Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwoyo Murefu—Kutsungirira Kune Chinangwa

Mwoyo Murefu—Kutsungirira Kune Chinangwa

SEZVO zvinhu zviri kuwedzera kuoma “mumazuva okupedzisira,” vanhu vaJehovha vanofanira kuwedzera kuva nemwoyo murefu. (2 Tim. 3:1-5) Takapoteredzwa nevanhu vanozvida, vasingambodi kubvumirana, uye vasingazvidzori. Vanhu vanoita izvozvo havana mwoyo murefu. Saka muKristu mumwe nemumwe anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndavawo munhu asina mwoyo murefu here sevanhu vari munyika? Kuva nemwoyo murefu kunorevei? Ndingaita sei kuti ndirambe ndiine unhu uhwu hwechiKristu hunokosha?’

KUVA NEMWOYO MUREFU KUNOVEREI?

Panoshandiswa mashoko ekuti mwoyo murefu muBhaibheri anenge asingangorevi kutsungirira kunoita munhu kana ari mudambudziko. Mushumiri waMwari anotsungirira zvine chinangwa. Haangofungi zvakamunakira chete asi zvakanakirawo munhu anenge amukanganisira. Saka kana munhu ane mwoyo murefu akatsamwiswa, haarasi tariro yekuti ushamwari huchagadzirisika. Ndokusaka Bhaibheri richitaura nezvekuva ‘nemwoyo murefu’ seunhu hwekutanga paunhu hwakanaka hwakawanda hunobva parudo. * (1 VaK. 13:4) Shoko raMwari rinotaurawo ‘nezvemwoyo murefu,’ parinotaura ‘nezvezvibereko zvemweya mutsvene.’ (VaG. 5:22, 23) Chii chatinofanira kuita kuti tive nemwoyo murefu?

UNGAVA SEI NEMWOYO MUREFU?

Kuti tive nemwoyo murefu, tinofanira kunyengetera kuti tibatsirwe nemweya waJehovha waanopa vaya vanovimba naye. (Ruka 11:13) Mweya waMwari une simba asi tinofanirawo kuita pedu nekuita zvinoenderana neminyengetero yedu. (Pis. 86:10, 11) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tiratidze mwoyo murefu zuva rega rega kuitira kuti unhu uhwu hudzike midzi mumwoyo medu. Kunyange tikadaro, tine zvimwe zvatingafanira kuita kuti tirambe tiine mwoyo murefu. Chii chinogona kutibatsira?

Tinogona kuva nemwoyo murefu nekuongorora uye kutevedzera muenzaniso waJesu. Pauro paakataura ‘nezveunhu hutsva,’ hunosanganisira mwoyo murefu, akatikurudzira achiti: “Rugare rwaKristu ngarudzore mumwoyo menyu.” (VaK. 3:10, 12, 15) Tinogona kuita kuti rugare irworwo ‘rwudzore’ mumwoyo medu nekutevedzera kutenda kunoita Jesu kuti Mwari achagadzirisa zvinhu zvinotinetsa panguva yake yakakodzera. Kana tikatevedzera Jesu ticharamba tiine mwoyo murefu pasinei nezvinenge zvichiitika.​—Joh. 14:27; 16:33.

Kunyange zvazvo tichida kuti nyika itsva ikurumidze kuuya, tinodzidza kuva nemwoyo murefu kana tikatevedzera mwoyo murefu watinoitirwa naJehovha. Bhaibheri rinotisimbisa richiti: “Jehovha haanonoki pane zvaakapikira, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Pet. 3:9) Kana tikafungisisa mwoyo murefu watinoratidzwa naJehovha, tinonzwawo tichida kuitira vamwe mwoyo murefu. (VaR. 2:4) Tichifunga nezvepfungwa iyi, ndepapi patingada kuratidza mwoyo murefu?

PATINOFANIRA KURATIDZA MWOYO MUREFU

Zvakawanda zvatinosangana nazvo zuva nezuva zvinoda kuti tive nemwoyo murefu. Semuenzaniso, kana ukaona kuti pane chimwe chinhu chinokosha chaunofanira kutaura, ungafanira kuva nemwoyo murefu kuti usadimburira vamwe panzira. (Jak. 1:19) Ungafanirawo kuratidza mwoyo murefu paunenge uchishamwaridzana nevamwe vaKristu vane unhu hunokusvota. Pane kukurumidza kuvagumbukira, unenge uchiratidza uchenjeri kana ukafunga kuti Jehovha naJesu vanoita sei patinokanganisa. Havati nangananga netwunhu twudiki twatinokanganisa. Asi vanotarisa unhu hwakanaka huri matiri uye vanoratidza mwoyo murefu pavanotarisa zvatinenge tichiedza kuita kuti tivandudze unhu hwedu.​—1 Tim. 1:16; 1 Pet. 3:12.

Tinofanirawo kuva nemwoyo murefu kana mumwe munhu akatiudza kuti zvatataura kana kuti zvataita hazvina kunaka. Kazhinji tinogona kukurumidza kugumbuka uye kuona sekuti hapana chatatadza. Asi Bhaibheri haritikurudziri kuita zvakadaro. Rinoti: “Anoshivirira ari nani kupfuura anozvikudza. Usakurumidza kugumbuka, nokuti kugumbuka kunogara pachipfuva chemapenzi.” (Mup. 7:8, 9) Saka kunyange zvatinopomerwa zvikasava zvechokwadi, tinofanira kuva nemwoyo murefu tonyatsofungisisa tisaita taita chero chinhu. Jesu akatevedzera zano iroro vamwe pavaimupomera.​—Mat. 11:19.

Vabereki vanofanira kunyanya kuratidza mwoyo murefu pavanenge vachifanira kubatsira vana vavo kuti vagadzirise maitiro avo, zvido zvavo uye mafungiro avo. Ona zvakaitika kuna Mattias, anoshumira paBheteri kuScandinavia. Paakanga achiri kuyaruka, Mattias aigara achishorwa kuchikoro nemhaka yezvaanotenda. Pakutanga vabereki vake vakanga vasingazivi zvaiitika. Asi vakaona kuti akanga ava kutanga kusava nechokwadi nezvaaitenda. Baba vaMattias vanonzi Gillis vanoti: “Taitofanira kuva nemwoyo murefu chaizvo.” Mattias aibvunza kuti: “Mwari ndiani? Ko kana Bhaibheri risiri Shoko raMwari? Tinoziva sei kuti ndiMwari anoda kuti tiite izvi?” Aitiwo kuna baba vake: “Nei munhu achifanira kunditonga nekuti handitendi zvamunotenda uye handioni zvinhu semaonero amunoita?”

Gillis anoti: “Dzimwe nguva mwanakomana wedu aibvunza akatsamwa, kwete kutsamwira ini naamai vake, asi chokwadi, chaaiona sekuti chaiita kuti upenyu hwake huome.” Gillis aimubatsira sei? “Ini nemwanakomana wangu taigara pasi tokurukura kwemaawa. Kazhinji ndaiteerera ndichimboita ndichimubvunza mibvunzo kuti ndinyatsonzwisisa manzwiro uye maonero ake. Dzimwe nguva ndaimutsanangurira zvimwe zvinhu ndomuudza kuti aite zuva kana kupfuura achifungisisa nezvazvo tisati taenderera mberi nekukurukura. Dzimwe nguva, ndaimuudza kuti andipe mazuva mashoma ekufunga zvaainge ataura. Kugara tichikurukura seizvi kwakaita kuti zvishoma nezvishoma Mattias awedzere kunzwisisa uye kugamuchira dzidziso dzakadai serudzikinuro, uchangamire hwaMwari, uye rudo rwaJehovha. Zvakatora nguva uye zvakanga zvisiri nyore, asi zvishoma nezvishoma kuda Jehovha kwakatanga kukura mumwoyo make. Ini nemudzimai wangu tiri kufara kuti kubatsira kwatakaita mwanakomana wedu nemwoyo murefu paakanga achiri kuyaruka kwakabudirira uye kwakasvika pamwoyo pake.”

Gillis nemudzimai wake vakavimba naJehovha pavaibatsira mwanakomana wavo nemwoyo murefu. Gillis anoti: “Ndinogara ndichiudza Mattias kuti kumuda kwatinoita kwakaita kuti ini naamai vake tigare tichinyengetera kuti Jehovha amubatsire kunzwisisa.” Vabereki ava vari kufara kuti vakaratidza mwoyo murefu uye havana kukanda mapfumo pasi!

Tinofanira kuva nemwoyo murefu patinenge tichichengeta munhu wemumhuri kana kuti shamwari inenge ichirwara nechirwere chinonetsa kurapa. Ona zvakaitika kuna Ellen, * anogara kuScandinavia.

Makore anenge 8 akapfuura, murume waEllen akarohwa nesitiroko kaviri uye yakakanganisa kushanda kwepfungwa dzake. Saka murume wacho haachakwanisi kunzwira vamwe tsitsi, kufara kana kusuwa. Izvi zviri kuita kuti Ellen aomerwe chaizvo. Anoti: “Izvi zvinotoda kuti ndive nemwoyo murefu uye ndigare ndichinyengetera.” Anowedzera kuti: “Vhesi yandinofarira inondinyaradza ndiVaFiripi 4:13, iyo inoti: ‘Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.’” Simba iroro riri kubatsira Ellen kuti atsungirire nemwoyo murefu aine chivimbo chekuti Jehovha anomutsigira.​—Pis. 62:5, 6.

TEVEDZERA MWOYO MUREFU WAJEHOVHA

Jehovha ndiye anonyanya kuratidza mwoyo murefu kupfuura vanhu vese. (2 Pet. 3:15) Pane nyaya dzakawanda dziri muBhaibheri dzinotaura nezvepakaratidzwa mwoyo murefu chaizvo naJehovha. (Neh. 9:30; Isa. 30:18) Semuenzaniso, Jehovha akaita sei Abrahamu paakamubvunza nezvechisarudzo chake chekuparadza Sodhoma? Abrahamu paaitaura, Jehovha haana kumudimburira panzira. Asi akateerera nemwoyo murefu mubvunzo mumwe nemumwe waaibvunza uye zvinhu zvaimunetsa. Jehovha akabva aratidza kuti akanga achiteerera nekudzokorora zvaitaurwa naAbrahamu uye akamuvimbisa kuti aisazoparadza Sodhoma kunyange kana muguta macho maizowanikwa varume 10 chete vakarurama. (Gen. 18:22-33) Uyu muenzaniso wakanaka wekuteerera nemwoyo murefu uye wekusakurumidza kutsamwa.

Mwoyo murefu chikamu chinokosha cheunhu hutsva hunofanira kuva nevaKristu vese. Kana tikashanda nesimba kuti tive nemwoyo murefu, tinokudza baba vedu vekudenga vane rudo uye vane mwoyo murefu, uye tichava pakati ‘pevaya vanogara nhaka yezvipikirwa.’​—VaH. 6:10-12.

^ ndima 4 Rudo rwakakurukurwa mune imwe yenyaya dzechikamu chino chenyaya dzinotevedzana dzinotaura nezvechibereko chemweya mutsvene waMwari.

^ ndima 15 Zita rakachinjwa.