Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 31

Uri Kumirira “Guta Rine Faundesheni Chaiyo” Here?

Uri Kumirira “Guta Rine Faundesheni Chaiyo” Here?

“Akanga achimirira guta rine faundesheni chaiyo, rakavambwa uye rakavakwa naMwari.”​—VAH. 11:10.

RWIYO 22 Umambo Hwavapo​—Ngahuuye!

ZVICHADZIDZWA *

1. Vakawanda vakarega kuitei muupenyu hwavo, uye nei vakadaro?

MAMIRIYONI evanhu vaMwari akasarudza kusaita zvimwe zvinhu zvavangadai vachiita muupenyu hwavo. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakasarudza kusaroora kana kusaroorwa. Vamwe vakaroorana vakasarudza kumbomira kuva nevana. Dzimwe mhuri dzakasarudza kurarama dziine zvinhu zvishoma. Vese vakaita zvisarudzo izvi nekuti vanoda kuita zvese zvavanogona pakushumira Jehovha. Vanogutsikana uye vanovimba kuti Jehovha achavapa zvese zvinokosha pakurarama. Jehovha angatadza kuvapa here? Aiwa! Nei tingava nechokwadi nazvo? Chimwe chikonzero ndechekuti Jehovha akakomborera Abrahamu, “baba vevaya vese vanotenda.”​—VaR. 4:11.

2. (a) Maererano naVaHebheru 11:8-10, 16, nei Abrahamu akazvipira kusiya guta reUri? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Abrahamu akazvipira kusiya upenyu hwakanaka hwaaiva nahwo muguta reUri. Nei akadaro? Nekuti “akanga achimirira guta rine faundesheni chaiyo.” (Verenga VaHebheru 11:8-10, 16.) “Guta” racho nderipi? Abrahamu akasangana nematambudziko api paaimirira kuti guta racho rivakwe? Tingatevedzera sei Abrahamu nevamwe vashumiri vaJehovha vemazuva ano vakaita sezvakaitwa naAbrahamu?

“GUTA RINE FAUNDESHENI CHAIYO” NDERIPI?

3. Iguta ripi rainge rakamirirwa naAbrahamu?

3 Guta rainge rakamirirwa naAbrahamu Umambo hwaMwari. Umambo hwacho hunoumbwa naJesu Kristu nevaKristu vakazodzwa 144 000. Pauro anotaura nezveUmambo hwacho ‘seguta raMwari mupenyu, Jerusarema rekudenga.’ (VaH. 12:22; Zvak. 5:8-10; 14:1) Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengeterere kuti Umambo uhwu huuye, kuitira kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika, sekudenga.​—Mat. 6:10.

4. Maererano naGenesisi 17:1, 2, 6, Abrahamu aizivei nezveguta kana kuti Umambo hwakanga hwavimbiswa naMwari?

4 Abrahamu aiziva here kuti Umambo hwaMwari huchange hwakarongwa sei? Aiwa. Kwemazana emakore, mashoko iwayo akanga ari “chakavanzika chitsvene.” (VaEf. 1:8-10; VaK. 1:26, 27) Asi Abrahamu aiziva kuti vamwe vevana vake vaizova madzimambo. Izvi ndizvo zvaakanga avimbiswa naJehovha. (Verenga Genesisi 17:1, 2, 6.) Kutenda kwaiita Abrahamu zvakavimbiswa naMwari kwainge kwakasimba zvekuti aiita seari kuona Muzodziwa, kana kuti Mesiya, uyo aizova Mambo weUmambo hwaMwari. Ndosaka Jesu akaudza vaJudha vepanguva yake kuti: “Abrahamu baba venyu vakafara chaizvo vachitarisira kuona zuva rangu, uye vakariona, vakafara.” (Joh. 8:56) Zviri pachena kuti Abrahamu aiziva kuti vamwe vazukuru vake vaizova muUmambo hwaizoumbwa naJehovha uye akanga akazvipira kumirira Jehovha kuti azadzise vimbiso iyoyo.

Abrahamu akaratidza sei kuti aitenda zvakavimbiswa naJehovha? (Ona ndima 5)

5. Tinoziva sei kuti Abrahamu akanga achimirira guta rakavambwa naMwari?

5 Abrahamu akaratidza sei kuti akanga achimirira guta, kana kuti Umambo hwakavambwa naMwari? Chekutanga, Abrahamu haana umambo hwepanyika hwaakava pasi pahwo. Upenyu hwake hwese aingotama-tama uye hapana mambo wepanyika waakatsigira. Kuwedzera pana izvozvo, Abrahamu haana kuedza kuva neumambo hwake pachake. Asi akaramba achiteerera Jehovha uye akamumirira kuti azadzise zvaakavimbisa. Paakaita izvozvo, Abrahamu akaratidza kuti aiva nekutenda kunoshamisa muna Jehovha. Ngationgororei mamwe matambudziko aakasangana nawo, toona kuti tinodzidzei pane zvaakaita.

ABRAHAMU AKASANGANA NEMATAMBUDZIKO API?

6. Guta reUri rakanga rakaita sei?

6 Guta reUri rakasiyiwa naAbrahamu rakanga rakachengetedzwa, uye vanhu vemo vakanga vakadzidza uye vakapfuma, vachirarama upenyu hwakanaka. Rakanga rakapoteredzwa nemasvingo akakura riine mugero wemvura wakadzika kumativi aro matatu. Vanhu vemuUri vaiva nyanzvi pakunyora uye pakuita masvomhu. Zvinoita sekuti muguta iri mainyanya kuitwa zvebhizinesi, nekuti nyanzvi dzinochera matongo dzakawana zvinyorwa zvakawanda zvebhizinesi panzvimbo yaiva neguta iri. Dzimba dzemo dzaivakwa nezvidhinha; madziro acho aipurasitwa, opendwa nependi chena. Dzimwe dzimba dzaiva nemakamuri 13 kana 14 dziine chivanze chakagadzirwa zvakanaka nematombo.

7. Nei Abrahamu aifanira kuva nechivimbo chekuti Jehovha aizomuchengetedza iye nemhuri yake?

7 Abrahamu aifanira kuva nechivimbo chekuti Jehovha aizomuchengeta iye nemhuri yake. Nechikonzero chei? Yeuka kuti Abrahamu naSara vakasiya imba yakachengeteka yavaigara zvakanaka muguta reUri, vachinogara mumatende mumasango eKenani. Vakanga vasisina kuchengetedzwa nemasvingo akakura uye nemigero yemvura yakadzika. Zvakanga zvava nyore kuti varwiswe nevavengi.

8. Pane imwe nguva chii chakaitika kuna Abrahamu?

8 Abrahamu aiita zvaidiwa naMwari, asi pane imwe nguva akanga asisina zvekudya zvakakwana zvekupa mhuri yake. Munyika yaakanga anzi naJehovha agare makava nenzara huru. Nzara yacho yakanga yakashata zvekuti Abrahamu akasarudza kumbotamira kuIjipiti nemhuri yake. Asi paaiva muIjipiti, Farao mutongi wenyika yacho akamutorera mudzimai wake. Abrahamu anofanira kunge akanetseka chaizvo kusvikira Jehovha audza Farao kuti adzorere Sara kuna Abrahamu.​—Gen. 12:10-19.

9. Abrahamu akasangana nematambudziko api mumhuri make?

9 Abrahamu aiva nematambudziko akakura mumhuri make. Mudzimai wake waaida Sara, akanga asingakwanisi kuva nevana. Vaifanira kurarama nedambudziko iroro kwemakore. Nekufamba kwenguva, Sara akazoita kuti murandasikana wake Hagari, atorwe naAbrahamu, aine tarisiro yekuti aizomuberekera vana. Asi Hagari paakava nepamuviri paIshmaeri, akatanga kutsvinyira Sara. Zvinhu zvakasvika pakushata zvekuti Sara akadzinga Hagari.​—Gen. 16:1-6.

10. Zviitiko zvipi zvakaedza kuvimba kwaiita Abrahamu naJehovha?

10 Sara akazova nepamuviri uye akabereka mwanakomana. Abrahamu akatumidza mwana wacho kuti Isaka. Abrahamu aida vanakomana vake vese, Ishmaeri naIsaka. Asi nemhaka yekuti Ishmaeri aibata Isaka zvisina kunaka, Abrahamu akamanikidzwa kudzinga Ishmaeri naHagari. (Gen. 21:9-14) Nekufamba kwenguva, Jehovha akaudza Abrahamu kuti ape Isaka sechibayiro. (Gen. 22:1, 2; VaH. 11:17-19) Pazviitiko zvacho zviri zviviri, Abrahamu aifanira kuvimba kuti Jehovha aizoita kuti zvinhu zvifambire zvakanaka vanakomana vake.

11. Nei Abrahamu aifanira kumirira Jehovha nemwoyo murefu?

11 Panguva yese iyi, Abrahamu aifanira kudzidza kumirira Jehovha nemwoyo murefu. Angangodaro aiva nemakore anopfuura 70 paakabva muUri nemhuri yake. (Gen. 11:31–12:4) Uye kwemakore anenge 100, aigara mumatende achitenderera nenyika yeKenani. Abrahamu akafa aine makore 175. (Gen. 25:7) Asi haana kuona kuzadzika kwevimbiso yaJehovha yekupa vana vake nyika yaakafamba. Uye akafa asati aona guta racho, kana kuti Umambo hwaMwari huchiumbwa. Kunyange zvakadaro, Abrahamu anonzi akafa “akwegura uye agutsikana.” (Gen. 25:8) Pasinei nematambudziko aakasangana nawo, Abrahamu akaramba aine kutenda kwakasimba uye aiva nechido chekumirira Jehovha. Nei akakwanisa kutsungirira? Nekuti muupenyu hwake hwese, Jehovha aimuchengetedza uye aimubata seshamwari yake.​—Gen. 15:1; Isa. 41:8; Jak. 2:22, 23.

Vashumiri vaJehovha vari kuratidza sei kutenda uye mwoyo murefu sezvakaitwa naAbrahamu naSara? (Ona ndima 12) *

12. Chii chatakamirira, uye tichakurukurei?

12 Sezvakaitwa naAbrahamu, isu tiri kumirira guta rine faundesheni chaiyo. Asi hatisi kumirira kuti rizovakwa. Umambo hwaMwari hwakagadzwa muna 1914 uye hwakatotanga kutonga zvizere kudenga. (Zvak. 12:7-10) Asi takamirira kuti hutonge zvakazara panyika. Tichimirira kuti izvozvo zviitike, pane matambudziko akawanda atinofanira kutsungirira akada kufanana neakasangana naAbrahamu naSara. Vashumiri vaJehovha vemazuva ano, vari kukwanisawo here kutevedzera muenzaniso waAbrahamu? Nyaya dzeupenyu dzinobudiswa muNharireyomurindi dzinoratidza kuti vakawanda mazuva ano vane kutenda uye mwoyo murefu sezvakanga zvakaita Abrahamu naSara. Ngatimbokurukurai nezvedzimwe dzacho, toona kuti tinodzidzei.

KUTEVEDZERA MUENZANISO WAABRAHAMU

Bill Walden aiva nechido chekusiya zvimwe zvinhu uye akakomborerwa naJehovha

13. Unodzidzei pane zvakaitwa naHama Walden?

13 Zvipire kusiya zvimwe zvinhu. Kana tichida kuti Umambo huve chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwedu, tinofanira kuita saAbrahamu uyo akazvipira kusiya zvimwe zvinhu kuti afadze Mwari. (Mat. 6:33; Mako 10:28-30) Funga zvakaitwa nehama inonzi Bill Walden. * Muna 1942, Bill akatanga kudzidza neZvapupu zvaJehovha paakanga ava pedyo nekugirajuweta pane imwe yunivhesiti iri kuUnited States kuti apiwe dhigirii rehuinjiniya. Mudzidzisi waBill akanga aronga kuti Bill awane basa kana agirajuweta, asi Bill akaramba. Akatsanangura kuti akanga asarudza kusiya basa rinobhadhara kuitira kuti ashumire Mwari zvizere. Pashure penguva pfupi, hurumende yakaudza Bill kuti apinde muchiuto. Akaramba zvine ruremekedzo uye izvozvo zvakaita kuti abhadhariswe faindi yeUS$10 000, ndokutongerwa kugara mujeri kwemakore 5. Akasunungurwa kwapera makore matatu. Nekufamba kwenguva, akakokwa kuti apinde chikoro cheGiriyedhi uye akashumira semumishinari muAfrica. Bill akazoroora Eva, uye vakashumira vese muAfrica. Izvozvo zvaida kuti vazvipire. Pashure pemakore akawanda, vakazodzokera kuUnited States kunochengeta amai vaBill. Bill anopfupikisa nyaya yeupenyu hwake achiti; “Pandinofunga nezveropafadzo yakakura yandakawana yekushandiswa naJehovha mubasa rake kwemakore anodarika 70, ndinonzwa ndichida kuchema. Ndinogara ndichitenda Jehovha nekundibatsira kuita kuti ndimushumire kweupenyu hwangu hwese.” Unokwanisa here kuita ushumiri hwenguva yakazara kweupenyu hwako hwese?

Eleni naAristotelis Apostolidis vakaona kuti Jehovha aivasimbisa

14-15. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Hama naHanzvadzi Apostolidis?

14 Usatarisira kurarama upenyu husina matambudziko. Kubva pane zvakaitika kuna Abrahamu, tinodzidza kuti kunyange vaya vakazvipira kushumira Jehovha kweupenyu hwavo hwese vanosangana nematambudziko. (Jak. 1:2; 1 Pet. 5:9) Izvi ndizvo zvakaitika kuna Aristotelis Apostolidis. * Akabhabhatidzwa muna 1946 muGreece, uye muna 1952, iye neimwe hanzvadzi inonzi Eleni, iyo yaiva nezvinangwa zvakafanana nezvake, vakavimbisana kuroorana. Asi Eleni akazorwara uye akaoneka kuti aiva nebundu muuropi. Bundu racho rakabviswa, asi pashure pemakore mashoma vachata, bundu racho rakadzoka. Vanachiremba vakaribvisa zvakare, asi Eleni akasara asisakwanisi kuita zvimwe zvinhu ega, uye akanga asisagoni kunyatsotaura. Akaramba ari mushumiri anoshingaira pasinei nekurwara kwake uye pasinei nekutambudzwa kwaiitwa Zvapupu nehurumende panguva yacho.

15 Aristotelis akachengeta mudzimai wake kwemakore 30. Munguva iyi akashanda semukuru, akashanda mumakomiti egungano, uye akabatsira pakuvaka Imba Yemagungano. Muna 1987, Eleni akakuvadzwa zvakaipisisa nezidhoo resimbi rinorema achiparidza. Akaita makore matatu asingakwanisi kumuka kana kutaura, achibva azofa. Aristotelis anotaura muchidimbu nyaya yeupenyu hwake achiti: “Kwemakore ese aya, ndakasangana nematambudziko akawanda, uye mamwe acho aiitika ndisingazvifungiri. Saka ndaifanira kuramba ndichitsungirira, ndisingabvumiri chimwe chinhu chichindipedza simba. Asi Jehovha anoramba achindipa simba rinodiwa kuti ndikunde matambudziko aya.” (Pis. 94:18, 19) Jehovha anoda chaizvo vashumiri vake vanomushumira nepavanogona napo pasinei nekuti vane matambudziko!

Audrey Hyde akaramba aine tariro nekuti airamba achifunga nezveramangwana

16. Hama Knorr vakapa mudzimai wavo zano ripi rakanaka?

16 Ramba uchifunga nezveramangwana. Abrahamu akaramba achifunga nezvemibayiro yaaizopiwa naJehovha, uye izvi zvakamubatsira kukunda matambudziko aaisangana nawo. Hanzvadzi Audrey Hyde vakaedza kuramba vachifunga nezvetariro yeramangwana, kunyange zvazvo murume wavo wekutanga Nathan H. Knorr akafa nekenza uye murume wavo wechipiri Glenn Hyde, akabatwa nechirwere cheAlzheimer. * Vanoti vakabatsirwa nezvavakaudzwa naHama Knorr mavhiki mashomanana vasati vafa. Vanoti: “Nathan akandiyeuchidza kuti: ‘Kana tikafa, tine chivimbo chekuti Jehovha achatimutsa, uye hatizomborwadziwi zvakare.’ Zvadaro akandikurudzira kuti: ‘Tarisa mberi, nekuti ikoko ndiko kune mubayiro wako.’ . . . Akatizve: ‘Gara uchiedza kuitira vamwe vanhu zvinhu zvakanaka. Izvi zvichakubatsira kuti ufare muupenyu.’” Izano rinobatsira chaizvo rekuti tirambe tichiitira vamwe zvakanaka uye ‘tifare patariro.’​—VaR. 12:12.

17. (a) Nei tiine chikonzero chakanaka chekuti tirambe tichifunga nezveramangwana? (b) Kutevedzera muenzaniso uri pana Mika 7:7 kuchatibatsira sei kuti tiwane makomborero mune ramangwana?

17 Mazuva ano tine chimwe chikonzero chekuti tirambe tichifunga nezveramangwana. Zviri kuitika munyika zvinonyatsoratidza kuti tiri kumapeto kwemazuva ekupedzisira enyika ino. Pasina nguva tinenge tisisafaniri kumirira kuti Umambo hwaMwari hutonge zvizere panyika. Tichava nemakomborero akawanda anosanganisira kuona vanhu vatinoda vachimutswa kubva kuvakafa. Panguva iyoyo Jehovha achamutsa Abrahamu nemhuri yake kuti vararame panyika nekuti Abrahamu aiva nekutenda uye aiva nemwoyo murefu. Uchange uripo here kuti uvagamuchire? Unogona kuvapo kana ukatevedzera Abrahamu pakusiya zvimwe zvinhu uchiitira Umambo hwaMwari, kana ukava nekutenda pasinei nematambudziko, uye kana ukadzidza kumirira Jehovha nemwoyo murefu.​—Verenga Mika 7:7.

RWIYO 74 Uyai Tiimbe Rwiyo rweUmambo!

^ ndima 5 Patinenge takamirira kuti zvakavimbiswa naMwari zvizadzike, tinogona kutadza kuva nemwoyo murefu kana kupedzisira tisisina kutenda. Zvii zvatinodzidza pana Abrahamu zvichatibatsira kuti tive nemwoyo murefu patinenge tichimirira kuti zvakavimbiswa naJehovha zvizadzike? Uye ndezvipi zvakanaka zvakaitwa nevamwe vashumiri vaJehovha vemazuva ano panyaya iyi?

^ ndima 13 Nyaya yeupenyu yahama Walden yakabudiswa muNharireyomurindi yaDecember 1, 2013, mapeji 8-10.

^ ndima 14 Nyaya yeupenyu yaHama Apostolidis yakabudiswa muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2002, mapeji 24-28.

^ ndima 16 Nyaya yeupenyu yaHanzvadzi Hyde yakabudiswa muNharireyomurindi yaJuly 1, 2004, mapeji 23-29.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Murume nemudzimai vakura vari kuramba vachishumira Jehovha vakatendeka pasinei nematambudziko. Vanoita kuti kutenda kwavo kurambe kwakasimba nekuramba vachifunga zvakavimbiswa naJehovha mune ramangwana.