Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 34

Jehovha Ane Basa Rekuti Uite Muungano Yake!

Jehovha Ane Basa Rekuti Uite Muungano Yake!

“Sezvo muviri uri mumwe chete asi uine nhengo dzakawanda, uye nhengo dzese dzemuviri iwoyo, kunyange dzakawanda, dziri muviri mumwe chete, ndizvo zvakaitawo Kristu.”​—1 VAK. 12:12.

RWIYO 101 Kushanda Takabatana

ZVICHADZIDZWA *

1. Iropafadzo ipi yatiinayo?

TINE ropafadzo yakazonaka yekuva muungano yaJehovha! Kunamata kwatinoita Jehovha nehama nehanzvadzi dzedu kunoita kuti tive nerugare rwakakura uye mufaro. Une basa ripi muungano?

2. Muapostora Pauro akashandisa mufananidzo upi mutsamba dzake dzakafemerwa?

2 Tinodzidza zvakawanda nezvebasa ratiinaro muungano kubva pamufananidzo wakashandiswa nemuapostora Pauro mutsamba dzake dzakafemerwa. Mutsamba idzi, Pauro akafananidza ungano nemuviri wemunhu. Akafananidzawo vanhu vari muungano nenhengo dzemuviri.​—VaR. 12:4-8; 1 VaK. 12:12-27; VaEf. 4:16.

3. Zvidzidzo zvipi zvitatu zvatichakurukura munyaya ino?

3 Munyaya ino tichakurukura zvidzidzo zvitatu zvinokosha zvatinodzidza pamufananidzo waPauro. Chekutanga, tichadzidza kuti mumwe nemumwe wedu ane basa * rinokosha muungano yaJehovha. Chechipiri, tichakurukura zvatingaita kana tichiomerwa nekuziva basa redu muungano. Uye chechitatu, tichakurukura kuti nei zvichikosha kuti mumwe nemumwe wedu agare achiita basa raakapiwa naMwari muungano.

MUMWE NEMUMWE WEDU ANE BASA RAANOITA MUUNGANO YAJEHOVHA

4. VaRoma 12:4, 5 inotidzidzisei?

4 Chidzidzo chekutanga chatinowana kubva pamufananidzo waPauro ndechekuti mumwe nemumwe wedu ane basa rinokosha mumhuri yaJehovha. Pauro anotanga mufananidzo wake achiti: “Sezvo tiine nhengo zhinji pamuviri mumwe chete, asi nhengo dzacho dzisingaiti mabasa akafanana, isu, kunyange zvazvo takawanda, tiri muviri mumwe chete uri pamwe naKristu, asi mumwe nemumwe wedu inhengo yakabatana nedzimwe.” (VaR. 12:4, 5) Pauro airevei? Mumwe nemumwe wedu ane basa rakasiyana neremumwe muungano, asi anokosha.

Muungano tine mabasa akasiyana, asi mumwe nemumwe wedu anokosha (Ona ndima 5-12) *

5. Jehovha akapa ungano “zvipo” zvipi?

5 Paunonzwa nezvevaya vane basa ravanoita muungano, unogona kukurumidza kufunga nezvevaya vari kutungamirira. (1 VaT. 5:12; VaH. 13:17) Ichokwadi kuti Jehovha akapa “varume sezvipo” kuungano yake achishandisa Kristu. (VaEf. 4:8) “Varume” ava vanosanganisira nhengo dzeDare Rinotungamirira, vabatsiri veDare Rinotungamirira, nhengo dzeDare reBazi, vatariri vematunhu, varayiridzi vari mundima, vakuru vemuungano uye vashumiri veungano. Hama dzese idzi dzakagadzwa nemweya mutsvene kuti dzibatsire makwai anokosha aJehovha uye kuti dzishumire ungano.​—1 Pet. 5:2, 3.

6. Maererano na1 VaTesaronika 2:6-8, hama dzakagadzwa nemweya mutsvene dzinoedza chaizvo kuitei?

6 Hama dzinogadzwa nemweya mutsvene kuti dziite mabasa akasiyana-siyana. Nhengo dzemuviri dzakasiyana-siyana dzakadai semaoko nemakumbo, dzinoshanda pamwe chete kuti muviri wese ubatsirwe. Hama dzakagadzwa nemweya mutsvene dzinoshandawo nesimba kuti ungano yese ibatsirwe. Havazvitsvagiri mukurumbira. Asi vanoita zvese zvavanogona kuti vavake uye vasimbise hama nehanzvadzi dzavo. (Verenga 1 VaTesaronika 2:6-8.) Tinotenda chaizvo Jehovha uyo akatipa varume vakadaro vakasimba pakunamata, avo vanoisa zvinodiwa nevamwe pekutanga!

7. Vakawanda vari mubasa renguva yakazara vanowana makomborero api?

7 Vamwe vari muungano vanogona kugadzwa kuti vashumire semamishinari, mapiyona chaiwo kana mapiyona enguva dzese. Pasi rese, hama nehanzvadzi dzakasarudza kuita basa renguva yakazara dzichiparidza nekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Izvi zvakaita kuti vakwanise kubatsira vanhu vakawanda kuti vave vadzidzi vaKristu Jesu. Kunyange zvazvo vashumiri ava venguva yakazara vachiwanzorarama nezvinhu zvishoma, Jehovha anovapa makomborero akawanda muupenyu hwavo. (Mako 10:29, 30) Tinoda chaizvo hama nehanzvadzi idzi, uye tinofara kuva nadzo muungano!

8. Nei muparidzi wese wemashoko akanaka achikosha kuna Jehovha?

8 Hama dzakagadzwa uye vaya vari mubasa renguva yakazara ndivo vega here vanokosha muungano? Kwete! Muparidzi wese wemashoko akanaka anokosha kuna Mwari uye muungano. (VaR. 10:15; 1 VaK. 3:6-9) Anokosha nekuti chimwe chinhu chinonyanya kukosha chinoitwa neungano ibasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi vaShe wedu Jesu Kristu. (Mat. 28:19, 20; 1 Tim. 2:4) Vese vanowadzana neungano, vangava vaparidzi vakabhabhatidzwa kana kuti vasina, vanoedza kuita kuti basa iri rive pekutanga muupenyu hwavo.​—Mat. 24:14.

9. Nei tichikoshesa hanzvadzi dzedu dzechiKristu?

9 Jehovha anopa hanzvadzi dzechiKristu basa rinokudzwa muungano. Anokoshesa vakadzi vese vanomushumira vakatendeka. Bhaibheri rinotaura nezvevakadzi vakawanda vakafadza Mwari. Vanorumbidzwa nekuti vakanga vakachenjera, vaiva nekutenda, vaishingaira, vaiva neushingi, vaiva nerupo uye vaiita mabasa akanaka. (Ruka 8:2, 3; Mab. 16:14, 15; VaR. 16:3, 6; VaF. 4:3; VaH. 11:11, 31, 35) Tinotenda Jehovha nekuita kuti muungano dzedu muve nevakadzi vechiKristu vane unhu hwakanaka hwakadaro!

10. Nei tichikoshesa hama nehanzvadzi dzedu dzakwegura?

10 Tinofarawo kuva nevakwegura vakawanda muungano dzedu. Dzimwe ungano dzine hama nehanzvadzi dzakwegura dzashumira Jehovha dzakatendeka kweupenyu hwadzo hwese. Vamwe vavo vanogona kunge vasina makore akawanda vadzidza chokwadi. Pasinei nezvavari, vanosangana nematambudziko eutano anokonzerwa nekukwegura. Matambudziko aya anogona kuita kuti vasaita zvakawanda muungano kana mubasa rekuparidza. Asi vanoita zvese zvavanogona mubasa rekuparidza, uye vanoshandisa simba ravo rese pakukurudzira uye kudzidzisa vamwe! Uye tinobatsirwawo nezvavakadzidza. Hama nehanzvadzi idzi dzakanaka kuna Jehovha uye kwatiri.​—Zvir. 16:31.

11-12. Wakakurudzirwa sei nevechidiki vari muungano yenyu?

11 Fungawo nezvevechidiki vedu. Vanosangana nematambudziko akawanda munyika ino inotongwa naSatani Dhiyabhorosi uye yakazara mafungiro ake akaipa. (1 Joh. 5:19) Asi tinokurudzirwa patinoona vechidiki vedu vachipindura pamisangano, vachiita basa rekuparidza uye vachishinga kudzivirira zvavanotenda. Vechidiki, mune basa rinokosha muungano yaJehovha!​—Pis. 8:2.

12 Asi zvinoomera dzimwe hama nehanzvadzi dzedu kuti dzibvume kuti dzinokosha muungano. Chii chinogona kubatsira mumwe nemumwe wedu kuti aone kuti anokosha muungano? Ngationei.

ZIVA KUTI UNOKOSHA MUUNGANO

13-14. Nei vamwe vachinzwa sekuti havakoshi muungano?

13 Ona chidzidzo chechipiri chatinodzidza pamufananidzo waPauro. Anotaura nezvedambudziko rine vakawanda mazuva ano; rekuomerwa nekubvuma kuti vanokosha muungano. Akanyora kuti: “Kana tsoka ikati, ‘Sezvo ndisiri ruoko, handisi nhengo yemuviri,’ izvozvo hazviiti kuti isava nhengo yemuviri. Uye kana nzeve ikati, ‘Sezvo ndisiri ziso, handisi nhengo yemuviri,’ izvozvo hazviiti kuti isava nhengo yemuviri.” (1 VaK. 12:15, 16) Pauro aitidzidzisei?

14 Kana ukazvienzanisa nevamwe muungano, unogona kutanga kufunga kuti haukoshi. Vamwe vari muungano vanogona kunge vaine chipo chekudzidzisa, vachigona kuronga, kana kuti vachigona kunyaradza uye kukurudzira vamwe. Zvimwe unogona kunzwa sekuti hausviki pavari. Izvi zvinoratidza kuti unozvininipisa uye une mwero. (VaF. 2:3) Asi unofanira kungwarira. Kana ukagara uchizvienzanisa nevanhu vane unyanzvi, unopedzisira waora mwoyo. Unogona kunzwa sekuti haukoshi muungano sezvakataurwa naPauro. Chii chingakubatsira kuti usava nemanzwiro akadaro?

15. Maererano na1 VaKorinde 12:4-11, chii chatinofanira kuziva nezvezvipo zvatingava nazvo?

15 Chimbofunga zvinotevera: Jehovha akapa vamwe vaKristu vekutanga zvipo zvemweya mutsvene, asi vese vakanga vasina zvipo zvakafanana. (Verenga 1 VaKorinde 12:4-11.) Jehovha akavapa zvipo zvakasiyana-siyana, asi muKristu mumwe nemumwe aikosha. Mazuva ano hatina zvipo zvemweya mutsvene. Asi pane zvatinodzidza. Tingasava nezvipo zvakafanana, asi tese tinokosha kuna Jehovha.

16. Izano ripi remuapostora Pauro ratinofanira kushandisa?

16 Pane kuti tizvienzanise nevamwe vaKristu, tinofanira kushandisa zano rakafemerwa remuapostora Pauro rekuti: “Munhu mumwe nemumwe ngaaongorore zvaanoita, uye achabva afara nazvo iye pachake, asingazvienzanisi nemumwe munhu.”​—VaG. 6:4.

17. Tinobatsirwa sei kana tikashandisa zano raPauro?

17 Kana tikateerera zano raPauro rakafemerwa uye tikaongorora zvatinoita, tinogona kutanga kuona kuti tine zvimwewo zvipo zvisina vamwe. Semuenzaniso, mukuru anogona kunge asina chipo chekudzidzisa pachikuva, asi anogona kunge ari nyanzvi pabasa rekuita vadzidzi. Kana kuti anogona kunge asina kunyatsorongeka zvekusvika pane vamwe vakuru vari muungano, asi achizivikanwa semufudzi ane rudo, uyo vaparidzi vanonzwa vakasununguka kubvunza mazano emuBhaibheri. Kana kuti anogona kunge achizivikanwa semunhu anogamuchira vaenzi zvakanaka. (VaH. 13:2, 16) Kana tikanyatsoziva zvatinogona, izvozvo zvichaita kuti tifare nezvatinoita muungano. Uye kashoma kuti tizoitira shanje hama dzedu dzine zvipo zvakasiyana nezvedu.

18. Tingaitei kuti tiwedzere unyanzvi hwedu?

18 Pasinei nezvatinoita muungano, tese tinofanira kuva nechido chekuvandudza basa redu uye kuwedzera unyanzvi hwedu. Kuti tivandudze zvatinoita, Jehovha anotidzidzisa achishandisa sangano rake. Semuenzaniso, pamusangano wepakati pevhiki, tinodzidziswa kuti tiwedzere kubudirira muushumiri hwedu. Uri kuedza here kushandisa zvatinodzidziswa pamusangano wacho?

19. Ungaitei kuti uzokwanisa kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo?

19 Jehovha anodzidzisawo vanhu vake achishandisa Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo. Chikoro ichi chinopindwa nehama nehanzvadzi dziri mubasa renguva yakazara uye dzine makore ari pakati pe23 ne65. Zvimwe ungaona sekuti haufi wakakwanisa kupinda chikoro ichi. Pane kuti ufunge zvikonzero zvingakutadzisa kuchipinda, wadii kufunga nezvezvikonzero zvinoita kuti ude kuchipinda. Chibva waronga zvaungaita kuti uzokwanisa kuchipinda. Kana ukashanda nesimba uye ukabatsirwa naJehovha, zvinhu zvawaiona sezvisingaiti zvinogona kuitika.

SHANDISA ZVIPO ZVAKO PAKUVAKA UNGANO

20. Tinodzidzei pana VaRoma 12:6-8?

20 Chidzidzo chechitatu chatinowana pamufananidzo waPauro chiri pana VaRoma 12:6-8. (Verenga.) Mumavhesi aya, Pauro anoratidza zvakare kuti vaya vari muungano vane zvipo zvakasiyana. Asi iye zvino anosimbisa kuti tinofanira kushandisa chero chipo chatiinacho kuti tivake uye tisimbise ungano.

21-22. Tinodzidzei pana Robert naFelice?

21 Funga zvakaitika kune imwe hama yatichati Robert. Pashure pekushumira mune imwe nyika, akanzi ashumire paBheteri munyika yake. Kunyange zvazvo akaudzwa kuti kuchinjwa kwaakanga aitwa kwaisareva kuti ane chaainge akanganisa, akati: “Ndakaita mwedzi yakawanda ndisingafari ndichiona sekuti ndakanga ndatadza basa rangu. Dzimwe nguva ndainzwa ndichida kusiya basa repaBheteri.” Chii chakaita kuti atangezve kufara? Mumwe mukuru akamuyeuchidza kuti Jehovha akatidzidzisa mumabasa ataimboita kuitira kuti tiite zvakawanda mumabasa atiri kuita iye zvino. Robert akaona kuti aifanira kurega kufunga zvakaitika kare, otanga kuisa pfungwa pane zvaanogona kuita iye zvino.

22 Hama Felice Episcopo vakasangana nedambudziko rakafanana. Ivo nemudzimai wavo vakagirajuweta kuGiriyedhi muna 1956 uye vakashumira mubasa remudunhu muBolivia. Muna 1964 vakava nemwana. Felice anoti: “Zvakanga zvakatiomera kusiya basa rataida chaizvo. Ndinodemba kuti ndakatambisa gore rese ndakaora mwoyo. Asi Jehovha akandibatsira kuchinja mafungiro angu uye kuisa pfungwa dzangu pabasa idzva rekuva mubereki.” Unewo zvakaitika kwauri zvakada kufanana nezvaRobert kana Felice here? Unomboora mwoyo here kuti hausisina ropafadzo dzawaimbova nadzo kare? Mufaro wako uchawedzera kana ukabvisa pfungwa dzako paropafadzo dzawaimbova nadzo wodziisa pane zvaunogona kuita iye zvino pakushumira Jehovha uye hama dzako. Ramba uchishandisa zvipo zvako uye unyanzvi hwako pakubatsira vamwe uye mufaro wako uchawedzera sezvaunokurudzira ungano.

23. Tinofanira kuwana nguva yekuita sei, uye tichakurukurei munyaya inotevera?

23 Mumwe nemumwe wedu anokosha kuna Jehovha. Anoda kuti tive mumhuri yake. Kana tikava nenguva yekufungisisa zvatinogona kuita kuti tisimbise hama nehanzvadzi dzedu, tobva tashanda nesimba kuti tidzikurudzire, kashoma kuti tizonzwa sekuti hatikoshi muungano! Asi zvakadii nemaonero atinoita vamwe vari muungano? Tingaratidza sei kuti tinovada uye tinovaremekedza? Izvozvo ndizvo zvatichakurukura munyaya inotevera.

RWIYO 24 Uyai Kugomo raJehovha

^ ndima 5 Tese tinoda kunzwa tichidiwa naJehovha. Asi dzimwe nguva tinogona kutadza kuziva kuti tingaitei kuti tive vanhu vanokosha kwaari. Nyaya ino ichatibatsira kuona kuti mumwe nemumwe wedu ane basa rinokosha raanoita muungano.

^ ndima 3 KUTSANANGURWA KWESHOKO: Basa ratiinaro muungano yaJehovha rinoreva zvese zvatinoita pakuvaka kana kuti kusimbisa ungano. Izvi hazvinei nekuti tiri verudzi rupi, tine mari yakawanda sei, tinobva kumhuri yakaita sei, tsika dzedu dzakaita sei kana kuti takadzidza zvakadii.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mifananidzo mitatu iri kuratidza zvinoitika musangano weungano paunenge usati watanga, paunenge uchiitwa, uye paunenge wapera. Mufananidzo 1: Mukuru achikwazisa muenzi zvine ushamwari, hama yechidiki iri kuona nezvegudzanzwi, uye hanzvadzi iri kukurukura neimwe hanzvadzi yechikuru. Mufananidzo 2: Vakuru nevadiki vari kusimudza maoko kuti vapindure paChidzidzo cheNharireyomurindi. Mufananidzo 3: Murume nemudzimai vari kubatsira pakuchenesa Imba yeUmambo. Amai vari kubatsira mwana wavo kuti aise mari mubhokisi remupiro. Hama yechidiki iri kuona nezvemabhuku, uye imwe hama iri kukurudzira hanzvadzi yakwegura.