NYAYA YEKUDZIDZA 17
Jehovha Achakubatsira Pamatambudziko Anoerekana Aitika
“Matambudziko emunhu akarurama mazhinji, asi Jehovha anomununura maari ese.”—PIS. 34:19.
RWIYO 44 Munyengetero Wemunhu Akasuruvara
ZVICHADZIDZWA a
1. Chii chatiine chokwadi nacho?
SEZVO tiri vanhu vaJehovha, tinoziva kuti anotida uye kuti anoda kuti tinyatsonakidzwa neupenyu. (VaR. 8:35-39) Tinewo chokwadi chekuti mazano eBhaibheri anotibatsira pese patinoashandisa. (Isa. 48:17, 18) Asi tingaitei kana tikasangana nematambudziko atinenge tisingatarisiri?
2. Matambudziko api atinosangana nawo uye angaita kuti tive nemibvunzo ipi?
2 Vashumiri vaJehovha vese vanosangana nematambudziko. Semuenzaniso, mumwe munhu wemumhuri anogona kutiodza mwoyo. Tinogona kuva nematambudziko akakura eutano anotitadzisa kuita zvakawanda mubasa raJehovha. Tinogona kuva mumatambudziko anokonzerwa nenjodzi dzinongoitika dzega. Kana kuti tingatambudzirwa zvatinotenda. Patinosangana nematambudziko akadaro tingazvibvunza kuti: ‘Nei izvi zviri kuitika kwandiri? Chii chandakatadza? Izvi zvinoreva here kuti Jehovha haasi kundikomborera?’ Wakambonzwawo saizvozvo here? Kana zvakadaro, usaora mwoyo. Vashumiri vaJehovha vakatendeka vakawanda vakambovawo nemanzwiro akadaro.—Pis. 22:1, 2; Hab. 1:2, 3.
3. Tinodzidzei pana Pisarema 34:19?
3 Verenga Pisarema 34:19. Cherechedza pfungwa mbiri dzinokosha dziri mupisarema iri dzinoti: (1) Vanhu vakarurama vanosangana nematambudziko. (2) Jehovha anotinunura mumatambudziko edu. Jehovha anotinunura sei? Imwe nzira ndeyekutibatsira kuti tinyatsoona upenyu hwemunyika ino sezvahuri. Kunyange zvazvo Jehovha achivimbisa kuti tichava nemufaro pakumushumira, haativimbisi kuti tichava neupenyu husina matambudziko iye zvino. (Isa. 66:14) Anotikurudzira kuti tiise pfungwa dzedu pane ramangwana, patichava neupenyu hwaanoda kuti tinakidzwe nahwo nekusingaperi. (2 VaK. 4:16-18) Panguva ino ari kutibatsira kuti tirambe tichimushumira zuva rimwe nerimwe.—Mari. 3:22-24.
4. Tichakurukurei munyaya ino?
4 Ngatikurukurei zvatingadzidza kubva pamienzaniso yevashumiri vaJehovha vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri uye vemazuva ano. Sezvatichaona, tinogona kungoerekana tasangana nematambudziko. Asi patinovimba naJehovha, acharamba achititsigira. (Pis. 55:22) Sezvatichakurukura mienzaniso iyi, zvibvunze kuti: ‘Ndingadai ndakaita sei mumamiriro ezvinhu akadaro? Mienzaniso iyi yasimbisa sei kuvimba kwandinoita naJehovha? Zvidzidzo zvipi zvandinogona kushandisa muupenyu hwangu?’
MUNGUVA INOTAURWA MUBHAIBHERI
5. Jakobho akasangana nematambudziko api akakonzerwa naRabhani? (Ona mufananidzo uri pakavha.)
5 Vashumiri vaJehovha vanotaurwa muBhaibheri vakasangana nematambudziko avakanga vasingatarisiri. Funga nezvaJakobho. Akarayirwa nababa vake kuti atore mudzimai pavanasikana vaRabhani, hama yavo yaitenda muna Jehovha uye akavimbiswa kuti Jehovha aizomukomborera zvikuru. (Gen. 28:1-4) Saka Jakobho akaita zvaaifanira kuita. Akabva munyika yeKenani ndokuenda kumba kwaRabhani uyo aiva nevanasikana vaviri, Reya naRakeri. Jakobho akatorwa mwoyo nemwanasikana mudiki waRabhani, Rakeri, uye akabvuma kushandira baba vake kwemakore manomwe asati amuroora. (Gen. 29:18) Asi zvinhu hazvina kufamba sezvaitarisirwa naJakobho. Rabhani akamunyengera kuti aroore mwanasikana wake mukuru, Reya. Rabhani akazobvumira Jakobho kuti aroore Rakeri kwapera vhiki asi ndokunge aizomushandira mamwe makore manomwe. (Gen. 29:25-27) Rabhani akabiridzirawo Jakobho panyaya dzebhizinesi. Akabata Jakobho zvisina kunaka kwemakore 20.—Gen. 31:41, 42.
6. Ndeapi mamwe matambudziko akatsungirirwa naJakobho?
6 Jakobho ane mamwe matambudziko aakatsungirira. Aiva nemhuri yakakura, asi vanakomana vake vaimbopota vachinetsana. Vakatotengesa munin‵ina wavo Josefa kuti ave muranda. Vamwe vanakomana vaviri vaJakobho, Simiyoni naRevhi vakashoresa mhuri yavo uye vakazvidzisa zita raJehovha. Uyewo mudzimai aidiwa chaizvo naJakobho, Rakeri, akafa paaisununguka mwana wavo wechipiri. Uye nzara huru yakaitika munyika yakaita kuti Jakobho atamire kuIjipiti akwegura.—Gen. 34:30; 35:16-19; 37:28; 45:9-11, 28.
7. Jehovha akaratidza sei kuti aifarira Jakobho?
7 Pasinei nematambudziko ese aya, Jakobho akaramba achitenda muna Jehovha uye muvimbiso dzake. Jehovha akaratidza kuti aifarira Jakobho. Semuenzaniso, pasinei nekuti Jakobho ainyengerwa naRabhani, Jehovha akakomborera Jakobho nepfuma. Uye Jakobho anofanira kunge akaonga Jehovha chaizvo paakaonazve mwanakomana wake Josefa uyo waaifunga kuti akanga ava nemakore afa. Kuva neushamwari hwepedyo naJehovha, kwakaita kuti Jakobho akwanise kutsungirira matambudziko ake. (Gen. 30:43; 32:9, 10; 46:28-30) Patinoramba tiine ushamwari hwepedyo naJehovha, tinogonawo kutsungirira matambudziko atinoerekana tasangana nawo.
8. Mambo Dhavhidhi aida kuitei?
8 Mambo Dhavhidhi aisakwanisa kuita zvese zvaaida kuitira Jehovha. Semuenzaniso, Dhavhidhi aida chaizvo kuvakira Mwari wake temberi. Akaudza muprofita Natani nezvechido ichocho. Natani akamupindura kuti: “Itai chero zviri mumwoyo menyu, nekuti Mwari wechokwadi anemi.” (1 Mak. 17:1, 2) Dhavhidhi anofanira kunge akakurudzirwa chaizvo nemashoko iwayo. Zvimwe akabva atotanga kugadzirira basa iri rainge rakakura.
9. Dhavhidhi akaita sei paakanzwa mashoko asingafadzi?
9 Pasina nguva, muprofita waJehovha akauyazve kuna Dhavhidhi nemashoko asingafadzi. “Usiku ihwohwo chaihwo,” Jehovha akaudza Natani kuti Dhavhidhi haasi iye aizovaka temberi, asi yaizovakwa nemumwe wevanakomana vake. (1 Mak. 17:3, 4, 11, 12) Dhavhidhi akaita sei paakanzwa mashoko aya? Akabva achinja zvaaida kuita. Akatanga kuunganidza mari uye zvinhu zvaizoshandiswa nemwanakomana wake Soromoni pabasa iri.—1 Mak. 29:1-5.
10. Jehovha akakomborera sei Dhavhidhi?
10 Achangobva kuudza Dhavhidhi kuti haasi iye aizovaka temberi, Jehovha akabva aita sungano naye. Jehovha akavimbisa Dhavhidhi kuti mumwe wevana vake aizotonga nekusingaperi. (2 Sam. 7:16) Munyika itsva, Mumakore 1 000 Ekutonga kwaJesu, Dhavhidhi achafara chaizvo paachaziva kuti Mambo anenge achitonga ndewedzinza rake. Nyaya iyi inotibatsira kuona kuti kunyange tikasakwanisa kuita zvese zvatinenge tichida kuitira Jehovha, Mwari wedu anogona kutikomborera neimwe nzira yatanga tisingafungiri.
11. VaKristu vekutanga vakakomborerwa sei kunyange zvazvo Umambo husina kuuya pavaihutarisira? (Mabasa 6:7)
11 VaKristu Vekutanga vaisanganawo nematambudziko avaisatarisira. Semuenzaniso, vaida chaizvo kuti Umambo hwaMwari huuye asi vaisaziva kuti hwaizouya riini. (Mab. 1:6, 7) Saka vakaita sei? Vakaramba vachiita basa rekuparidza. Mashoko akanaka paaipararira, vakaona kuti Jehovha aikomborera basa ravo.—Verenga Mabasa 6:7.
12. VaKristu vekutanga vakaitei pakwaiva nenzara?
12 Pane imwe nguva, “munyika yese” makaita nzara huru. (Mab. 11:28) Dambudziko iri rakabatawo vaKristu vekutanga. Fungidzira kuti nzara huru iyi yakaita kuti vatambure zvakadii. Zviri pachena kuti misoro yemhuri yainetseka kuti ichawana sei zvekuraramisa mhuri dzayo. Ko vechidiki vaironga kuwedzera ushumiri hwavo vakakanganiswawo sei? Kuti vakafunga kumbomira kuita zvavakanga varonga here? Pasinei nezvaiitika panguva yacho, vaKristu vakaita maererano nemamiriro ezvinhu aivapo. Vakaramba vachiita zvese zvavaigona kuti vaparidze uye vakawana mufaro wekupa zvavaiva nazvo kuhama nehanzvadzi dzavo dzemuJudhiya.—Mab. 11:29, 30.
13. Makomborero api akawanikwa nevaKristu panguva yenzara?
13 VaKristu vakawana makomborero api panguva yenzara? Vaya vakagamuchira zvinhu zvakanga zvapiwa nedzimwe hama, vakazvionera vega kutsigirwa kwavakaitwa naJehovha. (Mat. 6:31-33) Vanofanira kunge vakawedzera kunzwa vari pedyo nehama nehanzvadzi dzavo dzakanga dzavabatsira. Uye vaya vakapa zvinhu zvavo kana kuti vakabatsira pabasa rekuyamura, vakawana mufaro unobva pakupa. (Mab. 20:35) Jehovha akakomborera vese nekuti vakaita maererano nekuchinja kwakanga kwaita zvinhu.
14. Chii chakaitika kuna Bhanabhasi nemuapostora Pauro uye zvakaguma nei? (Mabasa 14:21, 22)
14 VaKristu vekutanga vaiwanzotambudzwa uye dzimwe nguva zvaiitika vasingatarisiri. Funga zvakaitika kuna Bhanabhasi nemuapostora Pauro pavaiparidza muRistra. Pakutanga vakagamuchirwa zvakanaka nevaya vakavateerera. Pave paya, vaJudha vaipikisa ‘vakafurira vanhu’ uye vamwe vanhu ivavo vakatema Pauro nematombo ndokumusiya vachifunga kuti afa. (Mab. 14:19) Asi Bhanabhasi naPauro vakaenderera mberi nekuparidza kune imwe nzvimbo. Zvakaguma nei? Vakaita kuti vanhu “vakawanda vave vadzidzi” uye mashoko avo nemuenzaniso wavo zvakasimbisa hama nehanzvadzi dzavo. (Verenga Mabasa 14:21, 22.) Vakawanda vakabatsirwa nekuti Bhanabhasi naPauro havana kukanda mapfumo pasi pavakangoerekana vava kutambudzwa. Isuwo tichakomborerwa kana tikasakanda mapfumo pasi pabasa ratakanzi naJehovha tiite.
MAZUVA ANO
15. Unodzidzei pamuenzaniso waHama A. H. Macmillan?
15 Gore ra1914 risati rasvika vanhu vaJehovha vaiva nezvinhu zvikuru zvavaitarisira. Funga nezvaHama A. H. Macmillan. Kufanana nevamwe vepanguva iyoyo, Hama Macmillan vaifunga kuti vaizowana mubayiro wavo wekudenga nekukurumidza. Muhurukuro yavakapa muna September 1914, vakati: “Iyi inogona kunge iri hurukuro yangu yekupedzisira yandichapa paruzhinji.” Asi haina kuzova hurukuro yavo yekupedzisira. Hama Macmillan vakazonyora kuti: “Zvichida vamwe vedu takamhanyirira kufunga kuti taizoenda kudenga pakarepo.” Vakawedzera kuti: “Tinofanira kuramba tiine zvakawanda zvekuita mubasa raShe.” Hama Macmillan vakaramba vaine zvakawanda zvekuita. Vaishingaira muushumiri. Vaiva neropafadzo yekukurudzira hama dzakawanda dzaiva mujeri nekuti dzakanga dzaramba kupinda muchiuto. Uye vairamba vachipinda misangano yeungano kunyange pavakanga vakwegura. Hama Macmillan vakabatsirwa sei nekushandisa nguva yavo zvakanaka pavaimirira mubayiro wavo? Nguva pfupi vasati vafa muna 1966, vakanyora kuti: “Kutenda kwangu kuchiri kwakasimba sezvakwagara kwakaita.” Aya maonero akanaka chaizvo atinofanira kutevedzera tese zvedu kunyanya kana tatsungirira kwenguva yakareba kupfuura yataitarisira!—VaH. 13:7.
16. Herbert Jennings nemudzimai wake vakaerekana vava nedambudziko ripi? (Jakobho 4:14)
16 Vanhu vaJehovha vakawanda vanongoerekana vava nematambudziko eutano. Semuenzaniso, munyaya yavo yeupenyu, Hama Herbert Jennings b vakatsanangura kuti ivo nemudzimai wavo vainakidzwa zvakadii nebasa ravo reumishinari muGhana. Asi nekufamba kwenguva, Hama Jennings vakava nechirwere chinokanganisa pfungwa. Vachifunga nezvemashoko ari pana Jakobho 4:14, Hama Jennings vakatsanangura mamiriro avo ezvinhu vachiti “aiva ‘ramangwana’ ratakanga tisingatarisiri.” (Verenga.) Vakanyora kuti: “Tichibvuma kuti ndizvo zvakanga zvavapo, takaronga kuti tibve muGhana uye tisiye shamwari dzedu dzepedyo dzakawanda todzokera kuCanada [kuti ndinorapwa].” Jehovha akabatsira Hama Jennings nemudzimai wavo kuti varambe vachimushumira vakatendeka pasinei nedambudziko ravakanga vainaro.
17. Muenzaniso waHama Jennings wakabatsira sei vamwe vaKristu?
17 Mashoko aHama Jennings avakataura achibva pasi pemwoyo akabatsira chaizvo vakawanda. Imwe hanzvadzi yakanyora kuti: “Handisati ndambobatwabatwa zvakadaro sezvandakaita pandakaverenga nyaya iyi. . . . Kuverenga nezvekusiya kwakaita Hama Jennings basa reumishinari kuti vanorapwa, kwakandibatsira kuona mamiriro angu ezvinhu neziso rakanaka.” Imwewo hama yakanyora kuti: “Pashure pekushumira semukuru muungano kwemakore 10, ndaifanira kusiya ropafadzo yangu nemhaka yechirwere chepfungwa. Kunzwa sendakundikana kwaiwanzoita kuti ndiore mwoyo chaizvo zvekutadza kuverenga nyaya dzeupenyu. . . . Asi kutsungirira kwaHama Jennings kwakandikurudzira.” Izvi zvinotiyeuchidza kuti patinotsungirira dambudziko rinongoerekana raitika, tinogona kukurudzira vamwe. Kunyange zvinhu zvisingafambi sezvataitarisira muupenyu, tinogona kuva muenzaniso wekutenda uye kutsungirira.—1 Pet. 5:9.
18. Sezviri kuratidzwa mumifananidzo, unodzidzei pamuenzaniso wechirikadzi yekuNigeria?
18 Vanhu vaJehovha vakawanda vakasangana nematambudziko akadai sechirwere cheCOVID-19. Semuenzaniso, imwe chirikadzi yekuNigeria yaingova nezvinhu zvishoma zvekurarama nazvo. Mumwe musi ari mangwanani, mwanasikana wayo akaibvunza kuti vaizodyei pashure pekunge vabika kapu yavo yemupunga yekupedzisira. Hanzvadzi yedu yakaudza mwanasikana wayo kuti vakanga vasisina mari kana chikafu asi kuti vaifanira kutevedzera chirikadzi yekuZarefati. Vakabika zvekudya zvavo zvekupedzisira uye vakavimba zvizere naJehovha. (1 Madz. 17:8-16) Vasati vatombotanga kufunga nezvekuti vachadyei masikati ezuva racho, vakagamuchira zvinhu zvakabva kuhama nehanzvadzi dzavo. Zvinhu zvavakapiwa zvaisanganisira zvekudya zvemavhiki anopfuura maviri. Hanzvadzi yedu yakati haina kuziva kuti Jehovha akanga achinyatsoteerera zvayakanga yaudza mwanasikana wayo. Patinovimba naJehovha, matambudziko anongoerekana aitika muupenyu anototiswededza pedyo naye.—1 Pet. 5:6, 7.
19. Aleksey Yershov akatsungirira kutambudzwa kwakaita sei?
19 Mumakore achangopfuura, hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzakatsungirira kutambudzwa uko kwakangotanga dzisingatarisiri. Funga nezvaHama Aleksey Yershov, avo vanogara kuRussia. Vanhu vaJehovha munyika iyoyo vaiva nerusununguko Hama Yershov pavakabhabhatidzwa muna 1994. Asi makore akazotevera zvinhu zvakachinja muRussia. Muna 2020, mapurisa akaerekana apinda pamba paHama Yershov ndokutanga kusecha uye vakatora zvinhu zvavo zvakawanda. Papera mwedzi yakati kuti, hurumende yakapomera Hama Yershov mhosva. Zvainge zvakatonyanya kuipa ndezvekuti mhosva dzavaipiwa dzaibva pamavhidhiyo ainge atorwa nemumwe munhu ainyepera kufarira kudzidza Bhaibheri kwerinenge gore. Uhwu hwaiva unyengeri chaihwo.
20. Hama Yershov vakasimbisa sei ushamwari hwavo naJehovha?
20 Pane chakanaka here chakabuda pakutambudzwa kwaHama Yershov? Hongu. Ushamwari hwavo naJehovha hwawedzera kusimba. Vanoti: “Ini nemudzimai wangu takawedzera kunyengetera kwatinoita tiri pamwe chete. Ndakaona kuti handikwanisi kutsungirira dambudziko rangu ndisingabatsirwi naJehovha.” Vanowedzera kuti: “Kudzidza ndiri ndega kwakandibatsira kuti ndirwise kuora mwoyo. Ndinofungisisa nezvemienzaniso yevashumiri vakatendeka vekare. Pane nyaya dzakawanda dziri muBhaibheri dzinoratidza kukosha kwazvinoita kuti tirambe takadzikama uye tichivimba naJehovha.”
21. Tadzidzei munyaya ino?
21 Tadzidzei munyaya ino? Upenyu munyika ino hunongoerekana hwachinja. Kunyange zvakadaro, Jehovha agara achibatsira vashumiri vake pavanovimba naye. Sezviri kutaurwa murugwaro rwedu ruri kutungamirira, “matambudziko emunhu akarurama mazhinji, asi Jehovha anomununura maari ese.” (Pis. 34:19) Ngatirambei takaisa pfungwa pakutsigirwa kwatinoitwa naJehovha, kwete pamatambudziko edu. Tikadaro, tinogona kutaura sezvakaita muapostora Pauro kuti: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”—VaF. 4:13.
RWIYO 38 Achakusimbisa
a Kunyange zvazvo dzimwe nguva tichisangana nematambudziko atisingatarisiri, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha acharamba achitsigira vanamati vake vakatendeka. Jehovha akabatsira sei vashumiri vake kare? Ari kutibatsira sei mazuva ano? Kukurukura nezvemienzaniso yemuBhaibheri uye yemazuva ano kuchaita kuti tiwedzere kuva nechivimbo chekuti kana tikavimba naJehovha, achatibatsirawo.