Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 18

Kurudziranai Pamisangano Yeungano

Kurudziranai Pamisangano Yeungano

“Ngativei nehanya nemumwe nemumwe, . . . tikurudzirane.”—VAH. 10:24, 25.

RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu

ZVICHADZIDZWA a

1. Nei tichipindura pamisangano?

 NEI tichipinda misangano yeungano? Chikonzero chikuru ndechekuti tirumbidze Jehovha. (Pis. 26:12; 111:1) Tinopindawo misangano kuitira kuti tikurudzirane munguva dzino dzakaoma. (1 VaT. 5:11) Patinosimudza ruoko topindura, tinenge tichiita zvinhu izvi zviri zviviri.

2. Mikana ipi yatiinayo yekupindura pamisangano yedu?

2 Vhiki rega rega, tine mikana yekupindura pamisangano yedu. Semuenzaniso, pakupera kwevhiki, tinogona kupindura paChidzidzo cheNharireyomurindi. Pamisangano yedu yepakati pevhiki, tinogona kupindura paKuchera Pfuma muShoko raMwari, paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano, uye pane zvimwe zvikamu zvekukurukura nevateereri.

3. Matambudziko api atingasangana nawo pakupindura, uye VaHebheru 10:24, 25 ingatibatsira sei?

3 Tese tinoda kurumbidza Jehovha uye kukurudzira hama nehanzvadzi dzedu. Asi patinopindura, pane zvinogona kutiomera. Tinogona kutya kupindura kana kuti tingava nechido chakakura chekupindura asi hatipinduriswi kakawanda sezvatingada. Chii chinogona kutibatsira? Tsamba yakanyorerwa vaHebheru naPauro inogona kutibatsira kuti tiwane mhinduro yacho. Paaitaura nezvekukosha kwekuungana pamwe chete, akati tinofanira kuisa pfungwa ‘pakukurudzirana.’ (Verenga VaHebheru 10:24, 25.) Patinoziva kuti vamwe vari muvateereri vanogona kukurudzirwa kunyange nemashoko mashoma anoratidza kutenda kwedu, hatizonyanyi kutya kupindura. Uye kana tikasasimudzwa kakawanda tinogona kufara kuti vamwe vari muungano vachawana mukana wekupindura.—1 Pet. 3:8.

4. Zvinhu zvipi zvitatu zvatichakurukura munyaya ino?

4 Munyaya ino tichakurukura kuti tingakurudzirana sei muungano diki mune vanhu vashoma vanopindura. Tichabva taongorora kuti tingakurudzirana sei muungano yakakura mune vanhu vakawanda vanosimudza maoko kuti vapindure. Tichapedzisa nekukurukura zvatingaita kuti tikurudzire vamwe nezvatinotaura.

KURUDZIRANAI MUUNGANO DIKI

5. Tingakurudzirana sei kana tiri vashoma pamusangano?

5 Muungano diki kana kuti boka, hamuna vanhu vakawanda vanosimudza maoko vekuti muitisi apindurise. Dzimwe nguva angafanira kumbomira kwekanguva kuti mumwe munhu asimudze ruoko. Musangano wacho ungaita seuri kunonoka, uye izvozvo hazvikurudziri. Chii chaunogona kuita? Iva nechido chekusimudza ruoko kakati wandei. Paunoita izvozvo, unogona kukurudzira vamwe kuti vapindure kakati wandei.

6-7. Tingaitei kuti tideredze kutya kwatinoita kupindura?

6 Ko kana uchitya kupindura? Vakawanda vanonzwa saizvozvo. Asi kuti uwedzere kukurudzira hama nehanzvadzi dzako, tsvaga zvimwe zvaungaita kuti uderedze kutya kupindura? Izvozvo ungazviita sei?

7 Unogona kuwana mazano anobatsira mumagazini eNharireyomurindi b akambobudiswa. Rimwe zano racho nderekuti nyatsogadzirira. (Zvir. 21:5) Kana uchinyatsoziva nyaya yacho, zvinokuitira nyore kuti usimudze ruoko kuti upindure. Itawo kuti mhinduro dzako dzive pfupi. (Zvir. 15:23; 17:27) Mhinduro pfupi inoita kuti usanyanya kunetseka. Mhinduro pfupi, zvichida ine mutsara mumwe chete kana miviri, ingava nyore kuti hama nehanzvadzi dzako dzinzwisise kupfuura mhinduro yakareba ine pfungwa dzakawanda. Paunopa mhinduro pfupi nemashoko ako, ucharatidza kuti wakanyatsogadzirira uye kuti unonyatsonzwisisa nyaya yacho.

8. Jehovha anoona sei zvatinoedza kuita nemwoyo wese?

8 Ko kana ukaedza kushandisa mamwe emazano aya asi woramba uchitya kupindura kaviri kana kupfuura? Iva nechokwadi chekuti Jehovha achakoshesa zvese zvaunoedza kuita nemwoyo wese. (Ruka 21:1-4) Jehovha haatikumbiri kuti tiite zvinopfuura zvatinokwanisa. (VaF. 4:5) Sarudza zvaunokwanisa kuita, iva nechinangwa chekuzviita, uye nyengetera kuti uve nemwoyo wakadzikama. Pakutanga, chinangwa ichocho chinogona kuva chekupa mhinduro imwe chete pfupi.

KURUDZIRANAI MUUNGANO YAKAKURA

9. Nei zvingaoma kupa mhinduro muungano dzakakura?

9 Kana ungano yenyu iine vaparidzi vakawanda, pane chimwe chinhu chingakuomera. Zvimwe hama nehanzvadzi dzakawanda dzinosimudza maoko kuti dzipindure zvekuti kakawanda ungasasimudzwa. Semuenzaniso, Danielle anonakidzwa nekupindura pamisangano. c Izvozvo anozviona sechikamu chekunamata kwake, senzira yekukurudzira vamwe, uye senzira yekusimbisa chokwadi cheBhaibheri mupfungwa dzake. Asi paakatamira muungano yakati kurei, kaiva kashoma kuti asimudzwe, uye dzimwe nguva musangano waitopera asina kana kumbosimudzwa. Anoti, “Zvaindishungurudza. Ndainzwa sekuti ndakanga ndisisina ropafadzo yekupindura. Pazvinoramba zvichiitika, unotanga kufunga kuti, asi vakatoronga kusandipindurisa.”

10. Tingaitei kuti tiwedzere mikana yedu yekupindura?

10 Wakambonzwawo sezvakaita Danielle here? Kana zvakadaro, ungava pamuedzo wekurega kupindura wongoita zvekuteerera pamusangano wacho. Asi usabva waramwa. Chii chaunogona kuita? Zvinogona kubatsira kana ukagadzirira mhinduro dzakati wandei pamusangano mumwe nemumwe. Kana ukasasimudzwa kwekutanga pachidzidzo chacho, unenge uchiine mimwe mikana yekupindura musangano wacho zvaunenge uchienderera mberi. Paunenge uchigadzirira chidzidzo cheNharireyomurindi, funga kuti ndima imwe neimwe yakabatana sei nemusoro wenyaya yacho. Kana ukadaro, uchakwanisa kupa mhinduro dzakanaka kubva panotanga chidzidzo chacho kusvika pachinopera. Uyewo, unogona kugadzirira mhinduro pandima dzinokurukura chokwadi chakadzama chakati omei kutsanangura. (1 VaK. 2:10) Izvi zvakanakirei? Panogona kuva nevanhu vashoma vanosimudza maoko pandima dzakadaro. Ko kana zvikaitika kuti pasinei nekushandisa mazano ese aya, unoona kuti pashure pemisangano yakati kuti hauna kuwana mukana wekupindura? Unogona kutaura nemuitisi musangano usati watanga, womuudza kuti mubvunzo upi waungada kupindura.

11. VaFiripi 2:4 inotikurudzira kuitei?

11 Verenga VaFiripi 2:4. Afemerwa naMwari, muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti vafunge zvakanakira vamwe. Tingashandisa sei zano iroro pamisangano? Tinofanira kuyeuka kuti vamwe vanodawo kupindura sezvatinoita.

Sezvo uchipawo vamwe mukana wekuti vataure pamunenge muchikurukura, ipawo vamwe mukana wekupindura pamisangano (Ona ndima 12)

12. Ndeipi nzira yakanaka yekukurudzira vamwe pamisangano? (Onawo mufananidzo.)

12 Chimbofunga izvi. Paunenge uchikurukura neshamwari dzako, unotaura kakawanda zvekuti dzinosara dziine mikana mishoma yekutaura here? Aiwa. Unoda kuti dzitaurewo. Saizvozvowo, pamisangano, tinoda kuti vakawanda vave nemikana yekupindura. Imwe nzira yakanaka chaizvo yekukurudzira hama nehanzvadzi dzedu ndeyekudzipa mikana yekutaura kutenda kwadzo. (1 VaK. 10:24) Ngatikurukurei kuti izvozvo tingazviita sei.

13. Tingaitei kuti vamwe vakwanisewo kupindura?

13 Kana mhinduro dzedu dziri pfupi, zvichapawo vakawanda mukana wekuti vapindure. Vakuru uye vamwe vaparidzi vane unyanzvi vanogona kuratidza muenzaniso panyaya iyi. Kunyange paunopa mhinduro pfupi, usataura pfungwa dzakawandisa. Kana ukataura zvese zvinenge zviri mundima yacho, vamwe vachashaya zvekutaura. Semuenzaniso, mundima ino mune mazano maviri ekuti mhinduro dzedu ngadzive pfupi uye tisataura pfungwa dzakawandisa. Kana uriwe watanga kusimudzwa kuti upindure mundima ino, zvakanaka kungotaura pfungwa imwe chete.

Ndepapi patingasarudza kusasimudza ruoko pamusangano? (Ona ndima 14) f

14. Chii chingatibatsira kusarudza kuti tosimudza ruoko kakawanda sei? (Onawo mufananidzo.)

14 Shandisa ungwaru paunenge uchisarudza kuti wopindura kakawanda sei. Kana tikaramba tichingosimudza ruoko rwedu, zvinogona kuita kuti ari kuitisa ave pamuedzo wekuramba achingotisimudza kunyange vamwe vasati vawana mukana wekupindura. Izvi zvinogona kuita kuti vamwe vaore mwoyo vobva varega kusimudza maoko.—Mup. 3:7.

15. (a) Tinofanira kuita sei kana tikasasimudzwa? (b) Anenge achiitisa musangano angaratidza sei kuti ane hanya nemunhu wese? (Ona bhokisi rakanzi “ Kana Uchiitisa Musangano.”)

15 Kana vaparidzi vakawanda vachisimudza maoko, tingasapindura kakawanda sezvatinenge tichida. Dzimwe nguva, anenge achiitisa angasatombotisimudza. Izvi zvinogona kutiodza mwoyo, asi hatifaniri kugumbuka kana tikasasimudzwa.—Mup. 7:9.

16. Tingakurudzira sei vamwe vanenge vapa mhinduro dzavo?

16 Kana usingakwanisi kupindura kakawanda sezvaunenge uchida, unogona kunyatsoteerera vamwe pavanopindura uye kana musangano wapera, vatende nemhinduro dzavanenge vapa. Hama nehanzvadzi dzako dzinogona kukurudzirwa nezvaunenge wadziudza sekukurudzirwa kwadzaizongoitwa nemhinduro dzako. (Zvir. 10:21) Kurumbidza vamwe ndeimwe nzira yakanaka yatinogona kukurudzira vamwe nayo.

DZIMWE NZIRA DZEKUKURUDZIRANA NADZO

17. (a) Vabereki vangabatsira sei vana vavo kugadzirira mhinduro dzakanaka? (b) Sezviri kuratidzwa muvhidhiyo, ndezvipi zvinhu zvina zvaunogona kuita paunenge uchigadzirira kuzopindura? (Onawo mashoko emuzasi.)

17 Zvii zvimwe zvatingaita kuti tikurudzirane pamisangano? Kana uri mubereki, batsira vana vako kugadzirira mhinduro dzinoenderana nemazera avo. (Mat. 21:16) Dzimwe nguva, nyaya dzakakura dzakadai sedzine chekuita nematambudziko anoitika muwanano kana kuti dzine chekuita netsika, dzinokurukurwa pamusangano, asi panogona kunge paine ndima imwe chete kana mbiri dzekuti mwana anogona kupindura. Itaiwo kuti vana venyu vazive kuti hapasi pese pavachasimudzwa. Kuvatsanangurira izvi kunogona kuvabatsira kuti vasaore mwoyo kana vamwe vakasimudzwa asi ivo vasina.—1 Tim. 6:18. d

18. Tingaitei kuti tisanyanya kutaura nezvedu patinenge tichipa mhinduro? (Zvirevo 27:2)

18 Tese tinogona kugadzirira mhinduro dzinokudza Jehovha uye dzinokurudzira vamwe vaKristu vatinonamata navo. (Zvir. 25:11) Kunyange zvazvo dzimwe nguva tingataura zvimwe zvinhu zvinenge zvakaitika muupenyu hwedu, hatifaniri kuzotaura zvakawanda nezvedu. (Verenga Zvirevo 27:2; 2 VaK. 10:18) Asi tinofanira kuita kuti mhinduro dzedu dzinyanye kutaura nezvaJehovha, Shoko rake, uye vanhu vake sesangano. (Zvak. 4:11) Kana mubvunzo weimwe ndima uchida kuti titaure zvakaitika muupenyu hwedu, zvakakodzera kuti tidaro. Muenzaniso weizvi tinouwana mundima inotevera yenyaya ino.

19. (a) Chii chichaitika kana tikaratidza kuti tine hanya nemunhu wese anenge apinda musangano? (VaRoma 1:11, 12) (b) Ndezvipi zvaunonyanya kufarira pakupindura pamisangano?

19 Kunyange zvazvo pasina mitemo yekuti tinofanira kupindura sei, tese tinogona kuedza kukurudzira vamwe nemhinduro dzedu. Izvi zvingada kuti tipindure kakati wandei. Kana kuti zvingareva kuti tinofanira kugutsikana nemikana yatinowana yekupindura uye tichifara kuti vamwe vawanawo mikana yekupa mhinduro dzavo. Kana tikaisa pfungwa pane zvinodiwa nevamwe muungano, tese tichanakidzwa ‘nekukurudzirana.’—Verenga VaRoma 1:11, 12.

RWIYO 93 Komborerai Kuungana Kwedu

a Tinokurudzirana patinopindura pamisangano. Asi vamwe vanonetseka chaizvo pavanofunga nezvekupindura. Vamwe vanonakidzwa nekupindura, asi vanoshuva kuti dai vaikwanisa kupindura kakati wandei. Pasinei nemanzwiro atinoita, tingaratidza sei kuti tine hanya nemumwe nemumwe kuitira kuti tese tinzwe takurudzirwa? Uye tingaitei kuti tipe mhinduro dzinokurudzira hama nehanzvadzi dzedu kuti dzive nerudo nemabasa akanaka? Nyaya ino ichatsanangura izvozvo.

c Zita rakachinjwa.

d Ona vhidhiyo iri pajw.org inonzi, Iva Shamwari yaJehovha—Gadzirira Kuzopindura.

f KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Muungano mune vanhu vakawanda, hama yambopindura iri kupa vamwe mukana wekupindurawo pamusangano.