Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Bhaibheri rinotii nezvekuita mhiko?

Mhiko “ivimbiso inokosha yekuita chimwe chinhu, kakawanda kacho pachitaurwa nezvaMwari . . . sechapupu.” Inogona kuita zvekutaurwa kana kunyorwa.

Vamwe vangafunga kuti zvakaipa kuita mhiko nekuti Jesu akati: “Musatombopika . . . Shoko renyu rekuti ‘Hongu’ ngaringova hongu, ‘Kwete’ wenyu, kwete, nekuti zvinopfuura izvi zvinobva kune akaipa.” (Mat. 5:33-37) Jesu aiziva kuti Mutemo waMozisi waida kuti vanhu vaite mhiko pane dzimwe nguva, uye kuti vamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vakanga vamboita mhiko. (Gen. 14:22, 23; Eks. 22:10, 11) Aizivawo kuti Jehovha pachake akaita mhiko. (VaH. 6:13-17) Saka Jesu aisareva kuti hatitombofaniri kuita mhiko. Asi aiyambira nezvekuita mhiko dzisingakoshi kana kuti dzisina zvadzinoreva. Tinofanira kugara tichiita zvatinenge tavimbisa, nekuti Mwari anoda kuti tiite izvozvo.

Saka unofanira kuitei kana ukanzi uite mhiko? Chekutanga, iva nechokwadi chekuti unokwanisa kuita zvauri kuda kupika. Kana usina chokwadi chekuti unozvikwanisa, zviri nani kurega kupika. Shoko raMwari rinoyambira kuti: “Zviri nani kurega kupika pane kupika usingaripi.” (Mup. 5:5) Chibva watarisa mavhesi eBhaibheri anotaura nezvemhiko, uye ita zvinoenderana nehana yako yakadzidziswa neBhaibheri. Ndeapi mamwe mavhesi eBhaibheri anotaura nezvemhiko?

Dzimwe mhiko dzinoenderana nekuda kwaMwari. Semuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha zvinoita mhiko pazvinochata. Pamberi paMwari nezvapupu, murume nemudzimai vanovimbisana kuti vachadanana, vachachengetana, uye vacharemekedzana, uye kuti vachaita izvozvo ‘chero bedzi vese vari vaviri vari vapenyu.’ (Vamwe vangasataura mashoko aya sezvaari pavanochata, asi kunyange zvakadaro, vanoita mhiko pamberi paMwari.) Vanobva vanzi vava murume nemudzimai, uye vanofanira kuramba vari murume nemudzimai kweupenyu hwese. (Gen. 2:24; 1 VaK. 7:39) Mhiko yemuchato yakakodzera, uye inoenderana nekuda kwaMwari.

Dzimwe mhiko dzinopesana nekuda kwaMwari. MuKristu wechokwadi haaiti mhiko yakadai seyekudzivirira nyika yake achishandisa zvombo, kana yekuramba kunamata Mwari. Kuita izvozvo kunopesana nemirayiro yaMwari. VaKristu ‘havafaniri kuva venyika,’ saka hatipindiri pakunetsana kwayo uye pakurwisana kwayo.—Joh. 15:19; Isa. 2:4; Jak. 1:27.

Dzimwe mhiko dzinoitwa zvichienderana nehana yemunhu. Dzimwe nguva tinofanira kunyatsofunga nezvemashoko aJesu ekuti tidzorere “zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari” tisati tasarudza kuita mhiko.—Ruka 20:25.

Ngatitii muKristu anyorera kuti awane pasipoti kana kuti kodzero yekuva mugari weimwe nyika, obva aziva kuti anofanira kuita mhiko yekuvimbika kunyika yacho. Kana munyika iyoyo mhiko yacho ichizoita kuti muKristu aite zvinopesana nemutemo waMwari, hana yake yakadzidziswa neBhaibheri ingasamubvumira kuti aiite. Asi hurumende ingamubvumira kuti agadzirise mashoko acho kuitira kuti hana yake imubvumire kuita mhiko yacho.

Kuita mhiko yekuvimbika ine mashoko akagadziriswa kunogona kunge kuchienderana nemashoko ari pana VaRoma 13:1 iyo inoti: “Munhu wese ngaazviise pasi pevanhu vane masimba.” Saka muKristu angaona pasina chakaipa pamhiko yekuita chimwe chinhu chaanonzi naMwari anofanira kuita.

Zvinokoshawo kuti titeerere hana yedu yakadzidziswa neBhaibheri kana tikakumbirwa kuti tishandise chimwe chinhu kana kuti tinge tiine zvatakaita muviri wedu uye maoko patinenge tichiita mhiko. VaRoma nevaSitiya vaipika nemapakatwa avo, uye izvozvo zvaireva kuti vaishandisa chiratidzo chamwari wehondo vachiratidza kuvimbika kwemunhu aiita mhiko yacho. VaGiriki vaisimudza ruoko pavaiita mhiko. Saka vaiziva kuti kuna Mwari anocherechedza zvinotaurwa uye zvinoitwa nevanhu, uye kuti vanhu vanozvidavirira kwaari.

Mushumiri waJehovha haazoiti mhiko akabata chero chiratidzo chenyika chine chekuita nechitendero chenhema kana kuti chinowanzonamatwa. Asi unofanira kuitei kana ukakumbirwa mudare kuti uise ruoko rwako pamusoro peBhaibheri, wopika kuti uchapa uchapupu hwechokwadi? Pakadaro, unogona kusarudza kuzviita, nekuti muBhaibheri mune vamwe vanhu vakatendeka vakaita mhiko vaine zvavakaita maoko avo. (Gen. 24:2, 3, 9; 47:29-31) Zvinokosha kuyeuka kuti paunoita mhiko yakadaro, unenge uchipika pamberi paMwari kuti uchataura chokwadi. Unofanira kunge wakagadzirira kupindura uchitaura chokwadi pamibvunzo yese yaungabvunzwa.

Sezvo tichikoshesa ushamwari hwedu naJehovha, tinofanira kunyengetera, tonyatsofungisisa nezvemhiko yatinenge takumbirwa kuti tiite, tichiva nechokwadi chekuti haipesani nehana yedu kana kuti nezvinotaurwa neBhaibheri. Kana ukaita mhiko unofanira kuva nechokwadi chekuti waichengeta.—1 Pet. 2:12.