Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 30

Koshesa Nzvimbo Yako Mumhuri yaJehovha

Koshesa Nzvimbo Yako Mumhuri yaJehovha

‘Makamuita akaderera zvishoma pane ngirozi, mukamuisa korona yekubwinya nekukudzwa.’—PIS. 8:5.

RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika

ZVICHADZIDZWA *

1. Chii chinouya mupfungwa dzedu patinofungisisa zvese zvakasikwa naJehovha?

PATINOFUNGISISA zvinhu zvese zvakasikwa naJehovha, tinogona kunzwa sezvakaita munyori wemapisarema Dhavhidhi, uyo akanyengetera kuna Jehovha achibvunza kuti: “Pandinoona matenga enyu, iwo mabasa eminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakagadzira, munhu chiiko zvamunomufunga, uye mwanakomana wemunhu zvamunomuchengeta?” (Pis. 8:3, 4) Kufanana naDhavhidhi, patinofunga nezvekuti tiri vadiki zvakadini kana tichienzaniswa nezvinhu zvakadai semwedzi nenyeredzi zvakasikwa naJehovha, tinoshamiswa kuti anotofungawo nezvedu. Asi tichaona kuti Jehovha aiva nehanya nevanhu vekutanga, Adhamu naEvha, uye akaita kuti vave mumhuri yake.

2. Jehovha aida kuti Adhamu naEvha vaitei?

2 Adhamu naEvha vaiva vana vekutanga vaJehovha vepanyika, uye Jehovha aiva Baba vavo vekudenga vane rudo. Akapa vaviri ava basa rekuita. Mwari akavaudza kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muitonge.” (Gen. 1:28) Aida kuti vave nevana uye vachengetedze nyika. Dai vakateerera Mwari, Adhamu naEvha nevana vavo vangadai vakaramba vari mumhuri yaMwari nekusingaperi.

3. Nei tichigona kuti Adhamu naEvha vakapiwa nzvimbo inokosha mumhuri yaJehovha?

3 Adhamu naEvha vaiva nenzvimbo inokosha mumhuri yaJehovha. Sezvakanyorwa pana Pisarema 8:5, Dhavhidhi akataura nezvekusikwa kwakaitwa munhu naJehovha achiti: ‘Makamuita akaderera zvishoma pane ngirozi, mukamuisa korona yekubwinya nekukudzwa.’ Jehovha haana kupa vanhu simba, uchenjeri, uye unyanzvi zvakafanana nezvaakapa ngirozi. (Pis. 103:20) Asi munhu akangoti ‘dererei’ zvishoma pane zvisikwa izvozvo zvemweya. Pafunge! Jehovha paakasika vabereki vedu vekutanga, akavapa upenyu hwakazonaka.

4. Chii chakaitika kunzvimbo yaAdhamu naEvha mumhuri yaJehovha, uye tichakurukurei munyaya ino?

 4 Zvinosuwisa kuti Adhamu naEvha vakarasikirwa nenzvimbo yavo mumhuri yaJehovha. Izvi zvakakonzera matambudziko akakura kuvana vavo, sezvatichazoona munyaya ino. Asi chinangwa chaJehovha hachina kuchinja. Anoda kuti vanhu vanoteerera vave vana vake nekusingaperi. Ngatitangei nekukurukura kuti Jehovha akaratidza sei kuti tinokosha kwaari. Tichabva tazokurukura zvatingaita iye zvino kuti tiratidze kuti tinoda kuva mumhuri yaMwari. Tichapedzisira nekukurukura makomborero achawanikwa nevana vaJehovha vepanyika nekusingaperi.

JEHOVHA AKARATIDZA KUTI ANOKOSHESA VANHU

Jehovha akaratidza sei kuti anotikoshesa? (Ona ndima 5-11) *

5. Tingaratidza sei kuti tinokudza Mwari sezvo akatisika nemufananidzo wake?

5 Jehovha akaratidza kuti anotikoshesa nekutisika kwaakaita nemufananidzo wake. (Gen. 1:26, 27) Sezvo takasikwa nemufananidzo waMwari, tinogona kuratidza unhu hwake hwakazonaka hwakadai serudo, tsitsi, kuvimbika, uye kururama. (Pis. 86:15; 145:17) Patinova neunhu hwakadaro, tinokudza Jehovha uye tinoratidza kuti tinomuonga. (1 Pet. 1:14-16) Patinoita zvinhu zvinofadza Baba vedu vekudenga, tinofara. Uye nekusika kwaakatiita nemufananidzo wake, Jehovha akaita kuti tikwanise kuva vanhu vaanoda mumhuri yake.

6. Jehovha akaratidza sei kuti anokoshesa vanhu paakasika nyika?

6 Jehovha akatigadzirira musha wakazonaka. Asati atombosika munhu wekutanga, Jehovha akaita kuti nyika ikwanise kugarwa nevanhu. (Job. 38:4-6; Jer. 10:12) Jehovha anofunga zvakanakira vamwe uye ane rupo, saka akatipa zvinhu zvakanaka zvakawanda kuti tifare. (Pis. 104:14, 15, 24) Dzimwe nguva aimbotarisa zvinhu zvaakanga asika, uye ‘aiona kuti zvakanga zvakanaka.’ (Gen. 1:10, 12, 31) Akaratidza kuti anokoshesa vanhu nekuvaita kuti ‘vatonge’ zvinhu zvese zvaakasika panyika. (Pis. 8:6) Chinangwa chaMwari ndechekuti vanhu vasina chivi vararame nekusingaperi vachinakidzwa nekuchengetedza zvinhu zvakanaka izvi zvaakasika. Unogara uchitenda Jehovha here nekuda kwevimbiso iyoyo yakazonaka?

7. Joshua 24:15 inoratidza sei kuti munhu ane rusununguko rwekusarudza?

7 Jehovha akatipa rusununguko rwekusarudza. Tinogona kusarudza zvatichaita muupenyu. (Verenga Joshua 24:15.) Mwari wedu ane rudo anofara patinosarudza kumushumira. (Pis. 84:11; Zvir. 27:11) Tinogona kushandisa rusununguko rwedu rwekusarudza pakuita zvinhu zvakanaka zvakawanda. Funga zvakaitwa naJesu.

8. Taura muenzaniso wezvakaitwa naJesu pakushandisa rusununguko rwake rwekusarudza.

8 Tichitevedzera muenzaniso waJesu, tinogona kusarudza kuisa zvakanakira vamwe pamberi pezvedu. Rimwe zuva Jesu nevaapostora vake pavakanga vakaneta chaizvo, vakaenda kune imwe nzvimbo yakanyarara kuti vambozorora. Asi havana kuzozorora. Boka revanhu rakavawana, uye raida chaizvo kudzidziswa naJesu. Asi Jesu haana kusvotwa nazvo. Pane kudaro, akasiririswa nevanhu vacho. Saka Jesu akaitei? “Akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvakawanda.” (Mako 6:30-34) Patinotevedzera Jesu tichishandisa nguva yedu nesimba pakubatsira vamwe, tinoita kuti Baba vedu vekudenga vakudzwe. (Mat. 5:14-16) Tinoratidzawo Jehovha kuti tinoda kuva mumhuri yake.

9. Jehovha akapa vanhu chipo chipi chinokosha?

9 Jehovha akaita kuti vanhu vakwanise kuva nevana, uye akavapa basa rekuvadzidzisa kuti vamude uye vamushumire. Kana uri mubereki, unoonga here chipo ichi chinokosha? Kunyange zvazvo ngirozi dzakakomborerwa chaizvo naJehovha, hadzina kupiwa ropafadzo iyi yekuva nevana. Saka kana uri mubereki, koshesa ropafadzo yauinayo. Vabereki vakapiwa basa rinokosha rekurera vana vavo ‘vachivaranga uye vachivarayira sezvinodiwa naJehovha.’ (VaEf. 6:4; Dheut. 6:5-7; Pis. 127:3) Sangano raMwari riri kubudisa zvinhu zvakawanda zvakadai semabhuku, mavhidhiyo, mimhanzi uye nyaya dzepaIndaneti kuti ribatsire vabereki pakudzidzisa vana. Zviri pachena kuti Baba vedu vekudenga neMwanakomana wavo vanoda vana vadiki. (Ruka 18:15-17) Vabereki pavanovimba naJehovha voita zvese zvavanogona kuti vachengete vana vavo, Jehovha anofara. Uye vabereki ava vanobatsira vana vavo kuti vave netariro yekuva mumhuri yaJehovha nekusingaperi.

10-11. Jehovha akaita kuti tikwanise kuitei achishandisa rudzikinuro?

10 Jehovha akapa Mwanakomana wake anokosha kupfuura vese kuitira kuti tikwanise kuva mumhuri yake zvakare. Sezvatataura  mundima 4, Adhamu naEvha vakarasikirwa nenzvimbo yavo mumhuri yaJehovha, uye vakarasa nzvimbo yevana vavo. (VaR. 5:12) Adhamu naEvha vakatadzira Mwari vachida, saka zvakanga zvakakodzera kuti vabviswe mumhuri yake. Asi chii chaizoitika kuvana vavo? Jehovha akaita urongwa hwekuti vana vavo vanomuteerera vakwanise kuva mumhuri yake. Akaita izvi achishandisa chibayiro cheMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, Jesu Kristu. (Joh. 3:16; VaR. 5:19) Chibayiro chaJesu chinoita kuti vanhu 144 000 vakatendeka vakwanise kuva vanakomana vaMwari.—VaR. 8:15-17; Zvak. 14:1.

11 Uyewo pane mamiriyoni evanhu vari kuita kuda kwaMwari. Vanhu ava vanotarisira kuzova mumhuri yaMwari zvizere kana muedzo wekupedzisira wapfuura pakuguma kwemakore 1 000. (Pis. 25:14; VaR. 8:20, 21) Tariro iyoyo inoita kuti kunyange iye zvino vashevedze Jehovha Musiki wavo vachiti, “Baba.” (Mat. 6:9) Vanhu vachamutswa vachapiwa mukana wekudzidza zvavanotarisirwa naJehovha kuti vaite. Vaya vachasarudza kumuteerera vachazovawo mumhuri yake.

12. Mubvunzo upi watava kuda kupindura?

12 Sezvataona, Jehovha akaita zvinhu zvakawanda zvinoratidza kuti anokoshesa vanhu. Akatoita kuti vakazodzwa vave vanakomana vake, uye akaita kuti ‘veboka guru’ vave netariro yekuva vana vake zvizere munyika itsva. (Zvak. 7:9) Tingaitei iye zvino kuti tiratidze Jehovha kuti tinoda kuva mumhuri yake nekusingaperi?

RATIDZA JEHOVHA KUTI UNODA KUVA MUMHURI YAKE

13. Tingaitei kuti tive mumhuri yaMwari? (Mako 12:30)

13 Ratidza kuti unoda Jehovha nekumushumira nemwoyo wako wese. (Verenga Mako 12:30.) Mwari akatipa zvipo zvakawanda. Chimwe chezvipo zvikuru zvaakatipa ndechekukwanisa kumunamata. Tinoratidza Jehovha kuti tinomuda “nekuchengeta mirayiro yake.” (1 Joh. 5:3) Achimiririra Baba vake, Jesu akatirayira kuti tiite kuti vanhu vave vadzidzi, tichivabhabhatidza. (Mat. 28:19) Akatirayirawo kuti tidanane. (Joh. 13:35) Jehovha achaita kuti vanhu vanoteerera vave mumhuri yevanamati vake.—Pis. 15:1, 2.

14. Tingaratidza sei kuti tinoda vamwe? (Mateu 9:36-38; VaRoma 12:10)

14 Ratidza kuti unoda vamwe. Rudo ndihwo unhu hwaJehovha hunonyanya kukosha. (1 Joh. 4:8) Jehovha akaratidza kuti anotida tisati tatombomuziva. (1 Joh. 4:9, 10) Patinoratidza kuti tinoda vamwe tinenge tichimutevedzera. (VaEf. 5:1) Imwe nzira yakanaka zvikuru yekuratidza kuti tinoda vanhu ndeyekuvabatsira kudzidza nezvaJehovha nguva ichiripo. (Verenga Mateu 9:36-38.) Patinoita izvozvo, tinovapa mukana wekuti vazova mumhuri yaMwari. Kana munhu abhabhatidzwa, tinofanira kuramba tichimuda uye tichimuremekedza. (1 Joh. 4:20, 21) Izvi tinozviita sei? Tinofanira kuvimba kuti ane vavariro dzakanaka. Semuenzaniso, kana tikasanzwisisa kuti nei aita chimwe chinhu, hatizomufungiri zvisina kunaka. Asi ticharatidza kuti tinokudza hama yedu tichimuona semukuru kwatiri.—Verenga VaRoma 12:10; VaF. 2:3.

15. Ndivanaani vatinofanira kunzwira tsitsi uye kuratidza mutsa?

15 Iva netsitsi nemutsa kuvanhu vese. Kana tichida kuva mumhuri yaJehovha nekusingaperi, tinofanira kurarama maererano nezviri muShoko raMwari. Semuenzaniso, Jesu akadzidzisa kuti tinofanira kuva netsitsi nemutsa kuvanhu vese, kunyange kuvavengi vedu. (Ruka 6:32-36) Dzimwe nguva kuita izvozvo kunogona kutiomera. Kana zvakadaro, tinofanira kudzidza kufunga saJesu uye kuita sezvaaiita. Patinoita zvese zvatinogona kuti titeerere Jehovha uye titevedzere Jesu, tinoratidza Baba vedu vekudenga kuti tinoda kuva mumhuri yavo nekusingaperi.

16. Zvii zvatingaita kuti mhuri yaJehovha irambe iine mukurumbira wakanaka?

16 Ita kuti mhuri yaJehovha irambe iine mukurumbira wakanaka. Mumhuri, mukomana mudiki anowanzotevedzera zvinoitwa nemukoma wake. Kana mukoma akashandisa zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwake, achava muenzaniso wakanaka kumunin’ina wake. Asi kana akaita zvakaipa, munin’ina wake anogona kutevedzerawo izvozvo. Ndizvo zvinoitikawo mumhuri yaJehovha. Kana muKristu aimboshumira akatendeka akatsauka kana kuti akaita unzenza kana zvimwe zvinhu zvisina kunaka, vamwe vanogona kuva pamuedzo wekumutevedzera pakuita zvakaipa. Vaya vanoita izvozvo vanokanganisa mukurumbira wemhuri yevanamati vaJehovha. (1 VaT. 4:3-8) Hatifaniri kutevedzera vanhu vanoita zvakaipa kana kurega chimwe chinhu chichitibvisa pana Baba vedu vekudenga vane rudo.

17. Mafungiro api atinofanira kuramba, uye nei tichifanira kuaramba?

17 Vimba naJehovha pane kuvimba nezvinhu. Jehovha anovimbisa kuti achatipa zvekudya, zvekupfeka, uye pekugara kana tikatanga kutsvaga Umambo hwake uye kuteerera mitemo yake. (Pis. 55:22; Mat. 6:33) Saka hatifaniri kufunga kuti zvinhu zviri munyika ino zvichatichengetedza kana kuti zvichaita kuti tifare. Tinoziva kuti kuita kuda kwaJehovha ndiko chete kuchaita kuti tive nerugare rwechokwadi. (VaF. 4:6, 7) Kunyange tichikwanisa kutenga zvinhu zvakawanda, tinofanira kuona kana tiine nguva kana simba rekuzvishandisa uye kuzvichengetedza. Tinonyanya kuda zvinhu zvedu here zvekuti tinosvika pakuona sekuti hazviiti kuti tirasikirwe nazvo? Tinofanira kuyeuka kuti Mwari akatipa basa rekuita mumhuri yake. Saka hatifaniri kurega chimwe chinhu chichititsausa. Hatitombodi kuita semurume wechidiki uyo akatambisa mukana wekushumira Jehovha uye wekuva mumwe wevanakomana vake, nekungoti chete ainyanya kuda pfuma yake.—Mako 10:17-22.

MAKOMBORERO ACHAWANIKWA NEVANA VAJEHOVHA NEKUSINGAPERI

18. Vanhu vanoteerera vachawana ropafadzo yakaita sei nemakomborero api nekusingaperi?

18 Vanhu vanoteerera vachawana ropafadzo yakakura kupfuura dzimwe dzese, yekuda Jehovha uye kumunamata nekusingaperi! Vaya vane tariro yepanyika vachawanawo mufaro wekuchengetedza nyika ino yakasikwa naJehovha kuti ive musha wavo. Munguva pfupi iri kuuya, nyika nezvinhu zvese zvine upenyu zviri pairi zvichaitwa zvitsva panenge pachitonga Umambo hwaMwari. Jesu achagadzirisa matambudziko ese akakonzerwa nechisarudzo chakaitwa naAdhamu naEvha chekusiya mhuri yaMwari. Jehovha achamutsa mamiriyoni evanhu ovapa mukana wekurarama nekusingaperi vaine utano hwakanaka munyika inenge yava paradhiso. (Ruka 23:42, 43) Vanhu vanoshumira Jehovha pavanenge vachiswedera pedyo nekuva vanhu vakakwana, mumwe nemumwe acharatidza “kubwinya nekukudzwa” kwakanyorwa nezvako naDhavhidhi.—Pis. 8:5.

19. Zvii zvatinofanira kuramba tichiyeuka?

19 Kana uri ‘weboka guru,’ une tariro yakazonaka. Mwari anokuda uye anoda kuti uve mumhuri yake. Saka ita zvese zvaunogona kuti umufadze. Zuva rimwe nerimwe funga nezvevimbiso dzaMwari. Koshesa ropafadzo yako yekunamata Baba vedu vekudenga, uye tariro yekuvarumbidza nekusingaperi!

RWIYO 107 Muenzaniso waMwari Werudo

^ ndima 5 Kuti mhuri ifare, munhu mumwe nemumwe anofanira kuziva zvaanofanira kuita uye anofanira kubatsira vamwe. Baba ndivo vanotungamirira mhuri, amai vanovatsigira, uye vana vanoteerera vabereki vavo. Ndizvo zvazvakaitawo mumhuri yaJehovha. Mwari wedu ane chinangwa nesu, uye kana tikararama maererano nechinangwa ichocho, tichava mumhuri yaJehovha nekusingaperi.

^ ndima 55 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Sezvo vakasikwa nemufananidzo waMwari murume nemudzimai vanokwanisa kuratidzana rudo uye kuda vanakomana vavo. Murume nemudzimai wacho vanoda Jehovha uye vanoratidza kuti vanokoshesa chipo chekuva nevana kuburikidza nekubatsira vanakomana vavo kuti vade Jehovha uye vamushumire. Vabereki vacho vanoshandisa vhidhiyo kuti vavatsanangurire kuti nei Jehovha akapa Jesu kuti ave rudzikinuro. Vanovadzidzisawo kuti muParadhiso iri kuuya, tichachengetedza nyika nemhuka nekusingaperi.