Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 15

Unoona Sei Vanhu Vari Mundima Yenyu?

Unoona Sei Vanhu Vari Mundima Yenyu?

“Simudzai maziso enyu muone kuti minda yachenera kukohwa.”​—JOH. 4:35.

RWIYO 64 Kuita Basa Rekukohwa Tichifara

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Chii chingangodaro chakaita kuti Jesu ataure mashoko ari pana Johani 4:35, 36?

JESU aipfuura nemuminda iyo ingangodaro yaiva nebhari yakanga ichiri diki. (Joh. 4:3-6) Pakanga pachiri nemwedzi mina kuti vanhu vazoikohwa. Vadzidzi vake vanofanira kunge vakashamiswa nazvo paakati: “Simudzai maziso enyu muone kuti minda yachenera kukohwa.” (Verenga Johani 4:35, 36.) Jesu airevei?

2 Zvinoita sekuti Jesu aitaura nezvekuunganidza vanhu kwete zvirimwa. Funga zvainge zvichangobva kuitika. Kunyange zvazvo vaJudha vaisadyidzana nevaSamariya, Jesu akanga aparidzira mukadzi aiva muSamariya. Mukadzi wacho ainge ateerera. Jesu paakanga achiri kutaura nezveminda yakanga “yachenera kukohwa,” vaSamariya vakawanda avo vakanga vaudzwa nezvaJesu nemukadzi wacho vakanga vachiuya kuzodzidza zvakawanda kwaari. (Joh. 4:9, 39-42) Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinotaura nezvenyaya iyi richiti: “Chido chaiva nevanhu . . . chairatidza kuti vakanga vakaita sezvirimwa zvakanga zvava kuda kukohwewa.”

Tinofanira kuitei kana tikaona kuti minda yedu “yachenera kukohwa”? (Ona ndima  3)

3. Kuona vanhu sezvaiita Jesu kuchakubatsira sei pabasa rekuparidza?

3 Ko iwe unoona sei vanhu vaunoparidzira mashoko akanaka? Unovaona sezvirimwa zvava kuda kukohwewa here? Kana uchivaona saizvozvo, uchaita zvinhu zvitatu zvinotevera. Chekutanga, uchaparidza uchiziva kuti nguva yapera. Nguva yekukohwa ipfupi chaizvo, saka hapana nguva yekutambisa. Chechipiri, uchafara paunoona vanhu vachiteerera mashoko akanaka. Bhaibheri rinoti: ‘Vanhu vanofara panguva yekukohwa.’ (Isa. 9:3) Uye chechitatu, uchaona munhu mumwe nemumwe seanokwanisa kuva mudzidzi waJesu, saka uchaita kuti mharidzo yako ienderane nezvaanofarira.

4. Munyaya ino tichadzidzei pane zvakaitwa nemuapostora Pauro?

4 Vamwe vateveri vaJesu vangangodaro vakafunga kuti vaSamariya vaisambofa vakava vadzidzi vaJesu, asi Jesu haana kufunga saizvozvo. Aivaona sevanhu vanogona kuva vadzidzi vake. Isuwo tinofanira kuona vanhu vari mundima yedu sevanogona kuva vadzidzi vaKristu. Muapostora Pauro akatisiyira muenzaniso wakanaka wekuti titevedzere. Tinodzidzei paari? Munyaya ino tichakurukura kuti (1) akaziva sei zvaitendwa nevanhu vaaiparidzira, (2) ainzwisisa sei zvavaifarira, uye (3) aiona sei kuti vaigona kuva vadzidzi vaJesu.

NDEZVIPI ZVAVANOTENDA?

5. Nei Pauro aikwanisa kunzwisisa vanhu vaaiparidzira musinagogi?

5 Pauro aiwanzoparidza mumasinagogi evaJudha. Semuenzaniso, musinagogi raiva muTesaronika, “akakurukura [nevaJudha] achivabatsira kunzwisisa Magwaro kwemasabata matatu.” (Mab. 17:1, 2) Pauro anofanira kunge ainzwa akasununguka kuparidza musinagogi racho nekuti aiva muJudha. (Mab. 26:4, 5) Pauro aigona kunzwisisa vaJudha, saka akakwanisa kuvaparidzira nechivimbo.​—VaF. 3:4, 5.

6. Vanhu vaiva pamusika muAtene vakanga vakasiyana papi nevanhu vakaparidzirwa naPauro musinagogi?

6 Pauro paakamanikidzwa nevanhu vaimutambudza kuti abve muTesaronika uye muBheriya, akazosvika muAtene. ‘Akatangazve kukurukura nevaJudha musinagogi nevamwe vanhu vainamata Mwari.’ (Mab. 17:17) Asi Pauro paaiparidzira mumusika, vanhu vaimuteerera vakanga vasiyana. Pavanhu vaimuteerera paiva nevachenjeri uye Vemamwe Marudzi avo vaiona mashoko aPauro ‘sedzidziso itsva.’ Vakati kwaari: “Uri kutitaurira zvatisati tambonzwa.”​—Mab. 17:18-20.

7. Maererano naMabasa 17:22, 23, Pauro akachinja sei mharidzo dzake?

7 Verenga Mabasa 17:22, 23. Pauro haana kutaura nevanhu Vemamwe Marudzi vaiva muAtene sematauriro aakaita nevaJudha vaiva musinagogi. Angangodaro akazvibvunza kuti, ‘Vanhu ava vemuAtene vanotenda zvipi?’ Akanyatsocherechedza zvinhu zvaiva muguta racho ndokuona zvinhu zvaitendwa nevanhu. Pauro akabva atsvaga kuti pazvinhu zvavaitenda, ndezvipi zvaienderana neMagwaro, achibva atanga naizvozvo. Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti: “Sezvo aiva muKristu wechiJudha, aiziva kuti vaGiriki havanamati Mwari ainzi ndewechokwadi nevaJudha uye nevaKristu, asi akaedza kuratidza kuti Mwari waaiparidza nezvake aigona kuzivikanwa nevaAtene.” Saka Pauro aichinja mharidzo dzake. Akaudza vaAtene kuti mashoko ake aibva kuna “Mwari Asingazivikanwi,” wavainge vachiedza kunamata. Kunyange zvazvo Vemamwe Marudzi vakanga vasingazivi Magwaro, Pauro haana kufunga kuti havambofi vakava vaKristu. Asi aivaona sezvirimwa zvava kuda kukohwewa, uye aichinja mharidzo dzake paaiudza vanhu mashoko akanaka.

Uchitevedzera muapostora Pauro, nyatsocherechedza, ita kuti zvaunotaura zvienderane nevanhu vacho, uye ona vanhu sevanogona kuva vadzidzi (Ona ndima 8, 12, 18) *

8. (a) Ungaziva sei zvinotendwa nevanhu vari mundima yenyu? (b) Kana mumwe munhu akati ane chitendero chake ungatii kwaari?

8 Iva munhu anocherechedza sezvaiita Pauro. Tsvaga zvinhu zvingakubatsira kuziva kuti vanhu vari mundima yenyu vanotendei. Munhu wacho akashongedza sei musha wake kana mota yake? Zita rake, mapfekero ake kana kuti matauriro ake angakubatsira kuziva chitendero chake here? Zvimwe anokuudza asingambovanzi kuti ane chitendero chake. Mumwe piyona chaiye anonzi Flutura paakaudzwa izvozvo akati, “Handisi kukumanikidzai kuti mutende zvatinotenda, asi ndauya kuzotaura nemi nezvenyaya ye- . . . ”

9. Ndezvipi zvaunogona kunge uchibvumirana nemunhu ane chitendero chaanopinda?

9 Inyaya dzipi dzaungataura nemunhu ane chitendero chaanopinda? Edza kutsvaga zvinhu zvamunobvumirana. Anogona kunge achinamata Mwari mumwe chete, achibvuma kuti Jesu ndiye Muponesi wevanhu, kana kuti achitenda kuti tiri kurarama munyika yakazara uipi iyo yava pedyo kuguma. Zvichibva pane zvamunobvumirana, chimuratidza zvinodzidziswa neBhaibheri nenzira inoita kuti afarire.

10. Chii chatinofanira kuedza kuita, uye nei tichifanira kudaro?

10 Ramba uchiyeuka kuti vanhu vanogona kunge vasingabvumirani nedzimwe dzidziso dzemuzvitendero zvavo. Saka kunyange wava kuziva kuti munhu wacho anopinda chitendero chipi, edza kuziva kuti ndezvipi chaizvo zvaanotenda. Mumwe piyona chaiye ari kuAustralia anonzi David akati, “Vakawanda vava kusanganisa uchenjeri hwevanhu nezvavanodzidziswa muzvitendero zvavo.” Donalta uyo ari kuAlbania anoti, “Vamwe vatinosangana navo vanoti vane chitendero chavanopinda, asi vanozobvuma kuti havana chokwadi kuti Mwari ariko.” Uye imwe hama inoshumira semumishinari muArgentina inoti vamwe vanhu vanotenda kuti Mwari mubatanidzwa waBaba, Mwanakomana nemweya mutsvene, asi vangasanyatsobvuma dzidziso iyoyo. Inoti, “Kuziva izvozvo kunoita kuti zvive nyore kuwana chimwe chinhu chamunobvumirana nemunhu wacho.” Saka edza kuziva zvinonyatsotendwa nevanhu. Kana ukadaro ‘uchava zvinhu zvese kuvanhu vakasiyana-siyana,’ sezvakaita Pauro.​—1 VaK. 9:19-23.

ZVII ZVAVANOFARIRA?

11. Sezvakanyorwa pana Mabasa 14:14-17, Pauro akataura sei nevanhu vaigara muRistra?

11 Verenga Mabasa 14:14-17. Pauro ainzwisisa zvaifarirwa nevanhu vaaiparidzira, uye aibva aita kuti zvaaitaura zvienderane nevanhu vacho. Semuenzaniso, vanhu vaakataura navo muRistra vainge vasina zvakawanda zvavaiziva nezveMagwaro kana kuti vaisatoaziva zvachose. Saka Pauro akataura navo nenzira yavaigona kunzwisisa. Akataura nezvemwaka inobereka zvibereko uye kufara kunoita vanhu muupenyu. Akashandisa mashoko nemienzaniso zvainzwisiswa zviri nyore nevateereri vake.

12. Ungaitei kuti unzwisise zvinofarirwa nemunhu uye kuti utaure zvingafarirwa nemunhu wacho?

12 Edza kunzwisisa kuti vanhu vemundima yenyu vanofarirei uye taura zvinoenderana nezvavanofarira. Ungaziva sei zvinofarirwa nemunhu paunosvika pamba pake? Iva munhu anocherechedza. Zvichida ari kushanda mugadheni, kuverenga bhuku, kugadzira mota, kana kuitawo zvimwe zvinhu. Kana zvichiita, tanga nekutaura naye zvaari kuita. (Joh. 4:7) Mapfekero ake anogonawo kukubatsira kuziva kuti anobva kupi, anoita nezvei, kana kuti anofarira mutambo upi. “Ndakatanga kukurukura nemumwe mukomana ane makore 19 ainge akapfeka hembe yaiva nemufananidzo wemumwe muimbi ane mukurumbira,” anodaro Gustavo. “Ndakamubvunza nezvehembe yake achibva andiudza kuti nei aifarira muimbi iyeye. Izvozvo zvakazoita kuti titange kudzidza Bhaibheri uye pari zvino ava chapupu.”

13. Ndeipi nzira yakanaka yaungaudza nayo mumwe munhu nezveurongwa hwekudzidza Bhaibheri?

13 Paunoudza mumwe munhu nezveurongwa hwekudzidza Bhaibheri, taura nenzira inoita kuti afarire, uye muratidze kuti kudzidza kwacho kuchamubatsira sei. (Joh. 4:13-15) Imwe hanzvadzi yakanzi ipinde mumba nemumwe mukadzi ainge aratidza kufarira. Hanzvadzi iyi payakaona pepa rainge riri pamadziro rairatidza kuti mukadzi uyu aiva purofesa wedzidzo, yakamuudza kuti tinodzidzisawo vamwe kuburikidza nepurogiramu yekudzidza Bhaibheri uye misangano yedu. Mukadzi wacho akabvuma kudzidza Bhaibheri, akaenda kumisangano zuva rakatevera racho uye akapinda gungano redunhu rakatevera. Papera gore, akabva abhabhatidzwa. Zvibvunze kuti: ‘Vanhu vandinodzokera kunoona vanofarirei? Ndinogona kutsanangura zvakaita purogiramu yedu yekudzidza Bhaibheri nenzira ichaita kuti vafarire here?’

14. Ungaita sei kuti chidzidzo cheBhaibheri chienderane nemudzidzi mumwe nemumwe?

14 Kana watanga kudzidza nemunhu Bhaibheri, nyatsogadzirira chidzidzo chimwe nechimwe chaunoitisa, uchifunga zvakaita munhu wacho uye zvaanofarira. Paunenge uchigadzirira, sarudza magwaro auchaverenga, mavhidhiyo auchamuratidza, uye mienzaniso yauchashandisa pakutsanangura chokwadi chiri muBhaibheri. Zvibvunze kuti, ‘Chii chichafarirwa nemudzidzi uyu, uye chii chichamubaya mwoyo?’ (Zvir. 16:23) Mumwe mukadzi wekuAlbania uyo aidzidza Bhaibheri napiyona anonzi Flora akataura asingambovanzi kuti, “Handibvumi kuti vakafa vachamuka.” Flora haana kumumanikidza. Anoti, “Ndakafunga kuti aifanira kutanga aziva Mwari anovimbisa kuti vakafa vachamutswa.” Kubva panguva iyoyo, pese pavaidzidza, Flora ainyanya kusimbisa rudo rwaJehovha, uchenjeri hwake uye simba rake. Mudzidzi wake akazotanga kutenda kuti vakafa vachamutswa. Iye zvino ava mushumiri waJehovha anoshingaira.

VAONE SEVANHU VACHAZOVA VADZIDZI

15. Maererano naMabasa 17:16-18, zvii zvaiitwa muGirisi zvakatambudza Pauro, asi nei asina kurega kuparidzira vaAtene?

15 Verenga Mabasa 17:16-18. Pauro haana kurega kuparidzira vaAtene kunyange zvazvo guta racho rainge rakazara kunamatwa kwezvidhori, upombwe uye uchenjeri hwechihedheni. Haanawo kuodzwa mwoyo nekutsvinyirwa kwaaiitwa. Pauro pachake akava muKristu kunyange zvazvo aimbova “munhu anomhura, mutambudzi uye munhu anoita zvakaipa.” (1 Tim. 1:13) Sezvakaitwa naJesu kuti akaona Pauro semunhu aigona kuva mudzidzi, Pauro akaonawo vaAtene sevanhu vaigona kuzova vadzidzi. Maonero ake akanga asina kurasika.​—Mab. 9:13-15; 17:34.

16-17. Chii chinoratidza kuti vanhu vakasiyana-siyana vanogona kuva vadzidzi vaKristu? Taura muenzaniso.

16 Panguva yevaKristu vekutanga vanhu vakasiyana-siyana vakava vadzidzi vaJesu. Pauro paakanyorera vaKristu vaigara muguta reKorinde raiva muGirisi, akati vamwe vanhu vemuungano iyoyo vaimbova makororo uye vaiva mhombwe dzisingaiti. Akabva azoti: “Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita. Asi makagezwa mukachena.” (1 VaK. 6:9-11) Iwe ungadai wakaona vanhu ivavo sevanhu vaigona kuchinja vova vadzidzi here?

17 Mazuva ano vakawanda vanoda kuchinja upenyu hwavo vova vadzidzi vaJesu. Mumwe piyona chaiye wekuAustralia anonzi Yukina akaona kuti vanhu vakasiyana-siyana vanogona kuita zvinotaurwa neBhaibheri. Mumwe musi paaiva mune imwe hofisi akaona mukadzi wechidiki ainge akanyorwa-nyorwa muviri wake. Yukina anoti, “Ndakambozeza kumutanga, asi ndakazotaura naye. Ndakaona kuti aifarira Bhaibheri nekuti zvimwe zvainge zvakanyorwa paari aitova mavhesi eMapisarema.” Mukadzi wacho akatanga kudzidza uye kupinda misangano. *

18. Nei tisingafaniri kutonga vanhu?

18 Jesu akaona minda seyachenera kukohwa nekuti aitarisira kuti vanhu vakawanda vaizomutevera here? Aiwa. Magwaro ainge atotaura kuti vanhu vashomanana ndivo vaizotenda maari. (Joh. 12:37, 38) Uye Jesu aikwanisa kuziva zviri mumwoyo mevanhu. (Mat. 9:4) Kunyange zvakadaro aiisa pfungwa pavanhu vashomanana vaitenda, uye akashingaira kuparidzira munhu wese. Saka sezvo tisingakwanisi kuziva zviri mumwoyo, tinofanira kurega katsika kekutonga vanhu kana ndima. Pane kudaro, ona vanhu sevanogona kuva vadzidzi. Mumwe mumishinari wekuBurkina Faso anonzi Marc anoti: “Vanhu vandinofunga kuti vachafambira mberi vanowanzorega kudzidza. Asi vanhu vandinofunga kuti havana kwavanoenda ndivo vanowanzofambira mberi zvakanaka. Saka ndakadzidza kuti zvakanaka kuti tirege mweya waJehovha uchititungamirira.”

19. Tinofanira kuona sei vanhu vari mundima yedu?

19 Pakutanga ungaona sekuti mundima yenyu hamuna vanhu vakawanda vakaita sezvirimwa zvava kuda kukohwewa. Asi yeuka zvakataurwa naJesu kuvadzidzi vake. Minda yachena, kureva kuti, yava kuda kukohwewa. Vanhu vanogona kuchinja vova vadzidzi vaKristu. Jehovha anoona vanhu ava ‘sezvinhu zvinokosha.’ (Hag. 2:7) Kana tikaona vanhu semaonerwo avanoitwa naJehovha naJesu, tichada kuziva zvavari uye zvavanofarira. Hatizovaoni sevanhu vatisingazivi, asi tichavaona sevanhu vanogona kuva hama nehanzvadzi dzedu.

RWIYO 57 Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ese

^ ndima 5 Maonero atinoita vanhu vari mundima yedu anobatsira sei pakuparidza uye pakudzidzisa kwatinoita? Nyaya ino ichatibatsira kuona kuti Jesu nemuapostora Pauro vaiona sei vanhu vavaiparidzira. Tichaona kuti tingavatevedzera sei nekufungawo zvinotendwa uye zvinofarirwa nevanhu vatinosangana navo uyewo nekunzwisisa kuti vanogona kuva vadzidzi vaJesu.

^ ndima 17 Chikamu chinonzi “Bhaibheri Rinochinja Upenyu” chine mimwe mienzaniso inoratidza kuti vanhu vanogona kuchinja. Nyaya idzi dzaibuda muNharireyomurindi kusvika muna 2017. Iye zvino dzava kubuda pajw.org®. Tarisa pakanzi NEZVEDU > ZVAKAITIKA KUZVAPUPU ZVAJEHOVHA.

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Murume nemudzimai vari kuparidza paimba nemba vanoona (1) pamba panoratidzika zvakanaka, pane maruva; (2) pamba pemhuri ine vana vadiki; (3) pamba pane uchapa mukati nekunze; uye (4) pamba pevanhu vane chitendero chavo. Ndepapi paungawana munhu anogona kuva mudzidzi?