Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 32

Rudo Rwenyu Ngaruwedzere

Rudo Rwenyu Ngaruwedzere

“Ndinoramba ndichinyengeterera kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowedzera.”—VAF. 1:9.

RWIYO 106 Kushanda Kuti Tive Nerudo

ZVICHADZIDZWA *

1. Ndivanaani vakabatsira kutanga ungano yeFiripi?

MUAPOSTORA Pauro, Sirasi, Ruka, naTimoti pavakasvika muFiripi, iyo yaiva pasi peutongi hweRoma, vakawana vanhu vakawanda vaifarira mashoko eUmambo. Hama ina idzi dzaishingaira dzakabatsira kutanga ungano, uye vadzidzi vese vatsva vakatanga kuungana pamwe chete, zvichida pamba peimwe hanzvadzi yainzi Ridhiya, yaigamuchira vaenzi.—Mab. 16:40.

2. Idambudziko ripi rakabva ratanga kusangana neungano yacho?

2 Ungano itsva iyi yakabva yatanga kusangana nedambudziko. Satani akaita kuti vanhu vaivenga chokwadi vatange kupikisa basa rekuparidza raiitwa nevaKristu ava vakatendeka. Pauro naSirasi vakasungwa, vakarohwa neshamhu, uye vakaiswa mujeri. Pavakabudiswa mujeri, vakashanyira vadzidzi ndokuvakurudzira. Pauro, Sirasi naTimoti vakabva vabuda muguta racho asi kunenge kuti Ruka akasara. Ungano iyi yainge ichangotangwa yakaita sei? Vachibatsirwa nemweya waJehovha, vadzidzi vatsva ivavo vakaramba vachishingaira kuita basa raJehovha. (VaF. 2:12) Izvi zvakaita kuti Pauro adade navo.

3. Sezvinotaurwa pana VaFiripi 1:9-11, Pauro akanyengetera nezvei?

3 Pashure pemakore anenge 10, Pauro akanyorera ungano yeFiripi tsamba. Paunoverenga tsamba yacho, unogona kuona madiro aaiita hama dzake. Akanyora kuti: “Ndinokusuwai mese nerudo rwakadzama serwaKristu Jesu.” (VaF. 1:8) Akavaudza kuti akavanyengeterera. Akakumbira Jehovha kuti avabatsire kuwedzera kuratidza rudo, kuva nechokwadi chekuti zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi, kusava nechavanopomerwa, kusagumbura vamwe, uye kuti varambe vachibereka chibereko chakarurama. Isuwo tinogona kubatsirwa nemashoko aPauro aakataura zvichibva pamwoyo. Saka ngativerengei zvakanyorerwa vaFiripi naPauro. (Verenga VaFiripi 1:9-11.) Tichabva tazokurukura zvinhu zvaakataura uye kuti tingashandisa sei chimwe nechimwe chazvo muupenyu hwedu.

WEDZERAI PAKURATIDZA RUDO

4. (a) Maererano na1 Johani 4:9, 10, Jehovha akaratidza sei kuti anotida? (b) Tinofanira kuda Mwari zvakadzama sei?

4 Jehovha akaratidza rudo rwake rukuru nekutuma kwaakaita Mwanakomana wake panyika kuzofira zvivi zvedu. (Verenga 1 Johani 4:9, 10.) Rudo rwaMwari runoita kuti timude. (VaR. 5:8) Tinofanira kuda Mwari zvakadzama sei? Jesu akapindura mubvunzo iwoyo paakaudza mumwe muFarisi kuti: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese.” (Mat. 22:36, 37) Hatifaniri kuva nemwoyo miviri pakuda kwatinoita Mwari. Asi tinoda kuti rudo rwedu rurambe ruchiwedzera zuva rimwe nerimwe. Pauro akaudza vaFiripi kuti rudo rwavo rwaifanira ‘kuramba ruchingowedzera.’ Tingaitei kuti tiwedzere kuda Mwari?

5. Tingawedzera sei kuda kwatinoita Jehovha?

5 Tinofanira kuziva Mwari kuti timude. Bhaibheri rinoti: “Munhu wese asina rudo haasati asvika pakuziva Mwari, nekuti Mwari rudo.” (1 Joh. 4:8) Muapostora Pauro akaratidza kuti tinowedzera kuda Jehovha kana tikaziva chokwadi nezvake uye tikanzwisisa maonero aanoita zvinhu. (VaF. 1:9) Patakatanga kudzidza Bhaibheri, takatanga kuda Mwari kunyange zvazvo taingoziva zvishoma nezvake. Patairamba tichidzidza nezvaJehovha, kumuda kwataiita kwaiwedzerawo. Ndokusaka zvichikosha chaizvo kuti tigare tichidzidza Bhaibheri uye tichifungisisa zvatinenge taverenga!—VaF. 2:16.

6. Maererano na1 Johani 4:11, 20, 21, tingaita sei kuti tiwedzere kuva nerudo?

6 Rudo rukuru runa Mwari runoita kuti tide hama dzedu. (Verenga 1 Johani 4:11, 20, 21.) Tinogona kufunga kuti tichangomuka tava kutoda hama nehanzvadzi dzedu. Tingafunga izvozvo nekuti tinenge tichiti tinonamata Jehovha, tinoedza chaizvo kumutevedzera, uye tinotevedzera Jesu, uyo akatida chaizvo ndokupa upenyu hwake achiitira isu. Asi dzimwe nguva zvinogona kutiomera kuteerera murayiro wekudanana. Funga zvakaitika muungano yeFiripi.

7. Tinodzidzei pazano iro Pauro akapa Yudhiya naSindike?

7 Yudhiya naSindike vaiva hanzvadzi dzaishingaira idzo dzaishanda “pamwe chete” nemuapostora Pauro. Asi kunenge kuti vaviri ava vakambonetsana zvikaita kuti ushamwari hwavo hupere. Mutsamba yaakanyorera ungano yeFiripi, iyo yaiva nehanzvadzi idzodzo, Pauro akanyatsodudza mazita avo, kuti Yudhiya naSindike, uye akavapa zano raiva pachena rekuti “vave nekufunga kwakafanana.” (VaF. 4:2, 3) Pauro akaonawo zvakakodzera kurayira ungano yese kuti: “Rambai muchiita zvinhu zvese musinganyunyuti uye musingaitirani nharo.” (VaF. 2:14) Zano raPauro raiva pachena, uye rinofanira kunge rakabatsira hanzvadzi idzi dzakatendeka uyewo ungano yacho yese kuti iwedzere kudanana.

Nei tichifanira kuramba tichiona hama dzedu zvakanaka? (Ona ndima 8) *

8. Chii chinoita kuti zvitiomere chaizvo kuda hama dzedu, uye tingaitei kuti tidzide?

8 Kungofanana naYudhiya naSindike, zvinogona kutiomera kuda hama dzedu nekuti tinenge tichingoti nangananga nezvadzinokanganisa. Tese tinokanganisa zuva nezuva. Kana tikagara tichifunga nezvezvikanganiso zvevamwe, zvingatiomera kuvada. Semuenzaniso, kana hama ikakanganwa kutibatsira kuchenesa Imba yeUmambo, tinogona kusafara nazvo. Kana tikazotanga kuverenga zvese zvainokanganisa, tinobva tatowedzera kusvotwa nayo uye hatizoifariri. Kana zvakadai zvikaitika pakati pako nemumwe munhu ari muungano yenyu, zvakanaka kufunga kuti Jehovha anoziva zvatinokanganisa uye zvinokanganiswawo nehama yedu. Asi pasinei naizvozvo, anoramba achida hama yedu uye anotidawo. Kuziva izvi kunofanira kuita kuti tide kutevedzera rudo rwaJehovha uye kuramba tichifunga nezvezvinhu zvakanaka zvinoitwa nehama dzedu. Patinoshanda nesimba kuti tide hama dzedu, tinobva tawedzera kubatana nadzo.—VaF. 2:1, 2.

‘ZVINHU ZVINOKOSHA KUPFUURA ZVIMWE’

9. Ndezvipi zvinhu “zvinokosha kupfuura zvimwe” zvakataurwa naPauro mutsamba yaakanyorera vaFiripi?

9 Jehovha akafemera Pauro kuti arayire vaKristu vaiva muFiripi nevamwe vaKristu vese kuti vave “nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaF. 1:10) Zvinhu izvi zvinokosha zvinosanganisira kutsveneswa kwezita raJehovha, kuzadzika kwezvinangwa zvake, uye kuti muungano muve nerugare nekubatana. (Mat. 6:9, 10; Joh. 13:35) Kana tikakoshesa zvinhu izvi kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwedu, tinenge tichiratidza kuti tinoda Jehovha.

10. Tinofanira kuitei kuti tive vanhu vasina chavanopomerwa?

10 Pauro akataurawo kuti tinofanira kunge ‘tisina chatinopomerwa.’ Izvi hazvirevi kuti tinofanira kunge tisina kana chatinokanganisa. Hazviiti kuti tinyatsofanana naJehovha Mwari pakusava nechatinopomerwa. Asi Jehovha achationa sevanhu vasina chavanopomerwa kana tikaita zvese zvatinogona kuti tiwedzere kumuda, tova nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe. Imwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinomuda ndeyekushanda nesimba kuti tisagumbura vamwe.

11. Nei tisingafaniri kugumbura vamwe?

11 Murayiro wekuti tisagumbura vamwe hausi wekutamba nawo. Tingagumbura sei mumwe munhu? Tinogona kumugumbura nezvatinosarudza kuvaraidzwa nazvo, kupfeka, kana basa ratinoita. Zvatinoita zvinogona kunge zvisina hazvo kuipa. Asi kana zvatinosarudza kuita zvichigumbura hana yemumwe munhu, tinenge takanganisa. Jesu akataura kuti zvinotova nani kuti tisungirirwe zidombo rakakura mumutsipa medu, tokandwa mugungwa pane kuti tikanganise kutenda kwemumwe wemakwai ake!—Mat. 18:6.

12. Tinodzidzei pane zvakaitwa nemumwe murume nemudzimai vanopayona?

12 Ngationei kuti mumwe murume nemudzimai vanopayona vakashandisa sei zvakataurwa naJesu. Muungano mavo maiva nemumwe murume nemudzimai vainge vachangobhabhatidzwa avo vakakurira mumhuri mavaiva nezvakawanda zvavairambidzwa kuita. Vaparidzi vatsva ava vaiona sekuti muKristu haafaniri kuenda kunoona mafirimu, kunyange aya asina chinoshoreka paari. Vakanetseka chaizvo pavakaziva kuti mapiyona aya akanga aenda kunoona firimu. Mapiyona acho akabva ambomira kunoona mafirimu kusvikira vadzidzi vatsva ava vadzidzisa hana dzavo uye vava kukwanisa kunyatsosiyanisa zvakanaka nezvakaipa. (VaH. 5:14) Mapiyona aya akaratidza nezviito kwete neshoko chete kuti aida vadzidzi vatsva ava.—VaR. 14:19-21; 1 Joh. 3:18.

13. Zvii zvatingaita zvinozoita kuti mumwe munhu apedzisira aita chivi?

13 Imwe nzira yatingagumbura nayo mumwe munhu ndeyekumukurudzira kuita zvinhu zvinoita kuti apedzisire aita chivi. Izvi zvingaitika sei? Chimbofunga nezvemuenzaniso uyu. Pashure pekushanda nesimba chaizvo, mumwe mudzidzi weBhaibheri uyo akapindwa muropa nedoro ava kukwanisa kudzora chishuwo chekunwa doro. Anoziva kuti anofanira kurirega zvachose. Ane zvakawanda zvaanochinja muupenyu hwake, obva abhabhatidzwa. Pave paya, imwe hama inomukoka kuzotandara nevamwe vaKristu, yomukurudzira kunwa doro ichiti: “Iye zvino wava muKristu; wava nemweya waJehovha. Kuzvidzora chibereko chemweya mutsvene. Kana ukazvidzora, uchaona kuti unokwanisa kunwa doro zvine mwero.” Kana hama itsva iyi ikateerera zano iri rakaipa, zviri pachena kuti ichapindwa muropa nedoro zvakare!

14. Misangano yechiKristu inotibatsira sei kuti tiite zvinotaurwa pana VaFiripi 1:10?

14 Misangano yedu yechiKristu inotibatsira kuti tiite zvinotaurwa pana VaFiripi 1:10 munzira dzakawanda. Nzira yekutanga ndeyekuti zvatinodzidza pamisangano zvinotibatsira kuziva zvinhu zvinonzi naJehovha ndizvo zvinokosha kupfuura zvimwe. Yechipiri, tinodzidza kushandisa zvatinodzidza kuti tisava nechatinopomerwa. Uye yechitatu, tinokurudzirwa “kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka.” (VaH. 10:24, 25) Kukurudzirwa kwatinoitwa nehama dzedu kunoita kuti tiwedzere kuda Mwari wedu nehama dzedu. Kana tichida Mwari uye hama dzedu zvichibva pamwoyo, tichaita zvese zvatinokwanisa kuti tisagumbura hama dzedu.

RAMBAI ‘MUCHIZADZWA NECHIBEREKO CHAKARURAMA’

15. ‘Tinozadzwa nechibereko chakarurama’ patinoita sei?

15 Pauro akanyengetera nemwoyo wese kuti vaFiripi ‘vazadzwe nechibereko chakarurama.’ (VaF. 1:11) “Chibereko chakarurama” ichi chaisanganisira kuda kwavaiita Jehovha nevanhu vake. Izvi zvaizosanganisirawo kuudza vamwe nezvekutenda kwavo muna Jesu uye tariro yavo yakazonaka. Pana VaFiripi 2:15 pakashandiswa mumwe muenzaniso, ‘wekupenya sezviedza munyika.’ Mashoko aya anotiyeuchidza zvakataurwa naJesu kuti vadzidzi vake vaiva “chiedza chenyika.” (Mat. 5:14-16) Akarayirawo vateveri vake kuti ‘vaite kuti vanhu vave vadzidzi,’ uye akati vaizova “zvapupu . . . kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mat. 28:18-20; Mab. 1:8) ‘Tinozadzwa nechibereko chakarurama’ patinoshanda nesimba kuita basa iri rinokosha chaizvo.

Paainge ari musungwa asingabvumirwi kubva pamba muguta reRoma, Pauro akanyorera ungano yeFiripi tsamba. Pauro akashandisawo nguva iyoyo kuparidzira varindi vake uye vanhu vaimushanyira. (Ona ndima 16)

16. VaFiripi 1:12-14 inoratidza sei kuti tinogona kupenya sezviedza kunyange tiri mumamiriro ezvinhu akaoma? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

16 Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, tinogona kupenya sezviedza. Dzimwe nguva zvinhu zvinoita sezvinotitadzisa kuparidza mashoko akanaka ndizvo zvingatotipa mukana wekuparidza. Muapostora Pauro aiva musungwa asingabvumirwi kubva pamba muguta reRoma paakanyorera vaFiripi tsamba. Asi kusungwa kwaainge akaitwa hakuna kumutadzisa kuparidzira vanhu vaimurinda uye vaimushanyira. Pauro aishingaira kuparidza mumamiriro ezvinhu akadai, uye izvi zvakaita kuti hama dzive nechivimbo uye ushingi hwekutaura “shoko raMwari dzisingatyi.”—Verenga VaFiripi 1:12-14; 4:22.

Gara uchitsvaga mikana yekuparidza (Ona ndima 17) *

17. Dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dziri kukwanisa sei kuramba dzichiparidza kunyange pazvinenge zvakaoma?

17 VaKristu vakawanda vanoratidza ushingi sehwakaratidzwa naPauro. Havakwanisi kuparidza pachena kana paimba neimba munyika dzavanogara, saka vanotsvaga dzimwe nzira dzekuparidza nadzo. (Mat. 10:16-20) Mune imwe nyika yakadaro, mumwe mutariri wedunhu akakurudzira muparidzi mumwe nemumwe kuti aparidzire hama dzake, vavakidzani, vekuchikoro, vekubasa nevamwewo vanhu vaanozivana navo. Pashure pemakore maviri, ungano dzemudunhu iroro dzakawedzera chaizvo. Tinogona kunge tiri munyika yatinokwanisa kuparidza takasununguka. Asi tinogona kuwana chidzidzo chinokosha kubva kuhama nehanzvadzi dzedu idzi chekuti: Kana ukaita zvese zvaunokwanisa kuti uparidzire vamwe, Jehovha achaita kuti ukwanise kuramba uchiparidza kunyange pazvinenge zvakaoma.—VaF. 2:13.

18. Tinofanira kuramba tichiitei?

18 Iye zvino ndiyo nguva yekuti tirambe tichiteerera zano rakafemerwa riri mutsamba yaPauro yaakanyorera vaFiripi. Ngativei nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe, tisava nechatinopomerwa, tisagumbura vamwe uye tobereka chibereko chakarurama. Rudo rwedu ruchabva rwawedzera uye tichaita kuti Baba vedu vane rudo Jehovha, vakudzwe.

RWIYO 17 “Ndinoda”

^ ndima 5 Iye zvino ndiyo nguva yekuti tiwedzere kuda kwatinoita hama dzedu. Tsamba yakanyorerwa vaFiripi inotibatsira kuona kuti tingawedzera sei kuva nerudo, kunyange pazvinenge zvakaoma.

^ ndima 54 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Vachichenesa Imba yeUmambo, imwe hama inonzi Joe, inomira kushanda yotanga kutaura neimwe hama nemwanakomana wayo. Izvi zvinogumbura Mike, hama iri kuchenesa muImba yeUmambo. Mike anoti mumwoyo make, ‘Joe anofanira kunge achishanda, kwete kutaura.’ Mike anozoona Joe achibatsira imwe hanzvadzi yakwegura. Izvi zvinobva zvaita kuti Mike anyanye kufunga zvinhu zvakanaka zvinoitwa nehama yake.

^ ndima 58 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Munyika iyo Zvapupu zvisingakwanisi kuparidza pachena, imwe hama inotanga kuparidza zvine ungwaru kune mumwe munhu wainozivana naye. Panguva yekuzorora kubasa, inozoparidzira mumwe wainoshanda naye.