Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 17

Jehovha Anokukoshesa!

Jehovha Anokukoshesa!

“Jehovha anofarira vanhu vake.”—PIS. 149:4.

RWIYO 108 Rudo rwaMwari Rusingachinji

ZVICHADZIDZWA *

Baba vedu vekudenga ‘vanofarira’ mumwe nemumwe wedu (Ona ndima 1)

1. Jehovha anoonei pavanhu vake?

JEHOVHA MWARI “anofarira vanhu vake.” (Pis. 149:4) Izvi zvinoita kuti tifare chaizvo! Jehovha anoona unhu hwakanaka hwatiinahwo, anoona zvatinogona kuzoita mune ramangwana, uye anotibatsira kuti tive shamwari dzake dzepedyo. Kana tikaramba takatendeka kwaari, acharamba ari pedyo nesu nekusingaperi!—Joh. 6:44.

2. Nei vamwe vachiomerwa nekubvuma kuti Jehovha anovada?

2 Vamwe vangati, ‘Ndinoziva kuti Jehovha anoda vanhu vake seboka, asi ndingava sei nechokwadi chekuti Jehovha anondikoshesa?’ Chii chingaita kuti munhu abvunze mubvunzo iwoyo? Oksana, * uyo ane zvinhu zvinorwadza zvaakaitirwa paaiva mudiki anoti: “Ndakafara chaizvo pandakabhabhatidzwa ndokutanga kupayona. Asi pashure pemakore 15, zvinhu zvakaipa zvakaitika kwandiri pandaiva mudiki zvakatanga kudzoka mupfungwa. Ndakatanga kufunga kuti Jehovha akanga asisandifariri uye kuti handina kukodzera kudiwa naye.” Imwe hanzvadzi inopayona inonzi Yua, iyo yakasanganawo nematambudziko akawanda payaiva mudiki inoti: “Ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha nekuti ndaida kumufadza. Asi ndaizviudza kuti haatombondidi.”

3. Tichadzidzei munyaya ino?

3 Kufanana nevaKristu vakatendeka vabva kutaurwa, unoda Jehovha chaizvo asi unogona kunge usina chokwadi chekuti anokuda. Nei uchifanira kuva nechokwadi chekuti anonyatsokuda? Uye chii chinogona kukubatsira paunenge wava kufunga kuti Jehovha haakudi? Ngationei mhinduro dzemibvunzo iyi.

KUSAVA NECHOKWADI CHEKUTI JEHOVHA ANOTIDA KUNE NGOZI

4. Nei kusava nechokwadi chekuti Jehovha anotida kuine ngozi?

4 Kana tiine chokwadi chekuti Jehovha anotida, tichanzwa tichida kuita zvese zvatinogona kuti timushumire nemwoyo wese, kunyange patinenge takaomerwa neupenyu. Asi kana tisina chokwadi chekuti Mwari ane hanya nesu, ‘simba redu rinova shoma.’ (Zvir. 24:10) Uye patinoora mwoyo torega kuva nechokwadi chekuti Mwari anotida, zvinenge zvava nyore kuti Satani atirwise.—VaEf. 6:16.

5. Chii chakaitika kune vamwe vaKristu vaifunga kuti Mwari haavadi?

5 Vamwe vaKristu vakatendeka vakatanga kufunga kuti Jehovha haavadi uye kuti haana hanya navo. Izvi zvakaita kuti kutenda kwavo kutange kudzikira. Mumwe mukuru anonzi James akati: “Kunyange zvazvo ndaishumira paBheteri uye ndainakidzwa neushumiri muungano yemumwe mutauro, ndainetseka kuti Jehovha aifadzwa here nezvandaimuitira. Pane imwe nguva, ndakatanga kusava nechokwadi chekuti Jehovha aiteerera minyengetero yangu.” Eva, uyo ariwo mubasa renguva yakazara, akati: “Ndakaona kuti kusava nechokwadi chekuti Jehovha anokuda kune ngozi nekuti kunokanganisa zvese zvaunoita pakushumira Jehovha. Kunoita kuti usada zvinhu zvekunamata uye kunokushayisa mufaro pakushumira Jehovha.” Michael, uyo anoshumira sapiyona wenguva dzese uye semukuru, akati: “Kana ukasava nechokwadi chekuti Mwari anokuda, uchatsauka uchibva paari zvishoma nezvishoma.”

6. Tinofanira kuitei kana tikatanga kusava nechokwadi chekuti Mwari anotida?

6 Zvakaitika kune vanhu vataurwa ava zvinoratidza kuti kusava nechokwadi chekuti Jehovha anotida kunokanganisa chaizvo kutenda kwedu. Asi tinofanira kuita sei kana tikatanga kusava nechokwadi chekuti Mwari anotida? Tinofanira kukurumidza kubvisa mafungiro akadaro mupfungwa dzedu. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kutsiva ‘pfungwa idzodzo dzinokunetsa’ ‘nerugare rwaMwari urwo ruchachengetedza mwoyo wako nepfungwa dzako.’ (Pis. 139:23; mashoko emuzasi; VaF. 4:6, 7) Uye yeuka kuti hausi wega une mafungiro akadaro. Dzimwe hama nehanzvadzi dzakatendeka dziri kutamburawo nemanzwiro akadaro. Kunyange vashumiri vaJehovha vekare vaivawo nemanzwiro akadaro. Funga zvatinogona kudzidza pane zvakaitwa nemuapostora Pauro.

ZVATINODZIDZA PANA PAURO

7. Pauro akasangana nematambudziko api?

7 Unombonzwa sekuti une zvakawanda zvekuita here, uye kuti zviri kukuomera chaizvo kuti uzviite zvese? Kana zvakadaro, unogona kunzwisisa Pauro. Aizvidya mwoyo “pamusoro peungano dzese,” kwete ungano imwe chete. (2 VaK. 11:23-28) Une matambudziko eutano anokushayisa mufaro here? Pauro aitambura chaizvo ‘nemunzwa munyama,’ uyo ungangodaro waiva dambudziko reutano, uye aida chaizvo kuti ubve. (2 VaK. 12:7-10) Kukanganisa kwaunoita kunomboita kuti uore mwoyo here? Pauro aimbonzwawo saizvozvo. Akati aiva “munhu wenhamo” nekuti aigara achirwisa kuti aite zvakanaka.—VaR. 7:21-24.

8. Chii chakabatsira Pauro kuti atsungirire matambudziko ake?

8 Pasinei nemiedzo yaakasangana nayo uye zvinhu zvinoodza mwoyo, Pauro akaramba achishumira Jehovha. Chii chakamupa simba rekuita izvozvo? Kunyange zvazvo aiziva zvaaikanganisa, akaramba achitenda murudzikinuro. Aizivawo nezvevimbiso yaJesu yekuti “munhu wese anotenda [muna Jesu anova] . . . neupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16; VaR. 6:23) Pauro aiva mumwe wevanhu vaitenda murudzikinuro. Aiva nechokwadi chekuti Jehovha akagadzirira kukanganwira kunyange vaya vakaita zvivi zvakakura kana kuri kuti vapfidza.—Pis. 86:5.

9. Tinodzidzei pamashoko aPauro ari pana VaGaratiya 2:20?

9 Pauro aitenda kuti Mwari aimuda chaizvo nekuti Mwari akatuma Jesu kuti amufire. (Verenga VaGaratiya 2:20.) Ona mashoko anokurudzira ari kunoperera vhesi yacho. Pauro akati: “Mwanakomana waMwari . . . akandida, akazvipa nekuda kwangu.” Pauro haana kunzwa sekuti ainge akaipa chaizvo zvekuti Mwari aisagona kumuda. Haana kufunga kuti, ‘Jehovha anogona kuda hama dzangu, asi haangambondidi.’ Pauro akayeuchidza vaRoma kuti: “Patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.” (VaR. 5:8) Rudo rwaMwari haruna parunogumira!

10. Tinodzidzei pana VaRoma 8:38, 39?

10 Verenga VaRoma 8:38, 39. Pauro aiva nechokwadi chekuti rudo rwaMwari rune simba. Akanyora kuti hapana ‘chinokwanisa kutiparadzanisa nerudo rwaMwari.’ Pauro aiziva kuti Jehovha akanga aratidza vaIsraeri mwoyo murefu. Aizivawo kuti Jehovha akanga amunzwira tsitsi. Saka tinogona kuti Pauro aiti, ‘Sezvo Jehovha akatuma Mwanakomana wake kuti andifire, handina chikonzero chekufunga kuti haandidi?’—VaR. 8:32.

Mwari anokoshesa zvatiri kuita iye zvino uye zvatichaita mune ramangwana, kwete zvatakakanganisa kare (Ona ndima 11) *

11. Kunyange zvazvo Pauro akaita zvivi zvakadai sezvakanyorwa pana 1 Timoti 1:12-15, nei aiva nechokwadi chekuti Mwari aimuda?

11 Verenga 1 Timoti 1:12-15. Pauro anofanira kunge ainetseka chaizvo paaifunga zvinhu zvaakaita asati ava muKristu. Ndosaka aizviti aiva “mutadzi mukuru” pane vese. Asati ava kuziva chokwadi, Pauro aigara achitambudza vaKristu mumaguta akasiyana-siyana, achipfigira vamwe mujeri uye achibvumirana nekuurayiwa kwevamwe. (Mab. 26:10, 11) Unofunga kuti Pauro ainzwa sei paaiona muKristu wechidiki ane vabereki vaakaurayisa? Pauro aidemba zvaakanga aita, asi aiziva kuti aisagona kuchinja zvakaitika. Aibvuma kuti Kristu akamufira, uye akanyora kuti: “Nyasha dzaMwari dzakaita kuti ndive sezvandiri.” (1 VaK. 15:3, 10) Tinodzidzei? Bvuma kuti Kristu akakufira, uye izvi zvakaita kuti ukwanise kuva neushamwari hwepedyo naJehovha. (Mab. 3:19) Mwari anokoshesa zvatiri kuita iye zvino uye zvatichaita mune ramangwana, kwete zvatakakanganisa kare, tisati tava Zvapupu kana kuti tava Zvapupu.—Isa. 1:18.

12. Mashoko ari pana 1 Johani 3:19, 20 angatibatsira sei kana tichinzwa sekuti hatibatsiri kana kuti hatina kukodzera kudiwa?

12 Paunofunga nezvekuti Jesu akafira zvivi zvako, unogona kuti, ‘Handina kukodzera kuitirwa zvinhu zvakanaka kudaro.’ Chii chingaita kuti uve nemanzwiro akadaro? Mwoyo wedu une chivi unogona kutinyengera, woita kuti tinzwe setisingabatsiri kana kuti setisina kukodzera kudiwa. (Verenga 1 Johani 3:19, 20.) Patinofunga izvozvo, ngatiyeukei kuti “Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu.” Kunyange kana tikanzwa sekuti Jehovha haatidi kana kuti haatiregereri, Baba vedu vekudenga vanongoramba vachitida uye vachitiregerera. Tinofanira kusvika pakuva nechokwadi chekuti Jehovha anotida. Kuti tidaro, tinofanira kugara tichidzidza Shoko rake, tichinyengetera kakawanda, uye kuramba tichiwadzana nevanhu vake vakavimbika. Nei kuita izvozvo kuchikosha chaizvo?

KUBATSIRWA NEKUDZIDZA BHAIBHERI, KUNYENGETERA, UYE SHAMWARI DZAKAVIMBIKA

13. Kudzidza Shoko raMwari kunotibatsira sei? (Onawo bhokisi rakanzi “ Kubatsirwa Kwavanoitwa neShoko raMwari.”)

13 Dzidza Shoko raMwari zuva rega rega, uye uchanyatsoona kunaka kwakaita Jehovha. Uchanzwisisa madiro aanokuita. Kufungisisa chikamu cheShoko raMwari zuva nezuva kunogona kukubatsira kuti unyatsofunga zvakanaka, ‘uchiruramisa zvinhu’ mupfungwa dzako nemumwoyo. (2 Tim. 3:16) Mumwe mukuru anonzi Kevin uyo ane dambudziko rekuzvitarisira pasi akati: “Kuverenga Pisarema 103 uye kufungisisa zviri mariri kwakandibatsira kuti ndive nemafungiro akanaka uye ndinzwisise kuti Jehovha anofungei nezvangu.” Eva ambotaurwa nezvake akati: “Ndinopedzisa zuva rangu nekuwana nguva yekufungisisa zvinhu zvinokosheswa naJehovha. Zvinoita kuti ndigadzikane mumwoyo uye ndivake kutenda kwangu.”

14. Kunyengetera kunotibatsira sei?

14 Nyengetera kakawanda. (1 VaT. 5:17) Kana uchida kuva shamwari yemumwe munhu unofanira kugara uchikurukura naye uye uchimuudza manzwiro ako. Ndizvo zvakangoitawo ushamwari hwedu naJehovha. Patinonyengetera tichimuudza manzwiro edu, mafungiro edu, uye zvinotinetsa, tinenge tichiratidza kuti tinovimba naye uye kuti tinoziva kuti anotida. (Pis. 94:17-19; 1 Joh. 5:14, 15) Yua ambotaurwa nezvake akati: “Pandinonyengetera, handingogumiri pakuudza Jehovha zvinenge zvaswera zvichiitika kwandiri. Ndinomuudza zvandiri kunyatsofunga uye manzwiro angu. Ndakatanga kuona Jehovha saBaba vanonyatsoda vana vavo, kwete semukuru wepakambani.”—Ona bhokisi rakanzi “ Wakamboriverenga Here?

15. Jehovha anoratidza sei kuti anotifarira?

15 Wadzana neshamwari dzakavimbika. Shamwari idzi chipo chinobva kuna Jehovha. (Jak. 1:17) Baba vedu vekudenga vanoratidza kuti vanotida nekutipa hama nehanzvadzi dzemuungano dzinoratidza “rudo nguva dzese.” (Zvir. 17:17) Mutsamba yaakanyorera vaKorose, Pauro akataura nezvevamwe vaKristu vakamutsigira achiti ‘vakamunyaradza zvikuru.’ (VaK. 4:10, 11) Kunyange Kristu Jesu aida kutsigirwa uye akaonga kutsigirwa kwaakaitwa neshamwari dzake, dzingava ngirozi kana vanhu.—Ruka 22:28, 43.

16. Shamwari dzakavimbika dzinogona kutibatsira sei kuswedera pedyo naJehovha?

16 Uri kunyatsobatsirwa here nechipo chatakapiwa naJehovha cheshamwari dzakavimbika? Patinotaura neshamwari yakasimba pakunamata nezvematambudziko edu hazvirevi kuti kutenda kwedu hakuna kusimba, asi izvozvo zvinogona kutidzivirira. James ambotaurwa nezvake akati: “Kushamwaridzana nevaKristu vakasimba pakunamata kuri kundibatsira chaizvo. Pandinotanga kuzvitarisira pasi, shamwari idzi dzinonyatsonditeerera uye dzinondiudza kuti dzinondida. Padzinoita izvozvo, ndinobva ndaziva kuti Jehovha anondida uye ane hanya neni.” Zvinokosha chaizvo kuti tirambe tiine ushamwari hwepedyo nehama nehanzvadzi dzedu dzemuungano!

RAMBA URI MURUDO RWAJEHOVHA

17-18. Ndiani watinofanira kuteerera, uye nei tichifanira kumuteerera?

17 Satani anoda kuti tirege kurwisa pakuita zvakanaka. Anoda kuti tifunge kuti Jehovha haatidi, uye kuti hatina kukodzera kuponeswa. Asi sezvataona idzodzo inhema.

18 Jehovha anokuda. Unokosha chaizvo kwaari. Kana ukamuteerera, ‘ucharamba uri murudo rwake’ nekusingaperi, sezvinoita Jesu. (Joh. 15:10) Saka usateerera Satani kana kuteerera mwoyo wako unenge uchikupa mhosva. Asi teerera Jehovha uyo anoona zvakanaka zvinoitwa nemumwe nemumwe wedu. Iva nechokwadi chekuti “anofarira vanhu vake” kusanganisira iwe!

RWIYO 141 Chishamiso Cheupenyu

^ ndima 5 Dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzinoomerwa nekubvuma kuti Jehovha anodzida. Munyaya ino tichakurukura kuti nei tingava nechokwadi chekuti Jehovha anoda mumwe nemumwe wedu. Tichaonawo zvatingaita kana tisina chokwadi chekuti anotida.

^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 67 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Asati adzidza chokwadi, Pauro akatambudza vaKristu uye akaita kuti vakawanda vaiswe mujeri. Paakabvuma zvaakanga aitirwa naJesu, akachinja uye akakurudzira hama dzake dzechiKristu, dzimwe dzacho dzingangodaro dzaiva neukama nevaya vaakanga atambudza.