Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 16

Ramba Uchikoshesa Rudzikinuro

Ramba Uchikoshesa Rudzikinuro

‘Mwanakomana wemunhu akauya kuzopa upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.’—MAKO 10:45.

RWIYO 18 Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Chii chinonzi rudzikinuro, uye nei tichiruda?

ADHAMU paakatadza akarasa mukana wekuti iye nevana vaaizobereka vawane upenyu husingaperi. Aisagona kuregererwa zvaakaita. Akaita chivi achiziva hake. Ko vana vake? Havana zvavakaita pakutadza kwakaita Adhamu. (VaR. 5:12, 14) Pane chaigona kuitwa here kuti vana vake vanunurwe pamutongo werufu waakanga apiwa? Ehe chiripo! Adhamu achangotadza, Jehovha akabva atanga kuratidza kuti aizonunura sei mamiriyoni evana vaAdhamu pachivi nerufu. (Gen. 3:15) Panguva yake yakakodzera, Jehovha aizotuma Mwanakomana wake kubva kudenga ‘kuti ape upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.’—Mako 10:45; Joh. 6:51.

2 Chii chinonzi rudzikinuro? Kana ruchitaurwa muMagwaro echiKristu echiGiriki, rudzikinuro mutengo wakabhadharwa naJesu kuti atengezve zvakaraswa naAdhamu. (1 VaK. 15:22) Nei tichida rudzikinuro? Nekuti matongero akarurama aMwari ayo anoratidzwa muMutemo aida kuti upenyu hutsiviwe neupenyu. (Eks. 21:23, 24) Adhamu akarasikirwa neupenyu hwake hwakakwana. Kuti zvienderane nematongero aMwari akarurama, Jesu akapa upenyu hwake hwakakwana. (VaR. 5:17) Izvi zvinobva zvaita kuti ave “Baba Vasingagumi” kune vaya vanotenda muchibayiro cherudzikinuro.—Isa. 9:6; VaR. 3:23, 24.

3. Maererano naJohani 14:31 uye 15:13, nei Jesu akazvipira kupa upenyu hwake hwakakwana?

3 Jesu akazvipira kupa upenyu hwake nekuti anoda chaizvo Baba vake vekudenga uye anotida. (Verenga Johani 14:31; 15:13.) Rudo irworwo rwakaita kuti aite zvese zvaaigona kuti arambe akaperera kusvika kumagumo uye aite kuda kwaBaba vake. Izvi zvichaita kuti chinangwa chaJehovha chaakasikira vanhu uye nyika chizadziswe. Munyaya ino tichakurukura kuti nei Mwari akarega Jesu achitambura zvakanyanya asati afa. Tichakurukurawo muchidimbu nezvemumwe munyori weBhaibheri aikoshesa chaizvo rudzikinuro. Tichapedzisa nekukurukura kuti tingaratidza sei kuti tinotenda chaizvo rudzikinuro, uye kuti tingaitei kuti tiwedzere kukoshesa zvatakaitirwa naJehovha naJesu.

NEI JESU AKATAMBURA?

Funga zvinhu zvakaipa zvakatsungirirwa naJesu kuti atidzikinure! (Ona ndima 4)

4. Tsanangura kuti Jesu akafa sei.

4 Fungidzira zvakaitika kuna Jesu musi waakaurayiwa. Kunyange zvazvo achikwanisa kushevedza mapoka makuru engirozi kuti amudzivirire, anorega masoja eRoma achimubata, omurova zvakaipisisa. (Mat. 26:52-54; Joh. 18:3; 19:1) Vanoshandisa chiwepu chinobvarura nyama yake. Vanomutakurisa danda rinorema pamusana wake wakachekwa-chekwa uye uri kubuda ropa. Jesu anotanga kuzvuva danda racho achienda kunzvimbo yaachaurayirwa, asi masoja eRoma anomanikidza mumwe murume kuti amutakurire. (Mat. 27:32) Jesu paanosvika panzvimbo yaachafira, masoja anoroverera maoko ake netsoka dzake padanda. Uremu hwemuviri wake huri kuita kuti maarovererwa namo muwedzere kubvaruka. Shamwari dzake dzinoshungurudzika uye amai vake vanochema, asi vatongi vechiJudha vanomutsvinyira. (Ruka 23:32-38; Joh. 19:25) Jesu anotambura kwemaawa akawanda. Kurovererwa kwaaitwa kuri kuita kuti zvimuomere kufema. Paanenge ava kufa, anonyengetera kekupedzisira. Anobva arereka musoro wake, ofa. (Mako 15:37; Ruka 23:46; Joh. 10:17, 18; 19:30) Aya mafiro anorwadza, uye anonyadzisa!

5. Chii chainyanya kushungurudza Jesu kupfuura maurayirwo aakaitwa?

5 Maurayirwo akaitwa Jesu haasiriwo ainyanya kumurwadza. Ainyanya kushungurudzika nechikonzero chaaiurayirwa. Aipomerwa nhema dzekuti aiva munhu anomhura, kureva munhu asingaremekedzi Mwari kana zita raMwari. (Mat. 26:64-66) Kufunga nezvekupomerwa ikoko kwakashungurudza Jesu zvakanyanya zvekuti aitarisira kuti Baba vake vaizoita kuti asanyadziswa. (Mat. 26:38, 39, 42) Nei Jehovha akarega Mwanakomana wake waanoda achitambura uye achifa? Ngationei zvikonzero zvitatu.

6. Nei Jesu aifanira kuturikwa padanda rekutambudzirwa?

6 Chekutanga, Jesu aifanira kuturikwa padanda kuti asunungure vaJudha pakutukwa. (VaG. 3:10, 13) Vakanga vabvuma kuti vaizochengeta Mutemo waMwari, asi havana kuuchengeta. Kuwedzera pakutukwa uku, vainge vakakodzera kufa nekuti vaiva vana vaAdhamu uyo aiva nechivi. (VaR. 5:12) Mutemo waMwari wakapiwa vaIsraeri waitaura kuti munhu anenge aita chivi chinokodzera rufu aifanira kuurayiwa. Pashure pekunge aurayiwa, chitunha chake chaizoturikwa padanda. * (Dheut. 21:22, 23; 27:26) Saka kuturikwa kwakaitwa Jesu padanda kwakaita kuti rudzi irworwo rwakanga rwamuramba rusunungurwe nechibayiro chake pakutukwa kwarwakanga rwaitwa.

7. Ndechipi chikonzero chechipiri chakaita kuti Mwari arege Mwanakomana wake achitambura?

7 Ngationei chikonzero chechipiri chakaita kuti Mwari arege Mwanakomana wake achitambura. Ainge achidzidzisa Jesu basa raaizoita seMupristi Mukuru wedu. Jesu akazvionera ega kuoma kwazvakaita kuti munhu ateerere Mwari ari mumatambudziko akakura. Akashungurudzika zvakanyanya zvekuti akanyengetera achikumbira kubatsirwa “achiita zvekuchema nemisodzi.” Sezvo Jesu akashungurudzika chaizvo, anokwanisa kutinzwisisa, uye ‘anokwanisawo kutibatsira kana tichiedzwa.’ Tinotenda chaizvo Jehovha kuti akagadza Mupristi Mukuru uyo anokwanisa “kutinzwira tsitsi pakusava nesimba kwedu”!—VaH. 2:17, 18; 4:14-16; 5:7-10.

8. Ndechipi chikonzero chechitatu chakaita kuti Mwari arege Jesu achiedzwa zvakanyanya?

8 Chechitatu, Jehovha akarega Jesu achitambura zvakanyanya kuti apindure mubvunzo unokosha wekuti: Vanhu vanogona kuramba vakatendeka kuna Jehovha kunyange pavanenge vachitambura zvakanyanya here? Satani anoti hakuna zvakadaro! Anoti vanhu vanoshumira Mwari nekuti vanenge vachida kuti avape chimwe chinhu. Uye anofunga kuti kungofanana nababa vavo Adhamu, havadi Jehovha. (Job. 1:9-11; 2:4, 5) Jehovha aiva nechokwadi chekuti Mwanakomana wake akavimbika kwaari, saka akamurega achiedzwa kusvika pekupedzisira. Jesu akaramba akavimbika uye akaratidza kuti Satani murevi wenhema.

MUNYORI WEBHAIBHERI UYO AIKOSHESA CHAIZVO RUDZIKINURO

9. Muapostora Johani akatisiyira muenzaniso upi?

9 Kutenda kwevaKristu vakawanda kunosimbiswa nedzidziso yerudzikinuro. Vanoramba vachiparidza pasinei nekupikiswa uye vanotsungirira matambudziko ese avanosangana nawo muupenyu hwavo hwese. Funga zvakaitika kumuapostora Johani. Akaramba achiparidza chokwadi nezvaKristu uye nezverudzikinuro, kwemakore angangodarika 60. Akanga ava kusvitsa makore 100, asi kunenge kuti aionekwa semunhu akaipa chaizvo nehurumende yeRoma, saka akaiswa mujeri kuchitsuwa chePatmosi. Mhosva yake yaiva yei? Yaiva “yekutaura nezvaMwari uye kupupura nezvaJesu.” (Zvak. 1:9) Akatisiyira muenzaniso wakanaka wekutenda uye wekutsungirira!

10. Zvakanyorwa naJohani zvinoratidza sei kuti aikoshesa rudzikinuro?

10 Johani aida Jesu chaizvo uye zvaakanyora zvinoratidza kuti aikoshesa rudzikinuro. Anotaura kanopfuura ka100 nezverudzikinuro kana kuti nezvekubatsira kunoita rudzikinuro. Semuenzaniso, Johani akanyora kuti: “Kana munhu akatadza, tine mubatsiri ari kuna Baba, iye Jesu Kristu, akarurama.” (1 Joh. 2:1, 2) Zvakanyorwa naJohani zvinotaurawo nezvekukosha ‘kwekupupura nezvaJesu.’ (Zvak. 19:10) Zviri pachena kuti Johani aikoshesa chaizvo rudzikinuro. Tingaratidzawo sei kuti tinorukoshesa?

UNGARATIDZA SEI KUTI UNOONGA RUDZIKINURO?

Kana tichinyatsokoshesa rudzikinuro, ticharwisa muedzo wekuita chivi (Ona ndima 11) *

11. Chii chingatibatsira kurwisa miedzo?

11 Rwisa muedzo wekuita chivi. Kana tichinyatsokoshesa rudzikinuro, hatizovi nemafungiro ekuti: ‘Hapana hapo chikonzero chekuti ndirwise pandinoedzwa. Ndinogona kuita chivi, ndobva ndakumbira ruregerero.’ Pane kudaro, patinoedzwa kuti tiite zvakaipa tichati: ‘Aiwa! Nezvese zvandakaitirwa naJehovha naJesu ndingaitirei zvakadaro?’ Tichifunga izvozvo, tinogona kukumbira Jehovha simba, tichiteterera tichiti: ‘Musandirega ndichikundwa nemiedzo.’—Mat. 6:13.

12. Tingashandisa sei zano riri pana 1 Johani 3:16-18?

12 Ida hama nehanzvadzi dzako. Patinoratidza rudo rwakadaro, tinenge tichiratidzawo kuti tinokoshesa rudzikinuro. Nei zvakadaro? Nekuti Jesu haana kungofira isu chete, asi akafirawo hama nehanzvadzi dzedu. Kana ainge akagadzirira kuvafira, zviri pachena kuti anovada chaizvo. (Verenga 1 Johani 3:16-18.) Tinoratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu nemabatiro atinodziita. (VaEf. 4:29, 31–5:2) Semuenzaniso, tinovabatsira pavanenge vachirwara kana kuti pavanenge vachitsungirira matambudziko akakura, kusanganisira njodzi dzinongoitika dzega. Tingaita sei kana mumwe watinonamata naye akaita kana kuti akataura chinhu chinotigumbura?

13. Nei tichifanira kuregerera vamwe?

13 Zvinombokuomera here kuti uregerere hama kana hanzvadzi? (Revh. 19:18) Kana zvakadaro, shandisa zano iri rekuti: “Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese kunyange kana paine ane chaakatadzirwa nemumwe. Sezvo Jehovha akakuregererai nemwoyo wese, imiwo itai saizvozvo.” (VaK. 3:13) Pese patinoregerera hama kana hanzvadzi, tinenge tichiratidza Baba vedu vekudenga kuti tinonyatsokoshesa rudzikinuro. Tingaramba sei tichiwedzera kukoshesa chipo ichi chinobva kuna Mwari?

UNGAWEDZERA SEI KUKOSHESA KWAUNOITA RUDZIKINURO?

14. Ndeipi imwe nzira yatinogona kuwedzera nayo kukoshesa kwatinoita rudzikinuro?

14 Tenda Jehovha nekuda kwerudzikinuro. Imwe hanzvadzi inonzi Joanna ine makore 83 iyo inogara kuIndia yakati: “Ndinofunga kuti zvinokosha kuti nditaure nezverudzikinuro zuva rega rega muminyengetero yangu uye kuti nditende Jehovha nekutipa kwaakaita rudzikinuro.” Paunonyengetera uri wega, funga zvawakanganisa zuva iroro wokumbira Jehovha kuti akuregerere. Asi kana waita chivi chakakura, unofanirawo kubatsirwa nevakuru. Vachakuteerera uye vachakupa mazano anoratidza rudo anobva muShoko raMwari. Vachanyengetera newe, vachikumbira Jehovha kuti akuregerere kuitira kuti uvezve neushamwari hwakanaka naye.—Jak. 5:14-16.

15. Nei tichifanira kuwana nguva yekuverenga uye kufungisisa nezverudzikinuro?

15 Fungisisa nezverudzikinuro. Imwe hanzvadzi ine makore 73 inonzi Rajamani yakati: “Pandinoverenga nezvekutambura kwakaita Jesu, maziso angu anoyangarara misodzi.” Newewo unogona kurwadziwa chaizvo paunofunga nezvekutambura kwakaita Mwanakomana waMwari. Asi paunoramba uchifungisisa nezvekuzvibayira kwakaita Jesu, unowedzera kumuda uye kuda Baba vake. Kuti ukwanise kufungisisa nezverudzikinuro, wadii waronga kuti udzidze nezvenyaya yacho?

Achishandisa chingwa newaini chete, Jesu akaratidza vadzidzi vake kuti vangayeuka sei chibayiro chake (Ona ndima 16)

16. Kudzidzisa vamwe nezverudzikinuro kunotibatsira sei? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

16 Dzidzisa vamwe nezverudzikinuro. Pese patinoudza vamwe nezverudzikinuro, tinowedzera kurukoshesa. Tine mabhuku nemavhidhiyo akazonaka anotibatsira kudzidzisa vamwe kuti nei Jesu akatifira. Semuenzaniso, tinogona kushandisa chidzidzo 4 chebhurocha rinonzi Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! Chidzidzo ichocho chine musoro unoti “Jesu Kristu Ndiani?” Kana kuti tinogona kushandisa chitsauko 5 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei? Chitsauko ichocho chine musoro unoti “Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese.” Uye gore rega rega tinowedzera kukoshesa rudzikinuro patinopinda Chirangaridzo cherufu rwaJesu uye patinoshingaira kukoka vamwe kuti vabatane nesu. Jehovha akatipa ropafadzo yakazonaka yekudzidzisa vamwe nezveMwanakomana wake!

17. Nei rudzikinuro ruri chipo chinokosha kupfuura zvese zvatakapiwa naMwari?

17 Zviri pachena kuti tine chikonzero chakanaka chekuramba tichiwedzera kukoshesa kwatinoita rudzikinuro. Rudzikinuro runoita kuti tive neushamwari hwepedyo naJehovha kunyange zvazvo tiine chivi. Rudzikinuro ruchaita kuti mabasa aDhiyabhorosi aparadzwe zvachose. (1 Joh. 3:8) Rudzikinuro ruchaita kuti chinangwa chaJehovha chaakasikira nyika chizadziswe. Nyika yese ichava paradhiso. Munhu wese waunenge uchionana naye achange achida Jehovha uye achimushumira. Saka zuva rimwe nerimwe ngatitsvagei mikana yekuratidza kuti tinokoshesa rudzikinuro, chipo chinokosha kupfuura zvese zvatakapiwa naMwari!

RWIYO 20 Makatipa Mwanakomana Wenyu Anokosha

^ ndima 5 Nei Jesu akaurayiwa zveutsinye? Nyaya ino ichapindura mubvunzo iwoyo. Ichatibatsirawo kuti tiwedzere kukoshesa kwatinoita rudzikinuro.

^ ndima 6 VaRoma vaiti kana munhu achinge apara mhosva, vaimuroverera kana kumusungirira padanda ari mupenyu, uye Jehovha akarega Mwanakomana wake achiurayiwa nenzira iyoyo.

^ ndima 55 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama imwe neimwe ine muedzo wairi kurwisa—kuona mifananidzo isina kunaka, kuputa fodya, kana kugamuchira chiokomuhomwe.