Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 14

Uri Kuita Ushumiri Hwako Zvizere Here?

Uri Kuita Ushumiri Hwako Zvizere Here?

“Ita basa remuevhangeri, ita ushumiri hwako zvizere.”—2 TIM. 4:5.

RWIYO 57 Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ese

ZVICHADZIDZWA *

Jesu paakamutswa, akaonana nevadzidzi vake akavarayira kuti “endai munoita . . . vadzidzi” (Ona ndima 1)

1. Vashumiri vaMwari vese vanoda kuitei, uye nemhaka yei? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

JESU KRISTU akarayira vateveri vake kuti ‘vaende kunoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi.’ (Mat. 28:19) Vashumiri vaMwari vese vakatendeka vanoda kudzidza kuti vangaita sei ‘zvizere’ ushumiri uhwu hwavakapiwa. (2 Tim. 4:5) Basa iri rakasiyana nemamwe mabasa ese pakuti rakakosha chaizvo, rinofadza zvikuru, uye rinofanira kukurumidza kuitwa. Asi zvinogona kutiomera kuti tiite nguva yakawanda muushumiri sezvatinenge tichida.

2. Tinosangana nematambudziko api pakuita ushumiri hwedu?

2 Pane zvimwewo zvinhu zvinokosha zvinoda nguva yedu nesimba. Zvimwe tinofanira kushanda maawa akawanda kuti tiwane zvatinoda isu nemhuri dzedu. Tinogona kunge tichirwara kana kurwarirwa, uye tinogona kunge takaora mwoyo kana kuti tichitambura nemarwadzo ekukwegura. Tingaita sei ushumiri hwedu zvizere pasinei nematambudziko iwayo?

3. Tingadzidzei pamashoko aJesu ari pana Mateu 13:23?

3 Hatifaniri kuora mwoyo kana mamiriro edu ezvinhu achititadzisa kuita nguva yakawanda mubasa raJehovha. Jesu aiziva kuti tese hatigoni kuva nezvibereko zveUmambo zvakaenzana. (Verenga Mateu 13:23.) Jehovha anokoshesa chaizvo zvese zvatinoita mubasa rake, ndokunge tichiita zvese zvatinogona. (VaH. 6:10-12) Asiwo tingaona kuti mamiriro edu ezvinhu anotibvumira kuita zvakawanda. Munyaya ino tichaongorora kuti tingakoshesa sei ushumiri kupfuura zvimwe zvese, tingachengeta sei ziso redu rakanaka, uye tingawedzera sei unyanzvi hwedu hwekuparidza nekudzidzisa. Asi zvinomborevei kuita ushumiri hwedu zvizere?

4. Zvinorevei kuita ushumiri hwedu zvizere?

4 Kuti tiite ushumiri hwedu zvizere, tinofanira kuita zvese zvatinogona mubasa rekuparidza nekudzidzisa vanhu. Saka kuita ushumiri hwedu zvizere haisi nyaya yekungoti taita nguva yakawanda sei pabasa racho. Jehovha anokoshesawo chinangwa chatiri kuitira ushumiri hwacho. Tinoshanda nemweya wedu wese muushumiri hwedu hwechiKristu nekuti tinoda Jehovha uye muvakidzani. * (Mako 12:30, 31; VaK. 3:23) Kushumira Jehovha nemweya wedu wese kunoreva kuti tinoshanda nesimba redu rese, tichiita zvese zvatinogona mubasa rake. Kana tichikoshesa ropafadzo yedu yekuparidza, tichaedza kuparidza mashoko akanaka kuvanhu vese vatinokwanisa.

5-6. Taura muenzaniso unoratidza kuti munhu asina nguva yakawanda angakoshesa sei ushumiri kupfuura zvimwe zvinhu zvese.

5 Ngatitii mumwe mukomana anofarira zvekuridza gitare. Anoriridza pese paanowana mukana. Anozowana basa rekuridza gitare musi weMugovera neSvondo pane imwe resitorendi. Asi mari yaari kutambira haisi kumukwanira. Saka anoita rimwe basa rekutengesa muchitoro kubva musi weMuvhuro kusvika Chishanu. Kunyange zvazvo achiita mazuva mashanu achishanda muchitoro, mwoyo wake uri pakuridza mimhanzi. Anoda kuwedzera unyanzvi hwake hwekuridza gitare kuti apedzisire ava kungoshanda basa iroro chete. Asi kunyange zvazvo asati asvika ipapo, ari kushandisa mukana wese waanowana kuti aridze gitare.

6 Kungofanana nemukomana iyeye, unogona kutadza kuita nguva yakawanda mubasa rekuparidza. Asi iroro ndiro basa riri pamwoyo pako. Saka unoedza kuwedzera unyanzvi hwako hwekuparidza zvinosvika pamwoyo yevanhu. Sezvo uine zvakawanda zvekuita, unogona kunetseka kuti chii chaungaita kuti ukoshese basa rekuparidza kupfuura zvimwe zvinhu zvese.

ZVAUNGAITA KUTI UKOSHESE USHUMIRI

7-8. Tingatevedzera sei maonero aiita Jesu ushumiri?

7 Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka chaizvo pamaonero aaiita ushumiri. Aikoshesa kutaura nezveUmambo kupfuura zvimwe zvinhu zvese. (Joh. 4:34, 35) Akafamba mazana emakiromita kuti aparidzire vanhu vakawanda. Aitaura nevanhu pese paaiwana mukana, mungava munzvimbo dzaiwanika vanhu vakawanda kana kuti mumisha yavo. Ushumiri ndihwo hwanyanya kukosha muupenyu hwaJesu.

8 Tinogona kutevedzera Kristu nekutsvaga mikana yekuudza vanhu mashoko akanaka pese patinenge tiri. Tinozvipira kurega zvimwe zvinhu zvatinoda kuti tiite basa rekuparidza. (Mako 6:31-34; 1 Pet. 2:21) Vamwe vari muungano vanokwanisa kushanda semapiyona chaiwo, enguva dzese, kana kuti ebetsero. Vamwe vakadzidza mumwe mutauro kana kuti vakaenda kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda. Asi basa guru rekuparidza riri kuitwa nevaparidzi vanobuda muushumiri nguva dzese, vanoita zvese zvavanogona. Pasinei nekuti ndezvipi zvatinogona, tinoziva kuti Jehovha haatarisiri kuti tiite zvatisingakwanisi. Anoda kuti tese tinakidzwe nebasa ratinomuitira sezvatinozivisa “mashoko akanaka anokudzwa aMwari anofara.”—1 Tim. 1:11; Dheut. 30:11.

9. (a) Pauro akaratidza sei kuti aikoshesa basa rekuparidza kunyange paaifanira kushanda kuti azviriritire? (b) Mabasa 28:16, 30, 31 inoratidza sei maonero aiita Pauro ushumiri hwake?

9 Muapostora Pauro akaratidza muenzaniso wakanaka wekukoshesa ushumiri kupfuura zvimwe zvese zvaaiita. Paaiva muKorinde parwendo rwake rwechipiri rweumishinari, akanga ava kupererwa nemari uye aifanira kuita basa rekugadzira matende. Asi basa iri harisi iro raainyanya kukoshesa. Airiita kuti awane mari yekushandisa paaiita ushumiri hwake, kuti akwanise kuparidzira vaKorinde mashoko akanaka vasingamubhadharire zvinhu zvaaishandisa. (2 VaK. 11:7) Kunyange zvazvo Pauro aifanira kushanda kuti azviriritire, akaramba achikoshesa ushumiri kupfuura zvimwe zvinhu zvese uye aiparidza paSabata rega rega. Zvinhu pazvainge zvava nani, akakwanisa kuwedzera basa rekuparidza. ‘Akatanga kubatikana kwazvo nekuparidza shoko, achipupurira kuvaJudha kuti avaratidze kuti Jesu ndiye Kristu.’ (Mab. 18:3-5; 2 VaK. 11:9) Nekufamba kwenguva, paaiva musungwa asingabvumidzwi kubva pamba muRoma kwemakore maviri, Pauro aiparidzira vaimushanyira uye ainyora tsamba. (Verenga Mabasa 28:16, 30, 31.) Pauro aisada kurega chero chii zvacho chichimutadzisa kuita ushumiri hwake. Akanyora kuti: “Zvatiine ushumiri uhwu . . . , hatineti.” (2 VaK. 4:1) Kunyange kana tichifanira kuita rimwe basa sezvakaitwa naPauro, tinogona kukoshesa ushumiri kupfuura zvimwe zvese.

Pane nzira dzakawanda dzatingaita nadzo ushumiri hwedu zvizere (Ona ndima 10-11)

10-11. Tingaita sei ushumiri hwedu zvizere kana utano hwedu huchititadzisa kuita zvakawanda?

10 Kana tisingakwanisi kuparidza paimba neimba nemhaka yekukura kana kurwara, tinogona kuparidza nedzimwe nzira. VaKristu vekutanga vaiparidzira vanhu kwese kwavaiwanika. Vaishandisa mukana wese kuudza vanhu chokwadi, pangava paimba neimba kana munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda. (Mab. 17:17; 20:20) Kana tisingakwanisi kufamba kuenda kure, tinogona kugara panopfuura nevakawanda tovaparidzira. Kana kuti tinogona kuparidza zvisina kurongwa, kunyora tsamba, kana kuti kuparidza nefoni. Vaparidzi vakawanda vasingagoni kuita zvakawanda nemhaka yeutano hwavo vanogona kuwana mufaro kana vakaparidza nenzira idzi.

11 Pasinei nekuti uri kunetseka neutano, unogona kuita ushumiri hwako zvizere. Funga zvakare muapostora Pauro. Akati: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuda kwaiye anondipa simba.” (VaF. 4:13) Pauro aida simba iroro paakarwara ari pane rumwe rwendo rwake rweumishinari. Akaudza vaGaratiya kuti: “Ndakakuzivisai mashoko akanaka nguva yekutanga nekuda kwekurwara kwangu panyama.” (VaG. 4:13) Pasinei nekuti une utano husina kunaka, unogonawo kuparidza mashoko akanaka kuvanhu vakadai savanachiremba, manesi, nevamwe vanenge vachikubatsira. Vakawanda vevanhu ava vanenge vari kumabasa panoenda vaparidzi kudzimba dzavo.

ZVAUNGAITA KUTI UISE PFUNGWA PAUSHUMIRI

12. Zvinorevei kuita kuti ziso redu rirambe rakatarisa chinhu chimwe chete?

12 Jesu akati: “Rambi remuviri iziso. Zvino, kana ziso rako rakanaka [kana kuti rakatarisa chinhu chimwe chete], muviri wako wese uchava wakajeka.” (Mat. 6:22) Airevei? Aireva kuti tinofanira kuva nechinangwa chimwe chete muupenyu, tisingatsauswi pachinangwa ichocho. Jesu pachake akaita izvozvo nekuramba akaisa pfungwa dzake paushumiri, uye akadzidzisa vadzidzi vake kuti varambe vakaisa pfungwa pakushumira Jehovha uye paUmambo hwake. Tinotevedzera Jesu patinokoshesa ushumiri hwechiKristu kupfuura zvimwe zvinhu zvese, tichitanga ‘kutsvaga umambo nekururama kwaMwari.’—Mat. 6:33.

13. Chii chingatibatsira kuti tiise pfungwa dzedu paushumiri hwedu hwechiKristu?

13 Kuti tiise pfungwa dzedu paushumiri, hatifaniri kupedza nguva tichiita zvinhu zvisinganyanyi kukosha. Izvi zvichaita kuti tiwane nguva yakawanda yekubatsira vamwe kuti vazive Jehovha uye vamude. * Semuenzaniso, tinogona here kuderedza maawa atinoita kubasa kuti tiwedzere nguva yekuita ushumiri mukati mevhiki? Tinogona here kuderedza nguva yatinopedza tichitandara?

14. Imwe mhuri yakaita sei kuti iwane nguva yakawanda yekuita ushumiri?

14 Izvi ndizvo zvakaitwa nemumwe mukuru anonzi Elias, pamwe nemudzimai wake. Anoti: “Takanga tisingakwanisi kupayona panguva yataida kuwedzera ushumiri hwedu asi tine zvataikwanisa kuita. Saka tine zvatakatanga kuita kuti tiwedzere nguva yedu muushumiri. Takachinja mashandisiro ataiita mari, tikaderedza nguva yataipedza tichizvivaraidza uye takakumbira vanhu vatinoshandira kuti tichinje nguva yataishanda. Izvi zvakaita kuti tikwanise kuparidza manheru, kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda uye kuparidza mukati mevhiki kaviri pamwedzi. Zvakatifadza!”

UNGAWEDZERA SEI UNYANZVI HWEKUPARIDZA NEKUDZIDZISA?

Kushandisa zvatinodzidza pamusangano wepakati pevhiki kuchatibatsira kuti tirambe tichiwedzera unyanzvi hwedu muushumiri (Ona ndima 15-16) *

15-16. Maererano na1 Timoti 4:13, 15, tingawedzera sei unyanzvi hwedu muushumiri? (Onawo bhokisi rakanzi “ Zvinondibatsira Kuti Ndiite Ushumiri Hwangu Zvizere.”)

15 Imwe nzira yekuita ushumiri hwedu zvizere ndeyekuwedzera unyanzvi hwedu pabasa rekuparidza. Vanhu vanoita mamwe mabasa vanotarisirwa kuti varambe vachidzidza kuti vave neunyanzvi. Ndizvowo zvinofanira kuitwa nevaparidzi veUmambo. Tinofanira kuramba tichidzidza kuti tiwedzere unyanzvi hwedu muushumiri.—Zvir. 1:5; verenga 1 Timoti 4:13, 15.

16 Saka tingaitei kuti tirambe tichiwedzera unyanzvi muushumiri? Tinofanira kunyatsoteerera zvatinodzidziswa vhiki rega rega paMusangano weUshumiri Uye Kurarama kwechiKristu. Musangano uyu unotibatsira kuti tirambe tichiwedzera unyanzvi hwedu muushumiri. Semuenzaniso, sachigaro paanopa zano vaya vanenge vapa hurukuro dzevadzidzi, tinogona kutowanawo mazano anotibatsira muushumiri. Tinogona kuashandisa patinoparidzira mumwe munhu. Tinogona kukumbira mutariri weboka kuti atibatsire kana kuti tishande naye muushumiri kana kukumbira kushanda nemuparidzi ane unyanzvi, piyona kana mutariri wedunhu. Patinova neunyanzvi hwekushandisa turusi rimwe nerimwe riri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa, tinowedzera kunakidzwa nebasa redu rekuparidza nekudzidzisa.

17. Kuita ushumiri hwako zvizere kuchakubatsira sei?

17 Takakomborerwa chaizvo kuti Jehovha akaita kuti tive “vashandi pamwe chete” naye! (1 VaK. 3:9) Kana ukava “nechokwadi chekuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi,” woita kuti ushumiri huve pekutanga, ‘uchashumira Jehovha uchifara.’ (VaF. 1:10; Pis. 100:2) Sezvo uri mushumiri waMwari, unogona kuva nechokwadi chekuti achakupa simba raunoda kuti uite ushumiri hwako zvizere pasinei nematambudziko auinawo kana kuti zvausingakwanisi kuita. (2 VaK. 4:1, 7; 6:4) Pasinei nekuti mamiriro ako ezvinhu anoita kuti uite zvishoma kana zvakawanda mubasa reushumiri, unogona kuva “nechikonzero chekupembera nemufaro” kana uchiriita nemweya wese. (VaG. 6:4) Kana ukaita ushumiri hwako zvizere, unenge uchiratidza kuti unoda Jehovha nevanhu. “Kana ukaita izvi uchazviponesa iwe nevaya vanokuteerera.”—1 Tim. 4:16.

RWIYO 58 Kutsvaga Shamwari Dzerugare

^ ndima 5 Takapiwa basa rekuparidza mashoko akanaka eUmambo uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Nyaya ino icharatidza kuti tingaita sei ushumiri hwedu zvizere kunyange kana tiine matambudziko akawanda. Tichadzidzawo zvatingaita kuti tive vaparidzi vari nani uye kuti tiwane mufaro pabasa redu.

^ ndima 4 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Ushumiri hwedu hwechiKristu hunosanganisira zvinhu zvakasiyana-siyana zvatinoita pabasa rekuparidza nekudzidzisa vanhu, kuvaka uye kugadziridza zvivakwa zvatinoshandisa pakunamata, uye kubatsira kana paitika njodzi.—2 VaK. 5:18, 19; 8:4.

^ ndima 13 Ona zvinhu 7 zviri mubhokisi rakanzi “Zvaungaita Kuti Usava Nezvakawanda Muupenyu Hwako” riri muNharireyomurindi yaJuly 2016, peji 10.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hanzvadzi iri pamusangano wepakati pevhiki ichiratidza zvatinoita patinodzokera kunoona munhu. Paanopedza, anotanga kunyora manotsi mubhuku rake raKudzidzisa, sachigaro wemusangano paanenge achipa zano. Pakupera kwevhiki, anoshandisa zvaakadzidza zvacho muushumiri.