Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 15

Tinodzidzei Pazvishamiso zvaJesu?

Tinodzidzei Pazvishamiso zvaJesu?

“Akatenderera nenyika yacho yese achiita zvakanaka uye achiporesa.”—MAB. 10:38.

RWIYO 13 Kristu, Muenzaniso Wedu

ZVICHADZIDZWA a

1. Rondedzera zvakaitika Jesu paakaita chishamiso chake chekutanga.

 FUNGIDZIRA zvakaitika gore ra29 C.E. rava kuda kunopera, Jesu paakatanga ushumiri hwake. Jesu naamai vake Mariya, nevamwe vadzidzi vake vakokwa kumabiko emuchato muKana, musha uri kuchamhembe kweNazareta, kunobva Jesu. Mariya ishamwari yemhuri yacho, uye anogona kunge ari kubatsira pakuita kuti vaenzi vawane zvavari kuda. Asi pamuchato uyu panomuka dambudziko rinogona kunyadzisa mhuri yacho uye vaviri vari kuchata. Waini inopera. b Zvimwe pauya vanhu vakawanda kupfuura vanga vachitarisirwa. Mariya anobva aenda kune mwanakomana wake omuudza kuti: “Havasisina waini.” (Joh. 2:1-3) Jesu anoitei? Anobva aita chimwe chinhu chinoshamisa changa chisiri kumbotarisirwa, chekuchinja mvura kuva ‘waini yakanaka.’—Joh. 2:9, 10.

2-3. (a) Jesu akashandisa sei simba rake rekuita zvishamiso? (b) Kuongorora zvishamiso zvakaitwa naJesu kunotibatsira sei?

2 Pane zvimwe zvishamiso zvakawanda zvakazoitwa naJesu paaiita ushumiri hwake. c Akashandisa simba rake rekuita zvishamiso kuti abatsire zviuru zvevanhu. Semuenzaniso, pazvishamiso zvake zviviri chete zvaakaita zvekupa varume 5 000 zvekudya uye vamwe varume 4 000, panogona kunge paiva nevanhu vaipfuura 27 000 kana tikabatanidza vakadzi nevana vaivapo. (Mat. 14:15-21; 15:32-38) Pazviitiko zvacho zviri zviviri, Jesu akaporesawo vakawanda vairwara. (Mat. 14:14; 15:30, 31) Chimbofungidzira kushamiswa kwakaita vanhu ivavo Jesu paakaita zvishamiso zvekuvaporesa uye kuvapa zvekudya.

3 Tinogona kudzidza zvakawanda kubva pazvishamiso zvaJesu. Munyaya ino tichakurukura zvidzidzo zvinosimbisa kutenda kwedu zvatinodzidza pazvishamiso izvozvo. Tichabva taona kuti tingatevedzera sei kuzvininipisa uye kunzwira tsitsi kwaiita Jesu paaiita zvishamiso.

ZVATINODZIDZA NEZVAJEHOVHA NAJESU

4. Ndivanaani vatinodzidza nezvavo pazvishamiso zvaJesu?

4 Zvishamiso zvaJesu zvine zvidzidzo zvinosimbisa kutenda kwedu maari uyewo muna Baba vake. Izvi zvakadaro nekuti Jehovha ndiye akapa Jesu simba rekuita zvishamiso izvi. Mabasa 10:38 inotiudza kuti: “Jesu . . . akazodzwa naMwari nemweya mutsvene nesimba, akatenderera nenyika yacho yese achiita zvakanaka uye achiporesa vese vakanga vakadzvinyirirwa naDhiyabhorosi, nekuti Mwari akanga ainaye.” Yeukawo kuti pazvinhu zvese zvakataurwa uye zvakaitwa naJesu, kusanganisira zvishamiso zvaakaita, ainyatsoratidza mafungiro nemanzwiro aBaba vake. (Joh. 14:9) Ngationei zvidzidzo zvitatu zvatinodzidza pazvishamiso zvaJesu.

5. Chii chaiita kuti Jesu aite zvishamiso? (Mateu 20:30-34)

5 Chekutanga, Jesu naBaba vake vanotida zvakadzama. Jesu paaiva panyika, akaratidza kuda kwaaiita vanhu nekushandisa simba rake rekuita zvishamiso kuti abatsire vaya vaitambura. Pane imwe nguva, vamwe varume vaviri vaiva mapofu vakashevedzera kwaari vachikumbira kubatsirwa. (Verenga Mateu 20:30-34.) Ona kuti Jesu ‘akasiririswa’ achibva avaporesa. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “asiririswa” rinoreva kunzwa tsitsi kwakadzama kunobva nechemukatikati. Tsitsi dzakadaro dzakadzama, idzo dzairatidza kuda kwaaiita vanhu dzakaitawo kuti Jesu ape zvekudya kuvanhu vaiva nenzara, uye arape munhu aiva nemaperembudzi. (Mat. 15:32; Mako 1:41) Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha, Mwari “wetsitsi huru,” neMwanakomana wake vanotida zvikuru uye vanorwadziwa nekutambura kwedu. (Ruka 1:78; 1 Pet. 5:7) Vanoda chaizvo kubvisa matambudziko ese ari kushungurudza vanhu.

6. Mwari akapa Jesu simba rekuitei?

6 Chechipiri, Mwari akapa Jesu simba rekupedza matambudziko ese evanhu. Jesu paaiita zvishamiso airatidza kuti ane simba rekupedza matambudziko atisingambofi takakwanisa kupedza tega. Semuenzaniso, ane simba rekutisunungura pachivi chatinoberekwa tiinacho, icho chinokonzera matambudziko edu ese, kusanganisira kurwara uye kufa. (Mat. 9:1-6; VaR. 5:12, 18, 19) Zvishamiso zvake zvakaratidza kuti anokwanisa kurapa zvirwere “zvemarudzi ese” kunyange kumutsa vakafa. (Mat. 4:23; Joh. 11:43, 44) Anewo simba rekudzikamisa madutu ane simba, uye rekusunungura vanhu pamweya yakaipa. (Mako 4:37-39; Ruka 8:2) Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Jehovha akapa Mwanakomana wake simba rakadaro.

7-8. (a) Zvishamiso zvaJesu zvinoita kuti tive nechivimbo chei? (b) Chishamiso chipi chauri kutarisira kuzoona munyika itsva?

7 Chechitatu, tinogona kuva nechivimbo chizere chekuti vimbiso dzezvinhu zvakanaka zvichaitwa neUmambo hwaMwari dzichazadziswa. Zvishamiso zvakaitwa naJesu paaiva panyika zvinotidzidzisa kuti achaita zvinotopfuura ipapo nekuti ndiMambo wekudenga weUmambo hwaMwari. Funga zvichaitika kwatiri Kristu paanenge achitonga panyika. Tichava neutano hwakanaka chaizvo, nekuti achabvisa zvirwere zvese neurema zviri kutambudza vanhu. (Isa. 33:24; 35:5, 6; Zvak. 21:3, 4) Hatizombofi nenzara kana kutambura nenjodzi dzinongoitika dzega. (Isa. 25:6; Mako 4:41) Tichava nemufaro wakakura wekugamuchira hama neshamwari dzedu kubva “mumakuva evanoyeukwa.” (Joh. 5:28, 29) Chishamiso chipi chauri kunyanya kutarisira kuzoona munyika itsva?

8 Jesu paaiita zvishamiso, airatidza kuzvininipisa chaizvo uye tsitsi. Isuwo tinofanira kutevedzera unhu ihwohwo. Ngatikurukurei mienzaniso miviri, tichitanga nezvakaitika pamuchato muKana.

ZVATINODZIDZA PAKUZVININIPISA KWAJESU

9. Jesu akaitei pamuchato? (Johani 2:6-10)

9 Verenga Johani 2:6-10. Waini payakapera pamuchato, Jesu ane zvaaitofanira kuita here? Aiwa. Hapana uprofita hwaitaura kuti Mesiya aizoita chishamiso chekuita kuti pave newaini. Asi chimbofungidzira kuti waizonzwa sei kudai zvinwiwa zvaizopera pamuchato wako. Jesu anofanira kunge akanzwira tsitsi mhuri yacho, kunyanya vaviri vaichata, uye aisada kuti vanyare. Saka sezvataurwa patangira nyaya ino, akaita chishamiso. Akachinja marita anenge 390 emvura kuva waini yakanaka chaizvo. Zvichida akaita kuti pave newaini yakawanda kudaro kuitira kuti inenge yasara izoshandiswa pane imwe nguva kana kuti izotengeswa kuti vakanga vachata ava vakwanise kubatsirika. Vaviri vakanga vachata vanofanira kunge vakaonga chaizvo.

Tevedzera Jesu nekusazvirumbidza pane zvaunenge waita (Ona ndima 10-11) e

10. Ndeapi mamwe mashoko anokosha ari munyaya yakanyorwa muna Johani chitsauko 2? (Onawo mufananidzo.)

10 Funga nezvemamwe mashoko anokosha ari munyaya yakanyorwa muna Johani chitsauko 2. Waona here kuti Jesu haasi iye akazadza makate acho nemvura? Pane kuti aite zvinhu zvekuda kuonekwa, akaudza vashandi kuti vazadze makate acho. (Mavhesi 6, 7) Uye pashure pekuchinja mvura ichiva waini, Jesu haasi iye akaendesa waini yacho kumutungamiriri wemabiko. Asi akaudza vashandi kuti vaite izvozvo. (Vhesi 8) Jesu haana kumbotora kapu yewaini achibva aisimudza pamberi pevaenzi, achizvirova dundundu achiti, ‘Imbonzwaika waini iyi yandichangobva kugadzira!’

11. Tinodzidzei pachishamiso chakaitwa naJesu?

11 Tinodzidzei pachishamiso chaJesu chekuchinja mvura ichiva waini? Tinodzidza kuzvininipisa. Jesu haana kuzvirumbidza nekuti akanga aita chishamiso ichocho. Pazvinhu zvese zvaakaita, haana kana chaakambozvirumbidza nezvacho. Asi aizvininipisa uye aigara achiita kuti mbiri nekukudzwa zviende kuna Baba vake. (Joh. 5:19, 30; 8:28) Kana tikatevedzera Jesu nekuramba tichizvininipisa, hatizozvikudzi pamusana pezvatinenge taita. Pasinei nezvatingaita mubasa raJehovha, ngatisazvirumbidza nezvatinenge taita, asi ngatizvirumbidzei nezvaMwari akazonaka watinoshumira. (Jer. 9:23, 24) Tinofanira kumupa rukudzo rwake. Hapana kana chinhu chakanaka chatingakwanisa kuita pasina rubatsiro rwaJehovha.—1 VaK. 1:26-31.

12. Ndeipi imwe nzira yatingatevedzera nayo kuzvininipisa kwaJesu? Taura muenzaniso.

12 Ngationei imwe nzira yatingatevedzera nayo kuzvininipisa kwaJesu. Funga muenzaniso unotevera: Mukuru anoita nguva yakawanda achibatsira mushumiri weungano wechidiki kugadzirira hurukuro yavose yake yekutanga. Kubatsirwa kwaitwa hama yechidiki iyi nemukuru uyu, kunobva kwaita kuti ipe hurukuro yakanaka chaizvo inokurudzira ungano. Pashure pemusangano, mumwe munhu anobva aenda kumukuru uya oti: ‘Hama Nhingi vapa hurukuro yakanaka chaizvo.’ Mukuru wacho angati here: ‘Yaa, asi ndakaita nguva yakareba ndichimubatsira’? Kana kuti achazvininipisa oti: ‘Zvechokwadi, apa hurukuro yakanaka. Agona chaizvo’? Kana tichizvininipisa, hatizodi kupiwa mbiri pazvinhu zvakanaka zvatinenge taitira vamwe. Tinogutsikana nekuziva kuti Jehovha anoona uye anokoshesa zvatinoita. (Enzanisa naMateu 6:2-4; VaH. 13:16) Tinofadza Jehovha patinotevedzera Jesu pakuzvininipisa.—1 Pet. 5:6.

ZVATINODZIDZA PAKUNZWIRA VAMWE TSITSI KWAIITA JESU

13. Jesu anoonei paanenge ava pedyo neguta reNaini uye anobva aita sei? (Ruka 7:11-15)

13 Verenga Ruka 7:11-15. Fungidzira zvinotevera zvichiitika muna 31 C.E. Jesu auya muguta reGarireya rinonzi Naini, iro risiri kure neShunemi, kuya kwakamutswa mwanakomana wemumwe mukadzi nemuprofita Erisha makore angasvika 900 apfuura. (2 Madz. 4:32-37) Jesu paanenge ava kusvika pagedhi, anoona vanhu vakawanda vemariro vachibuda muguta. Zvaari kuona zvinorwadza chaizvo. Imwe chirikadzi yafirwa nemwana wayo mumwe chete. Asi amai ava vari kuchema havasi vega. Panewo vanhu vakawanda vabuda muguta vari pamwe chete navo. Jesu anomisa vanhu ivavo obva aitira amai ava chimwe chinhu chinoshamisa chaizvo. Anomutsa mwanakomana wavo. Uyu ndiye munhu wekutanga pavanhu vatatu vanotaurwa muEvhangeri vakamutswa naJesu.

Tevedzera Jesu nekunzwira tsitsi vaya vakafirwa (Ona ndima 14-16)

14. Ndeapi mamwe mashoko anokosha ari munyaya yakanyorwa muna Ruka chitsauko 7? (Onawo mufananidzo.)

14 Funga nezvemamwe mashoko anokosha ari munyaya yakanyorwa muna Ruka chitsauko 7. Waona here kuti Jesu “akaona” amai vaichema achibva “asiririswa navo”? (Vhesi 13) Zvimwe Jesu akaona kuchema kwaiita amai ava vachifamba vari pedyo nemutumbi wemwanakomana wavo, achibva avanzwira tsitsi. Jesu haana kungogumira pakusiririswa naamai ava, asi ane zvaakaita zvairatidza kuti aivanzwira tsitsi. Zviri pachena kuti akataura navo nenzira yakavanyaradza, achibva ati: “Musachema.” Ane zvaakabva avaitira. Akamutsa mwanakomana wacho, “akamupa kuna amai vake.”—Mavhesi 14, 15.

15. Tinodzidzei pachishamiso chakaitwa naJesu?

15 Tinodzidzei pachishamiso chakaitwa naJesu chekumutsa mwanakomana wechirikadzi? Tinodzidza kunzwira tsitsi vaya vanenge vakafirwa. Ichokwadi kuti hatikwanisi kumutsa munhu anenge afa, sezvakaitwa naJesu. Asi kufanana naJesu, tinogona kunzwira tsitsi vaya vanenge vakafirwa kana tikava vanhu vanocherechedza. Tinogona kuratidza kuti tinovanzwira tsitsi nekutaura kana kuita zvatinogona kuti tivabatsire uye tivanyaradze. d (Zvir. 17:17; 2 VaK. 1:3, 4; 1 Pet. 3:8) Kunyange tikataura mashoko mashoma kana kuita zvinhu zvidiki, izvozvo zvinogona kuvakurudzira uye kuvanyaradza chaizvo.

16. Sezviri kuratidzwa pamufananidzo, unodzidzei pane zvakaitika kune vamwe amai vakanga vachangobva kufirwa nemwana wavo?

16 Funga zvakamboitika. Makore adarika paiimbwa nziyo pamusangano weungano, imwe hanzvadzi yakacherechedza kuti vamwe amai vaiva pedyo vaichema. Rwiyo rwacho rwaitaura nezvetariro yerumuko, uye amai ava vakanga vachangobva kufirwa nemwanasikana wavo. Hanzvadzi yacho yakabva yakurumidza kuenda paiva naamai ava, ndokuvabata, uye vakapedzisa kuimba rwiyo rwacho vari vese. Amai vaya vakazoti: “Ndakanyatsonzwa kuti hama nehanzvadzi dzinondida.” Vakaonga chaizvo kuti vakanga vaenda kumusangano wacho. Vakati: “KuImba yeUmambo ndiko kwatinowana rubatsiro.” Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anocherechedza uye anokoshesa kunyange zvinhu zvidiki zvatinoita kuti tiratidze kuti tinonzwira tsitsi vaya vakafirwa vanenge “vakasuruvara.”—Pis. 34:18.

KUDZIDZA NEZVEZVISHAMISO ZVAJESU KUNE MUBAYIRO

17. Tadzidzei munyaya ino?

17 Patinodzidza nezvenyaya dziri muBhaibheri dzinotaura nezvezvishamiso zvaJesu, tinosimbisa kutenda kwedu. Nyaya idzi dzinotidzidzisa kuti Jehovha naJesu vanonyatsotida, Jesu ane simba rekupedza matambudziko ese evanhu, uye kuti makomborero achaunzwa neUmambo hwaMwari ava pedyo. Patinenge tichiongorora nyaya idzodzo, tinogona kufunga nezvekuti tingatevedzerawo sei unhu hwaJesu. Unogona kuronga kudzidza nezvezvimwe zvishamiso zvaJesu paunenge uchidzidza uri wega kana kuti paKunamata Kwemhuri. Tsvaga zvidzidzo zvirimo, uye zviudzewo vamwe. Kana ukadaro uchakwanisa kukurudzira vakawanda!—VaR. 1:11, 12.

18. Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Jesu paainge ava kupedza ushumiri hwake, akaita chishamiso chake chekupedzisira pazvishamiso zvake zvitatu zvinotaurwa muBhaibheri zvekumutsa vakafa. Asi ichi chainge chakasiyana nezvimwe, nekuti akamutsa shamwari yake yepedyo, uye akazviita mumamiriro ezvinhu ainge akasiyana nemamwe. Tinodzidzei pachishamiso ichocho? Uye tingasimbisa sei kutenda kwedu mutariro yekuti vakafa vachamutswa? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyoyo.

RWIYO 20 Makatipa Mwanakomana Wenyu Anokosha

a Zvinofadza chaizvo kuverenga nezvezvishamiso zvakaitwa naJesu. Semuenzaniso akadzikamisa mhepo yaiva nesimba rakakura, akaporesa vairwara uye akamutsa vakafa. Nyaya idzi dzakanyorwa muBhaibheri, kwete kuti dzitivaraidze, asi kuti dzitidzidzise. Patinenge tichidziongorora, tinowana zvidzidzo zvinosimbisa kutenda zvine chekuita naJehovha naJesu uye tichaziva unhu hunodiwa naMwari hwatinofanira kuva nahwo.

b Mumwe muongorori weBhaibheri akati: “Munzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri, kugamuchira vaenzi raiva basa rinokosha chaizvo uye munhu aigamuchira vaenzi aifanira kuva nechokwadi chekuti vaenzi vawana zvese zvavanoda. Kana patori pamuchato, varidzi vemuchato vaifanira kuva nechokwadi chekuti pane zvekudya nezvekunwa zvekuti vanhu vanoguta vakasiya.”

c Mumabhuku eEvhangeri mune zvishamiso zvaJesu zvinopfuura 30 zvakanyatsonyorwa maitikiro azvakaita. Jesu ane zvimwe zvishamiso zvakawanda zvaakaita asi Bhaibheri haritauri kuti chimwe nechimwe chakaitika sei. Pane imwe nguva, “guta rese” rakauya kwaari uye “akarapa vazhinji vakanga vachirwara.”—Mako 1:32-34.

d Kuti uwane mazano ezvaungataura kana kuita kuti unyaradze vaya vari kushungurudzika, ona nyaya inoti “Nyaradza Vakafirwa Sezvakaitwa naJesu” iri muNharireyomurindi yaNovember 1, 2010.

e KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu akamira nechekumashure, uye vaviri vari kuchata pamwe chete nevaenzi vavo vari kunwa waini yakanaka.