Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shanda naJehovha Zuva Nezuva

Shanda naJehovha Zuva Nezuva

“Tiri vashandi pamwe chete naMwari.”—1 VAK. 3:9.

NZIYO: 64, 111

1. Zvii zvatinogona kuita pakushanda naJehovha?

MUSIKI aida kuti vanhu vasina chivi vazoshanda naye pakuzadzisa zvinangwa zvake. Pasinei nekuti vanhu vane chivi, vaya vakatendeka vanokwanisa kushanda naJehovha zuva nezuva. Semuenzaniso, tinova “vashandi pamwe chete naMwari” nekuparidza mashoko akanaka eUmambo uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi. (1 VaK. 3:5-9) Funga kuti iropafadzo yakakura zvakadini yatakapiwa neMusiki wezvinhu zvese paakatisarudza kuti tiite basa iri rinokosha chaizvo. Asi kuparidza uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi handizvo zvega zvatinoita pakushanda naJehovha. Nyaya ino ichataura zvimwe zvatingaita pakushanda naJehovha zvinoti: kubatsira vemumhuri medu nevatinonamata navo, kugamuchira vaeni zvakanaka, kuita mabasa ekuzvipira uye kuwedzera ushumiri hwedu.​—VaK. 3:23.

2. Nei kusiri kuchenjera kuti tienzanise zvatinoita pakuzadzisa zvinangwa zvaJehovha nezvinoitwa nevamwe?

2 Patichange tichidzidza nyaya iyi, usaenzanisa zvaunokwanisa kuitira Jehovha nezvinoitwa nevamwe. Yeuka kuti zera, utano, mamiriro ezvinhu uye zvatinogona zvinosiyana. Muapostora Pauro akafemerwa kunyora kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye achabva ava nechikonzero chokupembera nomufaro pamusoro pebasa rake, asingazvienzanisi nomumwe munhu.”​—VaG. 6:4.

BATSIRA VEMUMHURI MAKO UYE VAUNONAMATA NAVO

3. Nei tingati munhu wese ari kuriritira mhuri yake ari kushanda naMwari?

3 Jehovha anotarisira kuti vashumiri vake variritire mhuri dzavo. Semuenzaniso, ungafanira kushanda kuti uwane mari yekuchengeta mhuri yako. Vanaamai vakawanda vanogara pamba vachichengeta vana vavo vadiki. Uye vamwe vana vangafanira kuchengeta vabereki vavo vakura. Aya mabasa anokosha. Shoko raMwari rinoti: “Kana munhu asingagoveri vokwake, kunyanya nhengo dzeimba yake, iye aramba kutenda uye akaipa kwazvo kupfuura munhu asingatendi.” (1 Tim. 5:8) Kana uine vaunofanira kuriritira, ungasakwanisa kushandisa nguva yakawanda pakuita mabasa echiKristu sezvaungada kuita. Asi usaora mwoyo. Jehovha anofara paunoriritira mhuri yako.​—1 VaK. 10:31.

4. Vabereki vangakoshesa sei zvinhu zvekunamata kupfuura zvavanoda ivo, uye chii chinozoitika kana vakadaro?

4 Vabereki vechiKristu pavanobatsira vana vavo kuti vave nezvinangwa zvekunamata vanenge vachishanda naJehovha. Vakawanda ndizvo zvavakaita uye izvozvo zvakaita kuti vana vavo vazopinda mumabasa enguva yakazara kure nekwavanogara. Vamwe vava mamishinari; vamwe vava kupayona munzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda; uye vamwe vari kushumira paBheteri. Kuva kure nekure kungaita kuti vemumhuri vasakwanisa kuva pamwe chete kakawanda sezvavangada. Zvisinei, vabereki vanozvipira vanokurudzira vana vavo kuti varambe vachiita mabasa avo. Nei vachidaro? Nekuti vanowana mufaro wakakura uye kugutsikana nekuti vana vavo vari kuisa zvinhu zveUmambo pekutanga. (3 Joh. 4) Zvichida vakawanda vevabereki ava vanonzwa sezvaiita Hana, uyo akataura kuti akanga ‘apa’ mwanakomana wake Samueri kuna Jehovha. Vabereki ava vanoona kushanda naMwari saizvozvo seropafadzo yakakura. Havatombodi kuti vana vavo vasiye mabasa avo.​—1 Sam. 1:28.

5. Ungabatsira sei vanhu vemuungano mako? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

5 Kana usina zvakawanda zvaunofanira kuita pakuriritira mhuri, unogona here kubatsira hama nehanzvadzi dzinenge dzichirwara kana kuti dzakwegura kana vamwe vane zvavanoda kubatsirwa nazvo? Kana kuti unogona here kubatsira vaya vari kuvachengeta? Cherechedza kuti ndivanaani vanoda kubatsirwa muungano mako. Zvimwe unogona kumbotandadza mubereki akura weimwe hanzvadzi kuitira kuti hanzvadzi yacho ikwanise kuita zvimwe zvinhu. Kana kuti unogona kubatsira vamwe nekupota uchienda navo kumisangano, kuzvitoro, kana kunoshanyira munhu anenge ari muchipatara. Paunoita izvozvo, unogona kunge uri kushanda naJehovha pakupindura munyengetero.​—Verenga 1 VaKorinde 10:24.

GAMUCHIRA VAENI ZVAKANAKA

6. Kugamuchira vaeni zvakanaka kunosanganisirei?

6 Vashandi pamwe chete naMwari vanozivikanwa nekugamuchira vaeni zvakanaka. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kugamuchira vaeni zvakanaka,” rinoreva “kuitira mutsa vanhu vausingazivi.” (VaH. 13:2) Shoko raMwari rine mienzaniso inotidzidzisa kuti tiratidze rudo rwakadaro. (Gen. 18:1-5) Tinogona kuzviita uye tinofanira kutsvaga mikana yekugara tichibatsira vamwe, vangava “vane ukama nesu mukutenda” kana kuti kwete.​—VaG. 6:10.

7. Kugamuchira vari mubasa renguva yakazara kwakanakirei?

7 Unokwanisa here kushanda naMwari kuburikidza nekugamuchira vari mubasa renguva yakazara vanenge vashanya? (Verenga 3 Johani 5, 8.) Izvi zvinowanzoita kuti pave nemukana ‘wekukurudzirana.’ (VaR. 1:11, 12) Funga zvakaitwa naOlaf. Anoyeuka kuti makumi emakore apfuura, muungano mavo makamboshayika munhu aikwanisa kugamuchira mutariri wedunhu uyo akanga asina kuroora. Olaf akakumbira vabereki vake vasiri Zvapupu kuti mutariri wedunhu agare pamba pavo. Vabereki vacho vakabvuma asi vakati Olaf aizofanira kurara pasofa. Olaf ndizvo zvaakaita uye haana kumbozvidemba. Anoti: “Takanakidzwa chaizvo vhiki iroro! Ini nemutariri wedunhu taikurumidza kumuka uye taikurukura nyaya dzinokurudzira pakudya kwemangwanani. Kukurudzirwa kwandakaitwa kwakaita kuti ndive nechido chekupinda mubasa renguva yakazara.” Mumakore 40 apfuura, Olaf ashumira munyika dzakawanda semumishinari.

8. Nei tichifanira kuva nemutsa kunyange vanhu vakasaratidza kuti vanoonga? Taura muenzaniso.

8 Unogona kuratidza rudo kuvanhu vausingazivi nenzira dzakasiyana-siyana kunyange pakutanga vamwe vakasaonga zvaunovaitira. Ona muenzaniso uyu. Mumwe muparidzi wekuSpain paaiitisa chidzidzo cheBhaibheri, akaona kuti mudzidzi wake Yesica, anobva kuEcuador, airamba achingochema. Muparidzi wacho akamubvunza kuti aichemei. Yesica akataura kuti asati atamira kuSpain aiva murombo zvekuti rimwe zuva akanga asina kana zvekudya. Chaaingokwanisa kupa mwanasikana wake yaiva mvura. Yesica akaedza kurarisa mwana wake uku achinyengetera kuti awane rubatsiro. Pasina nguva, hanzvadzi mbiri dzakamushanyira asi Yesica akadzibata zvisina kunaka uye akabvarura magazini yaakapiwa. Akadzibvunza kuti: “Ndicho chikafu chamunoda kuti ndipe mwana wangu here ichi?” Hanzvadzi dzacho dzakaedza kumunyaradza asi hazvina zvazvakabatsira. Pava paya, hanzvadzi dzacho dzakaisa bhasiketi raiva nezvekudya padhoo rake. Yesica akabayiwa mwoyo nemutsa waakaratidzwa uye akanetseka paakaona kuti akanga apira gotsi kupindurwa kwakaitwa munyengetero wake naMwari. Asi iye zvino akanga atsunga kushumira Jehovha. Kuratidza kwavakaita rupo kwakabatsira chaizvo.​—Mup. 11:1, 6.

ZVIPIRE PAKUITA MABASA MUSANGANO RAJEHOVHA

9, 10. (a) VaIsraeri vaiva nemikana ipi yekuti vazvipire? (b) Ndezvipi zvimwe zvinowanzoitwa nevarume vanozvipira muungano mazuva ano?

9 Munguva dzekare, vaIsraeri vaiva nemikana yakawanda yekuzvipira. (Eks. 36:2; 1 Mak. 29:5; Neh. 11:2) Mazuva ano, unewo mukana wekuzvipira uchishandisa nguva yako, zvinhu zvako, uye unyanzvi hwako pakubatsira hama nehanzvadzi dzako. Uchafara chaizvo uye uchawana makomborero akawanda kana ukabatsirawo.

10 Shoko raMwari rinokurudzira varume vari muungano kuti vashande naJehovha nekuvavarirawo kuva neropafadzo uye kuva vatariri. (1 Tim. 3:1, 8, 9; 1 Pet. 5:2, 3) Vaya vanoita izvozvo vanoda kubatsira vamwe pazvinhu zvine chekuita nekunamata nezvimwewo zvinodiwa muupenyu. (Mab. 6:1-4) Vakuru vakambokukumbira here kuti ushumire semurindiri kana kuti uone nezvemabhuku, ndima, kugadziridza zvinhu kana zvimwewo? Vaya vanoita mabasa iwayo vachakuudza kuti kubatsira vamwe kunounza mufaro mukuru.

Kuzvipira kuita mabasa esangano kunopa munhu mikana yakawanda yekuwana shamwari itsva (Ona ndima 11)

11. Imwe hanzvadzi yakabatsirwa sei neshamwari dzayakawana payaiita mabasa ekuvaka?

11 Vaya vanozvipira kuita mabasa ekuvaka vanowana dzimwe shamwari. Funga nezvaMargie, imwe hanzvadzi yakaita basa rekuvaka Dzimba dzeUmambo kwemakore 18. Paaiita basa iroro, aifarira hanzvadzi dzechidiki uye aidzidzidzisa. Akataura kuti basa iri rinopa vanhu vanozvipira mukana wekuti vakurudzirane. (VaR. 1:12) Zvinhu pazvakambomuomera, Margie akakurudzirwa neshamwari dzaainge awana paaiita zvekuvaka. Wakambozvipira kuita basa rekuvaka here? Unogona here kuzvipira pasinei nekuti unogona basa racho kana kwete?

12. Chii chaungaita kuti ubatsire panenge paitika njodzi?

12 Panoitika njodzi, vanhu vaMwari vanowana mikana yekushanda naMwari kuburikidza nekubatsira hama dzavo. Semuenzaniso, vanobatsira nemari vaya vanenge vawirwa nenjodzi. (Joh. 13:34, 35; Mab. 11:27-30) Imwe nzira yatingabatsira nayo ndeyekuchenesa uye kuvaka zvivako zvinenge zvaparara. Imwe hanzvadzi yekuPoland inonzi Gabriela iyo yakanga yaparadzirwa imba nedutu, yakafara hama dzemuungano dzepedyo padzakauya kuzobatsira. Inoti: “Handidi kutaura nezvezvinhu zvandakarasikirwa nazvo. Asi ndinoda kukuudzai zvandakawana. Kubatsirwa kwandakaitwa kwakaita kuti ndive nechokwadi chekuti kuva muungano yechiKristu iropafadzo yakakura uye kunoita kuti ndifare.” Vakawanda vanobatsirwa panenge paitika njodzi vanoti vanowana mufaro mukuru. Uye vaya vanoshanda naJehovha pakubatsira vamwe vanonyatsogutsikana.​—Verenga Mabasa 20:35; 2 VaKorinde 9:6, 7.

13. Kuzvipira kungasimbisa sei ushamwari hwedu naJehovha? Taura muenzaniso.

13 Stephanie nevamwe vaparidzi vakafara pavakashanda naMwari pakubatsira Zvapupu zvakanga zvapinda muUnited States sevapoteri. Vakabatsira vaya vakanga vatama munzvimbo dzainge dzasakadzwa nehondo kuti vawane pekugara nemidziyo yekushandisa. “Takabayiwa mwoyo nemufaro uye kuonga kwavo rudo rwavakaratidzwa nehama dzavo dzinobva kumativi mana enyika,” anodaro Stephanie. “Vanhu vacho vanofunga kuti takavabatsira, asi chokwadi ndechekuti ivo vakatibatsira chaizvo.” Anowedzera kuti, “Rudo rwavo, kubatana kwavo, kutenda kwavo, uye kuvimba kwavanoita naJehovha zvakaita kuti tiwedzere kuda Jehovha, uye izvi zvakaita kuti tiwedzere kuonga zvese zvatinopiwa nesangano rake.”

WEDZERA BASA RAUNOITIRA JEHOVHA

14, 15. (a) Mafungiro api aiva naIsaya? (b) Mazuva ano, vaparidzi veUmambo vangatevedzera sei mafungiro aIsaya?

14 Ungada kunyatsoshanda naJehovha here? Ungada here kuenda kunomushumira kunonyanya kudiwa vashandi musangano rake? Vashumiri vaMwari vanogona kuratidza rupo vasina havo kuenda kure. Asi mamiriro ezvinhu edzimwe hama nehanzvadzi anodzibvumira kushumira dziri kure nekumba. Vane mafungiro akafanana neemuprofita Isaya. Jehovha paakabvunza kuti: “Ndichatuma ani, uye ndiani achatiendera?” Isaya akapindura kuti: “Ndiri pano! Nditumei.” (Isa. 6:8) Une chido here uye mamiriro ako ezvinhu anokubvumira here kuti uite saizvozvo paunokumbirwa kuita mabasa esangano? Zvii zvimwe zvaunogona kuita kuti ubatsire?

15 Achitaura nezvebasa rekuparidza uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi, Jesu akati: “Chokwadi, kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mat. 9:37, 38) Unogona here kushumira mundima inodiwa vaparidzi vakawanda, zvichida uchishanda sapiyona? Kana kuti unogona here kubatsira mumwe munhu kuti aite izvozvo? Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakaona kuti nzira yakanyanya kunaka yekuratidza nayo kuti dzinoda Mwari nemuvakidzani ndeyekupayona munzvimbo dzinodiwa vashandi vekukohwa vakawanda. Pane here dzimwe nzira dzaungawedzera nadzo ushumiri hwako? Kana ukadaro uchafara chaizvo.

16, 17. Ndeipi mimwe mikana iripo kana uchida kuwedzera basa raunoitira Jehovha?

16 Ungada here kushanda paBheteri kana kuti kubatsira panovakwa chivako chesangano, uchishanda kwenguva pfupi uchigara ipapo kana kuti uchishanda uchibva kumba? Sangano raJehovha rinogara richida vanhu vanokwanisa kushumira Jehovha vari chero kwavanenge vanzi vaende uye vachiita chero basa ravanenge vapiwa. Izvi zvingada kuti vaite rimwe basa rinenge richida kuitwa, kunyange zvazvo vangava nemamwe mabasa avakadzidzira. Jehovha anokoshesa kuzvipira kunoratidzwa nevanhu vanoenda kunoshumira chero kunenge kuchidiwa vashandi.​—Pis. 110:3.

17 Une chido chekudzidziswa zvakawanda here kuitira kuti unyatsoshumira Jehovha zvizere? Zvichida unogona kunyorera kuti upinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo. Chikoro ichi chinodzidzisa varume nevakadzi vanoda zvekunamata vari mubasa renguva yakazara kuti vaite mabasa eUmambo mundima. Vaya vanonyorera vanofanira kunge vaine chido chekuita chero basa ravanopiwa pavanopedza chikoro chacho. Ungada here kushandisa mukana uyu kuti uwedzere zvaunoita pakushumira Jehovha?​—1 VaK. 9:23.

18. Kushanda naJehovha zuva nezuva kunoita kuti uwane mibayiro ipi?

18 Sezvo tiri vanhu vaJehovha, tine rupo, tinoita zvakanaka, tine mutsa uye tinoda vamwe. Zuva rimwe nerimwe tinoratidza kuti tine hanya nevamwe. Patinoita izvozvo, tinowana mufaro nerugare. (VaG. 5:22, 23) Pasinei nemamiriro ako ezvinhu, unogona kuwana mufaro nekutevedzera rupo rwaJehovha woramba uri mushandi pamwe chete naye waanoda!​—Zvir. 3:9, 10.