Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 19

Tingasimbisa Sei Kutenda Kwedu Muvimbiso yaJehovha Yenyika Itsva?

Tingasimbisa Sei Kutenda Kwedu Muvimbiso yaJehovha Yenyika Itsva?

“Kana [Jehovha] akataura chimwe chinhu, angarega kuchiita here?”—NUM. 23:19.

RWIYO 142 Kubatisisa Tariro Yedu

ZVICHADZIDZWA a

1-2. Chii chatinofanira kuita patinenge takamirira nyika itsva?

 TINOKOSHESA vimbiso yaJehovha yekutsiva nyika ino nenyika itsva yakarurama. (2 Pet. 3:13) Kunyange zvazvo tisingazivi kuti nyika itsva ichauya riini, zvinhu zvatiri kuona zvichiitika munyika zvinoratidza kuti hatisi kuzomirira kwenguva refu.—Mat. 24:32-34, 36; Mab. 1:7.

2 Pasinei nekuti tine nguva yakareba zvakadii tiri muchokwadi, tese tinofanira kusimbisa kutenda kwedu muvimbiso iyoyo. Nei tichifanira kudaro? Nekuti kunyange kutenda kwakasimba kunogona kupedzisira kusisina kusimba. Muapostora Pauro akatoti kusava nekutenda “chivi chinotipiringisha nyore nyore.” (VaH. 12:1) Kuti kutenda kwedu kusazopedzisira kusisina kusimba, tinofanira kugara tichiongorora uchapupu hunoratidza kuti nyika itsva yava pedyo.—VaH. 11:1.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvitatu zvatingaita kuti tisimbise kutenda kwedu muvimbiso yaJehovha yenyika itsva zvinoti: (1) kufungisisa nezverudzikinuro, (2) kufunga nezvesimba raJehovha, uye (3) kuita zvinhu zvinotiswededza pedyo naMwari. Tichabva tazokurukura kuti mashoko aJehovha aakaudza Habhakuki anosimbisa sei kutenda kwedu mazuva ano. Asi ngatitangei nekukurukura mamwe mamiriro ezvinhu atingadaro tiri kutarisana nawo iye zvino ayo anoda kuti tive nekutenda kwakasimba muvimbiso yenyika itsva.

MAMIRIRO EZVINHU ANODA KUTI TIVE NEKUTENDA KWAKASIMBA

4. Zvisarudzo zvipi zvinoda kuti tive nekutenda kwakasimba?

4 Zuva nezuva tinoita zvisarudzo zvinoda kuti tive nekutenda kwakasimba. Semuenzaniso, tinoita zvisarudzo zvine chekuita neshamwari, varaidzo, dzidzo, wanano, vana, uye basa. Zvakanaka kuti tizvibvunze kuti: ‘Zvisarudzo zvandinoita zvinoratidza here kuti ndine chokwadi chekuti nyika ino iri kupfuura uye kuti yava pedyo kuti itsiviwe nenyika itsva yaMwari? Kana kuti ndinosarudza here kuita zvinhu zvakafanana nezvinoitwa nevanhu vasingatendi kuti vanogona kurarama nekusingaperi?’ (Mat. 6:19, 20; Ruka 12:16-21) Tichaita zvisarudzo zvakanaka kana tikasimbisa kutenda kwedu muvimbiso yekuti nyika itsva yava pedyo.

5-6. Nei tichida kutenda kwakasimba panguva dzakaoma? Taura muenzaniso.

5 Tinosanganawo nematambudziko anoda kuti tive nekutenda kwakasimba. Pamwe pacho tinogona kutambudzwa, kuva nechirwere chisingaperi, kana kuti tingasangana nezvimwe zvinhu zvingaita kuti tiore mwoyo. Pakutanga, tingatarisana nedambudziko racho neushingi. Asi kana rikaramba riripo kwenguva yakareba, tichada kutenda kwakasimba kuitira kuti titsungirire uye tirambe tichishumira Jehovha tichifara.—VaR. 12:12; 1 Pet. 1:6, 7.

6 Patinenge tiri mudambudziko, tinganzwa sekuti nyika itsva yaJehovha haimbofi yakauya. Izvi zvinoreva here kuti kutenda kwedu hakuna kusimba? Hazvina hazvo kudaro. Funga nezvemuenzaniso unotevera. Patinenge tiri mumwaka wechando kuchitonhora zvisingaiti, tinganzwa sekuti hakuzombofi kwakadziya. Asi mwaka unodziya unozouya. Saizvozvowo, patinenge takaora mwoyo zvikuru, tinganzwa sekuti nyika itsva haimbofi yakauya. Asi kana kutenda kwedu kwakasimba, tinoziva kuti vimbiso dzaMwari dzichazadzika. (Pis. 94:3, 14, 15; VaH. 6:17-19) Tiine chivimbo chakadaro, tinogona kuramba tichiita kuti kunamata Jehovha kuve pekutanga muupenyu hwedu.

7. Mafungiro api atisingafaniri kuva nawo?

7 Pamwe panodiwa kutenda kwakasimba pabasa rekuparidza. Vanhu vakawanda vatinoparidzira vanoona sekuti “mashoko akanaka” anotaura nezvenyika itsva iri kuuya kunongovawo kurota. (Mat. 24:14; Ezek. 33:32) Hatimbodi kurega maonero avo ekusava nechokwadi achipinda mupfungwa dzedu. Kuti izvozvo zvisaitika, tinofanira kuramba tichisimbisa kutenda kwedu. Ngatikurukurei zvinhu zvitatu zvatingaita kuti tisimbise kutenda kwedu.

FUNGISISA NEZVERUDZIKINURO

8-9. Kufungisisa nezverudzikinuro kunosimbisa sei kutenda kwedu?

8 Imwe nzira yekusimbisa kutenda kwedu ndeyekufungisisa nezverudzikinuro. Rudzikinuro runoita kuti tive nechokwadi chekuti vimbiso dzaMwari dzichazadzika. Patinonyatsofunga nezvekuti nei rudzikinuro rwakapiwa uye kuzvipira kwakaita Jehovha, tinosimbisa kutenda kwatinoita kuti vimbiso yaMwari yeupenyu husingaperi munyika itsva ichazadzika. Nei tichigona kutaura izvozvo?

9 Rudzikinuro rwaisanganisirei? Jehovha akatuma Mwanakomana wake wedangwe waanoda, shamwari yake yepedyo zvikuru kuti abve kudenga kuti aberekwe ari munhu akakwana. Paaiva panyika, Jesu akatsungirira zvinhu zvakasiyana-siyana. Akazotambura ndokufa rufu runorwadza. Jehovha akabhadhara mutengo wakakura chaizvo. Mwari wedu ane rudo aisazobvumira kuti Mwanakomana wake atambure uye afe kuti vanhu vangowana upenyu huri nani kwenguva pfupi. (Joh. 3:16; 1 Pet. 1:18, 19) Sezvo akabhadhara mutengo wakakura kudaro, Jehovha achava nechokwadi chekuti munyika itsva vanhu vachararama upenyu husingagumi.

FUNGA NEZVESIMBA RAJEHOVHA

10. Maererano naVaEfeso 3:20, Jehovha anokwanisa kuitei?

10 Nzira yechipiri yatingasimbisa nayo kutenda kwedu ndeyekufunga nezvesimba rina Jehovha. Ane simba rekuzadzisa zvese zvaakavimbisa. Ichokwadi kuti vanhu vangaona sekuti hazviiti kuti vimbiso yeupenyu husingaperi munyika itsva izadzike. Asi Jehovha anogara achivimbisa zvinhu zvisingambofi zvakakwanisa kuitwa nevanhu. Iye ndiMwari Wemasimbaose. (Job. 42:2; Mako 10:27) Saka hatishamiswi paanotivimbisa zvinhu zvakazonaka.—Verenga VaEfeso 3:20.

11. Taura muenzaniso wevimbiso dzaMwari dzinoshamisa. (Ona bhokisi rakanzi “ Dzimwe Vimbiso Dzinoshamisa Dzakazadziswa.”)

11 Funga nezvezvimwe zvinhu zvaiita sezvisingaiti izvo Jehovha akavimbisa vanhu vake kare. Akaudza Abrahamu naSara pavainge vakwegura kuti vaizova nemwanakomana. (Gen. 17:15-17) Akaudzawo Abrahamu kuti vana vake vaizopiwa nyika yeKenani. Vana vaAbrahamu, kureva vaIsraeri, pavakaita makore akawanda vari varanda muIjipiti, zvaiita sekuti vimbiso iyoyo yaisazozadzika. Asi yakazadzika. Pave paya, Jehovha akataura kuti Erizabheti aizova nemwana kunyange zvazvo ainge akwegura. Akataurawo kuti Mariya, uyo aiva mhandara, aizobereka Mwanakomana waMwari. Izvi zvaizozadzisa vimbiso yakanga yataurwa naJehovha mumunda weEdheni pachiine zviuru zvemakore.—Gen. 3:15.

12. Joshua 23:14 naIsaya 55:10, 11 dzinoita kuti tive nechokwadi chei nezvesimba raJehovha?

12 Patinofunga nezvevimbiso dzaJehovha uye kuti anodzizadzisa sei, tinosimbisa kutenda kwatinoita kuti ane simba rekuunza nyika itsva. (Verenga Joshua 23:14; Isaya 55:10, 11.) Izvozvo zvinoita kuti tigadzirire kubatsira vamwe kunzwisisa kuti vimbiso yenyika itsva hakusi kurota. Jehovha pachake akazivisa nezvematenga matsva nenyika itsva achiti: “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”—Zvak. 21:1, 5.

ITA ZVINHU ZVINOKUSWEDEDZA PEDYO NAJEHOVHA

MISANGANO YEUNGANO

Chimwe nechimwe chezvinhu izvi chingakubatsira sei kusimbisa kutenda kwako? (Ona ndima 13)

13. Misangano yeungano inosimbisa sei kutenda kwedu? Tsanangura.

13 Nzira yechitatu yatinogona kusimbisa nayo kutenda kwedu ndeyekuita zvinhu zvinotiswededza pedyo naJehovha. Ona kuti misangano yedu yeungano inotibatsira sei. Anna, uyo ava nemakumi emakore achiita ushumiri hwenguva yakazara hwakasiyana-siyana anoti: “Misangano inoita kuti kutenda kwangu kurambe kwakasimba. Kunyange kana mukurukuri wacho asiri shasha pakudzidzisa kana kuti asina chitsva chaanotaura, ndinowanzonzwa chimwe chinhu chinoita kuti ndiwedzere kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri uye chinosimbisa kutenda kwangu.” b Zviri pachena kuti tinokoshesawo mhinduro dzinovaka kutenda dzinopiwa nevateereri.—VaR. 1:11, 12; 10:17.

MUUSHUMIRI

Ushumiri hunosimbisa sei kutenda kwedu? (Ona ndima 14)

14. Ushumiri hunosimbisa sei kutenda kwedu?

14 Tinosimbisawo kutenda kwedu patinobuda muushumiri. (VaH. 10:23) Barbara, uyo ava nemakore anopfuura 70 achishumira Jehovha anoti: “Ndinogara ndichiona kuti basa rekuparidza rinosimbisa kutenda. Pandinoramba ndichiudza vamwe nezvevimbiso dzaJehovha dzinoshamisa, kutenda kwangu kunowedzerawo kusimba.”

KUDZIDZA URI WEGA

Kudzidza uri wega kunosimbisa sei kutenda kwako? (Ona ndima 15)

15. Kudzidza uri wega kunosimbisa sei kutenda kwako? (Onawo mifananidzo.)

15 Chimwezve chinhu chinosimbisa kutenda kwedu kudzidza uri wega. Susan anoona zvichibatsira kuronga nguva yekuti adzidze ari ega. Anoti: “Musi weSvondo, ndinodzidza Chidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki rinotevera. Musi weMuvhuro neChipiri, ndinogadzirira musangano wepakati pevhiki. Mamwe mazuva anenge asara ndinodzidzawo zvimwe ndiri ndega.” Sezvo achitevedzera purogiramu yake yekudzidza, Susan anoramba achisimbisa kutenda kwake. Irene uyo ava nemakumi emakore achishumira pamahofisi makuru, akaona kuti kudzidza uprofita hweBhaibheri kunosimbisa kutenda kwake. Anoti: “Ndinobayiwa mwoyo pandinoona kuti uprofita hwaJehovha hunozadzika kusvika patunhu tudiki.” c

“ZVICHATOITIKA CHETE”

16. Nei zvakavimbiswa Habhakuki naJehovha zvichitibatsirawo mazuva ano? (VaHebheru 10:36, 37)

16 Vamwe vashumiri vaJehovha vava nenguva yakareba vakamirira kuguma kwenyika ino. Mukuona kwevanhu, kuzadzika kwezvakavimbiswa naMwari kungaita sekuri kunonoka. Jehovha anoziva manzwiro anoita vashumiri vake. Akavimbisa muprofita Habhakuki kuti: “Zvauri kuratidzwa zvichaitika panguva yakasarudzwa, uye nguva yekuzadziswa kwazvo iri kukurumidza kusvika, hazvizombotadzi kuitika. Kunyange kana zvikanonoka, ramba wakazvimirira! Nekuti zvichatoitika chete. Hazvizononoki!” (Hab. 2:3) Mwari akangotaura kuti mashoko aya abatsire Habhakuki chete here? Kana kuti mashoko ake anotibatsirawo mazuva ano? Achifemerwa naJehovha, muapostora Pauro akashandisa mashoko iwayo kuvaKristu vakamirira nyika itsva. (Verenga VaHebheru 10:36, 37.) Saka tinogona kuva nechokwadi chekuti kunyange zvazvo vimbiso yaJehovha yekuti achatiponesa ingaita sekuti iri kutora nguva yakareba, ‘ichatoitika chete. Haizononoki!’

17. Imwe hanzvadzi yakashandisa sei zano raJehovha raakapa Habhakuki?

17 Vashumiri vaJehovha vakawanda vakashandisa zano raJehovha rekuti ‘varambe vakamirira’ kunyange kwemakumi emakore. Semuenzaniso, Louise akatanga kushumira Jehovha muna 1939. Anoti: “Panguva iyoyo ndaifunga kuti Amagedhoni ichauya ndisati ndatombopedza chikoro chesekondari. Asi haina kuuya. Kwemakore, ndakaona zvichibatsira kuverenga nyaya dzemuBhaibheri dzevanhu vakamirira. Ndinoverenga nezvaNoa, Abrahamu, Josefa, uye vamwe vakamirira kwenguva refu vasati vawana mubayiro wavainge vakavimbiswa naJehovha. Kugara tichitenda kuti vimbiso idzodzo dzichazadzika kuri kubatsira ini nevamwe kuti tive nechokwadi chekuti nyika itsva yava pedyo zvikuru.” Vamwe vashumiri vaJehovha vakawanda avo vava nenguva refu vachimushumira vanobvumirana nemashoko iwayo.

18. Kuongorora zvinhu zvakasikwa kunosimbisa sei tariro yedu yekuti nyika itsva iri kuuya?

18 Ichokwadi kuti nyika itsva haisati yavapo. Asi ona zvimwe zvinhu zviripo zvakadai senyeredzi, miti, mhuka, uye vanhu. Hapana munhu angaramba kuti zvinhu izvi zviripo, kunyange zvazvo paiva nenguva yazvaisavapo. Iye zvino zviripo nekuti Jehovha akazvisika. (Gen. 1:1, 26, 27) Mwari wedu akavawo nechinangwa chekuti pave nenyika itsva. Achazadzisa chinangwa ichocho. Munyika itsva, vanhu vachanakidzwa neupenyu husingaperi vaine utano hwakanaka. Panguva yakasarudzwa naMwari, nyika itsva ichavapo sezvakangoita zvimwe zvinhu zvese zviripo nhasi.—Isa. 65:17; Zvak. 21:3, 4.

19. Ungasimbisa sei kutenda kwako?

19 Iye zvino shandisa mukana wese wauinawo kuti usimbise kutenda kwako. Gara uchionga rudzikinuro. Funga nezvesimba raJehovha. Ita zvinhu zvinokuswededza pedyo naJehovha. Paunoita izvozvo, uchava pakati pevaya “vanogara nhaka yezvinhu zvakavimbiswa, vachizviwana kuburikidza nekutenda uye mwoyo murefu.”—VaH. 6:11, 12; VaR. 5:5.

RWIYO 139 Zvione Uripo, Zvese Zvava Zvitsva

a Mazuva ano vanhu vakawanda havatendi muvimbiso yeBhaibheri yenyika itsva. Vanofunga kuti kunongovawo kurota. Asi tine chokwadi chekuti vimbiso dzese dzaJehovha dzichazadziswa. Kunyange zvakadaro, kuti kutenda kwedu kurambe kuri kupenyu, tinofanira kuramba tichikusimbisa. Tinozviita sei? Nyaya ino ichatsanangura izvozvo.

b Mamwe mazita akachinjwa.

c Nyaya dzakawanda dzinotaura nezveuprofita hweBhaibheri dzinowanikwa muBhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza, pasi pemusoro wakanzi “Uprofita.” Semuenzaniso, ona nyaya inoti “Zvinofanotaurwa naJehovha Zvinoitika,” iri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2008.