Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 31

“Hatidzokeri Shure”!

“Hatidzokeri Shure”!

“Saka hatidzokeri shure.”—2 VAK. 4:16.

RWIYO 128 Kutsungirira Kusvika Kumugumo

ZVICHADZIDZWA *

1. Pauro akayeuchidzei vaKristu?

VAKRISTU vari kumhanya kuti vawane upenyu. Tingave tichangotanga kumhanya kana kuti tava nemakore tichimhanya, tinofanira kuramba tichimhanya kusvikira tapedza nhangemutange yacho. Zano rakapiwa vaKristu vaiva muFiripi naPauro rinogona kutikurudzira kuti tipedze nhangemutange yedu. Vamwe vaKristu vemuungano iyoyo vakanga vava nemakore vachishumira Jehovha pavakagamuchira tsamba yaPauro. Vakanga vachimhanya zvakanaka, asi Pauro akavayeuchidza kuti vaifanira kuramba vachimhanya vachitsungirira. Aida kuti varambe vachitevedzera muenzaniso wake ‘wekuvavarira kuwana mubayiro.’—VaF. 3:14.

2. Nei zano rakapiwa vaKristu vemuFiripi naPauro rakauya panguva yakanaka?

2 Zano rakapiwa vaKristu vemuFiripi naPauro rakauya panguva yakanaka. VaKristu ava vaitambudzwa nevanhu vemuFiripi kubvira pakatanga ungano yemo. Mugore ra50 C.E., Pauro naSirasi vakaudzwa naMwari kuti ‘vayambukire kuMakedhoniya’ uye ndipo pavakapinda muFiripi. (Mab. 16:9) Imomo ndimo mavakaona mumwe mukadzi ainzi Ridhiya uyo “akanga achiteerera, uye Jehovha akanyatsovhura mwoyo wake” kuti agamuchire mashoko akanaka. (Mab. 16:14) Akabva abhabhatidzwa pamwe chete nevamwe vese vaaigara navo. Asi Dhiyabhorosi akabva atotanga kukonzera matambudziko. Varume veguta vakazvuzvurudzira Pauro naSirasi kuvatongi uye vakavapomera zvenhema vachiti vari kukonzera nyonganyonga. Izvi zvakaita kuti Pauro naSirasi varohwe, vaiswe mujeri, ndokuzonzi vabude muguta racho. (Mab. 16:16-40) Vakakanda mapfumo pasi here? Kana! Ko hama nehanzvadzi dzemuungano iyi yainge ichangotangwa dzakaitawo sei? Vakaita zvakanaka chaizvo nekuti vakatsungirirawo! Vanofanira kunge vakakurudzirwa chaizvo nezvakaitwa naPauro naSirasi.

3. Pauro aizivei, uye tichakurukura mibvunzo ipi?

3 Pauro akanga akatsunga kusadzokera shure. (2 VaK. 4:16) Asi aiziva kuti aifanira kuramba achifunga nezvemubayiro kuti apedze nhangemutange. Tinodzidzei pana Pauro? Mienzaniso ipi yevanhu vemazuva ano vakatendeka inoratidza kuti tinokwanisa kutsungirira pasinei nematambudziko atinosangana nawo? Tariro yedu yeramangwana inotibatsira sei kuti titsunge kusadzokera shure?

ZVAKAITWA NAPAURO ZVINOTIBATSIRA SEI?

4. Pauro akaitei kuti arambe achishingaira pasinei nezvaiitika kwaari?

4 Funga nezvekushingaira kwaiita Pauro paakanyorera vaFiripi tsamba. Akanga ari musungwa muRoma, asingabvumirwi kubva pamba. Aisakwanisa kuenda kunoparidza. Asi airamba achiparidzira vanhu vaimushanyira, achinyorera tsamba ungano dzaiva kure. Mazuva ano, vaKristu vakawanda vasingakwanisi kubva pamba zvimwe nekurwara kana kukwegura vanoshandisawo mikana yese yavanowana kuparidzira vanhu vanovashanyira. Vanonyorerawo tsamba vanhu vasingawanikwi pamba.

5. Maererano nemashoko ake ari pana VaFiripi 3:12-14, chii chakabatsira Pauro kuti arambe achifunga nezvemubayiro?

5 Pauro haana kutsauswa nekushingaira kwaaimboita muchitendero chechiJudha uyewo haana kubvumira kuti zvinhu zvakaipa zvaakaita zvimutsause. Akatotaura kuti ‘kukanganwa zvinhu zviri shure’ kwaizomubatsira kuti ‘asveerere zvinhu zviri mberi’ kana kuti akwanise kupedza nhangemutange yake. (Verenga VaFiripi 3:12-14.) Zvinhu zvipi zvaigona kutsausa Pauro? Chekutanga, asati ava muKristu, aishingaira chaizvo muchitendero chechiJudha. Asi akaona zvinhu izvozvo “semarara.” (VaF. 3:3-8) Chechipiri, kunyange zvazvo ainge ambotambudza vaKristu, haana kurega izvozvo zvichimutadzisa kushumira Jehovha. Chechitatu, haana kuona sekuti zvaakaitira Jehovha zvainge zvakakwana. Pauro akaita zvakawanda chaizvo muushumiri pasinei nekumboiswa mujeri, kurohwa, kutemwa nematombo, kupinda mutsaona yengarava, uye kushaya zvekudya nezvekupfeka. (2 VaK. 11:23-27) Asi pasinei nezvakanaka zvaakaita uye kutambura kwaakaita, aiziva kuti aifanira kuramba achishumira Jehovha. Izvi ndizvo zvatinofanirawo kuita.

6. Ndezvipi zvimwe “zvinhu zviri shure” zvatingada kukanganwa?

6 Tingatevedzera sei Pauro ‘pakukanganwa zvinhu zviri shure’? Vamwe vedu tingada kushanda nesimba kuti tisaramba tichizvipa mhosva yezvivi zvatakaita kare. Kana tichifanira kudaro, zvakanaka chaizvo kuti titange kudzidza nezvechibayiro chaKristu cherudzikinuro. Kana tikadzidza, tofungisisa, uye tonyengetera nezvenyaya iyoyo inokurudzira, hatizonyanyi kunetseka nezvinhu zvatakakanganisa. Uyewo hatizombozvipi mhosva yezvivi zvatakatoregererwa naJehovha. Funga nezvechimwe chidzidzo chatinowana pana Pauro. Vamwe vangadaro vakasiya basa raigona kuita kuti vapfume kuti vaitire Jehovha zvakawanda. Kana zviri izvo zvatakaita, tinokwanisa here kukanganwa zvinhu zviri shure nekurega kufunga nezvemikana yatingadaro tisina kushandisa yekuwana pfuma? (Num. 11:4-6; Mup. 7:10) “Zvinhu zviri shure” zvinogonawo kusanganisira zvinhu zvatakaita mubasa raJehovha kana kuti matambudziko atakatsungirira kare. Ichokwadi kuti kufunga nezvekukomborerwa kwatakaitwa naJehovha uye kutitsigira kwaakaita kunogona kutiswededza pedyo naBaba vedu. Asi hatifaniri kubva tangogutsikana naizvozvo tichiona sekuti zvatakaita zvakakwana.—1 VaK. 15:58.

Munhangemutange yekuwana upenyu, hatifaniri kutsauswa, asi tinofanira kuramba tichifunga nezvemubayiro wedu (Ona ndima 7)

7. Maererano na1 VaKorinde 9:24-27, tinofanira kuitei kuti tihwine munhangemutange yekuwana upenyu? Taura muenzaniso.

7 Pauro ainyatsonzwisisa zvakataurwa naJesu paakati, “Rwisai.” (Ruka 13:23, 24) Pauro aiziva kuti aifanira kuramba achirwisa kweupenyu hwake hwese sezvakaitwa naKristu. Ndokusaka akafananidza upenyu hwemuKristu nenhangemutange. (Verenga 1 VaKorinde 9:24-27.) Munhu anenge ari munhangemutange anoramba achifunga nezvekusvika patambo uye haaregi zvimwe zvinhu zvichimutsausa. Semuenzaniso, vanhu vanoita makwikwi ekumhanya muguta vanogona kumhanya nemugwagwa une zvitoro kana zvimwewo zvinogona kuvatsausa. Unofunga kuti munhu anenge achimhanya angamira here achitarisa zvinhu zvinenge zvichitengeswa? Haangambodaro kana achida kuhwina! Munhangemutange yekuwana upenyu, hatifaniriwo kurega zvimwe zvinhu zvichititsausa. Kana tikaramba tichifunga nezvemubayiro wedu, tichishingaira kushumira Jehovha sezvakaita Pauro, tichawana mubayiro!

KURAMBA TICHISHUMIRA JEHOVHA PASINEI NEMATAMBUDZIKO

8. Matambudziko api matatu atava kuda kukurukura nezvawo?

8 Iye zvino ngatikurukurei nezvematambudziko matatu anogona kutiodza mwoyo anoti: kunonoka kwezvinhu zvatinenge tichitarisira, kupera simba nemhaka yekukwegura, uye miedzo inoramba iripo. Kuziva kuti vamwe vakakwanisa sei kutsungirira matambudziko akadaro kunogona kutibatsira.—VaF. 3:17.

9. Chii chinogona kuitika kana zvatinenge tichitarisira zvikanonoka?

9 Kunonoka kwezvinhu zvatinenge tichitarisira. Tinoda kuona zvinhu zvakanaka zvatakavimbiswa naJehovha zvichizadzika. Iwayo ndiwo manzwiro aiitawo muprofita Habhakuki. Paakataura nezvekushuva kwaaiita kuti Jehovha aite kuti zvinhu zvakaipa zvaiitika muJudha zvipere, Jehovha akamuudza kuti “ramba wakazvimirira.” (Hab. 2:3) Asi kana zvatinenge tichitarisira zvikaita sezviri kunonoka, tinogona kupedzisira tisisashingairi. Tinogona kutoora mwoyo. (Zvir. 13:12) Izvi zvakamboitika makore ekuma1900 achangotanga. Panguva iyoyo, vaKristu vakazodzwa vakawanda vaitarisira kuti vachawana mubayiro wavo wekudenga muna 1914. Izvozvo pazvisina kuitika, vaKristu vakatendeka vakaita sei?

Royal naPearl Spatz havana kuona tariro yavo ichizadziswa muna 1914, asi vakaramba vakatendeka kwemakumi emakore (Ona ndima 10)

10. Mumwe murume nemudzimai vakaita sei zvinhu zvavaitarisira pazvisina kuitika panguva yavaitarisira?

10 Funga nezvevamwe vaKristu vaviri vakatendeka vakakunda dambudziko rakadaro. Hama Royal Spatz vakabhabhatidzwa muna 1908 vaine makore 20. Vaiva nechokwadi chekuti vakanga vasarirwa nenguva pfupi kuti vaende kudenga. Muna 1911, pavakavimbisana kuroorana naPearl, vakamuudza kuti: “Unoziva zvichaitika muna 1914. Kana tichida kuchata, ngatikurumidzei kuzviita!” Murume nemudzimai ava vakarega here kumhanya munhangemutange yekuwana upenyu pavasina kuenda kudenga muna 1914? Havana kurega, nekuti vainyanya kukoshesa kushumira Jehovha vakatendeka, kwete kuwana mubayiro. Vainge vakashinga kumhanya nhangemutange vachitsungirira. Royal naPearl vakaramba vachishingaira uye vakatendeka kusvika pavakapedza upenyu hwavo hwepanyika pashure pemakumi emakore. Zviri pachena kuti unotarisirawo kuona Jehovha achireverera zita rake neuchangamire hwake uye achizadzisa vimbiso dzake dzese. Iva nechokwadi chekuti zvinhu izvi zvichaitika panguva yaJehovha yaakasarudza. Kusvikira nguva yacho yasvika, ngatirambei tichishumira Mwari wedu, tisingambobvumiri kuti kunonoka kwezvinhu zvatinenge tichitarisira kutiodze mwoyo.

Kunyange akwegura, Arthur Secord aida kuitira Jehovha zvese zvaaigona (Ona ndima 11)

11-12. Nei tichikwanisa kuramba tichishumira Jehovha pasinei nekuti tava nesimba shoma? Taura muenzaniso.

11 Kupera simba nemhaka yekukwegura. Munhu anomhanya anoda kuti muviri wake uve nesimba, asi simba iroro harisi iro rinodiwa kuti munhu arambe achikura pakunamata. Pane vakawanda vava nesimba shoma asi vachiine chido chakasimba chekushumira Jehovha. (2 VaK. 4:16) Hama Arthur Secord * pavakanga vava nemakore 88, simba ravo rainge rava shoma uye utano hwavo hwainge hwadzikira. Vakanga vashumira paBheteri kwemakore 55. Rimwe zuva, mumwe nesi akauya pamubhedha wavo achida kuvabatsira. Akavatarisa achibva ati: “Hama Secord, mune zvakawanda chaizvo zvamakaitira Jehovha.” Asi Hama Secord vakanga vasinganyanyi kufunga zvavakaita kare. Vakamutarisa, ndokunyemwerera, vachibva vati: “Ehe, ndizvozvo. Asi zvatakaita handizvo zvinokosha. Chinonyanya kukosha ndechekuti tirambe takatendeka iye zvino.”

12 Zvimwe wava nemakore uchishumira Jehovha, uye iye zvino utano hwako hwava kukutadzisa kuita zvawaiita kare. Kana zvakadaro, usaore mwoyo. Iva nechokwadi chekuti Jehovha anokoshesa zvawakaita kare. (VaH. 6:10) Uye yeuka kuti kuzvipira kuna Jehovha nemweya wese hakuyerwi nekuwanda kwezvatiri kuita mubasa raJehovha. Asi tinoratidza kuzvipira kwedu nekuramba tichifara uye tiine tariro, tichiita zvese zvatinokwanisa zvichienderana nesimba ratiinaro. (VaK. 3:23) Jehovha anoziva zvatinogona nezvatisingagoni uye haatarisiri kuti tiite zvatisingakwanisi.—Mako 12:43, 44.

Anatoly naLidiya Melnik vakaramba vachitsungirira vakatendeka pasinei nematambudziko akawanda (Ona ndima 13)

13. Zvakaitika kuna Anatoly naLidiya zvinotikurudzira sei kuti tirambe tichishumira Jehovha pasinei nematambudziko akawanda?

13 Miedzo inoramba iripo. Vamwe vashumiri vaJehovha vakatsungirira miedzo uye kutambudzwa kwemakumi emakore. Anatoly Melnik * aingova nemakore 12 baba vake pavakasungwa, vakaiswa mujeri ndokuzoendeswa kuSiberia. Mhuri yavo yakasara kuMoldova kure neSiberia nemakiromita anopfuura 7 000. Gore rakatevera racho, Anatoly, amai vake, naambuya nasekuru vake vakaendeswawo kuSiberia. Nekufamba kwenguva, vakanga vava kukwanisa kuenda kumisangano kune imwe nharaunda, asi vaifanira kufamba makiromita 30 nemuchando kuchitonhora zvekuti. Hama Melnik vakazogara mujeri kwemakore matatu vari kure nemudzimai wavo Lidiya, nemwanasikana wavo aiva negore aberekwa. Pasinei nekuomerwa neupenyu kwemakore, Anatoly nemhuri yake vakaramba vachishumira Jehovha vakatendeka. Iye zvino Anatoly ava nemakore 82, uye ari kushumira senhengo yeDare reBazi muCentral Asia. Ngatitevedzerei Anatoly naLidiya, toita zvese zvatinogona mubasa raJehovha, toramba tichitsungirira sezvatagara tichiita.—VaG. 6:9.

RAMBA UCHIFUNGA NEZVETARIRO YERAMANGWANA

14. Pauro aiziva kuti aifanira kuitei kuti awane mubayiro wake?

14 Pauro aiva nechivimbo chekuti aizopedza nhangemutange yacho owana mubayiro wake. SemuKristu akazodzwa, aitarisira kuwana “mubayiro wekudanwa kumusoro naMwari.” Asi aiziva kuti aifanira kuramba ‘achivavarira’ kuti awane mubayiro wacho. (VaF. 3:14) Pauro akaudza vaFiripi muenzaniso waizovabatsira kuti varambe vakaisa pfungwa pamubayiro wavo.

15. Achishandisa muenzaniso wekuva mugari kana kuti chizvarwa, Pauro akakurudzira sei vaKristu vemuFiripi kuti varambe ‘vachivavarira’ kuwana mubayiro?

15 Pauro akayeuchidza vaFiripi kuti vaiva vagari vekudenga kana kuti zvizvarwa zveko. (VaF. 3:20) Nei vaifanira kuramba vachiyeuka izvozvo? Mumazuva iwayo, kuva nekodzero dzezvizvarwa zveRoma kwaikosheswa chaizvo. * Asi vaKristu vakazodzwa vaiva zvizvarwa zvehurumende iri nani, iyo yaizovaitira zvinhu zvakanaka zvakawanda. Kuva chizvarwa cheRoma kwaisava chinhu kana kuchienzaniswa nekuva chizvarwa chehurumende yekudenga! Izvi ndizvo zvakaita kuti Pauro akurudzire vaFiripi kuti ‘vazvibate zvinoenderana nemashoko akanaka pamusoro paKristu.’ (VaF. 1:27) Mazuva ano vaKristu vakazodzwa vanoratidza muenzaniso wakanaka sezvavanovavarira kuwana mubayiro wekurarama nekusingaperi kudenga.

16. Pasinei nekuti tariro yedu ndeyekugara kudenga kana panyika, tinofanira kuramba tichiitei maererano naVaFiripi 4:6, 7?

16 Tingava tiine tariro yeupenyu husingaperi kudenga kana kuti muparadhiso panyika, tinofanira kuramba tichivavarira kuwana mubayiro iwowo. Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, hatifaniri kutarisa zvinhu zvatakasiya shure kana kurega chero chii zvacho chichititadzisa kushumira Jehovha. (VaF. 3:16) Kuzadzika kwezvatiri kutarisira kunogona kuita sekwanonoka, kana kuti simba redu rinogona kunge riri kupera nekukwegura. Tinogona kunge takatsungirira miedzo uye kutambudzwa kwemakore akawanda. Pasinei nemamiriro ako ezvinhu, “usazvidya mwoyo nezvechinhu chero chipi zvacho.” Asi zvikumbiro zvako ngazviziviswe Mwari, uye achakupa rugare runopfuura chero chii chaungafunga nezvacho.—Verenga VaFiripi 4:6, 7.

17. Tichakurukurei munyaya inotevera?

17 Sezvo munhu ari munhangemutange achishandisa simba rake rese kana ava kusvika painoperera, isuwo ngatishandei nesimba redu rese kuti tipedze nhangemutange yekuwana upenyu. Ngatiitei zvese zvatinokwanisa kuti tiwane makomborero ari mberi. Tingaramba sei tichitsungirira? Nyaya inotevera ichatibatsira kuziva zvatinofanira kuisa pekutanga uye kuti ‘tive nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.’—VaF. 1:9, 10.

RWIYO 79 Vadzidzisei Kumira Vakasimba

^ ndima 5 Pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tichishumira Jehovha, tinofanira kuramba tichikura pakunamata uye tichivandudza manamatiro edu. Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti vasambodzokera shure! Tsamba yaakanyorera vaFiripi ine mashoko anotikurudzira kutsungirira munhangemutange yekuwana upenyu. Nyaya ino ichatiratidza kuti tingashandisa sei mashoko aPauro akafemerwa.

^ ndima 11 Ona nyaya yeupenyu yaHama Secord muNharireyomurindi yeChirungu yaJune 15, 1965, ine musoro unoti “My Part in Advancing Right Worship.”

^ ndima 13 Ona nyaya yeupenyu yaHama Melnik inoti, “Kudzidziswa Kuda Mwari Kubva Ndichiri Muduku,” iri muMukai!, yaNovember 8, 2004.

^ ndima 15 Sezvo Firipi yaiva pasi peRoma, vanhu vemuguta racho vaiva nekodzero dzaiva nezvizvarwa zveRoma. Saka muenzaniso waPauro wainyatsonzwisiswa nevaKristu vemuFiripi.