Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 16

Tsigira Chokwadi Pamusoro Perufu

Tsigira Chokwadi Pamusoro Perufu

“Ndiwo maziviro atinoita kutaura kwakafuridzirwa kwechokwadi nokutaura kwakafuridzirwa kwokukanganisa.”—1 JOH. 4:6.

RWIYO 73 Tipeiwo Ushingi

ZVICHADZIDZWA *

Pane kubatana nehama yako uchitevedzera tsika dzisingafadzi Mwari, inyaradze pakufirwa kwainenge yaitwa (Ona ndima 1-2) *

1-2. (a) Satani ari kunyengera sei vanhu? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

SATANI, “baba venhema,” akatanga kunyengera vanhu panguva yaAdhamu naEvha. (Joh. 8:44) Dzimwe nhema dzake dzinosanganisira kudzidzisa vanhu zvisiri izvo pamusoro perufu nezvinozoitika kumunhu kana afa. Tsika dzinotevedzerwa nevakawanda dzinobva pakutya midzimu yevakafa. Saka dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzinotofanira ‘kurwira kwazvo kutenda’ panofa mumwe munhu wemumhuri kana kuti wemunharaunda.—Jud. 3.

2 Kana vanhu vachitarisira kuti uitewo tsika dzakadaro, chii chichakubatsira kuti urambe uchitsigira zvinodzidziswa neBhaibheri nezverufu? (VaEf. 6:11) Unganyaradza uye ungasimbisa sei muKristu anenge ari pamuedzo wekubatanidzwa mutsika dzinogumbura Mwari? Nyaya iyi ichakurukura kuti Jehovha anotibatsira sei. Ngatitangei nekukurukura zvinotaura neBhaibheri nezverufu.

CHOKWADI PAMUSORO PEZVINOITIKA KUVANHU PAVANOFA

3. Nhema dzekutanga dzakaguma nei?

3 Mwari hana kusika vanhu kuti vafe. Asi kuti Adhamu naEvha vararame nekusingaperi, vaifanira kuteerera Jehovha, uyo akavapa murayiro usina kuoma wekuti: “Usadya muti wekuziva zvakanaka nezvakaipa, nekuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Gen. 2:16, 17) Satani akabva akonzera matambudziko. Achitaura achishandisa nyoka, akaudza Evha kuti: “Chokwadi hamungafi.” Zvinosuwisa kuti Evha akabvuma nhema idzi ndokudya muchero wacho. Pave paya murume wake akazodyawo muchero wacho. (Gen. 3:4, 6) Izvi zvakaita kuti vanhu vave nechivi uye vatange kufa.—VaR. 5:12.

4-5. Satani akaenderera mberi sei nekunyengera vanhu?

4 Adhamu naEvha vakafa sezvakanga zvataurwa naMwari. Asi Satani haana kurega kunyepa nezverufu. Pane imwe nguva, akatanga kupinza dzimwe nhema. Dzimwe dzacho ndedzekuti muviri wemunhu unofa asi pane chimwe chinhu chiri maari chinoramba chichirarama. Nhema idzi dzinotaurwa nepakasiyana-siyana uye nanhasi dzichiri kutsausa vanhu vakawanda.—1 Tim. 4:1.

5 Nei vanhu vakawanda chaizvo vari kunyengerwa? Satani anoziva kuti vanhu vanotya kufa saka anoshandisa izvozvo kuti avanyengere. Hatidi kufa nekuti takasikwa kuti tirarame nekusingaperi. (Mup. 3:11) Tinoona rufu semuvengi.—1 VaK. 15:26.

6-7. (a) Satani akabudirira here pakuvanza chokwadi pamusoro pevakafa? Tsanangura. (b) Chokwadi cheBhaibheri chinotibatsira sei kuti tisatya vakafa?

6 Pasinei nezviri kuitwa naSatani, chokwadi nezverufu hachina kuramba chakavanzwa. Iye zvino vanhu vakawanda vava kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri nezvevakafa uye tariro yekumutswa kwevakafa uye vari kutoudzawo vamwe nezvazvo. (Mup. 9:5, 10; Mab. 24:15) Chokwadi ichi chinotinyaradza, chichiita kuti tisatya kana kunetseka. Hatityi vanhu vakafa uye hatityiri kuti pane zvakaipa zvingaitika kwavari. Tinoziva kuti havasi vapenyu uye havana zvavanogona kutiita. Zvinoita sekuti vakatofa zvavo nehope. (Joh. 11:11-14) Tinozivawo kuti vakafa havatombozivi kufamba kuri kuita nguva. Saka pavachamutswa, kunyange vaya vane mazana emakore vafa vachaona nguva inenge yapfuura sepfupi chaizvo, sekubwaira kweziso.

7 Sezvawatoona, chokwadi pamusoro pevakafa chakajeka, chiri nyore kunzwisisa uye chine musoro. Chakanyatsosiyana nenhema dzaSatani dzinovhiringidza! Kuwedzera pakutsausa vanhu, nhema idzodzo dzinosvibisawo zita reMusiki wedu. Kuti tinyatsonzwisisa zvakakanganiswa naSatani, ngatikurukurei mibvunzo iyi inoti: Nhema dzaSatani dzakaita sei kuti Jehovha azvidzwe? Dzakaita sei kuti vanhu vafunge kuti hazvina basa kutenda muchibayiro cherudzikinuro chaKristu? Dzakaita sei kuti vanhu vawedzere kutambura?

NHEMA DZASATANI DZAKAKANGANISA ZVAKAWANDA

8. Sezvinoratidzwa pana Jeremiya 19:5, nhema dzaSatani pamusoro pevakafa dzinoshoresa sei Jehovha?

8 Nhema dzaSatani pamusoro pevakafa dzinoshoresa Jehovha. Dzinosanganisira dzidziso yenhema yekuti vakafa vanotambura mumoto. Dzidziso dzakadaro dzinoshoresa Mwari. Zvinodaro sei? Mwari uyo ane rudo anopedzisira ava kuonekwa seane utsinye saDhiyabhorosi. (1 Joh. 4:8) Izvozvo zvinoita kuti unzwe sei? Uye nhema dzaSatani idzi dzinotoita kuti Jehovha anzwe sei? Dzinomugumbura nekuti anovenga utsinye hwese zvahwo.—Verenga Jeremiya 19:5.

9. Nhema dzaSatani dzinoita kuti vanhu vaone sei chibayiro cherudzikinuro chaKristu chinotaurwa pana Johani 3:16 uye 15:13?

9 Nhema dzaSatani pamusoro perufu dzinoita kuti vanhu vafunge kuti hazvina basa kuti vatende muchibayiro cherudzikinuro chaKristu. (Mat. 20:28) Dzimwe nhema dzaSatani ndedzekuti vanhu vane mweya usingafi. Kudai izvozvo zviri zvechokwadi munhu wese aizorarama nekusingaperi. Kristu aisafanira hake kupa upenyu hwake serudzikinuro kuti tiwane upenyu husingaperi. Yeuka kuti hapana rudo runopfuura kupiwa kwatakaitwa chibayiro chaKristu. (Verenga Johani 3:16; 15:13.) Funga kuti Jehovha neMwanakomana wake vanonzwa sei nezvedzidziso dzinoita kuti chipo ichocho chinokosha chionekwe sechisina basa.

10. Nhema dzaSatani pamusoro pevakafa dzinoita sei kuti vanhu vawedzere kurwadziwa uye kutambura?

10 Nhema dzaSatani dzinoita kuti vanhu vawedzere kurwadziwa uye kutambura. Vabereki vanenge vachichema mwana wavo anenge afa vanogona kuudzwa kuti Mwari ndiye amutora, zvimwe kuti anova ngirozi kudenga. Manyepo aSatani aya anovanyaradza here kana kuti anotowedzera marwadzo? Dzidziso yenhema yekuti vatadzi vachanotsva yaiita kuti utsinye hwaisanganisira kupisa vaya vaipikisa dzidziso dzechechi vakasungirirwa padanda huonekwe sehwakarurama. Maererano nerimwe bhuku rinotaura zvaiitwa nedare rainzi Spanish Inquisition, vamwe vaiita utsinye uhwu vanogona kunge vaifunga kuti izvozvo zvaiita kuti vapanduki “vambonzwa kuti kuramba uchitsva mumoto usingadzimi kunorwadza sei,” kuitira kuti vapfidze vasati vafa, vorega kuzopiswa nekusingaperi. Munyika dzakawanda, vanhu vanonzwa sekuti vanofanira kunamata madzitateguru avo akafa, kuaremekedza, kana kukumbira kuti avakomborere. Vamwe vanoda kufadza madzitateguru avo kuti vasazorangwa nawo. Zvinosiririsa kuti nhema dzaSatani hadziiti kuti vanhu vanyaradzwe. Asi dzinoita kuti vagare vachizvidya mwoyo kana kutotya.

TINGATSIGIRA SEI CHOKWADI CHEBHAIBHERI?

11. Hama neshamwari dzingaedza sei kutimanikidza kuita zvinopesana neShoko raMwari?

11 Kana tichida Mwari neShoko rake tichamuteerera kunyange patinomanikidzwa nehama neshamwari kuti tibatane nadzo patsika dzine chekuita nevakafa dzinopesana neBhaibheri. Vangaedza kutinyadzisa, zvimwe nekutaura kuti taisaremekedza mufi uye taisamuda. Kana kuti vangataura kuti maitiro edu achakonzera kuti mufi akuvadze vapenyu. Tingatsigira sei chokwadi cheBhaibheri? Ona kuti ungashandisa sei mazano eBhaibheri anotevera.

12. Itsika dzipi dzine chekuita nevakafa dzinopesana neBhaibheri zviri pachena?

12 Ramba ‘wakazviparadzanisa’ nedzidziso uye tsika dzinopesana neBhaibheri. (2 VaK. 6:17) Mune imwe nyika iri kuCaribbean, vakawanda vanotenda kuti kana munhu afa anoita chipoko chinogona kuramba chiripo choranga vese vaimubata zvisina kunaka. Rimwe bhuku rinoti “chipoko chacho chingatokonzera matambudziko munharaunda.” Mune dzimwe nzvimbo muAfrica, vamwe vanhu vanoita kuti mapikicha atarise kumadziro uye vanovhara magirazi mumba memunhu anenge afa. Vanozviitirei? Vamwe vanoti munhu anenge afa haafaniri kuona chiso chake. Sevashumiri vaJehovha, hatitendi dzidziso dzevanhu kana kuita zvinhu zvinotsigira nhema dzaSatani.—1 VaK. 10:21, 22.

Kutsvakurudza zvinotaurwa neBhaibheri uye kukurukura nehama dzako dzisiri Zvapupu, kunokubatsira kuti usapinda mumatambudziko (Ona ndima 13-14) *

13. Kana usina chokwadi neimwe tsika unofanira kuitei, sezvinotaurwa pana Jakobho 1:5?

13 Kana usina chokwadi neimwe tsika, nyengetera kuna Jehovha uchimukumbira uchenjeri? (Verenga Jakobho 1:5.) Ibva watsvakurudza mumabhuku edu. Kana zvichiita, taura nevakuru vari muungano menyu. Havasi kuzokuudza zvekuita asi vanogona kukuratidza mazano eBhaibheri seari kukurukurwa munyaya ino. Paunotora matanho aya unenge uchidzidzisa ‘simba rako rekunzwisisa,’ uye simba iri richakubatsira “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”—VaH. 5:14.

14. Zvii zvatingaita kuti tisagumbure vamwe?

14 “Itai zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe. Musava zvinhu zvinogumbura.” (1 VaK. 10:31, 32) Kana tichida kusarudza kuti tobatanidzwa here pane imwe tsika tinofanirawo kufunga kuti zvatinosarudza zvingaita kuti vamwe vanzwe sei kunyanya vatinonamata navo. Hatingambodi kugumbura mumwe munhu! (Mako 9:42) Uyewo hatidi kugumbura vanhu vasiri Zvapupu nezvinhu zvisina musoro. Rudo ruchaita kuti titaure navo tichivaremekedza uye izvozvo zvinoita kuti Jehovha akudzwe. Hatizopopotedzani nevanhu kana kushora tsika dzavo. Yeuka kuti rudo rune simba! Patinoruratidza uye patinoremekedza vanenge vachitipikisa, tinogona kuita kuti vapfavise mwoyo yavo.

15-16. (a) Nei kuri kuchenjera kuita kuti vamwe vazive zvaunotenda? Taura muenzaniso. (b) Mashoko aPauro ari pana VaRoma 1:16 anoshanda sei kwatiri?

15 Vanhu vemunharaunda menyu ngavazive kuti uri Chapupu chaJehovha. (Isa. 43:10) Kana hama dzako nevavakidzani vakaziva kuti unonamata Jehovha Mwari, zvinogona kuzokuitira nyore kana paitika mariro. Francisco uyo anogara kuMozambique akanyora kuti: “Patakadzidza chokwadi, ini nemudzimai wangu Carolina takaudza hama dzedu kuti takanga tisisanamati vakafa. Muedzo wakauya pakafa sisi vaCarolina. Munzvimbo yacho vane tsika dzavanotevedzera pakugezesa chitunha. Hama yepedyosa inofanira kurara kwemazuva matatu panzvimbo yakarasirwa mvura yakagezeswa chitunha chacho. Tsika idzi dzinonzi dzinoitirwa kufadza mufi. Hama dzaCarolina dzaitarisira kuti ndiye acharara pakarasirwa mvura yacho.”

16 Francisco nemudzimai wake vakaita sei? Akati: “Tinoda Jehovha uye tinoda kumufadza, saka takaramba kuita zvavaida. Hama dzaCarolina dzakagumbuka chaizvo. Vakatiti takanga tisiri kuremekedza vakafa uye hapana hama yedu yaizotishanyira kana kutibatsira. Sezvo takanga tavaudza zvatainge tava kutenda, hatina kutaura nezvenyaya yacho navo pavainge vakagumbuka. Dzimwe hama dzedu dzakatotimiririra dzichiti takagara tataura patimire. Nekufamba kwenguva, hama dzaCarolina dzakadzikama uye takakwanisa kutaurirana zvakanaka. Vamwe vacho vakatouya kumba kwedu vachikumbira mabhuku anotsanangura Bhaibheri.” Ngatisambonyara nezvatinoita pakudzivirira chokwadi pamusoro perufu.—Verenga VaRoma 1:16.

NYARADZA UYE SIMBISA VAKAFIRWA

Shamwari dzechokwadi dzinonyaradza uye dzinobatsira vaya vanenge vafirwa (Ona ndima 17-19) *

17. Tinofanira kuitei kana mumwe muKristu akafirwa?

17 Kana muKristu akafirwa, tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tive ‘shamwari yechokwadi, hama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.’ (Zvir. 17:17) Tingava sei “shamwari yechokwadi,” kunyanya paya panenge pachimanikidzwa muKristu akafirwa kuita tsika dzinopesana neBhaibheri? Ona mazano maviri eBhaibheri anogona kunyaradza vakafirwa.

18. Chii chakaita kuti Jesu acheme, uye tinodzidzei pane zvaakaita?

18 “Chemai nevanhu vanochema.” (VaR. 12:15) Tingashaya zvekutaura kumunhu anenge achichema hama yake yakafa. Dzimwe nguva misodzi yedu inotaura zvakawanda kupfuura mashoko. Pakafa Razaro shamwari yaJesu, Mariya naMarita nevamwewo vanhu vakamuchema. Jesu paakasvika papera mazuva mana, naiyewo “akasvimha misodzi,” kunyange zvazvo aiziva kuti akanga ava kuda kumutsa Razaro. (Joh. 11:17, 33-35) Misodzi yaJesu yairatidza manzwiro aBaba vake. Yakaratidzawo kuti Jesu aida mhuri yacho, uye izvozvo zvinofanira kunge zvakanyaradza Mariya naMarita. Hama nehanzvadzi dzedu padzinoonawo kuti tinodzida uye kuti tine hanya nadzo, dzinoziva kuti hadzisi dzega asi kuti dzine shamwari dzine hanya uye dzinosimbisa.

19. Patinenge tichinyaradza muKristu akafirwa, tingashandisa sei Muparidzi 3:7?

19 “Nguva yekunyarara nenguva yekutaura.” (Mup. 3:7) Imwe nzira yekunyaradza nayo muKristu akafirwa ndeyekunyatsomuteerera achitaura. Murege abudise zviri mumwoyo make, uye usagumburwa nemashoko “ekuvhurumuka” aangataura. (Job. 6:2, 3) Anogona kunge achishungurudzwawo nehama dzake dzisiri Zvapupu. Saka nyengetera naye. Kumbira “Munzwi womunyengetero” kuti amupe simba uye amubatsire kufunga zvakanaka. (Pis. 65:2) Kana zvichiita verengai Bhaibheri mese. Kana kuti verengai nyaya inokurudzira iri mumabhuku edu yakadai senyaya yeupenyu.

20. Tichakurukurei munyaya inotevera?

20 Takakomborerwa chaizvo kuti tinoziva chokwadi nezvevakafa uye tine tariro yekuti vari mumakuva vachamutswa. (Joh. 5:28, 29) Saka ngatitsigirei chokwadi cheBhaibheri, tochiudzawo vamwe pese patinowana mukana. Nyaya inotevera ichataura kuti Satani anoshandisa sei zvemidzimu kuti vanhu vatadze kuziva chokwadi voramba vari murima. Tichaona kuti nei tisingafaniri kuzviita uye kuvaraidzwa nezvinhu zvine chidhimoni.

RWIYO 24 Uyai Kugomo raJehovha

^ ndima 5 Satani nemadhimoni ake vakanyengera vanhu nenhema pamusoro pezvinoitika kuvanhu pavanofa. Nhema idzi dzakaita kuti pave netsika dzakawanda dzinopesana neBhaibheri. Nyaya ino ichakubatsira kuti urambe wakavimbika kuna Jehovha vamwe pavanoedza kukumanikidza kubatanidzwa mutsika dzakadaro.

^ ndima 55 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Zvapupu zvichinyaradza hama yazvo isiri chapupu yafirwa.

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Pashure pekutsvakurudza zvinotaurwa neBhaibheri nezvetsika dzepamariro, murume ari Chapupu anotsanangurira hama dzake zvaanotenda achidziremekedza.

^ ndima 59 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Vakuru vari muungano vachinyaradza Chapupu chakafirwa.