatani. (VaEf. 6:17) Semuenzaniso, rinofumura nhema dzekuti vakafa vanogona kutaura nevapenyu. (Verenga Pisarema 146:4.) Rinotiyeuchidzawo kuti Jehovha chete ndiye anokwanisa kuziva zvichaitika mune ramangwana. (Isa. 45:21; 46:10) Kana tikagara tichiverenga Shoko raMwari uye tichifungisisa zvatinenge taverenga, tichange tagadzirira kuramba uye kuvenga nhema dzaSatani nemadhimoni dzavanoda kuti tibvume.

9. Zvinhu zvipi zvine chekuita nechidhimoni zvatisingafaniri kuita?

9 Ramba kuita chero chii zvacho chine chekuita nechidhimoni. Sezvo tiri vaKristu vechokwadi, hatiiti chero chii zvacho chine chekuita nechidhimoni. Hatiendi kumasvikiro, kana kuedza kutaura nevakafa tichishandisa dzimwe nzira. Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, hatitevedzeri tsika dzinoitwa pamariro dzinobva pakutenda kuti vakafa vachiri vapenyu kune imwe nzvimbo. Uye hatiedzi kuziva ramangwana redu nekubvunza vanoita zvekududzira nyeredzi kana kuti vanofembera. (Isa. 8:19) Tinoziva kuti zvinhu zvese izvozvo zvakaipa chaizvo uye zvinogona kutoita kuti tikurukure naSatani nemadhimoni.

Tevedzera vaKristu vekutanga nekuparadza zvinhu zvese zvaungava nazvo zvine chekuita nechidhimoni, uye usazvivaraidza nazvo (Ona ndima 10-12)

10-11. (a) Vamwe vanhu vaigara muEfeso vakaita sei pavakadzidza chokwadi? (b) Maererano na1 VaKorinde 10:21 nei tichifanira kutevedzera vaKristu vepakutanga uye tingazviita sei?

10 Paradza zvinhu zvese zvechidhimoni. Vamwe vanhu vaigara muEfeso panguva yevaKristu vekutanga vaiita zvemashiripiti. Pavakadzidza chokwadi, vakabva vangosarudza zvekuita. “Vazhinji vevaya vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo, vakaapisa pamberi pevanhu vese.” (Mab. 19:19) Vanhu ivavo vakaita zvese zvavaigona kuti varwise Satani nemadhimoni. Mabhuku avo emashiripiti aidhura chaizvo. Asi panzvimbo pekuapa vamwe vanhu kana kuatengesa, vakaaparadza. Vainyanya kufunga nezvekufadza Jehovha kupfuura mari yaigona kutengeswa nayo mabhuku acho.

11 Tingatevedzera sei vaKristu ivavo? Zvakanaka kuti tiparadze zvinhu zvese zvatinenge tiinazvo zvine chekuita nechidhimoni. Izvi zvinosanganisira mazango, matumwa, nezvimwewo zvinopfekwa nevanhu kana kuti zvavanogara nazvo kuti zvivadzivirire pamweya yakaipa.—Verenga 1 VaKorinde 10:21.

12. Tinofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi nezvevaraidzo yedu?

12 Nyatsoongorora zvaunozvivaraidza nazvo. Zvibvunze kuti: ‘Ndinoverenga zvinhu zvine chekuita nechidhimoni mungava mumabhuku, mumagazini, kana kuti paIndaneti here? Ndinoteerera mimhanzi yakaita sei? Ndinoona mafirimu nemapurogiramu epaTV akaita sei, kana kuti ndinotamba mavideo game akaita sei? Varaidzo yangu ine zvinhu zvechidhimoni here? Inenge iine zvinhu zvakadai semavampire, mazombie kana kuti zvimwe zvakada kudaro here? Inoita kuti zvinhu zvemashiripiti, uye kutsinga vamwe zviite sezvinonakidza uye zvisingakuvadzi here?’ Hatingati varaidzo dzese dzine nyaya dzisina kuitika muupenyu ndedzechidhimoni. Paunenge uchiongorora varaidzo yako, sarudza iya ichakubatsira kuti uve kure nechinhu chese chinovengwa naJehovha. Tinoda kuita zvese zvatinogona kuti tirambe tiine hana yakachena pamberi paMwari.—Mab. 24:16. *

13. Chii chatisingafaniri kuita?

13 Usataura nyaya dzechidhimoni. Panyaya iyi tinoda kutevedzera Jesu. (1 Pet. 2:21) Asati auya panyika, Jesu akararama kudenga uye aiziva zvakawanda nezvaSatani nemadhimoni. Asi aisagara achitaura zvakanga zvaitwa naSatani nemadhimoni. Jesu aida kuva chapupu chaJehovha, kwete chaSatani. Tinogona kutevedzera Jesu kuburikidza nekusaparadzira nyaya dzemadhimoni. Asi tinoratidza nemashoko edu kuti ‘mwoyo yedu iri kututuma nenyaya yakanaka.’—Pis. 45:1.

Hapana chatingatya pana Satani nemadhimoni. Jehovha, Jesu, nengirozi vane simba rakatokura chaizvo (Ona ndima 14-15) *

14-15. (a) Nei tisingafaniri kutya Satani nemadhimoni? (b) Uchapupu hupi hunoratidza kuti Jehovha ari kudzivirira vanhu vake mazuva ano?

14 Usatya Satani nemadhimoni. Zvinhu zvakaipa zvinogona kungotiwira munyika ino. Tinogona kungoerekana tawirwa nenjodzi, tarwara, kana kutofa chaiko. Asi hatifaniri kufunga kuti Satani nemadhimoni ndivo vanenge vaita izvozvo. Bhaibheri rinoti tinowirwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Mup. 9:11) Jehovha akaratidza kuti simba rake rakakura chaizvo kupfuura remadhimoni. Semuenzaniso, Mwari akarambidza Satani kuuraya Jobho. (Job. 2:6) Mumazuva aMosesi, Jehovha akaratidza kuti aiva nesimba rinopfuura revapristi veIjipiti vaiita zvemashiripiti. (Eks. 8:18; 9:11) Apiwa simba naJehovha, Jesu akaratidza simba rake paakadzinga Satani nemadhimoni kudenga akavakanda panyika. Pasina nguva, vachakandwa mugoma rakadzikadzika, mavachange vasingagoni kutsausa vanhu.—Zvak. 12:9; 20:2, 3.

15 Tinoona uchapupu hwakawanda hwekuti Jehovha ari kudzivirira vanhu vake mazuva ano. Funga izvi: Tiri kuparidza nekudzidzisa chokwadi pasi rese. (Mat. 28:19, 20) Izvi zviri kuita kuti tifumure mabasa akaipa aDhiyabhorosi. Kudai Satani aigona kumisa basa redu angadai akarimisa, asi haakwanisi. Saka hatifaniri kutya Satani nemadhimoni. Tinoziva kuti “maziso [aJehovha] anotarira-tarira panyika pese kuti aratidze simba rake nekuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Mak. 16:9) Kana takatendeka kuna Jehovha, hapana zvingaitwa nemadhimoni zvingatitadzisa kuwana upenyu husingaperi.

MAKOMBORERO ANOWANIKWA NEVANOBVUMA KUBATSIRWA NAJEHOVHA

16-17. Taura muenzaniso unoratidza kuti kurwisa Satani nemadhimoni kunoda ushingi.

16 Zvinoda ushingi kuti tirwise Satani nemadhimoni, kunyanya kana hama dzedu neshamwari dzichitipikisa. Asi Jehovha anokomborera vanhu vanoratidza ushingi hwakadaro. Funga nezvehanzvadzi inonzi Erica, iyo inogara kuGhana. Erica aiva nemakore 21 paakatanga kudzidza Bhaibheri. Sezvo baba vake vaiva mukuru mukuru pakuita zvemashiripiti, Erica aitarisirwa kuti abatanewo nevamwe patsika yekuremekedza madzitateguru avo akafa, vachidya nyama yainge yapirwa kumadzitateguru acho. Paakaramba, hama dzake dzakaona sekuti akanga ashora vanamwari. Vaidavira kuti vanamwari vaizovaranga nekuvaita kuti vapenge kana kuvarwarisa.

17 Hama dzaErica dzakaedza kumumanikidza kuti atevedzere tsika yacho, asi akaramba, kunyange zvazvo zvaireva kuti aifanira kubva pamba. Zvimwe Zvapupu zvakabvuma kugara naye. Jehovha akakomborera Erica nekumupa mhuri itsva, kureva vaanonamata navo avo vakabva vaita sevakoma nehanzvadzi kwaari. (Mako 10:29, 30) Kunyange zvazvo hama dzake dzakamuramba dzikatopisa zvinhu zvake, Erica akaramba akavimbika kuna Jehovha akasvika pakubhabhatidzwa, uye iye zvino ndipiyona wenguva dzese. Haatyiswi nemadhimoni. Nezvehama dzake, Erica anoti, “Ndinonyengetera zuva rega rega kuti hama dzangu dziwanewo chikomborero chekuziva Jehovha uye dzive nerusununguko runobva pakushumira Mwari wedu ane rudo.”

18. Tinowana makomborero api kana tikavimba naJehovha?

18 Hatisi tese tichaedzwa saizvozvo. Asi tese zvedu tinofanira kurwisa Satani nemadhimoni tovimba naJehovha. Kana tikadaro tichawana makomborero akawanda uye hatizonyengerwi nenhema dzaSatani. Uyewo hatizotadzi kushumira Jehovha nekutya madhimoni. Chikuru pane zvese ndechekuti tichasimbisa ushamwari hwedu naJehovha. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti, “Zviisei pasi paMwari; asi rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai. Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—Jak. 4:7, 8.

RWIYO 150 Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

^ ndima 5 Jehovha anotiyambira nezvemweya yakaipa uye kukuvadza kwainoita vanhu. Inoedza sei kunyengera vanhu? Zvii zvatingaita kuti tikunde Satani nemadhimoni? Nyaya ino ichataura kuti Jehovha anotibatsira sei kuti tisatsauswe navo.

^ ndima 3 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Kuita zvemidzimu kutevedzera dzidziso netsika dzine chekuita nemadhimoni. Kunosanganisira kubvuma kuti munhu paanofa, mweya wake unoramba uri mupenyu uye kuti vakafa vanokwanisa kutaura nevapenyu, kunyanya pachishandiswa svikiro. Kuita zvemidzimu kunosanganisirawo kuita zveuroyi uye kushopera. Munyaya ino, mashiripiti anoreva kuita minana kana kuti mapipi. Anogona kurevawo kushurudzira vanhu kana kuvatsinga. Mashiripiti aya akasiyana nezvidavado zvinoitwa nevamwe vanhu vachifambisa-fambisa maoko avo zvine unyanzvi, vachizviitira kuvaraidza vanhu.

^ ndima 12 Vakuru havana kupiwa basa rekudzika mitemo panyaya yevaraidzo. Asi muKristu mumwe nemumwe anofanira kushandisa hana yake yakadzidziswa neBhaibheri pakusarudza zvekuverenga, zvekuona kana kuti zvekuridza. Vabereki vakachenjera vanova nechokwadi chekuti mhuri yavo iri kuvaraidzwa nezvinhu zvisingapesani neBhaibheri.—Ona nyaya iri pajw.org® yakanzi “Mune Mafirimu, Mabhuku, Kana Nziyo Zvamunorambidza Here? Enda pakanzi NEZVEDU > MIBVUNZO INONYANYA KUBVUNZWA”.

^ ndima 55 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu achiratidzwa aine simba saMambo wedu wekudenga, achitungamirira uto rengirozi. Chigaro chaJehovha chiri nechekumusoro kwavo.