Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 16

Tevedzera Jehovha Pamabatiro Aunoita Hama Nehanzvadzi

Tevedzera Jehovha Pamabatiro Aunoita Hama Nehanzvadzi

“Regai kutonga nekutarisa kunze, asi tongai nekutonga kwakarurama.”​—JOH. 7:24.

RWIYO 101 Kushanda Takabatana

ZVICHADZIDZWA *

1. Bhaibheri rinotaura chokwadi chipi chinonyaradza nezvaJehovha?

UNGADA kuti vanhu vakutonge zvichibva paruvara rweganda rako, chiso chako kana kuti zvakaita muviri wako here? Haungambodi zvakadaro. Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Jehovha haatitongi achishandisa zvinoonekwa nevanhu! Semuenzaniso, Samueri paakatarisa vanakomana vaJese haana kuona zvakaonekwa naJehovha. Jehovha akanga audza Samueri kuti mumwe wevanakomana vaJese aizova mambo wevaIsraeri. Asi ndeupi aizosarudzwa? Samueri paakaona Eriyabhi uyo aiva dangwe raJese, akati: “Chokwadi uyu ndiye muzodziwa waJehovha akamira pamberi pake.” Eriyabhi aiva nechimiro chakanaka zvekuti Samueri akafunga kuti ndiye aizosarudzwa kuti ave mambo. “Asi Jehovha akati kuna Samueri: ‘Usatarisa chimiro chake nekureba kwake, nekuti haasi iye wandasarudza.’” Tinodzidzei? Jehovha akaenderera mberi achiti: “Munhu anoona zvinooneka nemaziso, asi Jehovha anoona zviri mumwoyo.”​—1 Sam. 16:1, 6, 7.

2. Sezvinotaurwa pana Johani 7:24, nei tisingafaniri kutonga munhu nezvatinoona nechekunze? Taura muenzaniso.

2 Tiri vanhu vane chivi, saka tinowanzotonga vamwe nezvatinoona nechekunze. (Verenga Johani 7:24.) Asi tinongodzidza zvishoma kubva pane zvatinoona. Izvi tinogona kuzvifananidza nachiremba anonyatsogona basa rake. Angasaziva zvese nekungotarisa murwere nemaziso. Asi anofanira kunyatsoteerera kuti azive kana murwere wacho aine zvimwe zvirwere zvaakamborwara nazvo, kuti ari kunetseka zvakadii nekurwara kwaari kuita, kana kuti zvii zvaari kunzwa. Chiremba angatoita kuti murwere wacho atorwe X-ray kuti aone zvaakaita nechemukati. Kana akasadaro anogona kurapa murwere wacho zvisiri izvo. Isuwo hatikwanisi kunyatsonzwisisa hama nehanzvadzi dzedu nekungotarisa zvadziri nechekunze. Tinofanira kuedza kunzwisisa kuti ivo vanhu vakaita sei. Hatikwanisi hedu kuziva zviri mumwoyo mevanhu, saka hatimbofi takavanzwisisa sezvinoita Jehovha. Asi tinogona kuita zvese zvatinokwanisa kuti titevedzere Jehovha. Tingazviita sei?

3. Nyaya dzemuBhaibheri dzatichakurukura dzichatibatsira sei kutevedzera Jehovha?

3 Jehovha anobata sei vashumiri vake? Anovateerera. Anonzwisisa mamiriro avo ezvinhu. Uye anovanzwira tsitsi. Sezvatinokurukura kuti Jehovha akazviita sei kuna Jona, Eriya, Hagari uye Roti, ngationei kuti tingamutevedzera sei pamabatiro atinoita hama nehanzvadzi dzedu.

NYATSOTEERERA

4. Chii chingaita kuti tione Jona neziso risina kunaka?

4 Sezvo tisingazivi zvese nezvaJona, tinogona kumuona semunhu asina kuvimbika. Akatumwa naJehovha kuNinivhi kuti anoparidza nezvekutongwa kweguta racho. Asi pane kuti ateerere, Jona akakwira ngarava yaienda kuTashishi, “kure naJehovha.” (Jona 1:1-3) Dai uriwe wakatuma Jona waizomupa mumwe mukana wekuti aite basa racho here? Zvimwe waisazodaro. Asi Jehovha akaona zvakakodzera kuti amupe mumwe mukana.​—Jona 3:1, 2.

5. Unodzidzei nezvaJona pamashoko aakataura ari pana Jona 2:1, 2, 9?

5 Jona akaratidza kuti aiva munhu akaita sei mumunyengetero wake. (Verenga Jona 2:1, 2, 9.) Zviri pachena kuti ainyengetera kuna Jehovha kakawanda. Munyengetero waakapa ari mudumbu rehove unotibatsira kuti tisangomuona semunhu akatiza basa raainge apiwa. Mashoko aakataura anoratidza kuti aiva munhu anozvininipisa, anoonga uye anoda kuramba achiteerera Jehovha. Ndokusaka Jehovha asina kuramba akatarisa zvikanganiso zvaJona. Akapindura munyengetero wake, uye akaramba achimushandisa semuprofita.

Kana tikaziva zvinenge zvaitika tinogona kuwedzera kunzwira vamwe tsitsi (Ona ndima 6) *

6. Zvakanakirei kunyatsoteerera?

6 Kuti tinyatsoteerera vamwe, tinofanira kuzvininipisa uye kuva nemwoyo murefu. Ngationei zvikonzero zvitatu zvazvakanakira. Chekutanga, hatizokurumidzi kufunga zvisiri izvo nezvevamwe. Chechipiri, tinogona kunzwisisa manzwiro ehama dzedu uye zvikonzero zvinoita kuti dziite zvimwe zvinhu. Izvozvo zvinotibatsira kuti tiwedzere kudzinzwira tsitsi. Uye chechitatu, kana tikarega munhu achitaura zviri pamwoyo, anogona kuzopedzisira ava kunyatsoziva kuti iye munhu akaita sei. Dzimwe nguva tinogona kutadza kunzwisisa manzwiro atinenge tichiita kusvikira tazotaura nezvawo. (Zvir. 20:5) Mumwe mukuru wekuAsia akati: “Ndakambotaura zvimwe zvinhu asi ndisina mashoko akakwana. Ndakaudza imwe hanzvadzi kuti yaifanira kuvandudza mhinduro dzainopa pamisangano. Ndakazoziva kuti hanzvadzi iyi yainetseka nekuverenga uye kuti yaitoshanda nesimba kuti ipe mhinduro.” Zvinokosha chaizvo kuti mukuru mumwe nemumwe atange “anzwa mashoko ese” asati apa zano.​—Zvir. 18:13.

7. Unodzidzei pane zvakaitwa naJehovha kuna Eriya?

7 Vamwe vatinonamata navo vanoomerwa nekubudisa manzwiro avo zvichikonzerwa nezvakamboitika kwavari, kana kuti unhu hwavo. Tingaitei kuti zvivaitire nyore kutiudza zviri mumwoyo mavo? Yeuka zvakaitwa naJehovha kuna Eriya paaitiza Jezebheri. Zvakatorera Eriya mazuva akawanda kuti azoudza Baba vake vekudenga manzwiro aaiita. Jehovha akanyatsomuteerera. Akabva akurudzira Eriya ndokumupa basa rinokosha rekuita. (1 Madz. 19:1-18) Zvinogona kutora nguva kuti hama nehanzvadzi dzedu dzisununguke kutaura nesu, asi padzinotaura nesu ndipo chete patinokwanisa kunzwisisa manzwiro adzo. Kana tikatevedzera Jehovha pakuva nemwoyo murefu, hama dzedu dzinogona kuzovimba nesu. Padzinenge dzava kutiudza manzwiro adzo tinofanira kunyatsoteerera.

ZIVA HAMA NEHANZVADZI DZAKO

8. Sezviri pana Genesisi 16:7-13, Jehovha akabatsira sei Hagari?

8 Hagari, murandakadzi waSarai, akatanga kuita zvinhu zvairatidza kusachenjera paakanga ava mudzimai waAbramu. Hagari akava nepamuviri ndokutanga kusaremekedza Sarai, uyo ainge asina kumbobvira abereka mwana. Zvinhu zvakasvika pakushata zvekuti Sarai akadzinga Hagari. (Gen. 16:4-6) Nemaonero edu tinogona kufunga kuti Hagari aiva mukadzi anodada akakodzera kurangwa. Asi Jehovha haana kuona Hagari saizvozvo. Akatuma ngirozi yake kwaari. Ngirozi yacho payakamuona, yakamubatsira kuti agadzirise mafungiro ake, ikamukomborera. Hagari akaziva kuti Jehovha akanga achimuona uye kuti aiziva zvese zvaiitika kwaari. Izvi zvakamubaya mwoyo zvekuti akati kuna Jehovha: “Muri Mwari anoona.”​—Verenga Genesisi 16:7-13.

9. Mwari akafunga nezvei pamabatiro aakaita Hagari?

9 Jehovha akaonei pana Hagari? Ainyatsoziva Hagari kubvira achiri mudiki uye zvese zvaainge asangana nazvo. (Zvir. 15:3) Hagari aiva mukadzi wekuIjipiti aigara pamba pevaHebheru. Aimbonzwa sekuti aiva mutorwa here? Aisuwa hama dzake uye nyika yake here? Akanga asiri iye chete mudzimai waAbramu. Kare ikako, vamwe varume vakatendeka vaiita madzimai maviri kana kupfuura. Asi ichocho chaisava chinangwa chaJehovha. (Mat. 19:4-6) Saka hazvishamisi kuti barika raiita kuti mumhuri muve negodo uye kuvengana. Kunyange zvazvo Jehovha aiziva kuti Hagari aiita zvisina kunaka paaisaremekedza Sarai, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha aizivawo manzwiro aHagari uye zvaaisangana nazvo.

Wedzera kuziva hama nehanzvadzi dzako (Ona ndima 10-12) *

10. Tingaitei kuti tiwedzere kuziva hama nehanzvadzi dzedu?

10 Tinotevedzera Jehovha nekuedza kunzwisisa hama nehanzvadzi dzedu. Wedzera kuziva hama nehanzvadzi dzako. Taura navo misangano isati yatanga uye yapera, shanda navo muushumiri, uye kana zvichiita vakoke kuti muzodya mese. Ukadaro unogona kuona kuti hanzvadzi inoita seisina ushamwari inongova munhu anonyara, uye hama yawaifunga kuti inoda pfuma inogamuchira vaenzi zvakanaka, kana kuti mubereki anowanzononoka kumisangano nevana vake ari kutsungirira kupikiswa. (Job. 6:29) Asi hatifaniri ‘kupindira munyaya dzevamwe.’ (1 Tim. 5:13) Kunyange zvakadaro, zvakanaka kuziva hama nehanzvadzi dzedu uye zvavakasangana nazvo muupenyu. Izvi zvinotibatsira kuti tivanzwisise.

11. Nei zvichikosha kuti vakuru vanyatsoziva makwai?

11 Vakuru vanotarisirwa kuti vanyatsoziva hama nehanzvadzi dzavo. Funga zvakaitwa neimwe hama inonzi Artur iyo yaiva mutariri wedunhu. Iye nemumwe mukuru vakashanyira imwe hanzvadzi yaiita seinonyara uye isingadi zvekutaura nevamwe. Artur anoti, “Takaziva kuti murume wehanzvadzi iyi akafa vasina nguva yakareba varoorana. Pasinei nekuomerwa neupenyu, yakarera vanasikana vaviri vaida Mwari zvikuru. Panguva iyi hanzvadzi yacho yainge isingachanyatsooni uye yaiva nechirwere chedepression. Kunyange zvakadaro kuda kwainoita Jehovha uye kutenda kwayo kwakaramba kwakasimba. Takaona kuti taiva nezvakawanda zvataigona kudzidza pamuenzaniso wehanzvadzi iyi.” (VaF. 2:3) Mutariri wedunhu uyu aitevedzera Jehovha. Jehovha anoziva vashumiri vake uye kurwadziwa kwavo. (Eks. 3:7) Vakuru vanonyatsoziva makwai vanokwanisa kuabatsira zvakanaka.

12. Imwe hanzvadzi inonzi Yip Yee yakabatsirwa sei nekuziva imwe hanzvadzi yemuungano mavo?

12 Paunenge wava kuziva zvakawanda nezvehama kana hanzvadzi yaunosvotwa nayo, kazhinji kacho unotanga kuinzwisisa. Funga nezvemuenzaniso unotevera. Yip Yee, uyo anogara kuAsia anoti: “Imwe hanzvadzi yemuungano medu yaitaura nenzwi riri pamusoro. Ndainzwa sekuti haana tsika. Asi pandakashanda naye muushumiri ndakaziva kuti aimbobatsira vabereki vake kutengesa hove pamusika. Aitofanira kutaura nenzwi riri pamusoro kuti anzwike nevatengi.” Yip Yee anowedzera kuti: “Ndakadzidza kuti kana ndichida kunzwisisa hama nehanzvadzi dzangu ndinofanira kunyatsodziziva.” Zvinoda kushanda nesimba kuti uwedzere kuziva hama dzako. Paunonyatsozarura mwoyo wako sezvinokurudzirwa neBhaibheri, unenge uchitevedzera Jehovha uyo anoda “vanhu vakasiyana-siyana.”​—1 Tim. 2:3, 4; 2 VaK. 6:11-13.

NZWIRA VAMWE TSITSI

13. Sezvakanyorwa pana Genesisi 19:15, 16, zvii zvakaitwa nengirozi Roti paakaramba achingotenderera-tenderera uye dzakazviitirei?

13 Panguva yaikosha chaizvo muupenyu hwake, Roti ainonoka kuita zvaainge audzwa naJehovha. Ngirozi mbiri dzakashanyira Roti, ndokumuudza kuti iye nemhuri yake vabude muSodhomu. Nei aifanira kubuda? Dzakati: “Tiri kuda kuparadza nzvimbo ino.” (Gen. 19:12, 13) Ava mambakwedza, Roti nemhuri yake vakanga vachiri pamba. Saka ngirozi dzacho dzakamuyambira zvakare. Asi “akaramba achingotenderera-tenderera.” Tinogona kuona sekuti Roti akanga asina basa nezvaainge audzwa naJehovha uye kuti aisateerera. Asi Jehovha haana kubva angosiyana naye. Ngirozi dzacho dzakaita zvekuvabata maoko dzikavabudisa kunze kweguta nekuti Roti “akanga anzwirwa tsitsi” naJehovha.​—Verenga Genesisi 19:15, 16.

14. Chii chingangodaro chakaita kuti Jehovha anzwire Roti tsitsi?

14 Pane zvikonzero zvakawanda zvingangodaro zvakaita kuti Jehovha anzwire Roti tsitsi. Roti angangodaro aizeza kubva pamba pake nekuti aitya vanhu vaiva kunze kweguta racho. Paivawo nezvimwe zvaaitya. Angangodaro aiziva nezvemadzimambo maviri akadonhera mumakomba ebhitumini, mubani raiva pedyo. (Gen. 14:8-12) Roti anofanira kunge ainetsekawo nezvemhuri yake. Uyewo ainge akapfuma chaizvo, saka angangodaro aiva neimba yakanaka muSodhomu. (Gen. 13:5, 6) Izvozvo zvaisava zvikonzero zvine musoro zvekuti Roti arege kukurumidza kuteerera Mwari. Jehovha haana kuti nangananga nezvikanganiso zvaRoti, asi akamuona ‘semurume akarurama.’​—2 Pet. 2:7, 8.

Kuteerera vamwe kunoita kuti tikwanise kuvanzwira tsitsi (Ona ndima 15-16) *

15. Pane kuti titonge munhu nezvaanenge aita, tinofanira kuitei?

15 Pane kutonga munhu nezvaanenge aita, edza kunzwisisa manzwiro ake. Izvi ndizvo zvakaedzwa kuitwa naVeronica wekuEurope. Anoti: “Imwe hanzvadzi yaigara ichiita sekuti ine zvinoinetsa. Yaisada kushamwaridzana nevamwe. Dzimwe nguva ndaitya kuenda kunotaura naye. Asi ndakazviudza kuti, ‘Dai ndiri ini ndiri kunetseka sezvaari kuita, ndaizoda shamwari.’ Saka ndakafunga kumubvunza kuti chii chaimunetsa. Akabva atanga kundiudza zvaiva mumwoyo make! Iye zvino ndava kumuziva zviri nani.”

16. Nei tichifanira kunyengetera tichikumbira kuti Jehovha atibatsire kuva vanhu vanonzwira vamwe tsitsi?

16 Jehovha ndiye chete anonyatsotinzwisisa. (Zvir. 15:11) Saka mukumbire kuti akubatsire kuona zvaanoona mune vamwe uye kuti ukwanise kuvanzwira tsitsi. Munyengetero wakabatsira imwe hanzvadzi inonzi Anzhela kuti iwedzere kunzwira vamwe tsitsi. Imwe hanzvadzi yemuungano mavo yakanga yava kunetsa kushamwaridzana nayo. Anzhela anoti: “Zvaiva nyore chaizvo kuti ndishore hanzvadzi yacho uye kuti ndingosiyana nayo. Asi ndakakumbira Jehovha kuti andibatsire kunzwisisa hanzvadzi iyi.” Jehovha akapindura munyengetero waAnzhela here? Anzhela akawedzera kuti: “Takabuda tese muushumiri, tikazokurukura kwemaawa akawanda. Ndakanyatsomuteerera, ndichimunzwira tsitsi. Iye zvino ndava kuwedzera kumuda uye ndinoda kuramba ndichimubatsira.”

17. Tinofanira kuramba tichiitei?

17 Haufaniri kuita zvekusarudza hama nehanzvadzi dzaunoda kunzwira tsitsi. Vese vanosangana nematambudziko sezvakaita Jona, Eriya, Hagari, uye Roti. Pamwe pacho ndivo vanenge vakonzera vega matambudziko avo. Tese takambozviitawo pane imwe nguva. Ndosaka Jehovha achida kuti tinzwire vamwe tsitsi. (1 Pet. 3:8) Patinoteerera Jehovha, tinowedzera kubatana sehama nehanzvadzi pasi rese. Saka ngatirambei tichiteerera vamwe, kuvaziva uye kuvanzwira tsitsi.

RWIYO 87 Uyai Muzorodzwe!

^ ndima 5 Tiri vanhu vane chivi, saka tinowanzokurumidza kufungira vamwe zvisiri izvo. Asi kana ari Jehovha, “anoona zviri mumwoyo.” (1 Sam. 16:7) Nyaya ino ichataura nezvekubatsira kwaakaita Jona, Eriya, Hagari uye Roti. Ichatibatsira kuona kuti tingatevedzera sei Jehovha pamabatiro atinoita hama nehanzvadzi dzedu.

^ ndima 52 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hama yechikuru iri kusvotwa nekunonoka kwaita hama yechidiki kumisangano, asi yozoziva kuti hama yechidiki iyi yanga yaita tsaona nemota.

^ ndima 54 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kunyange zvazvo pakutanga mutariri weboka akafunga kuti imwe hanzvadzi haidi kushamwaridzana nevamwe, akazoziva kuti yainyara uye yaisanzwa yakasununguka payainge iri pane vamwe.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Imwe hanzvadzi painotanga kuona imwe hanzvadzi paImba yeUmambo inofunga kuti haadi zvekutaura nevamwe uye haana hanya nevamwe, asi pavanozozivana inoona kuti zvayaimufungira handizvo.