Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 16

“Hanzvadzi Yako Ichamuka”!

“Hanzvadzi Yako Ichamuka”!

“Jesu akati [kuna Marita]: ‘Hanzvadzi yako ichamuka.’”—JOH. 11:23.

RWIYO 151 Achashevedza

ZVICHADZIDZWA a

1. Mumwe mukomana akaratidza sei kuti ane tariro yerumuko?

 MUMWE mukomana anonzi Matthew ane chirwere chakaipa chaizvo, icho chakaita kuti aoparetwe kakawanda. Mumwe musi aine makore 7, iye nevemumhuri make vaiona purogiramu yemwedzi nemwedzi yeJW Broadcasting. Purogiramu yacho payainge yava kupera, vakaona vhidhiyo yemumhanzi inoratidza vanhu vachigamuchira hama neshamwari dzinenge dzamutswa. b Matthew akaenda paiva nevabereki vake, achibva abata maoko avo, akati: “Mazvionaka mhamha nababa! Kunyange ndikafa, ndichamutswa. Munogona kundimirira, zvichanaka.” Chimbofungidzira kufara kwakaita vabereki ava pavakaziva kuti mwana wavo ane tariro yakasimba zvakadaro yerumuko?

2-3. Nei zvakatinakira kuti tifunge nezvevimbiso yerumuko?

2 Zvakanaka kuti tifunge nezvevimbiso yemuBhaibheri yerumuko. (Joh. 5:28, 29) Nei tichifanira kudaro? Nekuti hatimbofi takaziva patingarwara zvekuda kufa kana kuti patinongoerekana tafirwa nemunhu watinoda. (Mup. 9:11; Jak. 4:13, 14) Tariro yedu yerumuko inogona kutibatsira kuti titsungirire matambudziko akadaro. (1 VaT. 4:13) Bhaibheri rinoita kuti tive nechokwadi chekuti Baba vedu vekudenga vanonyatsotiziva uye vanotida chaizvo. (Ruka 12:7) Jehovha Mwari anofanira kunge achinyatsotiziva kuitira kuti azotimutsa tiine unhu hwataiva nahwo uye tichikwanisa kuyeuka zvataiziva tisati tafa. Jehovha anotida zvikuru zvekuti akatipa mukana wekurarama nekusingaperi. Kunyange tikafa achatimutsa!

3 Munyaya ino tichatanga nekukurukura kuti nei tichitenda muvimbiso yerumuko. Tichabva taongorora nyaya yemuBhaibheri inosimbisa kutenda ine mashoko erugwaro rwedu rwuri kutungamirira anoti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” (Joh. 11:23) Tichapedzisa nekudzidza zvatingaita kuti tariro yerumuko iwedzere kuva yechokwadi kwatiri.

NEI TICHIGONA KUTENDA MUVIMBISO YERUMUKO?

4. Kuti titende muvimbiso, tinofanira kuva nechokwadi chei? Taura muenzaniso.

4 Kuti titende muvimbiso, tinofanira kuva nechokwadi chekuti ari kuvimbisa wacho ane chido uyewo ane simba, kana kuti anokwanisa kuizadzisa. Funga nezvemuenzaniso uyu: Ngatitii imba yako yaparadzwa nedutu. Shamwari yako inobva yauya kwauri yokuvimbisa kuti, ‘Ndichakubatsira kuvakazve imba yako.’ Ari kurevesa, uye une chokwadi chekuti ane chido chekukubatsira. Kana achinyatsogona zvekuvaka uye aine maturusi anodiwa, unoziva kuti anokwanisawo kukubatsira. Saka unotenda kuti achaita zvaavimbisa. Tingati kudii nezvevimbiso yaMwari yekumutsa vakafa? Ane chido chekuizadzisa uye ane simba racho here?

5-6. Nei tiine chokwadi chekuti Jehovha anoda kumutsa vakafa?

5 Jehovha anoda here kumutsa vakafa? Zviri pachena kuti anoda. Akafemera vanyori veBhaibheri vakawanda kuti vanyore nezvevimbiso yake yekumutsa vakafa mune ramangwana. (Isa. 26:19; Hos. 13:14; Zvak. 20:11-13) Uye kana Jehovha aine zvaavimbisa, anotozvizadzisa. (Josh. 23:14) Jehovha anoda chaizvo kumutsa vakafa. Nei tichigona kutaura izvozvo?

6 Funga zvakataurwa naJobho. Aiva nechokwadi chekuti kunyange akafa, Jehovha aizosuwa kumuona achiraramazve. (Job. 14:14, 15.) Jehovha anonzwawo saizvozvo nezvevanamati vake vese vakafa. Anoda kuvamutsa, vaine utano hwakanaka uye vachifara. Asi Jehovha anonzwa sei nezvemabhiriyoni evanhu vakafa vasina kuwana mukana wekudzidza chokwadi nezvake? Mwari wedu ane rudo anoda kuvamutsawo. (Mab. 24:15) Anoda kuti vawane mukana wekuti vakwanise kuva shamwari dzake, vorarama nekusingaperi panyika. (Joh. 3:16) Saka zviri pachena kuti Jehovha anoda kumutsa vakafa.

7-8. Nei tiine chokwadi chekuti Jehovha ane simba rekumutsa vakafa?

7 Jehovha anewo simba rekumutsa vakafa here? Zviri pachena kuti anaro! Ndiye “Wemasimbaose.” (Zvak. 1:8) Saka ane simba rekukunda chero muvengi, kunyange rufu. (1 VaK. 15:26) Kuziva izvozvo kunotisimbisa uye kunotinyaradza. Funga zvakaitika kuna Hanzvadzi Emma Arnold. Kutenda kwavo nekwemhuri yavo kwakaedzwa chaizvo muHondo Yenyika II. Kuti anyaradze mwanasikana wake pakufirwa kwavainge vaitwa nehama dzavo vari mumisasa yevasungwa yeNazi, Emma akati: “Kana vakafa vasingakwanisi kuraramazve, izvozvo zvinoreva kuti muvengi wedu rufu ane simba kupfuura Mwari. Asi ichocho hachisi chokwadi.” Zviri pachena kuti hapana chinhu chine simba rinopfuura raJehovha! Mwari wemasimbaose uyo akasika upenyu anokwanisa kudzorera upenyu kune vakafa.

8 Chimwe chikonzero chinoita kuti tizive kuti Mwari anokwanisa kumutsa vakafa ndechekuti anokwanisa kuyeuka zvinhu zvese. Anoshevedza nyeredzi imwe neimwe nezita rayo. (Isa. 40:26) Uyewo anoyeuka vaya vakafa. (Job. 14:13; Ruka 20:37, 38) Zviri nyore chaizvo kwaari kuti ayeuke kanhu kese kane chekuita nevaya vaachamutsa, kusanganisira zvavainge vakaita, unhu hwavo, zvakaitika muupenyu hwavo, uye zvavaiziva.

9. Nei uchibvuma kuti Jehovha achamutsa vakafa mune ramangwana?

9 Tinobvuma vimbiso yaJehovha yekuti achamutsa vakafa mune ramangwana nekuti tinoziva kuti ane chido nesimba rekuizadzisa. Chimwe chikonzero chinoita kuti tibvume vimbiso yaMwari yekumutsa vakafa ndechekuti Jehovha akatombozviita. Munguva inotaurwa muBhaibheri, akapa vamwe varume vakatendeka, kusanganisira Jesu, simba rekumutsa vakafa. Ngationgororei imwe nyaya inotaura nezvemumwe munhu akamutswa naJesu, iri muna Johani chitsauko 11.

JESU ANOFIRWA NESHAMWARI YAKE YAANODA

10. Chii chinoitika Jesu paari kuparidza mhiri kwaJodhani, uye anoitei? (Johani 11:1-3)

10 Verenga Johani 11:1-3. Funga zvaiitika muBhetani gore ra32 C.E. rava kunopera. Jesu ane shamwari dzake dzepedyo dzinogara munharaunda iyi dzinoti Razaro nehanzvadzi dzake mbiri, Mariya naMarita. (Ruka 10:38-42) Asi Razaro anobva arwara, uye hanzvadzi dzake dzinonetseka chaizvo. Vanotumira shoko kuna Jesu, uyo ari mhiri kwaJodhani, uye uyu mufambo wemazuva angasvika maviri kubva kuBhetani. (Joh. 10:40) Asi Razaro anobva afa panenge panguva inosvika shoko racho kuna Jesu. Kunyange zvazvo Jesu achiziva kuti shamwari yake yafa, anoramba ari kwaari kwemamwe mazuva maviri obva azoenda kuBhetani. Saka Jesu paanozosvika, Razaro anenge atova nemazuva mana afa. Jesu ari kuda kuita chimwe chinhu chichabatsira shamwari dzake uye chichakudza Mwari.—Joh. 11:4, 6, 11, 17.

11. Nyaya iyi inotidzidzisei nezveushamwari?

11 Nyaya iyi ine zvainotidzidzisa nezveushamwari. Funga izvi: Mariya naMarita pavakatumira shoko kuna Jesu, havana kumukumbira kuti auye kuBhetani. Vakangotaura kuti shamwari yake yepamwoyo yairwara. (Joh. 11:3) Razaro paakafa, Jesu aigona kumumutsa ari kure. Asi akasarudza kuenda kuBhetani kuti ave neshamwari dzake, Mariya naMarita. Une shamwari inokubatsira usina kuikumbira here? Kana uinayo unoziva kuti ichakubatsira “panguva yekutambudzika.” (Zvir. 17:17) Sezvakaita Jesu, ngativei shamwari yakadaro kune vamwe! Iye zvino ngatidzokerei kunyaya yacho tione zvinobva zvaitika.

12. Jesu anovimbisei Marita, uye nei Marita achigona kutenda vimbiso iyoyo? (Johani 11:23-26)

12 Verenga Johani 11:23-26. Marita anoziva kuti Jesu ava pedyo neBhetani. Anomhanyira kunomuchingura, obva ati: “Ishe, kudai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” (Joh. 11:21) Ichokwadi kuti Jesu aigona kunge akaporesa Razaro. Asi Jesu ari kuda kuita chimwe chinhu chinotoshamisa kupfuura ipapo. Anovimbisa kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Anoudzawo Marita chimwe chikonzero chekuti atende muvimbiso yake, achiti: “Ndini rumuko neupenyu.” Mwari akapa Jesu simba rekumutsa vakafa. Jesu akanga ambomutsa mumwe musikana ainge achangobva kufa, uye akamutsawo rimwe jaya musi waringangodaro rakafa. (Ruka 7:11-15; 8:49-55) Asi anokwanisa here kumutsa munhu ava nemazuva mana afa uyo anenge atotanga kuora?

“RAZARO, BUDA!”

Jesu akasiririswa chaizvo paakaona shamwari dzake dzaichema (Ona ndima 13-14)

13. Sezvakanyorwa pana Johani 11:32-35, Jesu anoita sei paanoona Mariya nevamwe vachichema? (Onawo mufananidzo.)

13 Verenga Johani 11:32-35. Fungidzira zvakabva zvaitika. Mariya, hanzvadzi yaRazaro anobuda kunochingura Jesu. Anodzokorora zvakanga zvataurwa naMarita achiti: “Ishe, kudai makanga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Mariya nevamwe vaainavo vari kurwadziwa zvakanyanya. Jesu paanovaona, ovanzwa vachichema, anoshungurudzika zvakanyanya. Anosiririswa zvakanyanya neshamwari dzake zvekuti misodzi inotanga kuyerera. Anonzwisisa kurwadza kwazvinoita kana wafirwa nemunhu waunoda. Saka anonyatsoda kubvisa zviri kukonzera misodzi yavo!

14. Tinodzidzei nezvaJehovha kubva pane zvakaitwa naJesu paakaona Mariya achichema?

14 Zvakaitwa naJesu paakaona Mariya achichema zvinotidzidzisa kuti Jehovha ndiMwari wetsitsi huru. Nei tingataura kudaro? Sezvatakaona munyaya yakapfuura, Jesu anonyatsotevedzera mafungiro aBaba vake uye manzwiro avo. (Joh. 12:45) Saka patinoverenga kuti Jesu akasiririswa chaizvo paakaona shamwari dzake dzichishungurudzika zvekuti akachema, tinogona kutaura kuti Jehovha anosiririswawo chaizvo paanoona misodzi yedu yekurwadziwa. (Pis. 56:8) Zviri pachena kuti izvi zvinoita kuti ude kuswedera pedyo naMwari wedu ane tsitsi.

Jesu akaratidza kuti ane simba rekumutsa vanhu (Ona ndima 15-16)

15. Sezvinotaurwa pana Johani 11:41-44, chii chinoitika paguva raRazaro? (Onawo mufananidzo.)

15 Verenga Johani 11:41-44. Jesu anosvika paguva raRazaro obva avati vabvise dombo rakavhara guva racho. Marita haabvumirani nazvo nekuti ari kufunga kuti mutumbi wacho unofanira kunge wava kunhuhwa. Jesu anopindura kuti: “Handina kukuudza here kuti kana ukatenda uchaona kubwinya kwaMwari?” (Joh. 11:39, 40) Jesu anobva atarisa kudenga, onyengetera vanhu vese vachinzwa. Anoda kuti Jehovha akudzwe nezvava kuda kuitika. Jesu anobva ashevedzera kuti: “Razaro, buda!” Razaro anobva abuda muguva racho! Jesu aita chimwe chinhu chaionekwa nevamwe sechisingaitiki.—Ona nyaya inoti, “Nei zvakatorera Jesu mazuva mana kuti asvike paguva raRazaro?” iri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2008, peji 31.

16. Nyaya iri muna Johani chitsauko 11 inosimbisa sei kutenda kwatinoita mutariro yerumuko?

16 Nyaya iri muna Johani chitsauko 11 inosimbisa kutenda kwatinoita mutariro yerumuko. Inotisimbisa sei? Yeuka vimbiso yaJesu kuna Marita yekuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” (Joh. 11:23) Kungofanana naBaba vake, Jesu ane chido nesimba rekuzadzisa vimbiso iyoyo. Misodzi yake inoratidza kuti anoda chaizvo kubvisa rufu nemarwadzo arwunokonzera. Uye kubuda kwakaita Razaro muguva achifamba, kunoratidza kuti Jesu ane simba rekumutsa vakafa. Yeukawo kuti Jesu akayeuchidza Marita kuti: “Handina kukuudza here kuti kana ukatenda uchaona kubwinya kwaMwari?” (Joh. 11:40) Tine zvikonzero zvakanaka zvekuti tibvume kuti vimbiso yaMwari yekumutsa vakafa ichazadziswa. Asi tingaitei kuti tariro iyi iwedzere kuva yechokwadi kwatiri?

ZVATINGAITA KUTI TARIRO YERUMUKO IWEDZERE KUVA YECHOKWADI KWATIRI

17. Tinofanira kuyeukei patinoverenga nyaya dzemuBhaibheri dzinotaura nezvekumutswa kwevakafa?

17 Verenga uye fungisisa nezvekumutswa kwakamboitwa vamwe vanhu kare. Bhaibheri rinotaura nezvevanhu 8 vakamutswa kuti vararame pano panyika. c Unogona kunyatsoongorora nyaya idzi. Paunenge uchidaro, yeuka kuti ava vaiva vanhu chaivo—varume, vakadzi, nevana. Tsvaga zvidzidzo zviri munyaya idzi. Funga kuti imwe neimwe yenyaya idzi inoratidza sei kuti Mwari ane chido nesimba rekumutsa vakafa. Uyewo, funga nezvekumutswa kwaJesu uko kunonyanya kukosha kupfuura kwevamwe vanhu vese. Yeuka kuti kumutswa kwake kwakapupurirwa nemazana evanhu uye kunoita kuti tive nekutenda kwakasimba.—1 VaK. 15:3-6, 20-22.

18. Ungashandisa sei zvakanaka nziyo dzedu dzinotaura nezvetariro yerumuko? (Onawo mashoko emuzasi.)

18 Shandisa zvakanaka “nziyo dzemweya” dzinotaura nezvetariro yerumuko. d (VaEf. 5:19) Nziyo idzi dzinoita kuti tariro yerumuko iwedzere kuva yechokwadi kwatiri uye dzinosimbisa kutenda kwatinoita mutariro iyi yakazonaka. Dziteerere, dzidzira kudziimba zvakanaka, uye kurukurai zvinorehwa nemashoko adzo pamunoita kunamata kwemhuri. Bata nemusoro mashoko acho uye ita kuti ave mumwoyo mako. Kana zvikazoitika kuti wasangana nedambudziko rinogona kuguma nekurasikirwa neupenyu kana kuti kufirwa nehama kana shamwari yako, mweya waJehovha uchakubatsira kuti uyeuke nziyo idzi uye unogona kunyaradzwa uye kusimbiswa nadzo.

19. Chii chatingafungidzira nezverumuko? (Ona bhokisi rakanzi “ Zvii Zvauchavabvunza?”)

19 Fungidzira. Jehovha akaita kuti tikwanise kufungidzira tiri munyika itsva. Imwe hanzvadzi yakati: “Ndava nenguva yakareba chaizvo ndichifungidzira ndiri munyika itsva zvekuti zvinoita sekuti ndinokwanisa kunzwa kunhuhwirira kwemaruva muParadhiso.” Fungidzira uchionana nevarume nevakadzi vaiva nekutenda vanotaurwa muBhaibheri. Ndiani wauri kutarisira kuzoonana naye? Unoda kuzomubvunzei? Fungidzirawo uchionana nehama neshamwari dzako dzinenge dzamutswa. Fungidzira mashoko auchatanga kuvaudza, kumbundirana kwamuchaita, uye kufara kwauchaita pauchavaona.

20. Tinofanira kuva nechido chekuitei?

20 Tinotenda chaizvo Jehovha nevimbiso yerumuko yaakatipa! Tinogona kuva nechokwadi chekuti ichazadzika nekuti Jehovha ane chido nesimba rekuizadzisa. Ngatirambei tichisimbisa kutenda kwatinoita mutariro iyi inokosha. Patinoita izvozvo tichawedzera kuswedera pedyo naMwari, uyo anovimbisa mumwe nemumwe wedu kuti, ‘Hama neshamwari dzako dzichamuka!’

RWIYO 147 Upenyu Husingaperi Hwakapikirwa

a Kana wakafirwa nemunhu waunoda, zviri pachena kuti vimbiso yerumuko inokunyaradza chaizvo. Asi ungatsanangurira sei vamwe kuti nei uchitenda muvimbiso iyoyo? Uye ungaitei kuti tariro yerumuko iwedzere kuva yechokwadi kwauri? Chinangwa chenyaya ino ndechekutibatsira tese kuti tisimbise kutenda kwatinoita mutariro yerumuko.

b Vhidhiyo yacho yemumhanzi inonzi Yatosvika uye yakabuda pabroadcast yaNovember 2016.

c Ona bhokisi rakanzi “Vanhu 8 Vakamutswa Vanotaurwa muBhaibheri” riri muNharireyomurindi yaAugust 1, 2015, peji 4.

d Ona nziyo dzinotevera mubhuku redu renziyo rinonzi ‘Imbira Jehovha Uchifara’:Zvione Uripo, Zvese Zvava Zvitsva” (Rwiyo 139), “Ramba Wakatarisa Mubayiro!” (Rwiyo 144), uye “Achashevedza” (Rwiyo 151). Onawo dzimwe nziyo dziri pajw.org dzinoti “Yatosvika,” “Nyika Itsva,” uye “Uchaona Zvichiitika.”