Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 18

“Mhanya Kusvika Kumagumo”

“Mhanya Kusvika Kumagumo”

“Ndamhanya kusvika kumagumo.”​—2 TIM. 4:7.

RWIYO 129 Ticharamba Tichitsungirira

ZVICHADZIDZWA *

1. Tese tinofanira kuitei?

UNGADA kumhanya munhangemutange yaunoziva kuti yakaoma here, kunyanya paya paunenge uchirwara kana kuti wakaneta? Kazhinji kacho ungasada. Asi muapostora Pauro akati vaKristu vese vechokwadi vari munhangemutange. (VaH. 12:1) Uye tese zvedu tingava tiri vechidiki kana kuti takura, tiine simba kana kuti tisina, tinofanira kutsungirira kusvikira kumugumo kana tichida kuwana mubayiro watakavimbiswa naJehovha.—Mat. 24:13.

2. Sezvakanyorwa pana 2 Timoti 4:7, 8, nei Pauro aiva nerusununguko rwekutaura?

2 Pauro aiva nerusununguko rwekutaura nekuti ainge “amhanya kusvika kumagumo.” (Verenga 2 Timoti 4:7, 8.) Asi aitaura nezvenhangemutange ipi?

NHANGEMUTANGE YACHO NDEIPI?

3. Pauro aitaura nezvenhangemutange ipi?

3 Dzimwe nguva Pauro aitaura zvaiitwa kare mumitambo yemuGirisi kuti adzidzise zvidzidzo zvinokosha. (1 VaK. 9:25-27; 2 Tim. 2:5) Kakawanda aifananidza upenyu hwemuKristu nekumhanya munhangemutange. (1 VaK. 9:24; VaG. 2:2; VaF. 2:16) Munhu paanozvitsaurira kuna Jehovha obhabhatidzwa ndipo paanopinda “munhangemutange” iyi. (1 Pet. 3:21) Anopedza nhangemutange yacho paanopiwa mubayiro weupenyu husingaperi naJehovha.​—Mat. 25:31-34, 46; 2 Tim. 4:8.

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Nhangemutange yedaro refu yakafanana papi neupenyu hwemuKristu? Zvakafanana pane zvakawanda. Ngatikurukurei zvitatu zvacho. Chekutanga, tinofanira kumhanya nemunzira inodiwa; chechipiri, tinofanira kuisa pfungwa dzedu pakupedza nhangemutange yacho; uye chechitatu, tinofanira kukunda matambudziko atinosangana nawo munzira.

MHANYA NEMUNZIRA INODIWA

Tese zvedu tinofanira kumhanya munzira yatakaratidzwa naKristu (Ona ndima 5-7) *

5. Inzira ipi yatinofanira kutevedza uye nei tichifanira kudaro?

5 Kana vamhanyi vanenge vari mumakwikwi vachida kuzowana mubayiro vanofanira kumhanya nemunzira yakarongwa nevaridzi venhangemutange yacho. Kana tichidawo kuzowana mubayiro weupenyu husingaperi, tinofanira kutevera nzira yatakaratidzwa naKristu. (Mab. 20:24; 1 Pet. 2:21) Asi Satani nevanhu vake havadi kuti tidaro; vanoda kuti ‘tirambe tichiita navo zvinhu zvakaipa.’ (1 Pet. 4:4) Vanoseka mararamiro atinoita vachiti mararamiro avo ndiwo akanaka uye anoita kuti munhu asununguke. Asi zvavanotaura izvozvo ndezvekunyepa.​—2 Pet. 2:19.

6. Unodzidzei pane zvakaitwa naBrian?

6 Vese vanorarama sezvinoitwa nenyika yaSatani vanoona kuti nzira yavanenge vasarudza haiiti kuti vasununguke, asi inoita kuti vave varanda. (VaR. 6:16) Funga nezvaBrian. Vabereki vake vakamukurudzira kuti ararame upenyu hwechiKristu. Asi paainge ava kuyaruka akatanga kusava nechokwadi kuti kurarama semuKristu kwaizoita kuti afare. Brian akasarudza kurarama achitevedzera zvinodiwa naSatani. “Ndakanga ndisingazivi kuti rusununguko rwandaida rwaizoita kuti nditoguma ndava muranda,” akadaro Brian. “Nekufamba kwenguva ndakanga ndava kushandisa madhiragi, kudhakwa uye kuita unzenza. Mumakore akazotevera, ndakanga ndava kutoshandisa madhiragi akasimba uye ndakanga ndisisagoni kurarama ndisingaashandisi. . . . Ndakatanga kuatengesa kuti ndiwane mari yekuzvitsigira pamararamiro andaiita.” Brian akazosarudza kurarama sezvinodiwa naJehovha. Akachinja nzira yake ndokubhabhatidzwa muna 2001. Iye zvino ari kunyatsofara nekuti ari kurarama upenyu hwechiKristu. *

7. Maererano naMateu 7:13, 14, migwagwa ipi miviri iri pamberi pedu?

7 Zvinokosha chaizvo kuti tisarudze kutevera mugwagwa unodiwa naMwari. Satani anoda kuti tese tirege kumhanya ‘mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu’ asi anoda kuti tipinde mumugwagwa wakapamhamha uri kushandiswa nevanhu vakawanda vari munyika. Mugwagwa wacho unofarirwa nevakawanda uye uri nyore kufamba nawo. Asi ‘unoenda mukuparadzwa.’ (Verenga Mateu 7:13, 14.) Kuti tirambe tiri mumugwagwa unodiwa naJehovha uye kuti tisatsauswa, tinofanira kuvimba naye uye kumuteerera.

ISA PFUNGWA PANHANGEMUTANGE

Tinofanira kuisa pfungwa panhangemutange tongwarira kugumbura vamwe (Ona ndima 8-12) *

8. Kana munhu akadonha paanenge achimhanya anoita sei?

8 Munhu anenge ari munhangemutange yedaro refu anoramba achitarisa zvakaita nzira yake kuitira kuti asadonha. Asi kunyange zvakadaro anogona kupingirishwa nemumwe anenge achimhanyawo kana kutsika mugomba. Kana akadonha, anosimuka oramba achimhanya. Haarambi achifunga chinhu chaita kuti adonhe asi anofunga nezvekupedza nhangemutange yacho uye mubayiro waachapiwa.

9. Kana tikagumburwa, tinofanira kuitei?

9 Munhangemutange yedu, tinogona kudonha kakawanda mukutaura uye pane zvatinoita. Kana kuti vamwe vatinenge tichimhanya navo vanogona kuita zvinhu zvinotirwadza. Hazvifaniri kutishamisa. Tese tinokanganisa uye tiri kumhanya mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu. Saka dzimwe nguva tinogona kupingirishana nevamwe. Pauro akataura kuti dzimwe nguva tinogona ‘kutadzirana nevamwe.’ (VaK. 3:13) Asi pane kuramba tichingofunga chinenge chatigumbura, ngatiisei pfungwa pamubayiro uri mberi. Kana zvikaitika kuti tagumburwa, ngatisimukei toramba tichimhanya. Kana tikagumburwa, torega kusimuka, hatizopedzi nhangemutange yedu uye hatizowani mubayiro. Uyewo tinogona kuvhiringidza vamwe vanenge vachiedza kuramba vachimhanya mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu.

10. Tingaitei kuti ‘tisagumbura’ vamwe?

10 Tinogonawo ‘kusagumbura’ vamwe vatinenge tichimhanya navo kana tikabvuma zvavanoda pese pazvinoita, tisingasimbiriri pakodzero dzedu. (VaR. 14:13, 19-21; 1 VaK. 8:9, 13) Izvi zvinokosha nekuti hatina kufanana nevamhanyi vanoita zvemakwikwi. Vamhanyi ivavo vanenge vachikwikwidzana uye mumwe nemumwe anenge achida kuti azviwanire mubayiro. Vanenge vachinyanya kungofunga zvakavanakira. Saka vangaedza kusairira vamwe kuti ivo vaende pamberi. Asi isu hatisi kukwikwidzana nevamwe. (VaG. 5:26; 6:4) Chinangwa chedu ndechekuti tibatsire vakawanda chaizvo kuti vapedze nhangemutange iyi nesu vowana mubayiro weupenyu. Saka tinoedza kushandisa zano raPauro rakafemerwa rekuti ‘tisangofunga zvakatinakira chete, asi zvakanakirawo vamwe.’​—VaF. 2:4.

11. Mumhanyi anoramba achifunga nezvei uye nei achidaro?

11 Taona kuti vamhanyi vanotarisa zvakaita nzira yavo, asi vanorambawo vachifunga nezvekupedza nhangemutange yavo. Kunyange zvazvo vasingakwanisi kuona nemaziso avo panoperera nhangemutange yacho, vanogona kufungidzira vachipasvika uye vachipiwa mubayiro. Kuramba vachifunga nezvemubayiro kunovabatsira kuti varambe vachimhanya.

12. Jehovha akativimbisei?

12 Jehovha akavimbisa vanhu vake kuti kana vakapedza nhangemutange iyi achavapa mubayiro weupenyu husingaperi kudenga kana kuti muparadhiso panyika. Bhaibheri rinoratidza zvakaita mubayiro wacho kuitira kuti tifungidzire kunaka kuchange kwaita upenyu hwedu. Kana tariro yedu ikaramba yakajeka mupfungwa dzedu uye mumwoyo medu, zvichatibatsira kuti tirambe tichitsungirira.

RAMBA UCHIMHANYA PASINEI NEMATAMBUDZIKO

Tinoda kuramba tichimhanya munhangemutange pasinei nematambudziko edu (Ona ndima 13-20) *

13. Takasiyana papi nevanhu vaimhanya mumitambo yaiitwa muGirisi?

13 Vanhu vaimhanya mumitambo yaiitwa muGirisi vaifanira kutsungirira matambudziko akadai sekuneta uye kurwadziwa. Hapana chimwe chinhu chavaigona kuvimba nacho kunze kwesimba ravo uye kudzidzira kwavainge vaita. Takafanana navo pakuti tinodzidziswa mamhanyiro atinofanira kuita munhangemutange yatiri. Asi isu tiri nani pane vamhanyi ivavo. Simba redu rinobva kuna Jehovha uyo ane simba risingaperi. Kana tikavimba naJehovha, anotidzidzisa uye anotisimbisa.​—1 Pet. 5:10.

14. Mashoko ari pana 2 VaKorinde 12:9, 10 anotibatsira sei kutsungirira matambudziko?

14 Pauro aifanira kutsungirira matambudziko akawanda. Aitukwa, aitambudzwa nevamwe, uye dzimwe nguva ainzwa kupera simba uye aifanira kutsungirira “munzwa munyama.” (2 VaK. 12:7) Haana kuona matambudziko iwayo sechikonzero chekuti arege kushumira Jehovha, asi akaaona semukana wekuti avimbe naJehovha. (Verenga 2 VaKorinde 12:9, 10.) Sezvo Pauro aiva nemaonero akadaro, Jehovha akamubatsira pamatambudziko ake ese.

15. Kutevedzera muenzaniso waPauro kuchatibatsira sei?

15 Isuwo tinogona kutukwa kana kutambudzirwa kutenda kwedu. Tingatofanirawo kutsungirira kurwara kana kupera simba. Asi kana tikatevedzera Pauro, matambudziko iwayo anogona kutibatsira kuti tione kutsigirwa kwatinoitwa naJehovha.

16. Ungaitei kana uchinetseka neutano?

16 Unonetseka neutano here zvekuti unogara uri pamubhedha kana kuti pawiricheya? Unonetseka nemakumbo kana kuti haunyatsooni here? Kana zvakadaro, unokwanisa here kumhanya munhangemutange pamwe chete nevaya vachiri vadiki vane utano hwakanaka? Zvechokwadi unokwanisa. Vanhu vakawanda vakwegura uye vanonetseka neutano vari kumhanya mumugwagwa unoenda kuupenyu. Havakwanisi kuita izvi nesimba ravo pachavo. Asi vanowana simba rinobva kuna Jehovha pavanoteerera misangano inenge yakaita zvekurekodhwa. Uye vanoparidzira vanachiremba, manesi uye veukama.

17. Jehovha anoona sei vaya vasingachakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yekurwara?

17 Kana uine matambudziko anokutadzisa kuitira Jehovha zvese zvaunonzwa uchida kuita, usaora mwoyo uye usaona sekuti hauchakwanisi kutsungirira kusvikira kumugumo. Jehovha anokuda nekuti unotenda maari uye une zvakawanda zvawakaita pakumushumira. Iye zvino ndipo pawava kunyanya kuda kubatsirwa naye uye haazombokusiyi. (Pis. 9:10) Achatowedzera kuva pedyo newe. Imwe hanzvadzi inonetseka neutano yakati: “Urwere hwangu huri kuwedzera, saka mikana yekuti ndiparidzire vanhu iri kuita mishoma. Asi ndinoziva kuti zvishoma izvozvo zvandinoita zvinofadza Jehovha uye zvinoitawo kuti ndifare.” Paunenge wakaora mwoyo, yeuka kuti Jehovha anewe. Funga zvakaitwa naPauro uye yeuka mashoko anokurudzira aakataura ekuti: “Ndinofara mukusava nesimba, . . . nekuti pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba.”​—2 VaK. 12:10.

18. Vamwe vanosangana nedambudziko ripi rakakura?

18 Vamwe vari kumhanya mumugwagwa unoenda kuupenyu vanewo zvimwe zvinorwadza zvavanosangana nazvo. Vane matambudziko asingagoni kuonekwa kana kunzwisiswa nevamwe. Semuenzaniso vanofanira kutsungirira dambudziko rekunyanya kuzvidya mwoyo. Nei iroro riri dambudziko rakakura chaizvo? Nekuti kana munhu aine ruoko rwakatyoka kana kuti ari pawiricheya, vamwe vese vanozviona uye vanogona kunzwa vachida kubatsira. Asi vaya vane matambudziko emupfungwa vangasaoneka kuti vari kutambura. Kushungurudzika kwavo kwakangofanana nekwemunhu akatyoka ruoko, asi vangasanzwirwa tsitsi zvakafanana.

19. Tinodzidzei pane zvakaitwa naMefibhosheti?

19 Kana paine zvimwe zvinhu zvausingakwanisi kuita uye uchiona sekuti vanhu havasi kukunzwisisa unogona kukurudzirwa nemuenzaniso waMefibhosheti. (2 Sam. 4:4) Ainge akaremara uye akabatwa zvisiri izvo naMambo Dhavhidhi. Mefibhosheti haasi iye ainge akonzera matambudziko aya. Kunyange zvakadaro, haana kuva nechigumbu, asi akaisa pfungwa pazvinhu zvakanaka zvaiitika muupenyu hwake. Aitenda kubatwa zvakanaka kwaainge amboitwa naDhavhidhi. (2 Sam. 9:6-10) Saka Mefibhosheti paakabatwa zvisiri izvo naDhavhidhi, akaedza kufunga zvese zvaibatanidzwa panyaya yacho. Haana kurega kukanganisa kwakaita Dhavhidhi kuchiita kuti ave nechigumbu. Uye haana kupa Jehovha mhosva yezvaakanga aitirwa naDhavhidhi. Mefibhosheti akaita zvese zvaaigona kuti atsigire mambo ainge agadzwa naJehovha. (2 Sam. 16:1-4; 19:24-30) Jehovha akaita kuti zvakaitwa naMefibhosheti zvinyorwe muShoko rake kuti zvitibatsire.​—VaR. 15:4.

20. Kuzvidya mwoyo kungakanganisa sei vamwe, asi vanogona kuva nechokwadi chei?

20 Dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzinozvidya mwoyo chaizvo zvekuti dzinonzwa dzichitya kuva pane vamwe vanhu. Vanoomerwa nekuva pane vanhu vakawanda, asi vanoramba vachipinda misangano yeungano uye magungano. Zvinovaomera kutaura nevanhu vavasingazivi asi vanokwanisa kutaura nevamwe muushumiri. Kana zviri izvo zvaunoita, iva nechokwadi chekuti hausi wega. Kune vakawanda vane dambudziko rakafanana nerako. Yeuka kuti Jehovha anofadzwa nezvinhu zvese zvaunoita nemweya wako wese. Kumushumira kwauri kuita kunoratidza kuti ari kukukomborera uye kuti ari kukupa simba raunoda. * (VaF. 4:6, 7; 1 Pet. 5:7) Kana uchishumira Jehovha pasinei nekuti unonetsekana neutano kana kuti une dambudziko rekuzvidya mwoyo, unogona kuva nechokwadi chekuti uri kufadza Jehovha.

21. Tese tinogona kuitei tichibatsirwa naJehovha?

21 Nhangemutange yedu yakasiyana neyevamhanyi vanenge vachiita makwikwi. Munguva dzeBhaibheri, mumhanyi mumwe chete ndiye aipiwa mubayiro munhangemutange. Asi munhu wese anoramba achimhanya nekutsungirira munzira yatakaratidzwa naKristu achapiwa mubayiro weupenyu husingaperi. (Joh. 3:16) Vanhu vanenge vari mumakwikwi ekumhanya vanofanira kunge vakasimba kuti vahwine. Vakawanda vedu tinonetseka neutano asi tiri kutsungirira. (2 VaK. 4:16) Tese tinogona kumhanya kusvika kumagumo tichibatsirwa naJehovha.

RWIYO 144 Ramba Wakatarisa Mubayiro!

^ ndima 5 Vashumiri vaJehovha vakawanda vane matambudziko anokonzerwa nekukwegura kwavari kuita, uye vamwe vane zvirwere zvinovapedza simba zvishoma nezvishoma. Uye dzimwe nguva tese zvedu tinombonzwa kuti takaneta. Saka tingaona sekuti zvekumhanya munhangemutange hatingambozvigoni. Munyaya ino tichaona kuti tese zvedu tingamhanya sei tichitsungirira uye kuti tingaitei kuti tihwine munhangemutange yekuwana upenyu yakataurwa nemuapostora Pauro.

^ ndima 6 Ona nyaya inoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu” iri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2013.

^ ndima 20 Kuti uwane mamwe mazano angakubatsira panyaya yekuzvidya mwoyo uye kuti vamwe vari kutsungirira sei dambudziko iri, ona chirongwa chejw broadcasting chaMay 2019 pajw.org®. Tarisa pakanzi RAIBHURARI > JW BROADCASTING®.

^ ndima 63 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kushingaira muushumiri kuri kubatsira hama iyi yechikuru kuramba iri munzira inodiwa naJehovha.

^ ndima 65 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Tinogona kugumbura vamwe kana tikamanikidza vamwe kuti varambe vachinwa doro kana kuti isu vacho tikasazvidzora pakurinwa.

^ ndima 67 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kunyange pairi pamubhedha muchipatara, hama iri kuramba iri munhangemutange yechiKristu nekuparidzira vashandi vemuchipatara.