Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 17

“Ndava Kukutii Shamwari”

“Ndava Kukutii Shamwari”

“Ndava kukutii shamwari, nekuti ndakakuzivisai zvinhu zvese zvandakanzwa kuna Baba vangu.”​—JOH. 15:15.

RWIYO 13 Kristu, Muenzaniso Wedu

ZVICHADZIDZWA *

1. Ungaitei kuti uve neushamwari hwepedyo nemumwe munhu?

KANA uchida kuva neushamwari hwepedyo nemumwe munhu, kakawanda kacho unotanga nekumbokurukura naye. Pamunenge muchikurukura, muchiudzana zvamunofunga uye manzwiro enyu, munopedzisira mava shamwari neshamwari. Asi kana pari pakuva neushamwari hwepedyo naJesu, pane zvimwe zvinhu zvinogona kutiomera. Zvii izvozvo?

2. Ndechipi chinhu chekutanga chinoita kuti tiomerwe nekuva neushamwari hwepedyo naJesu?

2 Chekutanga chinoita kuti tiomerwe nekuva neushamwari hwepedyo naJesu ndechekuti hatina kumbobvira tamuona. VaKristu vakawanda vakararama panguva yevaapostora havanawo kumbomuona. Asi pasinei naizvozvo, muapostora Petro akati: “Kunyange musina kumbomuona, munomuda. Kunyange musiri kumuona panguva ino, munotenda maari.” (1 Pet. 1:8) Saka zvinoita kuti tive neushamwari hwepedyo naJesu kunyange tisina kumbomuona.

3. Ndechipi chinhu chechipiri chinoita kuti tiomerwe nekuva neushamwari hwepedyo naJesu?

3 Chechipiri chinoita kuti tiomerwe ndechekuti hatikwanisi kutaura naJesu. Patinonyengetera, tinenge tichitaura naJehovha. Kunyange zvazvo tichinyengetera muzita raJesu, tinenge tisingatauri naye. Jesu wacho haatombodi kuti tinyengetere kwaari. Nei asingadi? Nekuti patinonyengetera tinenge tichinamata, uye Jehovha chete ndiye anofanira kunamatwa. (Mat. 4:10) Kunyange zvakadaro, tinogona kuratidza kuti tinoda Jesu.

4. Ndechipi chinhu chechitatu chinoita kuti tiomerwe nekuva neushamwari hwepedyo naJesu, uye tichakurukurei munyaya ino?

4 Chechitatu ndechekuti Jesu anogara kudenga saka hatigoni kuva naye. Asi tinogona kuziva zvakawanda nezvaJesu kunyange zvazvo tisingagoni kuva naye. Tichakurukura zvinhu zvina zvatingaita kuti tisimbise ushamwari hwedu naye. Asi ngatitangei nekuongorora kuti nei zvichikosha kuti tive neushamwari hwepedyo naKristu.

NEI TICHIFANIRA KUVA SHAMWARI DZAJESU?

5. Nei tichifanira kuva shamwari dzaJesu? (Onawo bhokisi rakanzi, “ Ushamwari naJesu Hunoita Kuti Tive Neushamwari naJehovha” uye rakanzi, “ Kuona Jesu Zvakakodzera.”)

5 Tinofanira kuva shamwari dzaJesu kana tichida kuva shamwari dzaJehovha. Nei zvakadaro? Ngationei zvikonzero zviviri. Chekutanga, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Baba pachavo vanokudai, pamusana pekuti munondida.” (Joh. 16:27) Akatiwo: “Hapana anouya kuna Baba asina kusvika nekwandiri.” (Joh. 14:6) Kuedza kuva shamwari yaJehovha asi usina ushamwari hwepedyo naJesu kwakafanana nekuedza kupinda mumba asi usingapindi nepasuo. Jesu akashandisa mufananidzo wakaita seuyu paakati iye ndiye “suo remakwai.” (Joh. 10:7) Chikonzero chechipiri ndechekuti Jesu akanyatsoratidza zvakaita Baba vake. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Munhu wese anenge aona ini aonawo Baba.” (Joh. 14:9) Saka kana tichida kuziva Jehovha, zvinokosha chaizvo kuti tidzidze nezveupenyu hwaJesu. Patinodzidza zvakawanda nezvaJesu, tinowedzerawo kumuda. Uye ushamwari hwedu naJesu pahunowedzera kusimba, kuda kwatinoita Baba vake kunowedzerawo.

6. Ndechipi chimwe chikonzero nei tichifanira kuva neushamwari naJesu? Tsanangura.

6 Tinofanira kuva neushamwari naJesu kuti minyengetero yedu ipindurwe. Saka hatingati tine ushamwari naJesu nekungotaura mashoko ekuti “nemuzita raJesu” patinenge tava kupedza munyengetero wedu. Tinofanira kuziva kuti Jehovha anoshandisa sei Jesu pakupindura minyengetero yedu. Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Zvese zvamunokumbira muzita rangu, ndichazviita.” (Joh. 14:13) Kunyange zvazvo Jehovha ari iye anonzwa uye anopindura minyengetero yedu, akapa Jesu simba rekuti aite zvinenge zvichidiwa naJehovha. (Mat. 28:18) Saka Mwari asati apindura minyengetero yedu anotanga aona kuti takaita here zvakataurwa naJesu. Semuenzaniso, Jesu akati: “Kana muchiregerera vanhu vanokutadzirai, Baba venyu vekudenga vachakuregereraiwo; asi kana musingaregereri vanhu vanokutadzirai, Baba venyu havazokuregerereiwo pamunotadza.” (Mat. 6:14, 15) Saka zvinokosha kuti tibate vamwe semabatirwo atinoda kuitwa naJehovha naJesu.

7. Ndivanani vanobatsirwa nechibayiro cherudzikinuro chaJesu?

7 Vaya vane ushamwari hwepedyo naJesu ndivo chete vachabatsirwa nechibayiro chake cherudzikinuro. Tinozviziva sei? Jesu akati ‘aizopa upenyu hwake achifira shamwari dzake.’ (Joh. 15:13) Vanhu vakatendeka vakararama Jesu asati auya panyika vachafanira kudzidza nezvake uye kumuda. Vashumiri vaJehovha vakarurama vakadai saAbrahamu, Sara, Mozisi, uye Rakabhi vachamutswa, asi kuti vawane upenyu husingaperi vachafanira kuva neushamwari naJesu.​—Joh. 17:3; Mab. 24:15; VaH. 11:8-12, 24-26, 31.

8-9. Sezvinoratidzwa pana Johani 15:4, 5 tinokwanisa kuitei kana tiri shamwari dzaJesu, uye nei izvozvo zvichikosha?

8 Tinofara kushanda pamwe chete naJesu mubasa rekuparidza uye kudzidzisa vanhu mashoko akanaka eUmambo. Jesu paaiva panyika aiva mudzidzisi. Paakadzokera kudenga, akava musoro weungano, uye ari kuramba achitungamirira basa rekuparidza nekudzidzisa. Anoona uye anokoshesa zvese zvaunoita kuti ubatsire vanhu vakawanda kuti vasvike pakuziva iye naBaba vake. Tinongokwanisa kuita basa iri tichibatsirwa naJehovha naJesu.​—Verenga Johani 15:4, 5.

9 Shoko raMwari rinotidzidzisa kuti tinofanira kuda Jesu uye kuramba tichimuda kana tichida kufadza Jehovha. Saka ngationei zvinhu zvina zvatingaita kuti tive shamwari dzaJesu.

ZVATINGAITA KUTI TIVE NEUSHAMWARI NAJESU

Unogona kuva shamwari yaJesu kana ukaita zvinotevera: (1) kunyatsomuziva, (2) kutevedzera mafungiro uye maitiro ake, (3) kutsigira hama dzaKristu uye (4) kutsigira zvinorongwa neungano (Ona ndima 10-14) *

10. Ndechipi chinhu chekutanga chatinofanira kuita kuti tive neushamwari naJesu?

10 (1) Ziva Jesu. Tinogona kumuziva kana tikaverenga mabhuku eBhaibheri akadai saMateu, Mako, Ruka, uye Johani. Patinofungisisa nezvenhoroondo dziri muBhaibheri dzinotaura nezveupenyu hwaJesu, tinosvika pakumuda uye kumuremekedza nekuti aibata vanhu zvakanaka. Semuenzaniso, haana kubata vadzidzi vake sevaranda kunyange zvazvo aiva Tenzi wavo. Asi aivaudza zvaaifunga uye zvaiva mumwoyo make. (Joh. 15:15) Jesu airwadziwa pavairwadziwa uye aichema navo. (Joh. 11:32-36) Kunyange vanhu vaimuvenga vaiona kuti aiva shamwari yevaya vaiteerera mashoko ake. (Mat. 11:19) Kana tikatevedzera Jesu pamabatiro aaiita vadzidzi vake, ushamwari hwedu nevamwe hunowedzera kusimba, tinowedzera kugutsikana uye kufara uye tinowedzerawo kuda Kristu pamwe chete nekumuremekedza.

11. Ndechipi chinhu chechipiri chatinofanira kuita kuti tive neushamwari naJesu uye nei zvichikosha kuti tidaro?

11 (2) Tevedzera mafungiro uye maitiro aJesu. Kana tikanyatsoziva mafungiro aJesu toatevedzera, ushamwari hwedu naye hunowedzera kusimba. (1 VaK. 2:16) Tingatevedzera sei Jesu? Funga nezvemuenzaniso mumwe chete. Jesu ainyanya kufunga nezvekubatsira vamwe pane kuzvifadza. (Mat. 20:28; VaR. 15:1-3) Sezvo aiva nemafungiro aya, aizvipira kubatsira vamwe uye airegerera vaimutadzira. Aisakurumidza kugumburwa nezvaitaurwa nevanhu pamusoro pake. (Joh. 1:46, 47) Maonero aaiita vanhu aisakanganiswa nezvivi zvavakaita kare. (1 Tim. 1:12-14) Jesu akati: “Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:35) Zvakanaka kuzvibvunza kuti, “Ndiri kutevedzera muenzaniso waJesu nekuita zvese zvandinogona kuti ndirambe ndiine rugare nehama nehanzvadzi dzangu here?”

12. Ndechipi chinhu chechitatu chatinofanira kuita kuti tive neushamwari naJesu uye tingazviita sei?

12 (3) Tsigira hama dzaKristu. Jesu anoona zvatinoitira hama dzake dzakazodzwa sekunge kuti tiri kuzviitira iye. (Mat. 25:34-40) Nzira inokosha chaizvo yekutsigira vakazodzwa ndeyekuita zvese zvatinogona mubasa rekuparidza Umambo uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi, sezvatakaudzwa naJesu. (Mat. 28:19, 20; Mab. 10:42) Hama dzaKristu dzinotoda kubatsirwa ‘nemamwe makwai’ kuti dzikwanise kuita basa rakakura rekuparidza riri kuitwa munyika yese. (Joh. 10:16) Kana uri wemamwe makwai, pese paunoita basa iri unenge uchiratidza kuti unoda vakazodzwa uyewo Jesu.

13. Tingashandisa sei zano raJesu riri pana Ruka 16:9?

13 Tinovawo shamwari dzaJehovha naJesu patinoshandisa pfuma yedu kutsigira basa ravari kutungamirira. (Verenga Ruka 16:9.) Tinogona kupa mari yekutsigira basa renyika yese uye mari iyi inogona kushandiswa kutsigira basa rekuparidza mashoko akanaka munzvimbo dziri kwadzo dzega, kuvaka nekugadziridza zvivakwa zvinoshandiswa pakunamata, uye kubatsira vaya vanenge vawirwa nenjodzi. Tinogonawo kutsigira ungano yedu nekupa mari uye kubatsira vaya vatinoziva kuti vari kuda rubatsiro. (Zvir. 19:17) Idzi ndidzo dzimwe nzira dzatingatsigira nadzo hama dzaKristu.

14. Sezvinoratidzwa pana VaEfeso 4:15, 16, ndechipi chinhu chechina chinoitwa nemunhu kuti ave shamwari yaJesu?

14 (4) Tsigira zvinorongwa neungano yechiKristu. Tinosimbisa ushamwari hwedu naJesu uyo ari musoro weungano kana tikashanda pamwe chete nevaya vakagadzwa kuti vatitungamirire. (Verenga VaEfeso 4:15, 16.) Semuenzaniso, iye zvino tiri kuedza kuva nechokwadi chekuti Dzimba dzese dzeUmambo dziri kunyatsoshandiswa zvakakwana. Ndosaka dzimwe ungano dziri kubatanidzwa nedzimwe, uye miganhu yendima iri kuchinjwa. Izvi zviri kuita kuti sangano richengetedze mari yakawanda. Asiwo izvi zvinoda kuti vamwe vaparidzi vajairane nekuchinja uku kunenge kwaitika. Vaparidzi ivavo vakatendeka vanogona kunge vava nemakore akawanda vachipinda neimwe ungano uye vanogona kunge vava neushamwari hwepedyo nehama nehanzvadzi dzeungano yacho. Asi iye zvino vava kukumbirwa kuti vapinde neimwe ungano. Jesu anofara chaizvo paanoona vadzidzi vake vakavimbika vachitsigira urongwa uhwu.

SHAMWARI DZAJESU NEKUSINGAPERI

15. Chii chichaita kuti ushamwari hwedu naJesu huwedzere kusimba mune ramangwana?

15 VaKristu vakazodzwa nemweya mutsvene vane tariro yekuva naJesu nekusingaperi, vachitonga naye muUmambo hwaMwari. Vachava naKristu, vachimuona uye vachitaura naye. (Joh. 14:2, 3) Vaya vane tariro yekugara panyika vachakomborerwawo naJesu. Kunyange zvazvo vasingazomuoni, ushamwari hwavo naye huchawedzera kusimba sezvavanonakidzwa neupenyu hwavachapiwa naJehovha naJesu.​—Isa. 9:6, 7.

16. Kuva shamwari dzaJesu kunoita kuti tiwane makomborero api?

16 Patinobvuma kukokwa kwatakaitwa naJesu kuti tive shamwari dzake, tinowana makomborero akawanda. Semuenzaniso, tinonyatsozvionera kuti anotida uye kuti ari kutitsigira. Tine mukana wekurarama nekusingaperi. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti ushamwari hwedu naJesu huchaita kuti tive neushamwari hwepedyo naBaba vake, Jehovha. Hakuna humwe ushamwari hunopfuura uhwu. Takakomborerwa chaizvo kunzi tiri shamwari dzaJesu.

RWIYO 17 “Ndinoda”

^ ndima 5 Vaapostora vakaita makore vachishanda naJesu, uye vakava shamwari dzake dzepedyo. Jesu anodawo kuti tive shamwari dzake, asi panewo zvimwe zvinhu zvinogona kuita kuti tiomerwe nekuva shamwari dzake izvo zvisina kumbosangana nevaapostora. Nyaya ino ichataura zvimwe zvacho, uye ichatibatsira kuona kuti tingava sei shamwari dzaJesu uye kuti tingaitei kuti ushamwari hwacho hurambe hwakasimba.

^ ndima 55 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: (1) Patinenge tichiita kunamata kwemhuri tinogona kudzidza nezveupenyu uye ushumiri hwaJesu. (2) Muungano, tinogona kushanda nesimba kuti tive nerugare nehama dzedu. (3) Patinoshanda nesimba muushumiri tinenge tichitsigira hama dzaKristu. (4) Ungano padzinobatanidzwa, tinotsigira zvinenge zvasarudzwa nevakuru.