Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 16

RWIYO 64 Kuita Basa Rekukohwa Tichifara

Zvaungaita Kuti Uwedzere Kufara Muushumiri

Zvaungaita Kuti Uwedzere Kufara Muushumiri

“Shumirai Jehovha muchifara.”PIS. 100:2.

ZVATICHADZIDZA

Munyaya ino tichakurukura zvatingaita kuti tiwedzere kufara muushumiri.

1. Vamwe vanonzwa sei nezvekutaura nevamwe muushumiri? (Onawo mufananidzo.)

 SEVANHU vaJehovha, tinoparidzira vamwe nekuti tinoda Baba vedu vekudenga uye tinoda kubatsira vavakidzani vedu kuti vavazive. Vaparidzi vakawanda vanonyatsonakidzwa nebasa rekuparidza asi vamwe zvinovaomera kuti vawane mufaro wekuriita. Nei zvakadaro? Vamwe vanogona kunge vachinyara chaizvo uye vanofunga kuti havakwanisi kunyatsodzidzisa. Vamwe vanonzwa vasina kusununguka kuenda mudzimba dzevanhu vasina kukokwa. Vamwe vanotya kuti vanhu vachavatsamwira. Vamwe vakadzidziswa kuti vasapikisana nevanhu. Pasinei nekuti hama nehanzvadzi idzi dzinoda Jehovha chaizvo, dzinoomerwa nekutaura nevanhu vadzisingazivi nezvemashoko akanaka. Asi dzinoziva kukosha kwebasa iri uye dzinogara dzichiriita. Jehovha anofara chaizvo nadzo!

Unonakidzwa nebasa rekuparidza here? (Ona ndima 1)


2. Nei usingafaniri kuora mwoyo kana usinganakidzwi neushumiri?

2 Manzwiro ataurwa mundima yapfuura anomboita kuti zvikuomere kuwana mufaro muushumiri here? Kana zvakadaro usaora mwoyo. Kunzwa sekuti haukwanisi kunyatsodzidzisa kunogona kuratidza kuti unozvininipisa uye kuti haudi kuti vamwe vanyanye kufunga nezvako. Kunoratidzawo kuti haudi kuitisana nharo nevanhu. Uye hapana anoda kugumbura vamwe kunyanya paanenge achiedza kuvaitira zvakanaka. Baba vako vekudenga vanonyatsoziva matambudziko aunosangana nawo uye vanoda kukubatsira. (Isa. 41:13) Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvishanu zvatingaita kana tiine manzwiro akadaro uye zvatingaita kuti tinakidzwe neushumiri.

SHOKO RAMWARI NGARIKUPE SIMBA

3. Chii chakabatsira muprofita Jeremiya kuti aparidzire vamwe?

3 Kubva kare, mashoko anobva kuna Mwari ari kusimbisa vashumiri vake pavanenge vaine basa rakaoma rekuita. Funga nezvemuprofita Jeremiya. Jehovha paakamupa basa rekuparidza, akazeza. Jeremiya akati: “Handigoni kutaura, nekuti ndinongovawo hangu mukomana.” (Jer. 1:6) Chii chakamubatsira kuti ave neushingi hwekuparidza? Akawana simba kubva mushoko raMwari. Akati: “Rakava semoto unobvira wakavharirwa mumapfupa angu, ndakaneta nekuramba ndakanyarara.” (Jer. 20:​8, 9) Kunyange zvazvo Jeremiya aiparidza mundima yakaoma, mashoko aakapiwa kuti aparidze akamupa simba rekuti aite basa racho.

4. Chii chinoitika patinoverenga Shoko raMwari tofungisisa zvatinenge taverenga? (VaKorose 1:​9, 10)

4 VaKristu vanowana simba kubva mumashoko aJehovha anowanika muBhaibheri. Paainyorera ungano yaiva muKorose, muapostora Pauro akataura kuti kuva neruzivo rwakarurama kwaizoita kuti hama dzake dzifambe “zvinokodzerana nezita raJehovha” sezvadzairamba ‘dzichibereka zvibereko mumabasa ese akanaka.’ (Verenga VaKorose 1:​9, 10.) Mabasa akanaka iwayo aisanganisira kuparidza mashoko akanaka. Saka patinoverenga Shoko raMwari tofungisisa zvatinenge taverenga, tinosimbisa kutenda kwedu muna Jehovha, uye tinowedzera kunzwisisa kuti nei zvichikosha chaizvo kuti tiparidze nezveUmambo hwake.

5. Tingaitei kuti tinyatsobatsirwa nekuverenga uye kudzidza Bhaibheri?

5 Kuti tinyatsobatsirwa neShoko raMwari, hatifaniri kumhanya mhanya patinoverenga, patinodzidza uye patinofungisisa. Zvipe nguva yakakwana. Kana ukasangana nerugwaro rwausinganzwisisi, usangorusiya rwakadaro. Asi shandisa Watch Tower Publications Index kana kuti Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza kuti uone kutsanangurwa kwevhesi yacho. Kana ukatora nguva yako paunenge uchidzidza, uchawedzera kuva nechokwadi chekuti zvinotaurwa neBhaibheri ichokwadi. (1 VaT. 5:21) Paunowedzera kuva nechokwadi, unowedzerawo kuwana mufaro wekuudza vamwe zvaunenge wadzidza.

NYATSOGADZIRIRA USHUMIRI

6. Nei tichifanira kunyatsogadzirira ushumiri?

6 Kana ukanyatsogadzirira ushumiri, kakawanda kacho unowedzera kusununguka paunotaura nevamwe. Jesu akabatsira vadzidzi vake kuti vagadzirire asati avatuma kunoparidza. (Ruka 10:​1-11) Sezvo vakashandisa zvavakanga vadzidziswa naJesu, vadzidzi vakafara chaizvo nezvavakakwanisa kuita.—Ruka 10:17.

7. Tingagadzirira sei ushumiri? (Ona mufananidzo.)

7 Tingagadzirira sei ushumiri? Tinofanira kufunga kuti tingataura sei chokwadi nenzira inonzwisisika tichishandisa mashoko edu. Zvinobatsirawo kugara tafunga nezvezvinhu zviviri kana zvitatu zvinowanzotaurwa nevanhu mundima tobva tafunga kuti tingavapindura sei. Patichazotaura nevanhu, tinogona kuedza kusununguka, kunyemwerera, uye kuva neushamwari.

Nyatsogadzirira ushumiri (Ona ndima 7)


8. VaKristu vakafanana papi nemidziyo yevhu yakataurwa nemuapostora Pauro?

8 Muapostora Pauro akaudza hama nehanzvadzi dzake dzechiKristu kuti: “Tine pfuma iyi mumidziyo yevhu.” (2 VaK. 4:7) Pfuma iyi ndeipi? Ibasa rekuparidza mashoko eUmambo iro rinoponesa upenyu. (2 VaK. 4:1) Midziyo yevhu chii? Inomiririra vashumiri vaMwari avo vanoudza vamwe mashoko akanaka. Panguva yaPauro, vatengesi vaishandisa midziyo yevhu pakutakura zvinhu zvinokosha zvakadai sechikafu, waini, uye mari. Saizvozvowo, Jehovha akatipa mashoko akanaka ayo anokosha. Tichibatsirwa naJehovha tinogona kuva nesimba ratinoda kuti tirambe tichiparidza.

NYENGETERERA USHINGI

9. Tingakurira sei kutya vanhu? (Onawo mufananidzo.)

9 Dzimwe nguva tinogona kutya vanhu. Tingakurira sei kutya ikoko? Funga nezvemunyengetero wevaapostora pavakaudzwa kuti vasaparidza. Vaapostora havana kutya asi vakakumbira Jehovha kuti avabatsire kuti “varambe vachitaura shoko [rake] neushingi.” Jehovha akabva angopindura munyengetero wavo. (Mab. 4:​18, 29, 31) Kana kutya vanhu kuchimboita kuti tizvidye mwoyo patinenge tichiparidza, tinofanirawo kunyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire. Kumbira Jehovha kuti asimbise kuda kwaunoita vanhu kuitira kuti usatya kuvaudza mashoko akanaka.

Nyengeterera ushingi (Ona ndima 9)


10. Jehovha anotibatsira sei kuti tive Zvapupu zvake? (Isaya 43:​10-12)

10 Jehovha akatigadza kuti tive Zvapupu zvake uye anovimbisa kutibatsira kuti tive neushingi. (Verenga Isaya 43:​10-12.) Funga nezvenzira ina dzaanotibatsira nadzo kuti tiite izvozvo. Yekutanga, Jesu anenge ainesu pese patinoparidza mashoko akanaka. (Mat. 28:​18-20) Yechipiri, Jehovha akapa ngirozi basa rekuti dzitibatsire. (Zvak. 14:6) Yechitatu, Jehovha akatipa mweya wake mutsvene kuti utibatsire kuyeuka zvinhu zvatakadzidza. (Joh. 14:​25, 26) Yechina, Jehovha akatipa hama nehanzvadzi dzekushanda nadzo. Tichibatsirwa naJehovha uye tichitsigirwa nehama nehanzvadzi dzedu dzine rudo, tine zvese zvatinoda kuti tive neushingi uye tirambe tichiparidza.

ITA ZVINOENDERANA NENDIMA YAKO UYE IVA NEMAONERO AKANAKA

11. Paunenge uri muushumiri, ungaitei kuti uwane vanhu vakawanda? (Onawo mufananidzo.)

11 Unoora mwoyo here paunowana vanhu vashoma vari pamba? Zvibvunze kuti: ‘Vanhu vemundima yangu vari kupi iye zvino?’ (Mab. 16:13) ‘Vari kubasa kana kuti vaenda kunotenga here?’ Kana zvakadaro, unogona here kuwana vanhu vakawanda nekuparidza mumugwagwa? Imwe hama inonzi Joshua inoti, “Ndinowana mikana yekuparidza pandinenge ndichifamba munzvimbo dzine zvitoro uye munopakwa mota.” Iye nemudzimai wake Bridget, vanowanawo vanhu vakawanda pamba pavanoparidza zuva rava kudoka uyewo musi weSvondo masikati.—VaEf. 5:​15, 16.

Chinja nguva nenzvimbo yaunoparidza (Ona ndima 11)


12. Tingaziva sei zvinotendwa nevanhu kana kuti zvavari kunetseka nazvo?

12 Kana munhu akaratidza kuti haana basa nezvauri kutaura, edza kuziva zvaanotenda kana kuti zvaari kunetseka nazvo. Joshua naBridget vanoshandisa mubvunzo unowanika papeji yekutanga yeturakiti pavanenge vachitaura nevanhu. Semuenzaniso, vachishandisa turakiti rinonzi Unoona Sei Bhaibheri? vanoti: “Vamwe vanhu vanoona Bhaibheri sebhuku rinobva kuna Mwari asi vamwe havarioni saizvozvo. Imi munorionawo sei?” Izvi zvinowanzoita kuti vakurukure nevanhu.

13. Nei tingati tabudirira muushumiri hwedu kunyange kana vanhu vakasatiteerera? (Zvirevo 27:11)

13 Kunyange vanhu vakasatiteerera patinoparidza, tinenge tazadzisa chinangwa chedu. Nei zvakadaro? Nekuti tinenge tapa uchapupu. Izvozvo ndizvo zvinodiwa naJehovha Mwari neMwanakomana wake kuti tiite. (Mab. 10:42) Kunyange tikasawana munhu wekutaura naye kana kuti vanhu vakaramba mashoko edu, tinogona kuwana mufaro nekuti tinoziva kuti tiri kufadza Baba vedu vekudenga.—Verenga Zvirevo 27:11.

14. Nei tichigona kufara kana mumwe muparidzi akawana munhu anofarira?

14 Tinogonawo kufara mumwe muparidzi paanowana munhu anofarira. Nharireyomurindi yakafananidza basa redu nekutsvaga mwana anenge arasika. Vanhu vakawanda vanomutsvaga kwese kwese. Mwana wacho paanowanikwa, munhu wese anofara, kwete munhu anenge amuwana chete. Saizvozvowo, munhu wese muungano anobatsira pakuita kuti munhu ave mudzidzi waJesu. Munhu wese ari muungano anodiwa kuti tikwanise kuparidzira vanhu vese vari mundima uye tese tinofara munhu mutsva paanotanga kupinda misangano.

ISA PFUNGWA PAKUDA KWAUNOITA JEHOVHA UYE MUVAKIDZANI WAKO

15. Kuita zvinotaurwa pana Mateu 22:​37-39, kunotibatsira sei kuti tiwedzere chido chekuita ushumiri? (Onawo mufananidzo uri pakavha.)

15 Tinogona kuwedzera chido chedu chekuparidza nekuisa pfungwa dzedu pakuda kwatinoita Jehovha uye muvakidzani wedu. (Verenga Mateu 22:​37-39.) Fungidzira kufara kunoita Jehovha paanotiona tichiita basa racho uye kufara kuchaita vanhu pavanotanga kudzidza Bhaibheri! Fungawo nezveruponeso rwakamirira vaya vanoteerera mashoko edu.—Joh. 6:40; 1 Tim. 4:16.

Kuisa pfungwa dzedu pakuda kwatinoita Jehovha uye muvakidzani kuchaita kuti tiwedzere kufara muushumiri (Ona ndima 15)


16. Tingawana sei mufaro muushumiri hwedu patinenge tisingakwanisi kubva pamba? Taura mienzaniso.

16 Pane chinhu chinokutadzisa kubva pamba here? Kana zvakadaro, isa pfungwa dzako pane zvaunokwanisa kuita kuti uratidze kuda kwaunoita Jehovha uye muvakidzani wako. Panguva yechirwere cheCOVID-19, Samuel naDania vaisakwanisa kubva pamba pavo. Munguva iyoyo yakaoma, vaigara vachiparidza nefoni, kunyora matsamba uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri vachishandisa Zoom. Samuel aiparidzira vanhu vaaisangana navo kukiriniki kwaairapwa kenza. Anoti: “Patinenge tiri mumatambudziko, tingazvidya mwoyo uye kunzwa takaneta uye kutenda kwedu kunogona kuedzwa. Tinofanira kuwana mufaro mubasa ratinoitira Jehovha.” Panguva iyoyo, Dania akadonha akakuvara zvekuti aifanira kuramba ari pamubhedha kwemwedzi mitatu. Kwemwedzi 6 yakazotevera aishandisa wiricheya. Anoti: “Ndaiedza kuita zvese zvandaikwanisa mumamiriro angu ezvinhu. Ndakakwanisa kuparidzira nesi aindishanyira uye ndakataura nevaya vaiunza zvinhu kumba. Ndakakwanisawo kukurukura pafoni nemumwe mukadzi anoshandira imwe kambani inotengesa zvinhu zvinoshandiswa pakurapa.” Kunyange zvazvo Samuel naDania vaisakwanisa kuita zvinhu sezvavaimboita, vakaitawo zvavaikwanisa uye izvozvo zvakaita kuti vafare.

17. Tingaitei kuti tinyatsobatsirwa nemazano ari munyaya ino?

17 Mazano ari munyaya ino anonyatsobatsira kana akashandiswa pamwe chete. Zano rimwe nerimwe rakaita sechinhu chinoshandiswa pakubika. Zvinhu zvacho zvese pazvinobikwa pamwe chete panobuda chikafu chinonyatsonaka. Kana tikashandisa mazano aya ese, tichakwanisa kukurira manzwiro asina kunaka uye tichawana mufaro wakakura muushumiri.

ZVINHU ZVINOTEVERA ZVINOITA SEI KUTI UFARE MUUSHUMIRI?

  • Kuwana nguva yekunyatsogadzirira

  • Kunyengeterera ushingi

  • Kuisa pfungwa pakuda kwaunoita Jehovha uye muvakidzani wako

RWIYO 80 “Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka”