Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 33

Fara Nezvauri Kuitira Jehovha

Fara Nezvauri Kuitira Jehovha

“Zviri nani kufadzwa nezvinoonekwa nemaziso pane kuda zvinhu zvausingakwanisi kuva nazvo.”—MUP. 6:9.

RWIYO 111 Zvinoita Kuti Tifare

ZVICHADZIDZWA *

1. Vakawanda vari kuedza sei kuita zvakawanda pakushumira Jehovha?

 TINE basa rakawanda rekuita nyika ino zvayava pedyo nekuguma. (Mat. 24:14; Ruka 10:2; 1 Pet. 5:2) Tese tinoda kuita zvese zvatinogona pakushumira Jehovha. Vakawanda vari kuwedzera ushumiri hwavo. Vamwe vanotarisira kuzoshumira semapiyona. Vamwewo vanotarisira kuzoshumira paBheteri kana kuita basa rekuvaka zvivakwa zvesangano. Uye hama dzakawanda dziri kuvavarira kuzova vashumiri veungano kana kuti vakuru. (1 Tim. 3:1, 8) Jehovha anofara chaizvo paanoona kuzvipira kunoita vanhu vake kuti vamushumire!—Pis. 110:3; Isa. 6:8.

2. Tinganzwa sei kana tikasakwanisa kuzadzisa zvimwe zvinangwa zvedu pakushumira Jehovha?

2 Asi tinogona kuora mwoyo kana pakapfuura nguva yakareba tisati tazadzisa zvinangwa zvedu pakushumira Jehovha. Kana kuti tinogona kuora mwoyo nekuti hatikwanisi kuwana dzimwe ropafadzo nemhaka yezera kana zvimwewo zvikonzero. (Zvir. 13:12) Izvi ndizvo zvakaitika kuna Melissa. * Anoda kushumira paBheteri kana kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo, asi anoti: “Ndapfuura zera rekuti ndikwanise kuwana ropafadzo idzodzo. Dzimwe nguva ndinoora mwoyo.”

3. Vamwe vanofanira kuitei kuti vakodzere kupiwa dzimwe ropafadzo?

3 Vamwe vechidiki avo vane utano hwakanaka vane unhu hwavanofanira kutanga vava nahwo vasati vava kukodzera kuwana dzimwe ropafadzo. Semuenzaniso, vamwe vanogona kunge vakangwara, vachikwanisa kuita zvisarudzo nekukurumidza, uye vaine chido chekushanda. Asi vangafanira kuwedzera pakuva nemwoyo murefu, pakuita basa ravo nemazvo, uye pakuremekedza vamwe. Kana ukashanda nesimba kuti uve neunhu hwaunofanira kuva nahwo, unogona kupiwa dzimwe ropafadzo usingatarisiri. Funga zvakaitika kuna Nick. Paaiva nemakore 20, akaora mwoyo chaizvo nekuti haana kugadzwa semushumiri weungano. Anoti, “Ndakaona sekuti panofanira kunge paine chimwe chinhu chandisiri kuita zvakanaka.” Asi Nick haana kukanda mapfumo pasi. Akashanda nesimba muungano uye mubasa rekuparidza. Iye zvino ari kushumira senhengo yeDare reBazi.

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Wakaora mwoyo here nekuti une chinangwa chausati wazadzisa mubasa raJehovha? Kana zvakadaro taura naJehovha nezvenyaya yacho. (Pis. 37:5-7) Uyewo bvunza hama dzine ruzivo mazano ekuti ungavandudza sei zvaunoita pakushumira Mwari, wobva waita zvese zvaunogona kuti ushandise mazano avo. Kana ukadaro unogona kuzadzisa chinangwa chako. Asi kufanana naMelissa ambotaurwa nezvake, panguva ino ungasakwanisa kuwana ropafadzo yauri kuda. Saka ungaitei kuti urambe uchifara? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, nyaya ino ichakurukura zvinhu zvinoti (1) kwaungawana mufaro, (2) zvaungaita kuti uwedzere mufaro wako, uye (3) zvinangwa zvaunogona kuva nazvo kuti uwedzere mufaro.

KWATINGAWANA MUFARO

5. Kuti tiwane mufaro, tinofanira kuisa pfungwa dzedu pachii? (Muparidzi 6:9)

5 Muparidzi 6:9 inotaura zvatingaita kuti tiwane mufaro. (Verenga.) Munhu anofadzwa “nezvinoonekwa nemaziso” anogutsikana nezvaainazvo, zvakadai semamiriro akaita zvinhu muupenyu hwake panguva ino. Asi munhu anoda zvinhu zvaasingakwanisi kuva nazvo haambofi akagutsikana. Saka tinodzidzei? Kuti tiwane mufaro, tinofanira kuisa pfungwa pazvinhu zvatiinazvo uye pazvinhu zvatinokwanisa kuita.

6. Iye zvino tava kuda kukurukura mufananidzo upi, uye zvii zvatichadzidza pauri?

6 Zvinonyatsoita here kuti ugutsikane nezvinhu zvawagara uinazvo? Vamwe vanhu vanofunga kuti hazviiti, nekuti tagara tichida kudzidza zvinhu zvitsva. Asi chokwadi ndechekuti zvinoita. Tinogona kufadzwa nezvatiri kuita iye zvino. Tingazviita sei? Kuti tione kuti tingazviita sei, ngatikurukurei mufananidzo wematarenda wakataurwa naJesu, unowanika pana Mateu 25:14-30. Mumufananidzo uyu tichadzidza kuti tingawana sei mufaro pane zvatiri kuita uye kuti tingauwedzera sei.

ZVAUNGAITA KUTI UWEDZERE MUFARO WAKO

7. Taura muchidimbu mufananidzo waJesu wematarenda.

7 Mumufananidzo wacho, mumwe murume akanga ava kuda kufamba rwendo. Asati aenda, akashevedza varanda vake uye akapa mumwe nemumwe matarenda ekuti aite bhizinesi nawo. * Achifunga zvaikwanisa kuitwa nemumwe nemumwe wavo, murume wacho akapa matarenda mashanu kune mumwe muranda, maviri kune mumwe wacho, uye rimwe chete kumuranda wechitatu. Varanda vaviri vekutanga vakashanda nesimba kuti vawedzere mari yatenzi wavo. Asi muranda wechitatu, haana zvaakaita nemari yaakapiwa, uye tenzi wake akamudzinga pabasa.

8. Nei muranda wekutanga aigona kunge akafara chaizvo?

8 Muranda wekutanga anofanira kunge akafara chaizvo kuti tenzi wake akamupa matarenda mashanu. Iyi yaiva mari yakawanda chaizvo, uye zvinoratidza kuti tenzi wacho ainyatsovimba naye. Asi zvakadii nemuranda wechipiri? Aigona kuora mwoyo nekuti akanga asina kupiwa matarenda akaenzana neakapiwa muranda wekutanga. Asi akaitei?

Zvidzidzo zvipi zvatinowana pamuranda wechipiri anotaurwa mumufananidzo waJesu? (1) Akapiwa matarenda maviri natenzi wake. (2) Akashanda nesimba kuti awanire tenzi wake imwe mari. (3) Akawanira tenzi wake mamwe matarenda maviri (Ona ndima 9-11)

9. Chii chisina kutaurwa naJesu nezvemuranda wechipiri? (Mateu 25:22, 23)

9 Verenga Mateu 25:22, 23. Jesu haana kutaura kuti muranda wechipiri akagumbuka nekuti akanga awana matarenda maviri chete. Uye haana kutaura kuti muranda wacho akanyunyuta achiti: ‘Ndiwo chete andiri kupiwa aya? Inga wani ndinoshanda nesimba sezvinoita muranda apiwa matarenda mashanu! Kana tenzi wangu achifunga kuti handigoni basa, zviri nani ndivige mari yake ndorega kumushandira ndoita zvangu ndega.’

10. Muranda wechipiri akaitei nematarenda ake?

10 Sezvakaita muranda wekutanga, muranda wechipiri akanzwisisa kuti basa raakanga apiwa natenzi wake raikosha uye akashanda nesimba kuti ashumire tenzi wake. Izvi zvakaita kuti awanire tenzi wake mamwe matarenda maviri. Kushanda nesimba kwakaitwa nemuranda uyu kwakaita kuti awane mubayiro. Tenzi wacho akamurumbidza uye akamupa rimwe basa.

11. Tingaitei kuti mufaro wedu uwedzere?

11 Isuwo mufaro wedu unogona kuwedzera patinoshanda nesimba pakuita chero chii zvacho chatinenge tapiwa mubasa raJehovha. ‘Nyura’ mubasa rekuparidza, uye shanda nesimba muungano. (Mab. 18:5; VaH. 10:24, 25) Nyatsogadzirira misangano kuitira kuti uzokwanisa kupa mhinduro dzinokurudzira vamwe pane zvinenge zvichidzidzwa. Koshesa hurukuro dzevadzidzi dzaunopiwa pamusangano wepakati pevhiki. Kana ukakumbirwa kuti ubatsire pane rimwe basa muungano, bata nguva uye iva munhu anogona kuvimbwa naye. Usaona chero basa raunenge wapiwa seriri kukutambisira nguva yako. Shanda nesimba kuti uwedzere unyanzvi pakuita basa rako. (Zvir. 22:29) Kana ukawedzera kunyura mumabasa ekunamata, ushamwari hwako naJehovha hunowedzera uye unova munhu anofara chaizvo. (VaG. 6:4) Zvichavawo nyore kuti ufare nevamwe pavanowana ropafadzo yawaizodawo kuwana.—VaR. 12:15; VaG. 5:26.

12. Chii chakabatsira Mellisa naNick kuti mufaro wavo uwedzere?

12 Funga nezvaMelissa, hanzvadzi iya yakati yaiva nechido chekushumira paBheteri kana kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo? Kunyange zvazvo zvaisakwanisika kuti aite izvozvo, anoti: “Ndinoita zvese zvandinogona pakupayona uye ndinoedza nzira dzakasiyana-siyana dzekuparidza. Izvi zvinoita kuti ndifare chaizvo.” Uye Nick akatsungirira sei kuora mwoyo kwaakaita paasina kugadzwa semushumiri weungano? Anoti, “Ndaishanda nesimba pane zvandaikwanisa kuita zvakadai sekubuda muushumiri uye kupa mhinduro dzinokurudzira pamisangano. Ndakanyorerawo kuti ndishumire paBheteri uye ndakatanga kushandapo gore rakatevera racho.”

13. Chii chichaitika kana ukanyura pane zvauri kuita iye zvino? (Muparidzi 2:24)

13 Kana ukanyura pane zvauri kuita iye zvino, uchawana dzimwe ropafadzo dzakakura here? Izvozvo zvinogona kuitika, sezvakaitika kuna Nick. Asi kana zvikasadaro, uchangoramba uchifara sezvakaita Melissa, uye uchagutsikana nezvauri kuitira Jehovha. (Verenga Muparidzi 2:24.) Uchavawo nemufaro wakakura nekuti unoziva kuti uri kufadza Tenzi wedu, Jesu Kristu.

ZVINANGWA ZVINOWEDZERA MUFARO WEDU

14. Patinofunga nezvezvinangwa zvedu pakushumira Mwari, chii chatisingafaniri kukanganwa?

14 Kushanda nesimba pane zvatiri kuita iye zvino kunoreva here kuti tinofanira kurega kutsvaga dzimwe nzira dzekuwedzera basa ratinoitira Jehovha? Aiwa. Tinofanira kuva nezvinangwa zvekunamata zvichatibatsira kuti tiwedzere unyanzvi hwedu hwekuita ushumiri uye tiite zvakawanda pakubatsira hama nehanzvadzi dzedu. Tinobudirira kana tikaisa pfungwa pakubatsira vamwe, kwete kungoita zvakatinakira.—Zvir. 11:2; Mab. 20:35.

15. Ndezvipi zvimwe zvinangwa zvinogona kukubatsira kuti uwedzere mufaro wako?

15 Zvinangwa zvipi zvaunogona kuva nazvo? Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuziva zvaunokwanisa kuzadzisa. (Zvir. 16:3; Jak. 1:5) Unogona here kuedza kuzadzisa zvinangwa zvataurwa  mundima yekutanga yenyaya ino zvakadai sekuva piyona webetsero kana wenguva dzese, kushumira paBheteri, kana kuita mabasa ekuvaka zvivakwa zvesangano? Kana kuti zvimwe unogona kudzidzira mumwe mutauro kana kuenda kunoparidza kune imwe nzvimbo. Unogona kudzidza zvakawanda nezvezvinangwa izvi kana ukaverenga chitsauko 10 chebhuku rinonzi Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha uye kana ukataura nevakuru vemuungano yenyu. * Paunoedza kuzadzisa zvinangwa izvi, vamwe vachaona kufambira mberi kwauri kuita uye mufaro wako uchawedzera.

16. Ungaitei kana panguva ino uine chinangwa chausingakwanisi kuzadzisa?

16 Asi ungaitei kana panguva ino usingakwanisi kuzadzisa chimwe chezvinangwa zvambotaurwa? Edza kuva nechimwe chinangwa chaunogona kuzadzisa. Funga nezvezvinangwa zvinotevera.

Ndezvipi zvimwe zvinangwa zvaungakwanisa kuzadzisa? (Ona ndima 17) *

17. Maererano na1 Timoti 4:13, 15, hama ingaita sei kuti iwedzere unyanzvi hwayo pakudzidzisa?

17 Verenga 1 Timoti 4:13, 15. Kana uri hama yakabhabhatidzwa, unogona kushandira kuti uwedzere unyanzvi hwako hwekupa hurukuro uye hwekudzidzisa. Nei uchifanira kudaro? Nekuti kana ukashanda nesimba kuti uwedzere unyanzvi hwako pakuverenga, pakukurukura, uye pakudzidzisa, uchabatsira chaizvo vaya vanokuteerera. Edza kuva nechinangwa chekudzidza uye kushandisa unyanzvi hwese hwekutaura huri mubhurocha rinonzi Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa. Dzidza unyanzvi humwe chete panguva, nyatsodzidzira kuhushandisa uri kumba uye edza kuhushandisa pahurukuro dzako. Kumbira kubatsirwa neanopa zano wechipiri kana kuti nevamwe vakuru vanoshanda nesimba “pakutaura nepakudzidzisa.” * (1 Tim. 5:17) Usangogumira pakunzwisisa chidzidzo chacho, asiwo pakubatsira vadzidzi vako kuti vasimbise kutenda kwavo kana pakuvakurudzira kuti vashandise zvavari kudzidza. Kana ukadaro, mufaro wako newevateereri vako uchawedzera.

Ndezvipi zvimwe zvinangwa zvaungakwanisa kuzadzisa? (Ona ndima 18) *

18. Tingaita sei kuti tizadzise zvinangwa zvedu muushumiri?

18 Tese tine basa rekuparidza uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20; VaR. 10:14) Unoda kuwedzera unyanzvi hwako here pabasa iri rinokosha chaizvo? Dzidza bhurocha raKudzidzisa uye iva nechinangwa chekushandisa zvaunenge wadzidza. Unogona kuwana mamwe mazano anobatsira muUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa uye mumavhidhiyo emharidzo dzekuenzanisira anoratidzwa pamisangano yepakati pevhiki. Edza nzira dzakasiyana-siyana kuti uone kuti ndeipi inonyatsoshanda. Kana ukashandisa mazano aya, uchava mudzidzisi ane unyanzvi uye izvi zvichaita kuti ufare chaizvo.—2 Tim. 4:5.

Ndezvipi zvimwe zvinangwa zvaungakwanisa kuzadzisa? (Ona ndima 19) *

19. Chii chingakubatsira kuti uve neunhu hwechiKristu?

19 Paunenge uchifunga nezvezvinangwa zvaungava nazvo, usakanganwa kuti chimwe chezvinangwa zvinonyanya kukosha ndechekuva neunhu hunofadza Mwari. (VaG. 5:22, 23; VaK. 3:12; 2 Pet. 1:5-8) Ungazadzisa sei chinangwa ichocho? Ngatitii unoda kuva nekutenda kwakasimba. Unogona kuverenga nyaya dziri mumabhuku edu dzine mazano anogona kukubatsira kuti uve nekutenda kwakasimba. Uchabatsirwa chaizvo nekuona mavhidhiyo epaJW Broadcasting® ane hama nehanzvadzi dzakaratidza kutenda kwakasimba padzaiva mumatambudziko akasiyana-siyana. Chibva wafunga kuti ungatevedzera sei kutenda kwavo muupenyu hwako.

20. Tingawedzera sei mufaro wedu torega kunyanya kuora mwoyo pamusoro pezvatisingakwanisi kuita?

20 Zviri pachena kuti tese tinoda kuitira Jehovha zvakawanda kupfuura zvatiri kuita iye zvino. Munyika itsva yaMwari, tichakwanisa kumushumira zvizere. Kana tikanyatsoshandisa zvakanaka mikana yatiinayo, mufaro wedu unowedzera, uye hatizonyanyi kuora mwoyo pamusoro pezvinhu zvatisingakwanisi kuita. Chinonyanya kukosha ndechekuti tichaita kuti ‘Mwari wedu anofara’ Jehovha akudzwe uye arumbidzwe. (1 Tim. 1:11) Saka ngatifarei nezvatinokwanisa kuita pakushumira Jehovha!

RWIYO 82 “Chiedza Chenyu Ngachivheneke”

^ ndima 5 Tinoda Jehovha zvikuru, uye tinoda kuita zvese zvatinogona mubasa rake. Ndosaka vakawanda vedu tichida kuwedzera zvatinoita mubasa rekuparidza kana kuti muungano. Asi tingaitei kana zvinangwa zvedu zvikasazadzika, kunyange zvazvo taedza zvese zvatinogona? Chii chingatibatsira kuti tirambe tichiita basa raJehovha uye tirambe tiine mufaro? Tinowana mhinduro yacho mumufananidzo waJesu wematarenda.

^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 7 KUTSANANGURWA KWESHOKO: Tarenda yaiva mari yainge yakaenzana neyaitambirwa nemunhu anenge ashanda kwemakore anenge 20.

^ ndima 15 Hama dzakabhabhatidzwa dzinokurudzirwa kushanda nesimba kuti dzizokodzera kuva vashumiri veungano uye vakuru. Kana uchida kuziva zvinhu zvinodiwa kuti munhu akodzere kuva mushumiri weungano kana mukuru, ona zvitsauko 5 ne6 zvebhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha.

^ ndima 17 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Anopa zano wechipiri mukuru anopiwa basa rekupa zano pasiri paruzhinji kuvakuru kana kuti kuvashumiri veungano pazvinenge zvakakodzera pahurukuro chero ipi zvayo yavangapa muungano.

^ ndima 64 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kutsvakurudza mumabhuku edu kuti izadzise chinangwa chayo chekuvandudza madzidzisiro ayo.

^ ndima 66 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pashure pekunge yava nechinangwa chekuparidza zvisina kurongwa hanzvadzi inopa mukadzi anoshanda paresitorendi kadhi rejw.org.

^ ndima 68 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi ine chinangwa chekuwedzera kuva nerupo, yaunzira mumwe wainonamata nayo chipo asingazvifungidziri.