NYAYA YEKUDZIDZA 14
RWIYO 56 Ita Kuti Chokwadi Chive Chako
‘Shanda Nesimba Kuti Ukure’
“Ngatishandei nesimba kuti tikure.”—VAH. 6:1.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti muKristu akakura pakunamata anofunga uye anoita sei zvinhu zvinoenderana nekuda kwaMwari uye kuti anoita sei zvisarudzo zvakanaka.
1. Jehovha anoda kuti tiitei?
MURUME nemudzimai vanofara chaizvo panozvarwa mwana wavo. Kunyange zvazvo vabereki vachida mwana wavo achangobva kuzvarwa, havangambodi kuti arambe ari mucheche. Vanotonetseka kana vakaona asiri kukura. Jehovha anofarawo patinova vateveri vaJesu, asi haangambodi kuti tirambe tiri vacheche pane zvekunamata. (1 VaK. 3:1) Anototiudza kuti tive vaKristu ‘vakanyatsokura.’—1 VaK. 14:20.
2. Tichadzidzei munyaya ino?
2 Zvinorevei kuva muKristu akanyatsokura pakunamata? Tingaitei kuti tive vaKristu vakakura pakunamata? Zvekudya zvikukutu zvinotibatsira sei kuti tikure pakunamata? Uye nei tisingafaniri kuzvivimba? Munyaya ino tichakurukura mhinduro dzemibvunzo iyi.
ZVINOREVEI KUVA MUKRISTU AKANYATSOKURA PAKUNAMATA?
3. Zvinorevei kuva muKristu akanyatsokura pakunamata?
3 MuBhaibheri, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kunyatsokura” rinogonawo kureva “kubva zera.” (1 VaK. 2:6) Sezvinoita mwana uyo anoramba achikura kusvikira ava munhu mukuru, isuwo tinofanira kuita kuti ushamwari hwedu naJehovha hurambe huchikura. Tikadaro, tinova vaKristu vakakura pakunamata. Asi kunyange tava vaKristu vakakura pakunamata tinofanira kuramba tichivandudza manamatiro edu. (1 Tim. 4:15) Tese zvedu, kusanganisira vaya vachiri vadiki, tinogona kuva vaKristu vakakura pakunamata. Asi chii chinoratidza kuti muKristu akura pakunamata?
4. Chii chinoratidza kuti muKristu akakura pakunamata?
4 MuKristu akakura pakunamata anoita zvese zvaanonzi naJehovha aite, asingaiti zvekusarudza zvaanoda kuteerera. Sezvo ari munhu ane chivi, anokanganisawo. Asi zuva rimwe nerimwe anoita zvese zvaanogona kuti afunge uye aite zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha. Akapfeka unhu hutsva uye anoramba achiedza kuita kuti mafungiro ake afanane neaMwari. (VaEf. 4:22-24) Akadzidza kuita zvisarudzo zvakanaka achishandisa mitemo yaJehovha uye mafungiro aMwari ari muBhaibheri. Saka haafaniri hake kuudzwa twese twaanofanira kuita uye twaasingafaniri kuita. Kana aine zvaasarudza kuita, anoshanda nesimba kuti azviite.—1 VaK. 9:26, 27.
5. Chii chinogona kuitika kumuKristu asina kusimba pakunamata? (VaEfeso 4:14, 15)
5 Asi muKristu asina kusimba pakunamata anotsauswa zviri nyore ‘neunyengeri, nezvirongwa zvekunyengedza’ uye anotsauswa nenhema dzinoparadzirwa munhau uye nevakatsauka pakutenda. a (Verenga VaEfeso 4:14, 15.) Anogona kuitira vamwe shanje, kunetsana navo, kana kukurumidza kugumbuka. Uye anowanzokundwa nemiedzo.—1 VaK. 3:3.
6. Tingafananidza sei kukura kwatinoita pakunamata nekukura kunoita mwana? (Onawo mufananidzo.)
6 Sezvatamboona, Magwaro anofananidza kukura kwatinoita pakunamata nekukura kunoita mwana kuti ave munhu mukuru. Mwana kana achiri mudiki ane zvakawanda zvaasingazivi, saka anotoda kuchengetedzwa uye kutungamirirwa nemunhu mukuru. Semuenzaniso, amai vanogona kuudza mwanasikana wavo mudiki kuti avabate ruoko pavanenge vachiyambuka mugwagwa. Mwana wacho paanenge achikura, amai vake vanogona kumubvumidza kuti ayambuke mugwagwa ari ega asi vanoramba vachimuyeuchidza kuti atarise mativi ese asati ayambuka. Mwana wacho paanova munhu mukuru, anenge ava kuziva zvaanofanira kuita asati ayambuka mugwagwa. Sezvo vana vadiki vachida kubatsirwa nevanhu vakuru kuti vasapinda munjodzi, vaKristu vasina kusimba pakunamata vanowanzoda kubatsirwa nevaKristu vakakura pakunamata kuti vasaita zvinhu zvinokanganisa ushamwari hwavo naJehovha uye kuti vaite zvisarudzo zvakanaka. Asi muKristu akakura pakunamata anotanga anyatsofunga zvinotaurwa neBhaibheri kuti ave nemaonero aJehovha asati asarudza zvekuita uye anoshandisa zvaanenge adzidza.
7. VaKristu vakakura pakunamata vanodawo kubatsirwa nevamwe here?
7 Izvi zvinoreva here kuti muKristu akakura pakunamata haadi kubatsirwa nevamwe? Aiwa. VaKristu vakakura pakunamata vanotofanira kukumbira kubatsirwawo dzimwe nguva. Asi munhu asina kukura pakunamata anotarisira kuti vamwe vamuudze zvekuita, kana kuti vamuitire chisarudzo chaanofanira kuita ega. Kana ari muKristu akakura pakunamata, paanokumbira kubatsirwa nevaya vane uchenjeri neruzivo kumupfuura, anozviita achiziva kuti ndiye achazosarudza ega zvekuita uye kuti anofanira ‘kutakura mutoro wake.’—VaG. 6:5.
8. VaKristu vakakura pakunamata vanosiyana papi?
8 Sezvo vanhu vakuru vakasiyana pakuratidzika kwavo, vaKristu vakakura pakunamata vanosiyanawo pakuratidza kwavanoita zvinhu zvakadai seuchenjeri, ushingi, kuva nerupo, uye kunzwira vamwe tsitsi. Uye vaKristu vaviri vakakura pakunamata pavanosangana nemamiriro ezvinhu akafanana vanogona kuita zvisarudzo zvakasiyana asi zvichienderana nezvinotaurwa neBhaibheri. Izvozvo zvinowanzoitika pavanoita zvisarudzo zvichibva pakuti hana dzavo dziri kuvati vaitei. Kuziva izvi kunovabatsira kuti vasatongana pavanoita zvisarudzo zvakasiyana. Pane kuti vatongane, vanoramba vakabatana.—VaR. 14:10; 1 VaK. 1:10.
TINGAITEI KUTI TIVE VAKRISTU VAKAKURA PAKUNAMATA?
9. Kukura pakunamata kunongoerekana kwaitika here? Tsanangura.
9 Nekufamba kwenguva, mwana anozosvika pakuva munhu mukuru. Asi kana pari panyaya yekukura pakunamata, hapana munhu anongoerekana ava muKristu akakura pakunamata. Semuenzaniso, hama nehanzvadzi dzemuKorinde, dzakagamuchira mashoko akanaka, dzikabhabhatidzwa, dzikagamuchira mweya mutsvene, uye dzikabatsirwa nekudzidziswa kwadzaiitwa nemuapostora Pauro. (Mab. 18:8-11) Asi papera makore pashure pekunge vabhabhatidzwa, vakawanda vavo vainge vasati vakura pakunamata. (1 VaK. 3:2) Tingaitei kuti izvozvo zvisaitikawo kwatiri?
10. Tingaita sei kuti tive vaKristu vakakura pakunamata? (Judha 20)
10 Kuti tizova vaKristu vakakura pakunamata tinofanira kutanga tava nechido chekukura pakunamata. Vaya ‘vanoramba ruzivo’ uye vanoda kuramba vari vacheche pakunamata havatombofi vakakura pakunamata. (Zvir. 1:22) Hatidi kuita semunhu anenge akura asi anoramba achida kuitirwa zvisarudzo nevabereki. Ibasa redu rekuva nechokwadi chekuti ushamwari hwedu naJehovha huri kuramba huchikura. (Verenga Judha 20.) Kana uchiri kushanda kuti uzova muKristu akakura pakunamata nyengetera kuna Jehovha kuti akupe “chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita.”—VaF. 2:13.
11. Jehovha anotibatsira sei kuti tive vaKristu vakakura pakunamata? (VaEfeso 4:11-13)
11 Jehovha ane rubatsiro rwaanotipa kuti tikure pakunamata. Vaya vanoshumira sevafudzi uye sevadzidzisi muungano yechiKristu vakagadzirira kutibatsira kuti ‘tikure zvakakwana’ pakunamata ‘tiine chimiro chakazara chaKristu.’ (Verenga VaEfeso 4:11-13.) Jehovha anotipawo mweya wake mutsvene uyo unotibatsirawo kuti tive ‘nepfungwa dzaKristu.’ (1 VaK. 2:14-16) Uye Mwari akaitawo kuti Evhangeri ina dzinyorwe kuti tidzidze pamafungiro, matauriro uye maitiro aJesu paaiita ushumiri hwake panyika. Kana ukava nemafungiro aJesu uye ukatevedzera zvaaiita, unogona kuva muKristu akakura pakunamata.
ZVEKUDYA ZVIKUKUTU ZVINOTIBATSIRA SEI KUTI TIKURE PAKUNAMATA?
12. “Dzidziso yekutanga pamusoro paKristu,” inosanganisirei?
12 Kuti tisvike pakuva vaKristu vakakura pakunamata, tinofanirawo ‘kupfuura dzidziso yekutanga pamusoro paKristu.’ Zvimwe zvinhu zvatakatanga kudzidza nezvazvo zvinosanganisira kupfidza, kutenda, rubhabhatidzo uye kumuka kwevakafa. (VaH. 6:1, 2) Zvinhu izvi ndizvo faundesheni yechiKristu. Ndosaka muapostora Petro akataura nezvazvo paaiparidzira vanhu paPendekosti. (Mab. 2:32-35, 38) Tinofanira kugamuchira dzidziso idzi kuti tive vadzidzi vaKristu. Semuenzaniso, Pauro akayambira kuti vaya vanoramba dzidziso yekuti kuchava nekumuka kwevakafa havagoni kuva vaKristu vechokwadi. (1 VaK. 15:12-14) Asi hatifaniri kungogumira pakuziva dzidziso iyi yekutanga.
13. Tinofanira kuitei kuti tibatsirwe nezvekudya zvikukutu zvinotaurwa pana VaHebheru 5:14? (Onawo mufananidzo.)
13 Kusiyana nedzidziso yekutanga, zvekudya zvikukutu zvinosanganisira mitemo yaJehovha uye chokwadi chake chisingachinji icho chinotibatsira kunzwisisa mafungiro ake. Kuti tibatsirwe nezvekudya izvi, tinofanira kudzidza Shoko raMwari, kurifungisisa uye kuita zvese zvatinogona kuti tishandise zvatinenge tadzidza. Patinoita izvi, tinodzidza kuita zvisarudzo zvinofadza Jehovha. b—Verenga VaHebheru 5:14.
14. Pauro akabatsira sei vaKorinde kuti vakure pakunamata?
14 VaKristu vasina kusimba pakunamata vanowanzoomerwa nekuita zvisarudzo kana pasina mutemo weBhaibheri. Kana pasina mutemo weBhaibheri uripo vamwe vanganzwa sekuti vanogona kuita chero zvavada. Vamwe vangada kuti padzikwe mutemo paunenge usingafaniri kudzikwa. Semuenzaniso, zvinoita sekuti vaKristu vemuKorinde vakabvunza Pauro kuti zvaibvumirwa here kana kuti zvaisabvumirwa here kudya zvekudya zvainge zvakabayirwa kuchidhori. Pane kuti avaudze zvekuita, Pauro akaratidza kuti mumwe nemumwe wavo aiva nekodzero “yekusarudza” zvichienderana nekuti hana yake yaimubvumidza kuti aitei. Akashandisa pfungwa dzemuBhaibheri dzaizovabatsira kuti vasare vasingazvipi mhosva uye vasaita zvinhu zvinogumbura vamwe. (1 VaK. 8:4, 7-9) Saka Pauro aibatsira vaKorinde kuti vakure pakunamata, kuitira kuti vashandise simba ravo rekunzwisisa pane kuti vavimbe nemumwe munhu kana kuda kuudzwa zvekuita.
15. Pauro akabatsira sei vaKristu vechiHebheru kuti vakure pakunamata?
15 Tinodzidza chidzidzo chinokosha kubva patsamba yakanyorerwa vaKristu vechiHebheru naPauro. Vamwe vavo havana kuramba vachikura pakunamata, asi vakanga ‘vatodzokera zvakare pakuda mukaka, kwete zvekudya zvikukutu zvekunamata.’ (VaH. 5:12) Vakanga vasiri kufambirana nechokwadi chaijekeswa zvishoma nezvishoma pachishandiswa ungano. (Zvir. 4:18) Semuenzaniso vaKristu vakawanda vechiJudha vakanga vachiri kukurudzira vamwe kuti vateerere Mutemo waMozisi kunyange zvazvo chibayiro chaJesu chakanga chagumisa Mutemo uyu makore anoda kusvika 30 akanga adarika. (VaR. 10:4; Tito 1:10) Makore iwayo akapa vaKristu ava nguva yakawanda yekuti vanzwisise kuti vakanga vasingachafaniri kuchengeta Mutemo iwoyo. Munhu wese anoverenga tsamba yaPauro yaakanyorera vaHebheru anonyatsoona kuti bhuku iri rine zvekudya zvikukutu zvekunamata. Izvi ndizvo zvaidiwa nevaKristu ava kuti vasimbise kutenda kwavo kuti urongwa hwechiKristu hwekunamata hwainge hwakanaka chaizvo uye kuti vave neushingi hwekuramba vachiparidza pasinei nekupikiswa kwavaiitwa nevaJudha.—VaH. 10:19-23.
USAZVIVIMBA
16. Kuwedzera pakufambira mberi kusvika takura pakunamata, tinofanira kuitei?
16 Hatifaniri kungogumira pakushanda nesimba kuti tikure pakunamata, asiwo tinofanira kuramba takakura pakunamata. Saka tinofanira kungwarira kuti tisafunga kuti sezvo takura pakunamata hatichafaniri kusimbisa ushamwari hwedu naJehovha. (1 VaK. 10:12) Tinofanira kuramba ‘tichizviedza’ kuti tive nechokwadi chekuti tiri kuramba tichifambira mberi.—2 VaK. 13:5.
17. Tsamba yaPauro kuvaKorose inoratidza sei kuti tinofanira kuramba takakura pakunamata?
17 Mutsamba yaakanyorera vaKorose, Pauro akaratidzazve kuti tinofanira kuramba takasimba pakunamata. Kunyange zvazvo vaKorose vainge vava vaKristu vakakura pakunamata, Pauro akavaudza kuti vanyatsongwarira kuti vasanyengerwa nemafungiro enyika. (VaK. 2:6-10) Uye Epafrasi, uyo anogona kunge ainyatsoziva vaya vaiva muungano iyi, aigara achivanyengeterera kuti ‘vapedzisire vanyatsokwana,’ kana kuti vakura pakunamata. (VaK. 4:12) Tinodzidzei? Pauro naEpafrasi vaiziva kuti kana munhu achida kuramba akasimba pakunamata anofanira kubatsirwa naMwari uyewo anofanira kuva nechokwadi chekuti ushamwari hwake naJehovha hunoramba huchikura. Vaida kuti vaKorose varambe vari vaKristu vakakura pakunamata pasinei nemiedzo yavaisangana nayo.
18. Chii chinogona kuitika kumuKristu akasimba pakunamata? (Onawo mufananidzo.)
18 Pauro akayambira vaHebheru kuti muKristu akasimba pakunamata anogona kurega kufarirwa naMwari zvachose. Mwoyo wemuKristu unogona kuoma chaizvo zvekuti anenge asingachakwanisi kupfidza uye kuregererwa naMwari. Chinofadza ndechekuti vaHebheru vakanga vasati vasvika ipapo. (VaH. 6:4-9) Zvakadii nevaya vasingachaiti basa kana kuti vakadzingwa asi vozopfidza? Kupfidza kwavo kunoratidza kuti vakasiyana nevaya vaitaurwa nezvavo naPauro. Asi pavanodzoka kuna Jehovha vanofanira kubatsirwa naye. (Ezek. 34:15, 16) Vakuru vanogona kuronga kuti Chapupu chakasimba pakunamata chivabatsire kuti vavezve neushamwari hwepedyo naJehovha.
19. Tinofanira kuva nechinangwa chei?
19 Kana uchida chaizvo kuva muKristu akasimba pakunamata, unogona kuzadzisa chinangwa ichocho. Ramba uchidya zvekudya zvikukutu zvekunamata uye ita kuti mafungiro ako arambe achiwedzera kufanana neaJehovha. Uye kana utori muKristu akasimba pakunamata, shanda nesimba kuti urambe wakadaro.
UNGAPINDURA SEI?
-
Zvinorevei kuva muKristu akasimba pakunamata?
-
Tingaitei kuti tive vaKristu vakakura pakunamata?
-
Nei tichifanira kungwarira kuti tisazvivimba?
RWIYO 65 Fambira Mberi!
a Ona nyaya yakanzi “Ngwarira Mashoko Enhema” iri muchikamu chakanzi “Dzimwe Nyaya” chinowanikwa pajw.org uye paJW Library.
b Ona nyaya yakanzi “Zvaunogona Kudzidza” iri mumagazini ino.
c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kushandisa chokwadi chayakadzidza muShoko raMwari pakusarudza zvinoivaraidza.