Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Johani Mubhabhatidzi—Muenzaniso Unotibatsira Kuramba Tichifara

Johani Mubhabhatidzi—Muenzaniso Unotibatsira Kuramba Tichifara

PANE rimwe basa remuungano raunoda asi rausingakwanisi kuita panguva ino here? Zvichida ibasa riri kuitwa nemumwe munhu. Kana kuti ibasa rawaimboita. Asi zvichida zera, kurwara, kushaya mari, kana kuriritira mhuri zviri kukutadzisa kuita zvakawanda. Kana kuti nemhaka yekuchinja kwezvinhu musangano, unogona kunge wakasiya rimwe basa rawakaita kwenguva yakareba. Pasinei nechikonzero chacho, unganzwa sekuti hausi kuita zvese zvaungada kuita mubasa raJehovha. Pakadaro zvinonzwisisika kuti dzimwe nguva unoora mwoyo. Kunyange zvakadaro, ungaitei kuti usaora mwoyo kana kugumbuka? Ungaitei kuti urambe uchifara?

Tinodzidza chimwe chinhu chinokosha panyaya yekuramba tiine mufaro pane zvakaitwa naJohani Mubhabhatidzi. Aiva neropafadzo dzakakura, asi anogona kunge aisatarisira zvakazoitika muupenyu hwake. Anogona kunge asina kumbofunga kuti aizogara mujeri kwenguva yakareba kupfuura yaakaita ushumiri hwake. Kunyange zvakadaro, Johani akaramba achifara kweupenyu hwake hwese. Chii chakamubatsira? Uye tingaramba sei tichifara kunyange patinosangana nezvinotiodza mwoyo?

BASA RINOFADZA

Munenge muna April 29 C.E., Johani akatanga basa raakapiwa naJehovha rekuita kuti vanhu vagadzirire kuuya kwaMesiya, achiti: “Pfidzai zvivi zvenyu, nekuti Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.” (Mat. 3:2; Ruka 1:12-17) Vakawanda vakateerera zvaakataura. Vanhu vakawanda vakabva kure vachiuya kuzonzwa mashoko ake, uye vakawanda vakapfidza zvivi zvavo vakabhabhatidzwa. Johani akayambirawo vatungamiriri vechitendero vaizviona sevakarurama kuti vaizotongwa kana vakasachinja. (Mat. 3:5-12) Chinhu chinopfuura zvese pane zvakaitwa naJohani kwaiva kubhabhatidza Jesu munenge muna October 29 C.E. Kubva ipapo, Johani akarayira vamwe kuti vatevere Jesu, Mesiya akavimbiswa.—Joh. 1:32-37.

Achifunga nezvebasa rinokosha rakaitwa naJohani, Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, pavanhu vese vakararama hapana kumbova nemukuru kuna Johani Mubhabhatidzi.” (Mat. 11:11) Hapana mubvunzo kuti Johani akafara nemakomborero aakawana. Mazuva ano pane vakawanda vari kuwanawo makomborero sezvakaitwa naJohani. Funga nezveimwe hama inonzi Terry. Iye nemudzimai wake, Sandra, vakaita makore anopfuura 50 mubasa renguva yakazara. Terry anoti: “Ndakava neropafadzo dzakawanda. Ndakashumira sapiyona, mushandi wepaBheteri, piyona chaiye, mutariri wedunhu, mutariri weruwa, uye iye zvino sapiyona chaiye zvakare.” Zvinofadza chaizvo kana tikapiwa mabasa ekuita musangano, asi sezvatichadzidza pane zvakaitika kuna Johani, tinotofanira kushanda nesimba kuti tirambe tichifara kana mamiriro edu ezvinhu achinja.

GARA UCHIKOSHESA BASA RAUNOPIWA NAJEHOVHA

Chinhu chikuru chakaita kuti Johani arambe achifara ndechekuti airamba achikoshesa ropafadzo dzaaiva nadzo. Funga izvi. Pashure pekubhabhatidzwa kwaJesu, vanhu vaitevera Johani vakatanga kuita vashoma, asi vaitevera Jesu vakatanga kuwanda. Izvi zvakanetsa vadzidzi vaJohani, vachibva vaenda kwaari ndokuti: ‘Murume uya ari kubhabhatidza, uye vese vari kuenda kwaari.’ (Joh. 3:26) Johani akapindura kuti: “Munhu wese ane mwenga ndiye murume ari kuchata. Asi shamwari yemurume ari kuchata painosimuka yomunzwa, inofara chaizvo nekuti inenge yanzwa inzwi rake. Saka mufaro wangu wazadziswa.” (Joh. 3:29) Johani haana kukwikwidzana naJesu, uye haana kufunga kuti basa rake rakanga risingakoshi nekuti raJesu raipfuura rake. Asi akaramba achifara nekuti aikoshesa basa rake rekuva “shamwari yemurume ari kuchata.”

Mafungiro aJohani akaita kuti arambe achifara kunyange zvazvo basa rake raisava nyore. Semuenzaniso, Johani aiva muNaziri kubva paakaberekwa, saka aisabvumirwa kunwa waini. (Ruka 1:15) “Johani akauya asingadyi kana kunwa,” akadaro Jesu achitaura nezvemararamiro aJohani. Asi Jesu nevadzidzi vake vainge vasiri vaNaziri uye vairarama sezvaingoitawo vamwe vanhu. (Mat. 11:18, 19) Uyewo kunyange zvazvo Johani asina chishamiso chaakaita, aiziva kuti vadzidzi vaJesu avo vaisanganisira vamwe vaimbova vateveri vake, vakapiwa simba rekuita zvishamiso. (Mat. 10:1; Joh. 10:41) Johani haana kurega izvozvo zvichimukanganisa, asi akaramba akatendeka achiita basa raakapiwa naJehovha.

Kana isuwo tikaramba tichikoshesa basa ratiri kuita iye zvino musangano raJehovha, tinogona kuramba tichifara. Terry ambotaurwa anoti, “Ndainyatsoisa pfungwa pabasa rimwe nerimwe randaipiwa.” Achitarisa upenyu hwake mubasa renguva yakazara anoti, “Handina chandinozvidemba asi ndinofara pandinofunga zvinhu zvakanaka zvandakaita mubasa racho.”

Tinogona kuwedzera mufaro wedu mubasa raJehovha kana tikafungisisa kuti chii chinoita kuti basa ratinopiwa musangano raJehovha rikoshe chaizvo. Basa redu rinokosha nekuti tinoshanda “pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9) Mudziyo unokosha unoramba uchiratidzika zvakanaka kana tikagara tichiupukuta. Saizvozvowo tinoramba tichifara kana tikaramba tichifunga nezveropafadzo yekushanda naJehovha. Hatizoenzanisi zvatinoita nezvinoitwa nevamwe vanhu. Hatizooni basa ratinoita serakaderera pane rinenge rapiwa vamwe.—VaG. 6:4.

ISA PFUNGWA PAZVINHU ZVINOKOSHESWA NAJEHOVHA

Johani anogona kunge aiziva kuti aizoita ushumiri hwake kwenguva pfupi, asi anogona kunge aisaziva kuti hwaizoerekana hwadimburirwa panzira. (Joh. 3:30) Muna 30 C.E., mwedzi inenge 6 Jesu abhabhatidzwa, Johani akaiswa mujeri naMambo Herodhi. Kunyange zvakadaro, Johani akaramba achiita zvese zvaaigona kuti arambe achidzidzisa zvinhu zvakarurama. (Mako 6:17-20) Chii chakamubatsira kuti arambe achifara paichinja zvinhu seizvi? Akaramba akaisa pfungwa pazvinhu zvinokosheswa naJehovha.

Johani paaiva mujeri, akanzwa nezvekuwedzera kwaiita ushumiri hwaJesu. (Mat. 11:2; Ruka 7:18) Johani aiva nechokwadi chekuti Jesu ndiye aiva Mesiya, asi anogona kunge ainetseka kuti aizozadzisa sei zvese zvaitaurwa neMagwaro kuti zvaizoitwa naMesiya. Sezvo Mesiya aizopiwa umambo, utongi hwaJesu hwaizotanga nekukurumidza here? Hwaizoita kuti Johani abudiswe mujeri here? Johani aida kunyatsoziva nezvebasa raJesu, saka akatuma vadzidzi vake vaviri kunobvunza Jesu kuti: “Ndimi here uya akanzi Anouya, kana kuti pane mumwe watinofanira kutarisira?” (Ruka 7:19) Pavakadzoka, Johani anofanira kunge akanyatsovateerera vachirondedzera kuti Jesu ainge aita zvishamiso zvekurapa vanhu uye Jesu wacho akanga avati vanoudza Johani kuti: “Mapofu ava kuona, vanokamhina vava kufamba zvakanaka, vane maperembudzi vari kucheneswa, matsi dziri kunzwa, vakafa vari kumutswa, uye varombo vari kuudzwa mashoko akanaka.”—Ruka 7:20-22.

Johani anofanira kunge akakurudzirwa nezvavakataura. Zvakamuratidza kuti Jesu aizadzisa uprofita hwaMesiya. Kunyange zvazvo Jesu asina kubudisa Johani mujeri, Johani aiziva kuti akanga asina kushandira pasina. Aiva nechikonzero chekufara pasinei nekuti aiva mujeri.

Kugara tichifunga zvinhu zvakanaka zviri kuitika mubasa rekuparidza pasi rese kunogona kutibatsira kuti tirambe tichifara

Kana tikaisa pfungwa dzedu pakushumira Jehovha sezvakaitwa naJohani, tinogona kuramba tichitsungirira tichifara. (VaK. 1:9-11) Tinogona kutsungirira kana tikaverenga Bhaibheri tofungisisa, uye izvi zvichatiyeuchidza kuti basa redu ratinoitira Mwari harisi pasina. (1 VaK. 15:58) Sandra anoti: “Kuverenga chitsauko chimwe chete cheBhaibheri zuva rega rega kuri kundibatsira kuswedera pedyo naJehovha. Kunondibatsira kuti ndiise pfungwa dzangu paari kwete pandiri.” Tinogonawo kuisa pfungwa dzedu pane zviri kuitwa nehama nehanzvadzi dzedu mubasa raJehovha uye izvi zvichaita kuti tisangofunga nezvedu chete, asi kuti tiise pfungwa pane zviri kuitwa naJehovha. Sandra anoti, “Mapurogiramu emwedzi nemwedzi eJW Broadcasting® anotibatsira kuti tive pedyo nesangano uye anotibatsira kuti tirambe tichifara mubasa redu.”

Johani Mubhabhatidzi akaita ushumiri hwake munguva pfupi “nemweya nesimba zvaEriya” uye kungofanana naEriya, “aingovawo munhu sesu.” (Ruka 1:17; Jak. 5:17) Kana tikava vanhu vanoonga saiye uye tikaisa pfungwa dzedu pakufadza Jehovha, tinogona kuramba tichifara mubasa reUmambo pasinei nezvingaitika muupenyu hwedu.