Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Paakanga ava pedyo nekufa, nei Jesu akataura mashoko aDhavhidhi ari pana Pisarema 22:1?

Ava pedyo nekufa, Jesu akataura mashoko ari pana Mateu 27:46 ekuti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?” Paakataura izvi, Jesu akazadzisa mashoko emunyori wemapisarema Dhavhidhi ari pana Pisarema 22:1. (Mako 15:34) Kunenge kuri kukanganisa kana tikati Jesu akataura mashoko iwayo nekuti akanga aodzwa mwoyo kana kuti akanga asingachatendi muna Mwari panguva iyoyo. Jesu ainyatsonzwisisa chikonzero nei aifanira kufa, uye ainge akagadzirira kuita izvozvo. (Mat. 16:21; 20:28) Aizivawo kuti panguva yekufa kwake, Jehovha aifanira kurega kumudzivirira. (Job. 1:10) Saka Jehovha akarega kudzivirira Jesu kuitira kuti Jesu aratidze kuti aizoramba akatendeka, pasinei nemafiro anorwadza aaizoita.—Mako 14:35, 36.

Saka nei Jesu akataura mashoko ari mupisarema iri? Kunyange zvazvo tisinganyatsozivi, tichakurukura zvikonzero zvingangodaro zvakaita kuti aataure. *

Paakataura mashoko aya, Jesu angangodaro airatidza kuti Jehovha aisazopindira pakufa kwaaizoita. Jesu aifanira kubhadhara rudzikinuro asingabatsirwi naJehovha. Aifanira kufa kuitira kuti “aravire rufu nekuda kwemunhu wese.”—VaH. 2:9.

Paakataura mashoko mashoma ari mupisarema racho, Jesu angangodaro aida kuti vanhu vafunge nezvepisarema racho rese. Panguva iyoyo zvainge zvakajairika kuti vaJudha vabate mapisarema akawanda nemusoro. Pavainzwa vhesi imwe chete yepisarema, vaibva vafunga nezvepisarema racho rese. Kana kuri kuti izvi ndizvo zvakafungwa naJesu, anofanira kunge akabatsira vateveri vake vechiJudha kuyeuka uprofita hwakawanda huri mupisarema iri hwaitaura nezvezvinhu zvaizoitika pakufa kwake. (Pis. 22:7, 8, 15, 16, 18, 24) Uyewo, mavhesi ekupedzisira episarema racho anorumbidza Jehovha uye anoratidza kuti ndiMambo wepasi rese.—Pis. 22:27-31.

Jesu paakataura mashoko aya aDhavhidhi, angangodaro aida kuratidza kuti haana mhosva. Asati aurayiwa, Jesu akatongwa zvisiri pamutemo ndokubva anzi ane mhosva yekumhura. (Mat. 26:65, 66) Dare racho rakarongwa zvechimbi-chimbi usiku uye nyaya yacho yakatongwa pasingatevedzerwi mutemo. (Mat. 26:59; Mako 14:56-59) Jesu paakabvunza mubvunzo uyu wekuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?” angangodaro aida kuti vanhu vaone kuti akanga asina mhosva yaiita kuti akodzere kuurayiwa.

WJesu anogona kunge aiyeuchidzawo vamwe kuti kunyange zvazvo Dhavhidhi, munyori wepisarema iri akaregwa achitambura, zvaisareva kuti Dhavhidhi akanga asisafarirwi naJehovha. Mubvunzo waDhavhidhi waisaratidza kuti akanga asisatendi muna Mwari. Pashure pekubvunza mubvunzo iwoyo, akaratidza kuti aivimba nesimba raJehovha, uye Jehovha akaramba achimukomborera. (Pis. 22:23, 24, 27) Kunyange zvazvo Jesu, “Mwanakomana waDhavhidhi,” akatamburawo padanda, hazvirevi kuti Jehovha akanga asisamufariri.—Mat. 21:9.

Jesu anogona kunge airatidza kurwadziwa kwaaiita nekuti Jehovha akanga asingachamudziviriri, kuitira kuti anyatsoratidza kuti akanga akaperera kuna Mwari. Jehovha akanga asina chinangwa chekuti Mwanakomana wake atambure uye afe. Akazova nechinangwa ichi pashure pekunge Adhamu naEvha vapanduka. Jesu ainge asina chaakatadza, asi aifanira kutambura uye kufa kuitira kuti apindure mibvunzo yakanga yamutswa naSatani uye kuti abhadhare rudzikinuro rwaidiwa kuti atengezve zvakanga zvaraswa naAdhamu. (Mako 8:31; 1 Pet. 2:21-24) Izvi zvaigona kuitika chete kana Jehovha aizorega kudzivirira Jesu kwekanguva, kekutanga muupenyu hwake.

Jesu anogona kunge aida kuedza kubatsira vateveri vake kuti vanyanye kufunga nezvekuti nei Jehovha akamurega achifira padanda rekutambudzirwa. * Jesu aiziva kuti kufa segororo padanda rekutambudzirwa kwaizogumbura vakawanda. (1 VaK. 1:23) Kana vateveri vake vaizoisa pfungwa pachikonzero chekufa kwake, vaizonzwisisa zvazvaireva. (VaG. 3:13, 14) Izvi zvaizoita kuti vamuone seMuponesi kwete segororo.

Pasinei nechikonzero chakaita kuti Jesu ataure mashoko aya, aiziva kuti kana akafira padanda rekutambudzirwa ainge achiita kuda kwaJehovha. Pashure pekunge ataura mashoko ari mupisarema iri, Jesu akati: “Zvaitika!” (Joh. 19:30; Ruka 22:37) Kurega kwakamboita Jehovha kudzivirira Jesu kwekanguva kwakaita kuti Jesu anyatsoita zvese zvaakanga atumirwa panyika kuti aite. Zvakaitawo kuti azadzise zvese zvakanyorwa nezvake “muMutemo waMozisi nemuVaprofita nemuMapisarema.”—Ruka 24:44.

^ ndima 2 Onawo ndima 9 ne10 dziri munyaya yakanzi “Zvatinodzidza Pamashoko aJesu Ekupedzisira” iri mumagazini ino.

^ ndima 4 Paaiita ushumiri hwake, dzimwe nguva Jesu aitaura mashoko kana kubvunza mibvunzo yaisaratidza manzwiro ake. Aiita izvi kuti vateveri vake vataure manzwiro avaiita.—Mako 7:24-27; Joh. 6:1-5; ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 2010, mapeji 4-5.