Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaya Yekudzidza 32

Zvininipise Uye Iva Nemwero Pakufamba naMwari Wako

Zvininipise Uye Iva Nemwero Pakufamba naMwari Wako

“[Iva] nemwero pakufamba naMwari wako!”​—MIKA 6:8.

RWIYO 31 Famba naMwari!

ZVICHADZIDZWA *

1. Dhavhidhi akatii nezvekuzvininipisa kwaJehovha?

TINGATI Jehovha anozvininipisa here? Hongu, tinogona kudaro. Dhavhidhi akati: “Munondipa nhoo yenyu yeruponeso, uye kuzvininipisa kwenyu kunoita kuti ndive mukuru.” (2 Sam. 22:36; Pis. 18:35) Zvimwe Dhavhidhi aifunga nezvezuva rakauya muprofita Samueri kumba kwababa vake kuti azodze munhu aizova mambo waIsraeri. Dhavhidhi ndiye aiva mudiki wacho pavanakomana 8 vababa vake, asi ndiye akasarudzwa naJehovha kuti atsive Mambo Sauro.​—1 Sam. 16:1, 10-13

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Dhavhidhi anobvumirana nezvakanyorwa nemumwe munyori wePisarema uyo akataura nezvaJehovha achiti: “Anokotama kuti atarise denga nenyika, achisimudza munhu akaderera kubva muguruva. Anosimudza murombo . . . kuti agare nevakuru vakuru.” (Pis. 113:6-8) Munyaya ino tichatanga nekuongorora kuti Jehovha akaratidza sei kuzvininipisa, uye izvi zvichatibatsira kuona zvidzidzo zvinokosha panyaya iyi. Tichabva taonawo zvatinodzidza pana Mambo Sauro, muprofita Dhanieri, uye Jesu panyaya yekuva nemwero.

TINODZIDZEI PANA JEHOVHA?

3. Jehovha anotibata sei, uye izvi zvinoratidzei?

3 Jehovha anoratidza kuti anozvininipisa nemabatiro aanoita vanamati vake vane chivi. Anogamuchira kunamata kwedu uye anotionawo seshamwari dzake. (Pis. 25:14) Kuti tikwanise kuva shamwari dzake, Jehovha akatipa chibayiro cheMwanakomana wake kuti tiregererwe zvivi zvedu. Izvi zvinonyatsoratidza kuti Jehovha ane ngoni netsitsi!

4. Chii chatakapiwa naJehovha, uye akatipirei?

4 Funga nezveimwe nzira iyo Jehovha anoratidza nayo kuti anozvininipisa. Sezvo Jehovha ari iye Musiki, aigona kunge akatisika tisingakwanisi kusarudza zvatinoda kuita neupenyu hwedu. Asi haana kudaro. Akatisika nemufananidzo wake, uye akatipa rusununguko rwekusarudza zvatinoda kuita. Anoda kuti timushumire zvichibva pakuti tinomuda, uye tinoziva kuti kana tikamuteerera zvinotinakira. (Dheut. 10:12; Isa. 48:17, 18) Tinotenda chaizvo kuti Jehovha ndiMwari anozvininipisa!

Jesu ari kuratidzwa ari kudenga. Akamira pamwe chete nevamwe vaachatonga navo. Vese vakatarisa ngirozi dzakawanda chaizvo. Dzimwe ngirozi dziri kuenda panyika kunoita basa radzatumwa. Jehovha akapa mabasa vese vari kuratidzwa mumufananidzo uyu (Ona ndima 5)

5. Jehovha anotidzidzisa sei kuti tive vanhu vanozvininipisa? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

5 Jehovha anotidzidzisa kuti tive vanhu vanozvininipisa nemabatiro aanotiita. Akachenjera kupfuura chero ani zvake. Kunyange zvakadaro, anobvumawo zvinotaurwa nevamwe. Semuenzaniso, Jehovha akaita kuti Mwanakomana wake amubatsire pakusika zvinhu zvese. (Zvir. 8:27-30; VaK. 1:15, 16) Uye kunyange zvazvo Jehovha ari wemasimbaose, anopawo vamwe mabasa ekuita. Akagadza Jesu kuti ave Mambo weUmambo hwake uye achapawo vanhu 144 000 simba rekuti vatonge pamwe chete naJesu. (Ruka 12:32) Jehovha akadzidzisa Jesu kuti ave Mambo uye Mupristi Mukuru. (VaH. 5:8, 9) Anodzidzisawo vaya vachatonga pamwe chete naJesu kuti vakwanise kuita basa iri, uye haaongorori kuti kanhu kamwe nekamwe kari kuitwa zvakanaka here. Anovimba kuti vachaita kuda kwake.​—Zvak. 5:10.

Tinotevedzera Jehovha patinodzidzisa vamwe uye patinovapawo mabasa ekuita (Ona ndima 6-7) *

6-7. Tinodzidzei pana Baba vedu vekudenga panyaya yekupawo vamwe zvekuita?

6 Baba vedu vekudenga vanokwanisa kuita zvese vari vega, asi vanopawo vamwe zvekuita. Saka isu tinotofanira kuvatevedzerawo. Uri musoro wemba kana kuti uri mukuru muungano here? Tevedzera Jehovha nekupawo vamwe mabasa uye usaedza kuongorora kuti kanhu kamwe nekamwe vari kukaita sei. Kana ukatevedzera Jehovha, basa racho richaitwa, uye unenge wadzidzisawo vamwe. Izvi zvichaita kuti vawedzere kuvimba naJehovha. (Isa. 41:10) Ndezvipi zvimwe zvingadzidzwa nevaya vane simba ravakapiwa?

7 Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anoteererawo zvinotaurwa nengirozi dzake. (1 Madz. 22:19-22) Vabereki, mungatevedzera sei Jehovha? Pazvinenge zvakakodzera, bvunzai vana venyu kuti vanofunga kuti rimwe basa ringaitwa sei. Uye kana zvichiita, itai zvavanenge vataura.

8. Jehovha akaratidza sei mwoyo murefu kuna Abrahamu naSara?

8 Kuzvininipisa kwaJehovha kunoonekawo pamwoyo murefu waanoratidza. Semuenzaniso, Jehovha anoratidza mwoyo murefu vanhu vanomushumira pavanova nemubvunzo nezvaanenge asarudza. Akateerera Abrahamu paaifunga kuti zvakanga zvisina kururama kuti Jehovha aparadze Sodhomu neGomora. (Gen. 18:22-33) Uye yeuka zvakaitwa naJehovha kumudzimai waAbrahamu, Sara. Jehovha haana kugumbuka Sara paakaseka vimbiso yekuti aizova nepamuviri iye achembera. (Gen. 18:10-14) Asi akaremekedza Sara.

9. Vabereki uye vakuru vanodzidzei pana Jehovha?

9 Vabereki uye vakuru, munodzidzei pana Jehovha? Munoita sei kana vana venyu kana kuti vamwe vari muungano vakasabvumirana nezvamunenge masarudza? Munokurumidza kuvaudza kuti vakarasika here, kana kuti munoedza kunzwisisa maonero avo? Kana vaya vane simba ravakapiwa vakatevedzera Jehovha, zvinobatsira mhuri uye ungano. Kusvika pari zvino, takurukura zvatinodzidza pana Jehovha panyaya yekuzvininipisa. Iye zvino ngationei zvatinodzidza pakuva nemwero kubva pavamwe vanhu vanotaurwa mushoko raMwari.

TINODZIDZEI PANE ZVAKAITWA NEVAMWE?

10. Jehovha anoshandisa sei mienzaniso yevamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri kuti atidzidzise?

10 ‘Murayiridzi wedu Mukuru,’ Jehovha anotidzidzisa achishandisa mienzaniso yevamwe vanhu vanotaurwa muShoko rake. (Isa. 30:20, 21) Tinodzidza zvakawanda patinofungisisa nyaya dziri muBhaibheri dzinotaura nezvevamwe vakaratidza unhu hunofarirwa naMwari, hwakadai sekuva nemwero. Pane zvimwewo zvatinodzidza patinoongorora zvakaitika kune vaya vakatadza kuratidza unhu hwakanaka kudaro.​—Pis. 37:37; 1 VaK. 10:11.

11. Tinodzidzei pane zvakaipa zvakaitwa naMambo Sauro?

11 Funga zvakaitika kuna Mambo Sauro. Paaiva mudiki aizvininipisa. Aiziva zvaaisakwanisa kuita uye aitozeza kuva mambo. (1 Sam. 9:21; 10:20-22) Asi nekufamba kwenguva Sauro akatanga kuzvikudza, uye akaita zvinhu zvaaisava nekodzero yekuita. Akatanga kuita izvi achangobva kugadzwa kuva mambo. Pane imwe nguva akatadza kuva nemwoyo murefu, paaimirira muprofita Samueri. Pane kuti avimbe kuti Jehovha aizorwira vanhu vake, Sauro akapa chibayiro kunyange zvazvo akanga asina mvumo yekuita kudaro. Izvi zvakaita kuti Sauro arasikirwe neushamwari hwake naJehovha, uye akazorasikirwa neumambo. (1 Sam. 13:8-14) Kunenge kuri kuchenjera kana tikadzidza pane zvaakaita torega kuita zvinhu zvatisina kodzero yekuita.

12. Dhanieri akaratidza sei kuti aiva nemwero?

12 Chimbofunga nezvemuenzaniso wakanaka wemuprofita Dhanieri. Muupenyu hwake hwese, Dhanieri aiva mushumiri waMwari anozvininipisa uye ane mwero aigara achitsvaga kutungamirirwa naJehovha. Paakashandiswa naJehovha kuti atsanangure hope dzaNebhukadhinezari, Dhanieri haana kuzvitsvagira mbiri. Asi akaita kuti mbiri yese nerukudzo zviende kuna Jehovha. (Dhan. 2:26-28) Tinodzidzei? Kana hama dzichinakidzwa nekuteerera hurukuro dzedu, kana kuti tichibudirira muushumiri, tinoda kuyeuka kupa mbiri yese kuna Jehovha. Tinoda kuyeuka kuti hatikwanisi kuita zvese izvi tisingabatsirwi naJehovha. (VaF. 4:13) Kana tikaita izvi, tinenge tichitevedzerawo muenzaniso waJesu wakanaka. Nei tichidaro?

13. Tinodzidzei nezvekuva nemwero pane zvakataurwa naJesu pana Johani 5:19, 30?

13 Kunyange zvazvo aiva Mwanakomana waMwari asina chivi, Jesu aivimba naJehovha. (Verenga Johani 5:19, 30.) Haana kumboedza kubvuta simba raBaba vake vekudenga. VaFiripi 2:6 inoti nezvaJesu, “haana kufunga nezvekubvuta simba, kureva kuti, kuzviita akaenzana naMwari.” Jesu aiziva kuti ane zvaaisakwanisa kuita, uye airemekedza Baba vake.

Jesu aiziva paigumira simba rake uye aisaita zvinhu zvaaisava nekodzero yekuita (Ona ndima 14)

14. Paakakumbirwa kuita chimwe chinhu chaaisava nesimba rekuti aite, Jesu akapindura sei?

14 Funga kuti Jesu akapindura sei Jakobho naJohani pavakauya naamai vavo kwaari, vachikumbira ropafadzo iyo Jesu aisava nesimba rekuvapa. Asingambotendereri, Jesu akabva avaudza kuti Baba vake vekudenga chete ndivo vaikwanisa kusarudza kuti ndiani achagara kuruoko rwake rwerudyi kana kuti rweruboshwe muUmambo. (Mat. 20:20-23) Jesu akaratidza kuti aiziva paaigumira. Aiva nemwero. Aisaita zvaasina kunzi aite naJehovha. (Joh. 12:49) Tingatevedzera sei Jesu?

Tingatevedzera sei Jesu pakuva nemwero? (Ona ndima 15-16) *

15-16. Tingashandisa sei zano riri pana 1 VaKorinde 4:6?

15 Tinotevedzera muenzaniso waJesu wekuva nemwero patinoshandisa zano reBhaibheri ratinowana pana 1 VaKorinde 4:6. Panoti: “Musapfuura zvakanyorwa.” Saka patinokumbirwa mazano, hatidi kuudza vamwe zvatinofunga kana kuvaudza zvangotanga kuuya mupfungwa dzedu. Asi tinofanira kutaura mazano anowanika muBhaibheri uye mumabhuku edu. Kana tikadaro, tinenge tichibvuma kuti tine zvimwe zvinhu zvatisingazivi. Patinoita izvozvo tinenge tichiratidza kuti tinonzwisisa kuti mazano aJehovha akanaka kupfuura edu.​—Zvak. 15:3, 4.

16 Tine zvimwe zvikonzero zvekuti tizvininipise. Iye zvino tava kuda kuona kuti kuzvininipisa uye kuva nemwero kunotibatsira sei kuti tifare uye kuti tiwirirane nevamwe.

KUZVININIPISA UYE KUVA NEMWERO KUNOTIBATSIRA SEI?

17. Nei vanhu vanozvininipisa uye vane mwero vachifara?

17 Kuzvininipisa uye kuva nemwero kunowanzoita kuti tifare. Nei zvakadaro? Kana tichiziva zvatisingakwanisi kuita, tinoonga uye tinofara vamwe pavanotibatsira. Funga nezvevanhu 10 vaiva nemaperembudzi vakaporeswa naJesu. Mumwe chete wavo ndiye akadzoka kuzotenda Jesu kuti akanga amuporesa chirwere chake chaityisa. Murume uyu aizvininipisa aiziva kuti aisambokwanisa kuzviporesa pasina rubatsiro rwaJesu. Izvi zvakaita kuti akudze Mwari.​—Ruka 17:11-19.

18. Kuzvininipisa uye kuva nemwero kunotibatsira sei kuti tiwirirane nevamwe? (VaRoma 12:10)

18 Vanhu vanozvininipisa uye vane mwero vanowanzowirirana nevamwe uye vanowanzova neshamwari dzepedyo. Nei zvakadaro? Vanobvuma kuti vamwe vane unhu hwakanaka uye vanovimba navo. Vanhu vanozvininipisa uye vane mwero vanofara vamwe pavanobudirira mumabasa avakapiwa musangano uye vanokurumidza kuvarumbidza nekuvakudza.​—Verenga VaRoma 12:10.

19. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvekuti tisazvikudza?

19 Asi vanhu vanozvikudza vanoomerwa nekurumbidza vamwe nekuti vanenge vachida kurumbidzwa vari ivo. Vanowanzozvienzanisa nevamwe uye vanoedza kukwikwidzana navo. Pane kuti vadzidzise vamwe uye vavapewo simba rekuita zvimwe zvinhu, vanhu vanozvikudza vanoona sekuti ndivo vanotofanira kuita chimwe chinhu kuti chibude zvakanaka. Munhu anozvikudza anoda kuonekwa seanokosha kupfuura vamwe uye anoitira vamwe godo. (VaG. 5:26) Vanhu vakadaro havaiti ushamwari hunogara. Kana tikaona kuti tine dambudziko rekuzvikudza, tinofanira kukumbira Jehovha kuti atibatsire kuti ‘pfungwa dzedu dzishandurwe’ kuitira kuti unhu uhwu hwakaipa husadzika midzi matiri.​—VaR. 12:2.

20. Nei tichifanira kuzvininipisa uye kuva nemwero?

20 Tinotenda chaizvo muenzaniso waJehovha! Tinoona kuzvininipisa kwake pamabatiro aanoita vashumiri vake, uye tinoda kumutevedzera. Uyewo tinoda kutevedzera vanhu vanotaurwa muBhaibheri vaizvininipisa, avo vakava neropafadzo yekufamba naMwari. Ngatirambei tichipa Jehovha rukudzo uye ruremekedzo rwaanofanira kupiwa. (Zvak. 4:11) Kana tikadaro tichava vakakodzera kufamba naBaba vedu vekudenga, avo vanoda vanhu vanozvininipisa uye vane mwero.

RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika

^ ndima 5 Munhu anozvininipisa ane ngoni uye ane tsitsi. Saka zvakakodzera kuti titi Jehovha anozvininipisa. Munyaya ino tichadzidza kuzvininipisa kubva pamuenzaniso waJehovha. Tichaongororawo zvatinodzidza kuna Mambo Sauro, muprofita Dhanieri, uye Jesu pakuva nemwero.

^ ndima 58 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mukuru ari kudzidzisa hama yechidiki basa rine chekuita nendima dzeungano. Mukuru wacho haaedzi kuongorora kanhu kamwe nekamwe kari kuitwa nehama yacho yechidiki, asi anoirega ichiita basa rayo iri yega.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi inobvunza mukuru kuti zvakakodzera here kuti iende kumuchato wayakakokwa uchaitirwa muchechi. Mukuru wacho haatauri pfungwa dzake, asi anoibatsira kuona zvinotaurwa neBhaibheri.