Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 33

“Vaya Vanokuteerera” Vachaponeswa

“Vaya Vanokuteerera” Vachaponeswa

“Ramba uchizvichenjerera iwe pachako, nekudzidzisa kwako. Ramba wakashinga pakuita zvinhu izvi, nekuti kana ukadaro uchazviponesa iwe pachako, nevaya vanokuteerera.”—1 TIM. 4:16.

RWIYO 67 “Paridza Shoko”

ZVICHADZIDZWA *

1. Tese tine chido chekuti hama dzedu dziite sei?

“KUBVA pandakadzidza chokwadi, ndaida kuti munhu wese wemumhuri mangu azova neni muParadhiso,” inodaro imwe hanzvadzi inonzi Pauline. * “Ndainyanya kuda kuti murume wangu Wayne, nemwana wedu vabatane neni pakushumira Jehovha.” Une hama dzisati dzava kuziva Jehovha uye kumuda here? Kufanana naPauline, pamwe une chido chekuti hama dzako dzishumire Jehovha pamwe chete newe.

2. Tichakurukura mibvunzo ipi munyaya ino?

2 Hatigoni kumanikidza hama dzedu kuti dzigamuchire mashoko akanaka, asi tinogona kuvakurudzira kuti vafunge zvinotaurwa neBhaibheri vozviteerera. (2 Tim. 3:14, 15) Nei tichifanira kuparidzira hama dzedu? Nei tichifanira kuedza kunzwisisa manzwiro avo? Tingaitei kuti tibatsire hama dzedu kuti dzide Jehovha sezvatinoita? Uye vese vari muungano yedu vangatibatsira sei?

NEI TICHIFANIRA KUPARIDZIRA HAMA DZEDU?

3. Maererano na2 Petro 3:9, nei tichifanira kuparidzira hama dzedu?

3 Jehovha achaparadza nyika ino munguva pfupi iri kuuya. Vaya vane “chido chekuwana upenyu husingaperi” ndivo chete vachapona. (Mab. 13:48) Sezvo tichiita nguva yakawanda tichishanda nesimba pakuparidzira vanhu vatisingazivi munharaunda medu, tinodawo kuti hama dzedu dzishumire Jehovha pamwe chete nesu. Mwari wedu ane rudo, Jehovha, “hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakutendeuka.”—Verenga 2 Petro 3:9.

4. Patinenge tichiparidzira hama dzedu, tingatadza kuitei?

4 Tinofanira kuyeuka kuti pane nzira yakanaka neisina kunaka yekuparidza mashoko eruponeso. Patinenge tichiparidzira munhu watisingazivi, kakawanda kacho tinotaura zvakanaka, asi tingatadza kuita izvozvo patinenge tichitaura nehama dzedu.

5. Tinofanira kuyeukei tisati taedza kuparidzira hama dzedu?

5 Vakawanda vedu tinozvidemba patinofunga zvatakaita patakaedza kuparidzira hama dzedu kekutanga uye tinoshuva kuti dai takazviita neimwe nzira. Muapostora Pauro akapa vaKristu zano rekuti: “Nguva dzese mashoko enyu ngaaratidze mutsa, akarungwa nemunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita munhu mumwe nemumwe.” (VaK. 4:5, 6) Zvakanaka kuyeuka zano iri patinotaura nehama dzedu. Tikasadaro tinogona kuvagumbura pane kuti tivabatsire kuti vateerere zvatinotaura.

TINGAITEI KUTI TIBATSIRE HAMA DZEDU?

Kuratidza kuti unonzwisisa kunogona kupa uchapupu hwakakura (Ona ndima 6-8) *

6-7. Taura muenzaniso unoratidza kuti nei zvichikosha kuti muKristu anzwisise waakaroorana naye asiri mushumiri waJehovha.

6 Ratidza kuti unonzwisisa manzwiro avo. Pauline ambotaurwa anoti: “Pakutanga ndaida kutaura nemurume wangu nezvenyaya dzekunamata chete. Tainge tisisina dzimwewo nyaya.” Asi Wayne murume waPauline, aisava nezvakawanda zvaaiziva nezveBhaibheri uye aisanzwisisa zvaitaurwa naPauline. Wayne aiona sekuti Pauline aingofunga chitendero chake. Ainetseka kuti Pauline akanga ava kupinda kachitendero kane ngozi uye kuti ainyengerwa.

7 Pauline anobvuma kuti pane paaimbopedza nguva yakawanda yemanheru uye yepakupera kwevhiki aine vaanonamata navo pamisangano, vachiparidza uye vachitandara. Pauline anoti, “Dzimwe nguva Wayne aisvika pamba pasina kana munhu uye aisurukirwa chaizvo.” Zvinonzwisisika kuti Wayne aishuva kuva nemudzimai wake nemwana. Aisaziva vanhu vaiswera nemhuri yake, uye zvaiita sekuti mudzimai wake ainyanya kukoshesa shamwari dzake kumupfuura. Wayne akatyisidzira Pauline achiti aida kumuramba. Unofunga kuti zvii zvimwe zvingadai zvakaitwa naPauline kuti aratidze kuti ane hanya nemurume wake?

8. Maererano na1 Petro 3:1, 2, chii chingaita kuti hama dzedu dzifarire Shoko raMwari?

8 Ratidza muenzaniso wakanaka. Kakawanda hama dzedu dzinoona zvatinoita kupfuura zvatinotaura. (Verenga 1 Petro 3:1, 2.) Pauline akazoona chokwadi ichocho. Anoti: “Ndaiziva kuti Wayne aitida uye aisada hake kudambura muchato. Asi kutyisidzira kwaakaita kwakandibatsira kuziva kuti ndaifanira kushandisa zvinotaurwa naJehovha nezvewanano. Zvaikosha kuti ndiite zvinhu zvakanaka pane kuti ndirambe ndichimuparidzira.” Pauline haana kuzoramba achimanikidza murume wake kuti vataure nezveBhaibheri, uye akatanga kutaura naye dzimwewo nyaya. Wayne akaona kuti Pauline akanga awedzera kuva munhu ane rugare, uye kuti mwanakomana wake akanga achiwedzera kuva munhu kwaye. (Zvir. 31:18, 27, 28) Paakaona kubatsirwa kwaiitwa mhuri yake nezvinotaurwa neBhaibheri, akatanga kuteerera zvarinotaura.—1 VaK. 7:12-14, 16.

9. Nei tichifanira kuramba tichiparidzira hama dzedu?

9 Ramba uchiedza kubatsira hama dzako. Jehovha anotiratidza muenzaniso wakanaka panyaya iyi. Anogara achipa vanhu mukana wekugamuchira mashoko akanaka kuti vawane upenyu. (Jer. 44:4) Uye muapostora Pauro akaudza Timoti kuti arambe achibatsira vamwe. Nechikonzero chei? Nekuti kuita izvozvo kwaizoita kuti azviponese uye aponese vaya vaimuteerera. (1 Tim. 4:16) Tinoda hama dzedu, saka tinoda kuti dzizive chokwadi chiri muShoko raMwari. Nekufamba kwenguva zvaitaurwa naPauline uye zvaaiita zvakabatsira mhuri yake. Iye zvino ari kushumira Jehovha nemurume wake achifara. Vese vari vaviri vanopayona uye Wayne anoshumirawo semukuru.

10. Nei tichifanira kuva nemwoyo murefu?

10 Iva nemwoyo murefu. Patakasarudza kuteerera Mwari, takachinja mararamiro edu uye zvatinotenda. Izvi zvinogona kuomera hama dzedu kuti dzizvigamuchire. Kakawanda kacho chavanotanga kuona ndechekuti hatichabatani navo pakupemberera mazororo uye hatichaiti zvematongerwo enyika. Pakutanga, dzimwe hama dzedu dzingatigumbukira. (Mat. 10:35, 36) Asi hatifaniri kufunga kuti havafi vakachinja. Kana tikarega kuedza kuvabatsira kuti vanzwisise zvatinotenda, tinenge tatovatonga kuti havana kukodzera kuwana upenyu husingaperi. Jehovha haana kutipa basa rekutonga, asi akaripa Jesu. (Joh. 5:22) Kana tiine mwoyo murefu, hama dzedu dzinogona kuzopedzisira dzateerera mashoko atinoparidza.—Ona bhokisi rakanzi “ Shandisa Website Yedu Pakudzidzisa.”

11-13. Wadzidzei pamabatiro akaita Alice vabereki vake?

11 Taura zvakanaka asi usarega veukama vachiita kuti uchinje zvawakasarudza. (Zvir. 15:2) Funga zvakaitika kuna Alice. Akadzidza nezvaJehovha paaigara kure nevabereki vake, avo vaiita zvematongerwo enyika uye vaisatenda kuti Mwari ariko. Alice akaona kuti aifanira kukurumidza kuvaudza zvinhu zvakanaka zvaaidzidza. Anoti: “Kana ukasakurumidza kutaura zvaunotenda, mhuri yako inozonyanya kunetseka nazvo.” Alice akaedza kutsvaga nyaya dzinodzidziswa neBhaibheri dzaaitarisira kuti vabereki vake vangafarira, dzakadai sekuratidza rudo. Akabva avanyorera tsamba achivabvunza zvavanofunga nezvenyaya dzacho. (1 VaK. 13:1-13) Aitenda vabereki vake nekumurera uye kumuchengeta kwavakaita, uye aivatumira zvipo. Paaishanyira vabereki vake kumba, aiita zvese zvaaigona achibatsira amai vake kuita mabasa epamba. Pakutanga, vabereki vaAlice havana kufara nazvo paakavaudza zvaanotenda.

12 Alice paaiva pamba nevabereki vake, aiverenga Bhaibheri mazuva ese sezvaaigara achiita. Anoti: “Izvi zvakaita kuti amai vangu vaone kuti Bhaibheri rinokosha chaizvo kwandiri.” Baba vaAlice vakada kuziva kuti chii chaiva muBhaibheri chainge chaita kuti mwanasikana wavo achinje mafungiro ake uye vaida kuwana mhosva yekupomera Bhaibheri. Alice anoti, “Ndakavapa Bhaibheri, uye mukati maro ndakavanyorera mashoko aibva pasi pemwoyo wangu.” Zvakazoguma nei? Pane kuwanira Bhaibheri mhosva, baba vaAlice vakabayiwa mwoyo nezvavakaverenga muShoko raMwari.

13 Tinofanira kutaura zvakanaka, asi hatizoregi veukama vachitichinjisa zvatakasarudza kunyange tichifanira kutsungirira matambudziko. (1 VaK. 4:12b) Alice aifanira kutsungirira kupikiswa naamai vake. “Pandakabhabhatidzwa, amai vakati ndiri ‘mwana asingateereri.’” Alice akaita sei? “Pane kuti ndirege kutaura nezvenyaya yacho, ndakavatsanangurira neruremekedzo kuti ndakanga ndasarudza kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha uye ndaisazochinja zvandainge ndasarudza. Ndakaita kuti amai vaone kuti ndinovada chaizvo. Tese takachema, uye ndakavabikira zvekudya zvainaka chaizvo. Kubvira ipapo amai vakatanga kubvuma kuti Bhaibheri raiita kuti ndive munhu ari nani.”

14. Nei tisingafaniri kurega hama dzedu dzichiita kuti tichinje zvatakasarudza kuita pakushumira Jehovha?

14 Zvinogona kutora nguva kuti hama dzedu dzinyatsonzwisisa kuti tinokoshesa zvakadii kushumira Jehovha. Alice paakasarudza kupayona pane kuti aenderere mberi nedzidzo yaainge asarudzirwa nevabereki vake, amai vake vakachema zvakare. Asi Alice haana kutsuduguka. Anoti: “Kana ukarega veukama vachiita kuti uchinje zvaunenge wasarudza, vanogona kuramba vachingodaro pane dzimwe nyaya. Asi kana ukataura navo zvakanaka usingavaregi vachikuchinjisa zvawakasarudza, vamwe vavo vanogona kukuteerera.” Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Alice. Vabereki vake vese vava mapiyona, uye baba vake vava mukuru.

VESE VARI MUUNGANO VANGABATSIRA SEI?

Ungano ingabatsira sei hama dzedu dzisiri Zvapupu? (Ona ndima 15-16) *

15. Maererano naMateu 5:14-16 uye 1 Petro 2:12, ‘mabasa akanaka’ anoitwa nevamwe angabatsira sei hama dzedu?

15 Jehovha anoita kuti vanhu vave pedyo naye achishandisa ‘mabasa akanaka’ anoitwa neungano yechiKristu. (Verenga Mateu 5:14-16; 1 Petro 2:12.) Kana wawakaroorana naye asiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, akamboonana nevanhu vemuungano yenyu here? Pauline ambotaurwa nezvake, akakoka hama nehanzvadzi kumba kwake kuitira kuti murume wake Wayne, azivane navo. Wayne anoyeuka zvakaitwa neimwe hama kuti imubatsire kunzwisisa zvimwe zvinhu. Anoti: “Akatora ofu kubasa kuitira kuti angouya kumba kuzoona bhora neni. Ndakabva ndaona kuti akangoitawo sevamwe vanhu!”

16. Nei tichifanira kukoka hama dzedu kumisangano?

16 Imwe nzira yakanaka chaizvo yekubatsira hama dzedu ndeyekudzikoka kuti dzipinde misangano yeungano nesu. (1 VaK. 14:24, 25) Wayne akatanga nekupinda Chirangaridzo, nekuti chaiitwa apedza basa uye purogiramu yacho yaiva pfupi. Anoti: “Handina kunzwisisa kuti hurukuro yacho yaitaura nezvei, asi ndakayeuka vanhu vacho. Vakandigamuchira nemufaro uye vainyatsondibata chishanu. Ndakaona kuti vaizviita nemwoyo wese.” Imwe hama nemudzimai wayo vaigara vachiitira Pauline zvinhu zvakanaka, vachimubatsira nekumbova nemwana wake pamisangano uye muushumiri. Saka Wayne paakazosarudza kunzwisisa zvakawanda pamusoro pezvainge zvava kutendwa naPauline, akakumbira hama iyoyo kuti idzidze naye Bhaibheri.

17. Ndepapi patisingafaniri kuzvipa mhosva, uye nei tisingafaniri kufunga kuti hama dzedu hadzingambochinji?

17 Tinotarisira kuti hama dzedu dzese dzichabatana nesu pakushumira Jehovha. Asi pasinei nezvese zvatingaita kuti tivabatsire kuti vave vashumiri vaMwari, vanogona kusauya muchokwadi. Kana izvozvo zvikaitika, hatifaniri kuzvipa mhosva pachisarudzo chavanenge vaita. Tagara hatimanikidzi vanhu kuti vagamuchire zvatinotenda. Kunyange zvakadaro, hama dzako padzinoona kufara kwaunoita nekuti uri kushumira Jehovha, dzinogona kuchinja mwoyo. Dzinyengeterere. Taura nadzo zvakanaka. Ramba uchiedza kudzibatsira! (Mab. 20:20) Iva nechivimbo chekuti Jehovha achakomborera zvaunenge uchiita. Uye kana hama dzako dzikakuteerera, dzichaponeswa!

RWIYO 57 Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ese

^ ndima 5 Tinoda kuti hama dzedu dzizive Jehovha, asi dzinofanira kuzvisarudzira dzega kuti dzinoda kumushumira here kana kuti kwete. Nyaya ino ichataura zvatingaita kuti zvirerukire hama dzedu kutiteerera.

^ ndima 1 Mamwe mazita akachinjwa. Munyaya ino shoko rekuti “hama” riri kushandiswa richireva vemumhuri vasati vava kushumira Jehovha.

^ ndima 53 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yechidiki iri kubatsira baba vayo avo vasiri Chapupu kugadzira mota. Anovaratidza vhidhiyo iri pajw.org® paanoona zvichiita.

^ ndima 55 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO:Hanzvadzi iri kunyatsoteerera murume wayo asingatendi achitaura zvaswera zvichiitika kubasa. Pave paya inotandara nemhuri yayo.

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hanzvadzi yacho yakoka vamwe vekuungano kumba. Vari kutaura nemurume wacho kuti vanyatsozivana. Murume wacho anozopinda Chirangaridzo nemudzimai wake.