Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Pakudzidza

Zvaungaita Pakudzidza

Uri kubatsirwa here netsanangudzo dzemavhesi eBhaibheri dzinowanikwa muBhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza?

Tsanangudzo idzi dzinokubatsira kuti udzidze zvakawanda muShoko raMwari. Dzinogona kusanganisira mashoko ekuti zvinhu zvainge zvakamira sei pakaitika zvinotaurwa muvhesi yeBhaibheri, chikonzero chakaita kuti inyorwe, munhu aishandisirwa mashoko acho, kana kuti zvinorehwa nemamwe mashoko ari muvhesi yacho.

PaWatchtower ONLINE LIBRARY uye paJW Library unokwanisa kuwana mashoko emuBhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza nekubaya pavhesi yeBhaibheri. Unogona kuwana mashoko aya pachikamu chine mashoko ekudzidza muBhaibheri chero ripi zvaro riripo.

Paunenge uchishandisa mashoko aya tarisa misi yacho. Nyaya dzinenge dzichangobva kubuda dzinenge dziri pamusoro. Nechepasi pane nyaya dzekare dzingangodaro dziine manzwisisiro akagadziridzwa.

  • PaWatchtower ONLINE LIBRARY panowanikawo mashoko emuBhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza ayo anotsanangura mavhesi emuBhaibheri.

  • Kuti ukwanise kuona mashoko anotsanangura vhesi paJW Library, dhaunirodha Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza woita uchiwedzera zvitsva kana zvavapo. Unogona kuita izvi nekubaya pakanzi download nechepamusoro pechikamu chine mashoko ekudzidza.