Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 14

‘Fambai Muchitevera Maakatsika Namo’

‘Fambai Muchitevera Maakatsika Namo’

“Kristu pachake akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti mufambe muchitevera maakatsika namo.”—1 PET. 2:21.

RWIYO 13 Kristu, Muenzaniso Wedu

ZVICHADZIDZWA *

Jesu akatisiyira tsoka dzekuti titevere tichitsika nemaakatsika namo (Ona ndima 1-2)

1-2. Nei tichikwanisa kutevera tsoka dzaJesu? Taura muenzaniso.

FUNGIDZIRA uchifamba nevamwe musango rinotyisa. Muri kutungamirirwa nemunhu ane ruzivo. Paari kufamba, tsoka dzake dziri kusara dzakadhinda pasi. Pamwe pacho anogona kuenda mberi zvekuti munenge musisamuoni. Asi hamuvhunduki nekuti munenge muchiona tsoka dzake.

2 Nyika ino yakaipa yatiri kurarama mairi, yakafanana nesango rinotyisa uye vaKristu vechokwadi vakafanana nevanhu vari kufamba musango racho. Chinofadza ndechekuti Jehovha akatipa mutungamiriri akakwana, Mwanakomana wake Jesu Kristu, uyo ane tsoka dzatinokwanisa kutevera. (1 Pet. 2:21) Maererano nerimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri, Petro akafananidza Jesu nemutungamiriri. Munhu anotungamirira vanhu vanenge vachifamba musango, anosiya tsoka dzake dzakadhinda pasi, saizvozvowo Jesu akatisiyira tsoka dzatinogona kutevera. Ngatikurukurei mibvunzo mitatu ine chekuita nekutevera tsoka dzake inoti: Zvinorevei kutevera tsoka dzaJesu? Nei tichifanira kudzitevera? Tingadzitevera sei?

ZVINOREVEI KUTEVERA TSOKA DZAJESU?

3. Zvinorevei kutevera tsoka dzemumwe munhu?

3 Zvinorevei kutevera tsoka dzemumwe munhu? MuBhaibheri, mashoko ekuti ‘kufamba’ kana kuti “tsoka,” dzimwe nguva anoshandiswa kureva zvinoitwa nemunhu muupenyu hwake. (Gen. 6:9; Zvir. 4:26) Mararamiro anoitwa nemunhu anogona kufananidzwa netsoka dzaanosiya paanenge achifamba. Saka kutevera tsoka dzemumwe munhu zvinoreva kumutevedzera.

4. Zvinorevei kutevera tsoka dzaJesu?

4 Saka zvinorevei kutevera tsoka dzaJesu? Tsanangudzo iri nyore ndeyekuti zvinoreva kumutevedzera. Murugwaro rwuri kutungamirira nyaya ino, muapostora Petro anotaura nezvemuenzaniso waJesu pakutsungirira matambudziko. Asi Jesu ane zvinhu zvakawanda zvaakaita zvatinogona kumutevedzera. (1 Pet. 2:18-25) Upenyu hwese hwaJesu, kureva zvese zvaakataura nezvaakaita, muenzaniso wekuti titevere.

5. Vanhu vane chivi vanogona here kutevedzera muenzaniso waJesu wakakwana? Tsanangura.

5 Sezvo tiri vanhu vane chivi, zvinoita here kuti titevere muenzaniso waJesu? Ehe, zvinoita. Petro haana kuti tinyatsotsika makatsikwa naJesu, asi akati ‘tifambe tichitevera maakatsika namo.’ Kana tikafamba tichitevera maakatsika namo, tichiita zvese zvatinogona sevanhu vane chivi, tinenge tichiteerera mashoko emuapostora Johani ekuti: ‘Ramba uchifamba sekufamba kwakaitawo Jesu.’—1 Joh. 2:6.

NEI TICHIFANIRA KUTEVERA TSOKA DZAJESU?

6-7. Nei tichiti kutevera tsoka dzaJesu kunotiswededza pedyo naJehovha?

6 Kutevera tsoka dzaJesu kunotiswededza pedyo naJehovha. Nei tichidaro? Chekutanga, Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka wekurarama nenzira inofadza Mwari. (Joh. 8:29) Saka kana tikatevera tsoka dzaJesu, tichafadza Jehovha. Uye tinogona kuva nechokwadi chekuti Baba vedu vekudenga vachaswedera pedyo nevaya vanoshanda nesimba kuti vave shamwari dzavo.—Jak. 4:8.

7 Chechipiri, Jesu akatevedzera Baba vake zvakakwana. Ndokusaka akati: “Munhu wese anenge aona ini aonawo Baba.” (Joh. 14:9) Tinogona kutevedzera Jesu pamabatiro aaiita vamwe. Semuenzaniso, akasiririswa nemurume aiva nemaperembudzi, akanzwira tsitsi mukadzi aiva nechirwere chaimutambudza, uye ainzwira tsitsi vaya vainge vafirwa. Patinotevedzera Jesu tinenge tichitevedzerawo Jehovha. (Mako 1:40, 41; 5:25-34; Joh. 11:33-35) Patinoramba tichitevedzera Jehovha, ushamwari hwedu naye hunowedzerawo kusimba.

8. Tsanangura kuti nei kutevera tsoka dzaJesu kuchitibatsira kuti ‘tikunde’ nyika.

8 Kutevera tsoka dzaJesu kunotibatsira kuti tisatsauswa nenyika ino yakaipa. Usiku hwake hwekupedzisira asati aurayiwa, Jesu akakwanisa kutaura kuti: “Ini ndakunda nyika.” (Joh. 16:33) Aireva kuti akanga aramba kukanganiswa nemafungiro, zvinangwa, uye maitiro evanhu vari munyika ino. Jesu haana kumbobvira akanganwa chinangwa chaakatumirwa panyika icho chaiva chekureverera zita raJehovha. Ko isu tingaitawo sei? Nyika ino ine zvinhu zvakawanda zvinogona kutitsausa. Asi kana tikaramba takaisa pfungwa pakuita kuda kwaJehovha sezvakaitwa naJesu, ‘tichakundawo’ nyika.—1 Joh. 5:5.

9. Tinofanira kuitei kuti tirambe tiri mumugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi?

9 Kutevera tsoka dzaJesu kunoita kuti tiwane upenyu husingaperi. Rimwe jaya rainge rakapfuma parakabvunza zvaraifanira kuita kuti riwane upenyu husingaperi, Jesu akaripindura achiti: “Uya uve muteveri wangu.” (Mat. 19:16-21) Paaitaura nevamwe vaJudha vaisatenda kuti ndiye Kristu, Jesu akati: “Makwai angu . . . anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi.” (Joh. 10:24-29) Paaitaura naNikodhimo, nhengo yedare reSanihedrini uyo aida kuziva zvakawanda nezvedzidziso dzaJesu, Jesu akati vaya ‘vanotenda maari’ vaizova “neupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16) Tinoratidza kuti tinotenda muna Jesu nekushandisa zvaakadzidzisa uye kutevedzera zvaakaita. Kana tikadaro ticharamba tiri mumugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi.—Mat. 7:14.

TINGATEVERA SEI JESU NEMAAKATSIKA NAMO?

10. Tinofanira kuitei kuti tiwedzere kuziva Jesu? (Johani 17:3)

10 Tisati tatevera Jesu nemaakatsika namo, tinofanira kusvika pakumuziva. (Verenga Johani 17:3.) Kuziva Jesu hakuna pakunogumira. Tinofanira kuwedzera kumuziva tichidzidza nezveunhu hwake, mafungiro ake, uye zvaanokoshesa. Pasinei kuti tava nenguva yakareba sei tiri muchokwadi, tinofanira kuramba tichiwana ruzivo pamusoro paJehovha neMwanakomana wake.

11. Mabhuku mana eEvhangeri anotaura nezvei?

11 Kuti atibatsire kuziva Mwanakomana wake, Jehovha akaita kuti muShoko rake muve nemabhuku mana eEvhangeri. Evhangeri idzi dzinotaura nezveupenyu hwaJesu uye ushumiri hwake. Mabhuku aya anotiudza zvakataurwa naJesu, zvaakaita uye manzwiro aaiita. Anotibatsira ‘kufungisisa’ nezvemuenzaniso waJesu. (VaH. 12:3) Tingatoti mumabhuku aya tinoona tsoka dzaJesu dzaakasiya. Saka kana tikadzidza Evhangeri idzi, tinoramba tichiwedzera kuziva Jesu. Izvi zvichaita kuti tifambe tichitevera maakatsika namo.

12. Tingaitei kuti tinyatsobatsirwa neEvhangeri?

12 Kuti tinyatsobatsirwa neEvhangeri idzi, hatifaniri kungogumira pakudziverenga. Tinofanira kuwana nguva yekunyatsodzidza zviri muEvhangeri idzi tofungisisa nezvazvo. (Enzanisa naJoshua 1:8, mashoko emuzasi.) Ngatikurukurei nzira mbiri dzinogona kutibatsira kufungisisa zviri muEvhangeri idzi toshandisa zvatinenge taverenga imomo.

13. Ungaitei kuti uone zvaunenge uchiverenga muEvhangeri sezviri kuitika?

13 Chekutanga, ita seuri kuona zvauri kuverenga muEvhangeri idzi zvichiitika. Fungidzira uchiona uye uchinzwa zvaiitika. Kuti ukwanise kuita izvozvo, tsvakurudza mumabhuku atinopiwa nesangano raJehovha. Ongorora zvinotaurwa mumavhesi ari pedyo neauri kudzidza. Tsvaga mamwe mashoko anotaura nezvevanhu uye nzvimbo zvinotaurwa munyaya yacho. Enzanisa nyaya yauri kuverenga nemataurirwo ainoitwa mune imwe Evhangeri. Dzimwe nguva munyori weEvhangeri anogona kutaura mamwe mashoko asiri mune dzimwe Evhangeri.

14-15. Tingashandisa sei zvidzidzo zviri muEvhangeri muupenyu hwedu?

14 Chechipiri, shandisa zvidzidzo zviri muEvhangeri muupenyu hwako. (Joh. 13:17) Pashure pekunge wanyatsodzidza nyaya iri mune imwe Evhangeri, zvibvunze kuti: ‘Pane chidzidzo chiri munyaya iyi chandingashandisa muupenyu hwangu here? Ndingashandisa sei nyaya iyi kubatsira mumwe munhu?’ Edza kufunga nezvemumwe munhu waunoziva, uye panguva yakakodzera, muudze nezvenyaya yacho nenzira inoita kuti ade kuinzwa.

15 Ngationei muenzaniso unoratidza kuti tingashandisa sei mazano maviri aya. Tichaongorora nyaya yechirikadzi yaishayiwa yakaonekwa naJesu patemberi.

CHIRIKADZI YAISHAYIWA INOPINDA MUTEMBERI

16. Tsanangura zvauri kufungidzira zvichiitika pana Mako 12:41.

16 Ita seuri kuona nyaya yacho ichiitika. (Verenga Mako 12:41.) Fungidzira zviri kuitika. Zuva racho ndiNisani 11, 33 C.E., uye kwangosara mazuva mashomanana kuti Jesu aurayiwe. Jesu aswera achidzidzisa mutemberi. Vatungamiriri vechitendero vanga vachimupikisa. Vamwe vacho vatombomubvunza kuti akapiwa naani mvumo yekuita zvaari kuita. Vamwe vanomubvunza mibvunzo yavanofunga kuti haagoni kuipindura. (Mako 11:27-33; 12:13-34) Iye zvino Jesu aenda pane rimwe divi retemberi. Anofanira kunge ava munzvimbo inonzi Chivanze Chevakadzi maanogona kuona midziyo yekuisira mari iri nechekumadziro kwechivanze chacho. Anogara pasi uye anotanga kucherechedza vanhu vachikanda mipiro yavo mumidziyo yekuisira mari. Anoona vanhu vazhinji vakapfuma vachikanda mari yakawanda. Zvimwe ari pedyo zvekuti ari kukwanisa kunzwa kurira kwemari yakawanda yavari kukanda mumidziyo yacho.

17. Zvii zvakaitwa nechirikadzi yaiva murombo inotaurwa pana Mako 12:42?

17 Verenga Mako 12:42. Pashure pekanguva, Jesu anoona mumwe mukadzi. Mukadzi uyu ‘ichirikadzi inoshayiwa.’ (Ruka 21:2) Upenyu hwakamuomera chaizvo, uye zvimwe ari kutotamburira kuti awane mari yekutenga zvinodiwa pakurarama. Asi anoenda pane mumwe mudziyo wekuisira mari uye asingadi kuonekwa, anoisa tumari tuviri tudiki, utwo tungangodaro tusinganzwiki patunodonhera mumudziyo wacho. Jesu anoziva mari yaakanda. Akanda mareputoni maviri, tumari tudiki pamari yese yaishandiswa panguva iyoyo. Twaisatombokwana kutenga kashiri kadiki kainge kakachipa kudarika dzimwe dzese dzaidyiwa.

18. Maererano naMako 12:43, 44, Jesu akatii nezvemupiro wakabviswa nechirikadzi?

18 Verenga Mako 12:43, 44. Jesu anoyemura zvaitwa nechirikadzi iyi. Saka Jesu anoshevedza vadzidzi vake, obva ataura nezvechirikadzi yacho achiti: “Chirikadzi iyi murombo yabvisa zvakawanda kupfuura vamwe vese.” Anobva atsanangura kuti: “Vese [kunyanya vapfumi] vakanda vachibvisa pamari yavo yakawandisa, asi iye, neurombo hwake, akanda yese yaanga ainayo, yese yaizomuraramisa.” Chirikadzi iyi yakatendeka payakapa mari yese yayaiva nayo zuva iroro, yakanga ichiisa upenyu hwayo mumaoko aJehovha.—Pis. 26:3.

Sezvakaitwa naJesu, rumbidza vaya vari kupa Jehovha zvese zvavanokwanisa (Ona ndima 19-20) *

19. Chidzidzo chipi chinokosha chatinowana pane zvakataurwa naJesu nezvechirikadzi yaiva murombo?

19 Shandisa zvidzidzo zviri munyaya yacho muupenyu hwako. Zvibvunze kuti, ‘Ndinodzidzei pane zvakataurwa naJesu nezvechirikadzi iyi yaiva murombo?’ Funga nezvechirikadzi iyoyo. Inofanira kunge yaidawo kupa Jehovha zvakawanda. Asi yakaita zvayaikwanisa. Yakapa Jehovha zvakanakisisa zvayaiva nazvo. Uye Jesu aiziva kuti mupiro wayo waikosheswa chaizvo naBaba vake. Chidzidzo chinokosha chatinowana ndechekuti: Jehovha anofadzwa nazvo patinomushumira nemwoyo wese uye nemweya wese. (Mat. 22:37; VaK. 3:23) Jehovha anofara paanoona tichiita zvese zvatinogona! Anofara patinoshandisa nguva yedu nesimba pakumunamata tichiita zvinhu zvakadai seushumiri uye kupinda misangano.

20. Ungashandisa sei chidzidzo chiri munyaya yechirikadzi yaiva murombo? Taura muenzaniso.

20 Ungashandisa sei chidzidzo chiri munyaya yechirikadzi yaiva murombo? Edza kufunga nezvevamwe vanhu vangada kukurudzirwa kuti vazive kuti Jehovha ari kufadzwa nezvavari kuita. Semuenzaniso, pane hanzvadzi yechikuru yaunoziva here ingangodaro ichizvipa mhosva kana kuti inonzwa isingabatsiri nekuti haisisina utano kana simba rekuita ushumiri sezvayaimboita? Kana kuti pane hama yaunoziva here inotambura neurwere, iyo inoora mwoyo nekuti haikwanisi kuva pamisangano paImba yeUmambo nguva dzese? Batsira vanhu vakadaro nekutaura mashoko “akanaka anovaka.” (VaEf. 4:29) Kurukura navo zvatadzidza munyaya yechirikadzi yaiva murombo. Mashoko ako anokurudzira anogona kuvayeuchidza kuti Jehovha anofara patinomupa zvakanakisisa. (Zvir. 15:23; 1 VaT. 5:11) Paunorumbidza vamwe nekupa kwavanoita Jehovha zvakanakisisa, pasinei nekuti zvidiki, unenge uchitevera Jesu nemaakatsika namo.

21. Chii chaunoda kuramba uchiita?

21 Tinotenda chaizvo kuti Evhangeri dzine mashoko akawanda anotaura nezveupenyu hwaJesu, saka izvi zvinoita kuti tikwanise kumutevera, tichitsika nemaakatsika namo! Unogona kuronga kuti udzidze nezvemabhuku eEvhangeri paunodzidza wega kana kuti paKunamata Kwemhuri. Kuti tinyatsobatsirwa nekudzidza kwacho, tinofanira kuona nyaya dzacho sedziri kutoitika, toshandisa zvidzidzo zvacho muupenyu hwedu. Tinofanira kutevedzera zvakaitwa naJesu uyewo tinofanira kuteerera zvaakataura. Munyaya inotevera, tichaona zvatinodzidza pamashoko ekupedzisira akataurwa naJesu asati afa.

RWIYO 15 Rumbidzai Dangwe raJehovha!

^ ndima 5 SevaKristu vechokwadi, tinofanira ‘kutevera Jesu nemaakatsika namo.’ Zvinorevei kutevera tsoka dzaJesu? Nyaya ino ichapindura mubvunzo iwoyo. Ichataurawo kuti nei tichifanira kufamba tichitevera maakatsika namo uye kuti tingazviita sei.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pashure pekunge yafungisisa zvakataurwa naJesu nezvechirikadzi yaiva murombo, imwe hanzvadzi inorumbidza hanzvadzi yakwegura nekushumira kwainoita nemweya wese.