Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 15

Tevedzera Jesu Urambe Uine Rugare

Tevedzera Jesu Urambe Uine Rugare

“Rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwese rucharinda mwoyo yenyu.”—VAF. 4:7.

RWIYO 113 Rugare Rwedu

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Nei Jesu ainetseka?

JESU ainetseka pazuva rake rekupedzisira asati afa. Akanga ava pedyo nekuurayiwa zveutsinye nevanhu vasingateereri mutemo. Asi kuurayiwa handiko kwega kwaiita kuti anetseke. Aida chaizvo Baba vake uye aida kuvafadza. Jesu aiziva kuti kana akaramba akatendeka pamuedzo waainge akatarisana nawo, aizoita kuti zita raJehovha rirevererwe. Jesu aidawo vanhu uye aiziva kuti taizova netariro yekurarama nekusingaperi kana achinge aramba akatendeka kusvikira afa.

2 Kunyange zvazvo Jesu aishungurudzika zvikuru, ainge akadzikama. Akaudza vaapostora vake kuti “ndinokupai rugare rwangu.” (Joh. 14:27) Aiva ‘nerugare rwaMwari,’ kureva kugadzikana kunoita munhu ane ushamwari naJehovha. Rugare irworwo rwakabatsira Jesu kuti asazvidya mwoyo.—VaF. 4:6, 7.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Hapana kana mumwe wedu achashungurudzika zvakanyanya saJesu, asi vanhu vese vanotevera Jesu vachasangana nemiedzo. (Mat. 16:24, 25; Joh. 15:20) Uye dzimwe nguva tinombonetsekawo. Tingaita sei kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo totadza kuva nerugare? Ngationgororei zvinhu zvitatu zvakaitwa naJesu paaiita ushumiri hwake panyika, toona kuti tingamutevedzera sei patinosangana nematambudziko.

JESU AKARAMBA ACHINYENGETERA

Tinogona kuramba tiine rugare kana tikanyengetera (Ona ndima 4-7)

4. Uchifunga zviri pana 1 VaTesaronika 5:17, taura mienzaniso inoratidza kuti Jesu akanyengetera kakawanda pazuva rake rekupedzisira panyika.

4 Verenga 1 VaTesaronika 5:17. Jesu akanyengetera kakawanda pazuva rake rekupedzisira asati afa. Paakatanga chiitiko chekuyeuka rufu rwake, akanyengeterera chingwa newaini. (1 VaK. 11:23-25) Asati abva pamba pavainge vaitira Paseka, akanyengetera aine vadzidzi vake. (Joh. 17:1-26) Iye nevadzidzi vake pavakasvika paGomo reMiorivhi manheru iwayo, akanyengetera kanoverengeka. (Mat. 26:36-39, 42, 44) Uye mashoko aakapedzisira kutaura asati afa waitova munyengetero. (Ruka 23:46) Jesu akanyengetera kuna Jehovha pamusoro pezvinhu zvese zvakaitika zuva iroro raikosha.

5. Chii chakaita kuti vaapostora vashaye ushingi?

5 Jesu akakwanisa kutsungirira miedzo nekuti ainyengetera kuna Baba vake achivimba navo. Asi vaapostora vakatadza kuramba vachinyengetera usiku ihwohwo. Izvi zvakaita kuti vashaye ushingi pakazouya muedzo. (Mat. 26:40, 41, 43, 45, 56) Patinosangana nemiedzo, tinokwanisa kuramba takatendeka kana tikatevedzera Jesu uye ‘tikaramba tichinyengetera.’ Tinganyengetererei?

6. Kutenda kunotibatsira sei kuti tirambe tiine rugare?

6 Tinogona kunyengetera kuti Jehovha ‘atiwedzere kutenda.’ (Ruka 17:5; Joh. 14:1) Tinoda kutenda nekuti Satani achaedza vanhu vese vanotevera Jesu. (Ruka 22:31) Kutenda kunotibatsira sei kuti tirambe tiine rugare kunyange patinoramba tichisangana nemiedzo? Kana tichinge taita zvese zvatinokwanisa kuti tikunde muedzo, kutenda kuchaita kuti tisiyire nyaya yacho kuna Jehovha. Tine chivimbo chizere chekuti anoziva zvekuita kutipfuura, saka tinonzwa takagadzikana mumwoyo nemupfungwa.—1 Pet. 5:6, 7.

7. Wadzidzei pane zvakataurwa naRobert?

7 Munyengetero unotibatsira kuti tirambe takagadzikana pasinei nemiedzo yatinosangana nayo. Funga zvakaitika kuna Robert, mukuru akatendeka ava nemakore ekuma80. Akati: “Zano riri pana VaFiripi 4:6, 7 rakandibatsira pamatambudziko akawanda andakasangana nawo. Ndaifanira kukunda matambudziko ane chekuita nemari. Uye ndakamborasikirwa neropafadzo yangu yekushumira semukuru.” Chii chiri kubatsira Robert kuti arambe akagadzikana? “Ndinonyengetera pese pandinotanga kuzvidya mwoyo,” anodaro. “Ndinoona kuti pandinowedzera kunyengetera, ndinowedzerawo kugadzikana.”

JESU AISHINGAIRA PAKUPARIDZA

Tinogona kuramba tiine rugare kana tikaparidza (Ona ndima 8-10)

8. Sezvinotaurwa pana Johani 8:29, ndechipi chimwe chikonzero chakaita kuti Jesu anzwe akagadzikana?

8 Verenga Johani 8:29. Kunyange paaitambudzwa, Jesu ainzwa akagadzikana nekuti aiziva kuti aiita zvinhu zvinofadza Baba vake. Akaramba achiteerera pazvainge zvakamuomera kuti adaro. Aida Baba vake uye akaita kuti kushumira Jehovha kuve chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwake. Asati auya panyika, aiva “mhizha” yaMwari. (Zvir. 8:30) Uye paaiva panyika, aishingaira kudzidzisa vamwe nezvaBaba vake. (Mat. 6:9; Joh. 5:17) Basa iroro rakaita kuti Jesu afare zvikuru.—Joh. 4:34-36.

9. Kushingaira mubasa rekuparidza kunotibatsira sei kuti tirambe takagadzikana?

9 Tinotevedzera Jesu nekuteerera Jehovha uye ‘nekugara tiine zvizhinji zvekuita mubasa raShe’ (1 VaK. 15:58) Kana ‘tikabatikana kwazvo’ mubasa rekuparidza, tinopedzisira tisingachanyanyi kuzvidya mwoyo nematambudziko edu. (Mab. 18:5) Kakawanda vanhu vatinoonana navo muushumiri vanenge vaine matambudziko akakura kupfuura edu. Asi pavanodzidza kuda Jehovha uye kuita zvaanotaura, upenyu hwavo hunochinja uye vanowedzera kufara. Pese patinoona zvakadaro zvichiitika, tinowedzera kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatibatsira. Uye kuziva izvozvo kuchaita kuti tirambe takagadzikana. Imwe hanzvadzi iyo inogara yakaora mwoyo uye ichinzwa isingabatsiri yakaona kuti izvi ndezvechokwadi. Inoti: “Pandinenge ndakabatikana muushumiri, ndinonzwa ndakagadzikana uye ndichifara. Ndinofunga kuti chinoita kuti ndinzwe saizvozvo ndechekuti pandinenge ndiri muushumiri, ndinonzwa ndiri pedyo chaizvo naJehovha.”

10. Wadzidzei pane zvakataurwa naBrenda?

10 Fungawo nezveimwe hanzvadzi inonzi Brenda. Iye nemwanasikana wake vane chirwere chakaipisisa. Brenda anogara ari pawiricheya uye simba rake ishoma. Anoparidza paimba neimba paanenge achikwanisa, asi anowanzoparidza achiita zvekunyora tsamba. Anoti: “Pandakanzwisisa kuti chirwere changu hachirapiki panguva ino, ndakabva ndaisa pfungwa paushumiri hwangu. Kuparidza kunotoita kuti ndisaramba ndichingofunga nezvematambudziko angu. Kunoita kuti ndiise pfungwa pakubatsira vanhu vandinokurukura navo vari mundima yeungano yedu. Uye kunoita kuti ndirambe ndichifunga nezvetariro yandiinayo yeramangwana.”

JESU AKABVUMA KUBATSIRWA NESHAMWARI DZAKE

Tinogona kuramba tiine rugare kana tikashamwaridzana neshamwari dzakanaka (Ona ndima 11-15)

11-13. (a) Vaapostora nevamwewo vanhu vakaratidza sei kuti vaiva shamwari dzechokwadi dzaJesu? (b) Shamwari dzaJesu dzakaita kuti anzwe sei?

11 Jesu paaiita ushumiri hwake, vaapostora vake vakatendeka vakaratidza kuti vaiva shamwari dzake dzechokwadi. Vakanyatsoratidza kuti vaiva shamwari dziya dzinotaurwa muchirevo chinoti: “Kune shamwari inonamatira kupfuura mukoma.” (Zvir. 18:24) Jesu aikoshesa shamwari dzakadaro. Paaiita ushumiri hwake, hapana kana munin’ina wake akatenda maari. (Joh. 7:3-5) Pane imwe nguva, hama dzake dzakatombofunga kuti akanga ava kupenga. (Mako 3:21) Izvi zvakanga zvakasiyana chaizvo nezvakataurwa naJesu achiudza vaapostora vake vakatendeka usiku hwekupedzisira asati aurayiwa. Akati: “Imi ndimi makaramba muneni mumiedzo yangu.”—Ruka 22:28.

12 Vaapostora vaimborwadzisa Jesu, asi aisaramba achifunga nezvekukanganisa kwavaiita; aiona kuti vaitenda maari. (Mat. 26:40; Mako 10:13, 14; Joh. 6:66-69) Usiku hwekupedzisira asati aurayiwa, Jesu akaudza varume ava vakatendeka kuti: “[Ndava kukutii] shamwari, nekuti ndakakuzivisai zvinhu zvese zvandakanzwa kuna Baba vangu.” (Joh. 15:15) Zviri pachena kuti shamwari dzaJesu dzakamukurudzira chaizvo. Kumubatsira kwadzaiita muushumiri hwake kwakaita kuti afare chaizvo.—Ruka 10:17, 21.

13 Jesu aiva nedzimwe shamwari, varume nevakadzi vaimubatsira pabasa rekuparidza uye nedzimwewo nzira. Vamwe vaimukoka kudzimba dzavo kuzodya. (Ruka 10:38-42; Joh. 12:1, 2) Vamwe vaifamba naye uye vaimubatsirawo nezvinhu zvavo. (Ruka 8:3) Jesu aiva neshamwari dzakanaka nekuti aivawo shamwari yakanaka. Aivaitira zvinhu zvakanaka uye akanga asingatarisiri kuti vaite zvavasingagoni. Jesu akanga asina chivi asi aikoshesa zvaaiitirwa neshamwari dzake dzine chivi. Uye dzinofanira kunge dzakamubatsira kuti arambe aine rugare.

14-15. Tingaitei kuti tiwane shamwari dzakanaka uye dzinotibatsira sei?

14 Shamwari dzakanaka dzichatibatsira kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha. Uye kana tichida kuwana shamwari dzakanaka tinofanirawo kuva shamwari dzakanaka. (Mat. 7:12) Bhaibheri rinotikurudzira kuti tishandise nguva yedu nesimba kubatsira vamwe kunyanya vaya ‘vanoshayiwa.’ (VaEf. 4:28) Pane here munhu wemuungano yenyu waunogona kubatsira? Kana paine muparidzi asingakwanisi kubva pamba nemhaka yeutano, unogona here kunomutengera zvaanenge achida? Unokwanisa here kupa zvekudya mhuri iri kushayiwa chekubata? Kana uchiziva kushandisa jw.org® uye JW Library® unokwanisa here kubatsira vamwe vemuungano yenyu kuti vagone kuzvishandisawo? Kana tikagara tichibatsira vamwe, tinogona kuwana mufaro.—Mab. 20:35.

15 Shamwari dzedu dzichatibatsira kuti tirambe tiine rugare patinosangana nemiedzo. Sezvakaitwa naErihu uyo akateerera Jobho paaitaura nezvematambudziko ake, shamwari dzedu dzinonyatsotiteererawo patinenge tichitaura zviri kutidya mwoyo. (Job. 32:4) Hatifaniri kutarisira kuti shamwari dzedu dzitiitire zvisarudzo, asi tinofanira kuteerera mazano adzinotipa anobva muBhaibheri. (Zvir. 15:22) Mambo Dhavhidhi akazvininipisa akabvuma kubatsirwa neshamwari dzake. Isuwo hatifaniri kuzvikudza tichiramba kubatsirwa neshamwari dzedu patinenge tichida rubatsiro. (2 Sam. 17:27-29) Shamwari dzakadaro zvipo zvinobva kuna Jehovha.—Jak. 1:17.

ZVATINGAITA KUTI TIRAMBE TIINE RUGARE

16. Sezvinotaurwa pana VaFiripi 4:6, 7, tinongogona chete kuva nerugare sei? Tsanangura.

16 Verenga VaFiripi 4:6, 7. Nei Jehovha achitiudza kuti tinogona kuva nerugare rwaanopa “pachishandiswa Kristu Jesu”? Nekuti kunzwisisa basa raJesu uye kutenda maari ndiko kunoita kuti tive nerugare mupfungwa nemumwoyo. Semuenzaniso, zvivi zvedu zvinogona kuregererwa kuburikidza nechibayiro chaJesu cherudzikinuro. (1 Joh. 2:12) Izvi zvinotinyaradza chaizvo! Sezvo Jesu ari Mambo weUmambo hwaMwari, achabvisa zvese zvatiri kutambura nazvo zvinokonzerwa naSatani nenyika yake. (Isa. 65:17; 1 Joh. 3:8; Zvak. 21:3, 4) Izvi zvinoita kuti tive netariro yakazonaka! Uye kunyange zvazvo Jesu akatipa basa rakaoma, anesu uye ari kutitsigira mumazuva ano ekupedzisira enyika ino. (Mat. 28:19, 20) Izvi zvinoita kuti tive neushingi! Kunyaradzwa, tariro, uye ushingi, ndizvo zvimwe zvinhu zvinokosha chaizvo zvinoita kuti tinyatsova nerugare.

17. (a) MuKristu angaitei kuti arambe aine rugare? (b) Sezvinovimbiswa pana Johani 16:33, tichakwanisa kuitei?

17 Saka ungaitei kuti urambe uine rugare paunenge uchishungurudzika nematambudziko akakura? Unogona kutevedzera zvaiitwa naJesu. Chekutanga, nyengetera uye ramba uchinyengetera. Chechipiri, teerera Jehovha, uye paridza uchishingaira kunyange pazvinenge zvakaoma. Uye chechitatu, bvuma kubatsirwa neshamwari dzako. Rugare rwaMwari ruchabva rwachengetedza pfungwa nemwoyo wako. Uye kungofanana naJesu, uchakunda chero muedzo ungauya.—Verenga Johani 16:33.

RWIYO 41 Inzwaiwo Munyengetero Wangu

^ ndima 5 Tese tinosangana nematambudziko anoita kuti tisava nerugare. Nyaya ino ichataura zvinhu zvitatu zvakaitwa naJesu zvatingaitawo kuti tirambe tiine rugare, kunyange patinenge tiri mumiedzo yakakura.