Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 17

Vanaamai—Dzidzai Pamuenzaniso waYunisi

Vanaamai—Dzidzai Pamuenzaniso waYunisi

“Usaramba kudzidzisa kwaamai vako. Iko kwakaita sekorona inoyevedza iri mumusoro wako uye chishongo chakanaka chemuhuro mako.”—ZVIR. 1:8, 9.

RWIYO 137 Vakadzi Vakatendeka, Hanzvadzi dzechiKristu

ZVICHADZIDZWA *

Amai vaTimoti, Yunisi, nambuya vake Roisi, vari kufara chaizvo pavari kuona Timoti achibhabhatidzwa (Ona ndima 1)

1-2. (a) Yunisi aiva ani, uye akasangana nedambudziko ripi saamai? (b) Taura zviri pamufananidzo uri pakavha.

 KUNYANGE zvazvo Bhaibheri risingatauri nezvekubhabhatidzwa kwaTimoti, tinogona kufungidzira mufaro wakava naamai vake Yunisi, zuva iroro. (Zvir. 23:25) Fungidzira kufara kwavanoita pavanoona Timoti akamira mumvura. Vanonyemwerera, uye ambuya vaTimoti, Roisi, vari pedyo navo uye vakavabata. Yunisi anoramba akatarisa Timoti, hana ichiroverera paanonyudzwa mumvura. Pasina nguva Timoti anobuda mumvura achinyemwerera, uye amai vake vanoyangarara misodzi. Kunyange zvazvo zvainge zvakaoma, Yunisi akabudirira pakudzidzisa mwanakomana wake kuti ade Jehovha neMwanakomana wake, Jesu Kristu. Matambudziko api aaifanira kukunda kuti asvike panguva iyi?

2 Timoti akarerwa nevabereki vaiva nezvitendero zvakasiyana. Baba vake vaiva muGiriki, uye amai vake naambuya vake vaiva vaJudha. (Mab. 16:1) Kunenge kuti Timoti ainge asati asvitsa makore 20 Yunisi naRoisi pavakava vaKristu. Asi baba vake havana kuva muKristu. Timoti aizosarudza chitendero chipi? Zvinoita sekuti ainge akura zvekukwanisa kuita chisarudzo chake ega. Aizosarudza chitendero chababa vake here? Aizoramba achitevera tsika dzechitendero chechiJudha dzaakanga adzidziswa kubvira achiri mudiki here? Kana kuti aizova muteveri waJesu Kristu here?

3. Maererano naZvirevo 1:8, 9, Jehovha anoona sei basa rinoitwa navanaamai pakubatsira vana vavo kuti vave shamwari dzake?

3 Vanaamai vechiKristu vanoda mhuri dzavo sezvaiita Yunisi. Chinhu chinokosha kwavari kupfuura zvimwe zvese kubatsira vana vavo kuti vave neushamwari hwepedyo naJehovha. Uye Mwari wedu anokoshesa chaizvo zvavanoita. (Verenga Zvirevo 1:8, 9.) Jehovha akatungamirira vanaamai vakawanda pavaibatsira vana vavo kuti vagamuchire chokwadi.

4. Vanaamai vanosangana nematambudziko api mazuva ano?

4 Zviri muropa kuti vanaamai vanetseke kuti vana vavo vachasarudza kushumira Jehovha sezvakaitwa naTimoti here. Vabereki vanoziva miedzo inosangana nevana vavo munyika yaSatani. (1 Pet. 5:8) Uyewo vanaamai vakawanda vanorera vana vavo vari vega kana kuti vaine murume asinganamati Jehovha. Semuenzaniso, imwe hanzvadzi inonzi Christine * inoti: “Murume wangu aiva baba vakanaka vanoda mhuri yavo, asi aisada kuti ndirere vana vedu kuti vazova Zvapupu zvaJehovha. Kwemakore akawanda, ndaiwanzochema ndichinetseka kuti vana vangu vachazombonamata Jehovha here.”

5. Tichakurukurei munyaya ino?

5 Kana muri amai vechiKristu, munogona kubudirira sezvakaita Yunisi. Munyaya ino tichakurukura kuti mungatevedzera sei muenzaniso wake pakudzidzisa vana venyu nezvamunotaura uye nezvamunoita. Tichaonawo kuti Jehovha achakubatsirai sei.

DZIDZISAI VANA VENYU NEZVAMUNOTAURA

6. Sezvinoratidzwa pana 2 Timoti 3:14, 15, zvakafamba sei kuti Timoti ave muKristu?

6 Timoti paaiva mukomana mudiki, amai vake vakaita zvese zvavaigona kuti vamudzidzise “zvinyorwa zvitsvene,” sekunzwisiswa kwazvaiitwa nevaJudha. Asi Yunisi aisaziva nezvaJesu Kristu. Kunyange zvakadaro, zvakadzidzwa naTimoti kubva muMagwaro zvakaita kuti ave neruzivo rwaizomubatsira kuti agamuchire chiKristu. Asi akazova muKristu here? Timoti aiva nekodzero yekusarudza kuti orarama semuKristu here kana kuti kwete. Zviri pachena kuti Timoti ‘akabatsirwawo naamai vake kuti atende’ chokwadi nezvaJesu. (Verenga 2 Timoti 3:14, 15.) Yunisi akafara chaizvo kuti akanga adzidzisa mwana wake nezvaJehovha kunyange zvazvo zvainge zvakaoma. Yunisi akanga ararama maererano nezita rake iro rinobva pashoko rinoreva kuti “kunda.”

7. Yunisi aigona kuitei kuti abatsire mwanakomana wake kuramba achifambira mberi pashure pekubhabhatidzwa?

7 Kubhabhatidzwa raiva danho rinokosha muupenyu hwaTimoti, asi kunetseka kwaYunisi kwainge kusati kwapera. Mwanakomana wake aizoshandisa sei upenyu hwake? Aizova neshamwari dzakaipa here? Aizoenda kuchikoro kuAtene otanga kubvuma dzidziso dzevazivi vechihedheni vaivako here? Aizoshandira pfuma, achitambisa nguva yake, simba rake, uye udiki hwake here? Yunisi aisakwanisa kusarudzira Timoti zvekuita, asi aigona kumubatsira. Aizomubatsira sei? Aigona kuramba achishanda nesimba pakudzidzisa mwanakomana wake kuti ade Jehovha uye aonge zvaakaitirwa naJesu. Matambudziko haangowaniki chete mumhuri dzine vabereki vane zvitendero zvakasiyana. Kunyange mumhuri dzine vabereki vese vari muchokwadi, zvinogona kuoma kudzidzisa vana kuti vave vashumiri vaJehovha vakatendeka. Vabereki vangadzidzei pamuenzaniso waYunisi?

8. Amai vangabatsira sei murume wavo anenge ari Chapupu pakudzidzisa vana vavo nezvaJehovha?

8 Dzidzai Bhaibheri nevana venyu. Hanzvadzi, kana murume wenyu ari muchokwadi, Jehovha anoda kuti mubatsirane pakudzidzisa vana venyu nezvake. Imwe nzira yamunoita izvozvo ndeyekugara muchitsigira Kunamata Kwemhuri. Taurai zvakanaka nezveurongwa hwacho, uye fungai zvamungaita kuti munakidzwe nahwo. Zvichida munogona kubatsira murume wenyu pakuronga zvimwe zvamungaita pakudzidza Bhaibheri. Uyewo kana vamwe vana venyu vakura zvekukwanisa kudzidza Bhaibheri vachishandisa bhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! munogona kushanda pamwe chete nemurume wenyu kuti muvadzidzise.

9. Amai vane murume asiri Chapupu vangawana kupi rubatsiro?

9 Vamwe vanaamai vanofanira kutungamirira vana vavo pakudzidza Bhaibheri, nekuti vanogona kunge vachirera vana vari vega, kana kuti murume wavo anenge asiri Chapupu. Kana zviri izvo zviri kuitika mumba menyu, musanyanya kunetseka. Jehovha achakubatsirai. Shandisai maturusi anobatsira aakatipa achishandisa sangano rake pakudzidza nevana venyu. Munogona kubvunza vamwe vabereki vane ruzivo kuti vakupei mazano ekushandisa maturusi aya pakunamata kwemhuri. * (Zvir. 11:14) Jehovha anogonawo kukubatsirai pakutaura nevana venyu. Mukumbirei kuti akubatsirei kuziva zviri mupfungwa uye mumwoyo mevana venyu. (Zvir. 20:5) Mubvunzo uri nyore wakadai sekuti ‘Nderipi dambudziko rakanyanya kukura raunosangana naro kuchikoro?’ unogona kuita kuti munyatsokurukura zvakanaka nemwana wenyu.

10. Chii chimwe chamungaita kuti mubatsire vana venyu kuti vadzidze nezvaJehovha?

10 Tsvagai nzira dzakasiyana-siyana dzekudzidzisa vana venyu nezvaJehovha. Taurai nezvaJehovha uye nezvezvinhu zvakawanda zvaakakuitirai. (Dheut. 6:6, 7; Isa. 63:7) Izvi zvinonyanya kukosha kana musingakwanisi kudzidza nguva dzese nevana venyu muri pamba. Christine ambotaurwa nezvake anoti: “Mikana yekukurukura zvinhu zvekunamata yaiva mishoma chaizvo zvekuti taishandisa chero nguva yataiwana. Taimbobuda panze kuti tifambe netsoka kana kutora igwa topinda mumvura kuti titaure nezvezvinhu zvinoshamisa zvakasikwa naJehovha uye zvimwe zvinhu zvakawanda zvine chekuita nekunamata. Vana vangu pavainge vati kurei, ndakavakurudzira kuti vadzidze Bhaibheri vari vega.” Kuwedzera pane izvozvo, taurai zvakanaka nezvesangano raJehovha uye nezvehama nehanzvadzi dzenyu. Musatsoropodza vakuru. Zvamunotaura nezvavo zvinogona kuita kuti vana venyu vazotsvaga kubatsirwa nevakuru kana kuti kwete.

11. Maererano naJakobho 3:18, nei zvichikosha kuti tiite kuti mumba muve nerugare?

11 Itai kuti mumba menyu muve nerugare. Garai muchiratidza murume wenyu nevana venyu kuti munovada. Taurai nezvemurume wenyu zvine ruremekedzo, uye dzidzisai vana venyu kuti vaitewo izvozvo. Pamunoita izvi, zvinova nyore kuti mudzidzise vana venyu nezvaJehovha. (Verenga Jakobho 3:18.) Funga nezvaJozsef, uyo ari kushumira sapiyona chaiye kuRomania. Paaiva mudiki, baba vake vaiita kuti zviomere chaizvo iye naamai vake, nevamwe vana kuti vashumire Jehovha. Jozsef anoti: “Amai vaiita zvese zvavaigona kuti pamba pave nerugare. Baba pavaiwedzera kuomesa zvinhu, amai vaiwedzera kuva nemutsa. Pavaiona kuti zvaitiomera kuti tiremekedze baba uye tivateerere, vaikurukura nesu VaEfeso 6:1-3. Vaibva vatiudza nezveunhu hwakanaka huna baba uye vaitibatsira kunzwisisa kuti nei taifanira kuvakoshesa. Izvi zvaibatsira mhuri yedu kuti ive nerugare.”

DZIDZISAI VANA VENYU NEZVAMUNOITA

12. Maererano na2 Timoti 1:5, muenzaniso waYunisi wakabatsira sei Timoti?

12 Verenga 2 Timoti 1:5. Yunisi akava muenzaniso wakanaka kuna Timoti. Anofanira kunge akamudzidzisa kuti kutenda kwechokwadi kunoratidzwa nemabasa. (Jak. 2:26) Zviri pachena kuti Timoti akaona kuti zvaiitwa naamai vake zvaibva pakuda kwavaiita Jehovha zvakadzama. Timoti aiona kuti kushumira Jehovha kwaiita kuti amai vake vafare. Muenzaniso waYunisi wakabatsira sei Timoti? Sezvakataurwa nemuapostora Pauro, Timoti aiva nekutenda kwakasimba sekwaiva naamai vake. Izvi hazvina kungoitika zvega. Timoti akanga aona zvaiitwa naamai vake uye akasarudza kuvatevedzera. Mazuva anowo, vanaamai vakawanda vakabatsira vemumhuri mavo kuti vashumire Jehovha “pasina shoko rataurwa.” (1 Pet. 3:1, 2) Munogonawo kuita izvozvo. Mungazviita sei?

13. Nei amai vachifanira kuita kuti ushamwari hwavo naJehovha huve pekutanga?

13 Itai kuti ushamwari hwenyu naJehovha huve pekutanga. (Dheut. 6:5, 6) Sezvinoitwa navanaamai vakawanda, munozvipira kurasikirwa nezvinhu zvakawanda. Munoshandisa nguva yenyu, mari yenyu, nezvimwe zvinhu kuti vana venyu vawane zvekurarama nazvo, uye pamwe pacho munombotadza kurara muchiitira ivo. Asi hamutombofaniri kunyanya kubatikana nezvinhu izvozvo zvekuti munoshaya nguva yekusimbisa ushamwari hwenyu naJehovha. Garai muchironga nguva yekunyengetera muri mega, yekudzidza Bhaibheri muri mega, uye yekupinda misangano yeungano. Kana mukaita izvozvo, muchasimbisa ushamwari hwenyu naJehovha uye mucharatidza muenzaniso wakanaka kumhuri yenyu uye kune vamwewo vanhu.

14-15. Wadzidzei pamuenzaniso waLeanne, Maria, naJoão?

14 Onai mienzaniso mishomanana yevechidiki vakadzidza kuda Jehovha uye kuvimba naye nekucherechedza zvaiitwa navanaamai vavo. Mwanasikana waChristine anonzi Leanne anoti: “Taisakwanisa kudzidza Bhaibheri baba pavainge vari pamba. Asi amai vaipinda misangano nguva dzese. Kunyange zvazvo taisaziva zvakawanda nezveBhaibheri, zvavaiita zvakatibatsira kuti tive nekutenda kwakasimba. Takaziva kuti ichi chaiva chokwadi tisati tatombotanga kupinda misangano.”

15 Maria, uyo ana baba vaimbopa mhuri yavo chirango kana yapinda misangano anoti: “Amai vangu vari pakati pehanzvadzi dzakashinga chaizvo dzandinoziva. Pandaiva mwana, ndaimbotya kuita zvinhu nekuti ndaitya zvaizotaurwa nevamwe. Asi pandaiona kushinga kwavainge vakaita uye kuti vaigara vachiisa Jehovha pekutanga muupenyu hwavo zvakandibatsira kuti ndisatya munhu.” João, uyo ana baba vairambidza mhuri kuti ikurukure zvinhu zvekunamata pamba, anoti: “Ndinofunga kuti chinhu chakanyanya kundibatsira chaiva chekuti amai vaiva nechido chekusiya zvimwe zvinhu zvese kuti vafadze baba vangu, asi havana kumborega kuda Jehovha.”

16. Zvinoitwa naamai zvinogona kubatsira sei vamwe?

16 Vanaamai, yeukai kuti muenzaniso wenyu unogona kubatsira vamwe. Sei tichidaro? Ona zvakataurwa nemuapostora Pauro nezvemuenzaniso waYunisi. Akanyora kuti kutenda kwaTimoti kusina unyengeri ‘kwakatanga naYunisi.’ (2 Tim. 1:5) Pauro akatanga riini kuona kutenda kwaYunisi? Kunenge kuti akatanga kuona Roisi naYunisi muRistra parwendo rwake rwekutanga rweumishinari, uye angangodaro akavabatsira kuti vave vaKristu. (Mab. 14:4-18) Pauro paakanyorera Timoti tsamba papera makore anenge 15, akanga achiri kuyeuka mabasa aYunisi airatidza kutenda, uye akataura nezvemuenzaniso wake wakakodzera kutevedzera. Zviri pachena kuti muenzaniso waYunisi wakakurudzira chaizvo muapostora Pauro uye ungangodaro wakakurudzirawo vamwe vaKristu vakawanda vakararama panguva iyoyo. Kana muchirera vana muri mega kana kuti muri mumhuri ine zvitendero zvakasiyana, ivai nechokwadi chekuti muenzaniso wenyu wekutendeka unosimbisa uye unokurudzira vaya vanokuonai.

Kubatsira mwana kuti akure pakunamata kunotora nguva. Musakanda mapfumo pasi! (Ona ndima 17)

17. Mungaitei kana zvichiita sekuti mwana wenyu haasi kuda kushumira Jehovha kunyange zvazvo muchishanda nesimba pakumudzidzisa?

17 Ko kana zvichiita sekuti mwana wenyu haasi kumboona zvamuri kuita? Yeukai kuti kudzidzisa mwana kunotora nguva yakareba. Sezviri kuratidzwa mumufananidzo, paunodyara mbeu, dzimwe nguva unganetseka kuti ichazombokura kuva muti unobereka michero here. Kunyange zvazvo usingakwanisi kuita kuti muti wacho ubereke michero, unoramba uchiudiridza kuitira kuti ukure. (Mako 4:26-29) Saizvozvowo, dzimwe nguva amai vanganetseka kuti zvavari kudzidzisa zviri kusvika pamwoyo yevana vavo here. Hamugoni kusarudzira vana venyu kuti vashumire Jehovha. Asi mukaramba muchiita zvese zvamunogona kuti muvadzidzise, munovapa mukana wakazonaka wekuti vakure pakunamata.—Zvir. 22:6.

VIMBAI NERUBATSIRO RWAJEHOVHA

18. Jehovha anobatsira sei vana venyu kuti vakure pakunamata?

18 Kubva panguva inotaurwa muBhaibheri, Jehovha ari kubatsira vechidiki vakawanda kuti vave shamwari dzake. (Pis. 22:9, 10) Anogonawo kubatsira vana venyu kuti vakure pakunamata kana zviri izvo zvavanoda. (1 VaK. 3:6, 7) Kunyange mukaona sekuti vana venyu vari kutsauka, maziso aJehovha anoramba ari pavari. (Pis. 11:4) Pavanongova nekachiratidzo kekuti vanoda kufadza Jehovha, iye anenge akagadzirira kuvabatsira kuti vave shamwari dzake. (Mab. 13:48; 2 Mak. 16:9) Anogona kukubatsirai kuti mutaure chinhu chakakodzera panguva chaiyo yachinofanira kunzwiwa nevana venyu. (Zvir. 15:23) Kana kuti angaita kuti imwe hama kana kuti hanzvadzi iri muungano ive nehanya nevana venyu. Kunyange pavanenge vakura, Jehovha anogona kuvayeuchidza chimwe chinhu chamakavadzidzisa. (Joh. 14:26) Munopa Jehovha chimwe chinhu chekuti akomborere pamunoramba muchidzidzisa vana venyu nezvamunotaura uye nezvamunoita.

19. Nei muchigona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anokufarirai?

19 Kudiwa kwamunoitwa naJehovha hakunei nezvisarudzo zvinoitwa nevana venyu. Anokudai nekuti munomuda. Kana muri mubereki ari kurera vana ega, Jehovha anovimbisa kuva Baba kuvana venyu uye Mudziviriri wenyu. (Pis. 68:5) Hamugoni kusarudzira mwana wenyu kuti ashumire Jehovha kana kuti kwete. Asi kana mukaramba muchivimba nerubatsiro rwunobva kuna Jehovha uye moita zvese zvamunogona, muchafarirwa naye.

RWIYO 134 Vana Makavachengeteswa naMwari

^ ndima 5 Nyaya ino ichataura kuti vanaamai vechiKristu vangabatsirwa sei nemuenzaniso waamai vaTimoti, Yunisi, vobatsira vana vavo kuti vazive uye vade Jehovha

^ ndima 4 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 9 Semuenzaniso, onai chidzidzo 50 mubhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! uye nyaya inoti, “Zvimwe Zvamungaita Pakunamata Kwemhuri Uye Pakudzidza Muri Moga” iri muNharireyomurindi yaAugust 15, 2011, mapeji 6-7.