Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAUNOGONA KUDZIDZA

Vaya Vanoda Kufadza Jehovha Vanoita Zvisarudzo Zvakanaka

Vaya Vanoda Kufadza Jehovha Vanoita Zvisarudzo Zvakanaka

Verenga Genesisi 25:​29-34 uone kana Isau naJakobho vakaita zvisarudzo zvakanaka.

Dzidza zvakawanda nezvenyaya yacho yese. Zvii zvakanga zvaitika? (Gen. 25:​20-28) Zvii zvakazoitika?—Gen. 27:​1-46.

Nyatsoongorora nyaya yacho. Mumazuva iwayo dangwe raiva nekodzero dzipi uye raiwanei?—Gen. 18:​18, 19; w10 5/1 13.

  • Murume aifanira kuva dangwe here kuti azova tateguru waMesiya? (w17.12 14-15)

Ona zvidzidzo zvirimo uye zvishandise. Nei Jakobho aikoshesa udangwe kupfuura zvaiitwa naIsau? (VaH. 12:​16, 17; w03 10/15 28-29) Jehovha aiona sei Jakobho naIsau, uye nei aivaona saizvozvo? (Mar. 1:​2, 3) Zvii zvingadai zvakaitwa naEsau kuti akwanise kuita zvisarudzo zvakanaka?

  • Zvibvunze kuti, ‘Ndingaratidza sei kuti ndinokoshesa zvinhu zvekunamata pandinosarudza mashandisiro andichaita nguva yangu vhiki rega rega uye pandinoronga nguva yekuita kunamata kwemhuri?’