Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 32

Simbisa Kutenda Kwaunoita Kuti Musiki Ariko

Simbisa Kutenda Kwaunoita Kuti Musiki Ariko

“Kutenda . . . kuratidzwa kweuchapupu hwezvinhu zvisiri kuoneka.”—VAH. 11:1.

RWIYO 11 Zvisikwa Zvinorumbidza Mwari

ZVICHADZIDZWA *

1. Zvii zvawakadzidziswa nezveMusiki wedu?

KANA wakarerwa semumwe weZvapupu zvaJehovha, ungangodaro wakatanga kudzidza nezvaJehovha uchiri mwana. Wakadzidziswa kuti ndiye Musiki, ane unhu hwakanaka, uye kuti anoda kuti nyika yese ive paradhiso.—Gen. 1:1; Mab. 17:24-27.

2. Vamwe vanhu vanoona sei vaya vanotenda kuti kune Musiki?

2 Vanhu vakawanda havabvumi kuti Mwari ariko, kana kuti ndiye akasika zvinhu zvese. Vanotenda kuti upenyu hwakangovapo hwega, uye kuti pakatanga paine zvinhu zvipenyu zviri nyore kunzwisisa izvo zvakazochinja kuva zvinhu zvakaoma kunzwisisa. Vamwe vanhu vanotenda izvi vanhu vakadzidza chaizvo. Vanogona kutaura kuti sainzi inoratidza kuti Bhaibheri harisi rechokwadi uye kuti vanhu vanotenda kuti kune Musiki havana kudzidza, havana kuchenjera kana kuti vanhu vanonyengerwa zviri nyore.

3. Nei zvichikosha kuti tisimbise kutenda kwedu?

3 Zvinotaurwa nevanhu vakadzidza zvichaita kuti tisava nechokwadi chekuti Jehovha ndiye Musiki wedu ane rudo here? Izvi zvinoenderana nechikonzero chinoita kuti titende kuti Jehovha ndiye Musiki. Inyaya here yekuti takaudzwa kuti titende izvozvo kana kuti takaongorora tega uchapupu hwacho? (1 VaK. 3:12-15) Pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, tese tinofanira kuramba tichisimbisa kutenda kwedu. Kana tikadaro, hatizotsauswi ‘neuchenjeri hwenyika neunyengeri husina zvahunobatsira’ hunodzidziswa nevanhu vanopikisa Shoko raMwari. (VaK. 2:8; VaH. 11:6) Saka nyaya ino ichapindura mibvunzo mitatu inoti: (1) Nei vakawanda vasingatendi kuti kune Musiki? (2) Ungaitei kuti usimbise kutenda kwako muna Jehovha Musiki wako? (3) Ungaitei kuti kutenda ikoko kurambe kwakasimba?

NEI VAKAWANDA VASINGATENDI KUTI KUNE MUSIKI?

4. Maererano naVaHebheru 11:1 uye mashoko emuzasi, kutenda kwechokwadi kwakavakirwa pai?

4 Vamwe vanhu vanofunga kuti kuva nekutenda zvinoreva kubvuma chimwe chinhu pasina uchapupu. Asi maererano neBhaibheri, ikoko hakusi kutenda kwechokwadi. (Verenga VaHebheru 11:1 uye mashoko emuzasi.) Ona kuti kutenda muzvinhu zvisingaoneki, zvakadai saJehovha, Jesu, uye Umambo hwekudenga, kwakavakirwa pauchapupu hunogutsa. (VaH. 11:3) Mumwe musaindisti uyo akazova Chapupu anoti: “SeZvapupu zvaJehovha, tine uchapupu hwezvatinotenda. Hatipiri gotsi kune zvinotaurwa nesainzi.”

5. Nei vanhu vakawanda vachitenda kuti upenyu hauna kuita zvekusikwa?

5 Tinogona kubvunza kuti, ‘Kana paine uchapupu hunogutsa hwekuti Musiki ariko, nei vanhu vakawanda vachitenda kuti Mwari haasi iye akaita kuti upenyu huvepo?’ Vamwe havana kumbobvira vaongorora uchapupu hwacho vega. Robert, uyo ava mumwe weZvapupu zvaJehovha, anoti: “Sezvo nyaya yekusikwa kwezvinhu yaisambotaurwa kuchikoro, ndaifunga kuti yaisava yechokwadi. Pandakataura neZvapupu zvaJehovha ndava nemakore ekuma20 ndipo pandakadzidza kuti Bhaibheri rine zvikonzero zvakanaka zvekutenda kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvese.” *—Ona bhokisi rakanzi “ Mashoko Anokosha Kuvabereki.”

6. Nei vamwe vanhu vasingatendi kuti kune Musiki?

6 Vamwe vanhu havatendi kuti kune Musiki nekuti vanoti vanongotenda chete muzvinhu zvavanoona. Asi chokwadi ndechekuti vanotenda muzvinhu zvavasingaoni. Semuenzaniso, vanotenda kuti kune simba rinokwevera zvinhu pasi nekuti vane uchapupu hwacho. Kutenda kunotaurwa muBhaibheri kunosanganisira uchapupu hwezvimwe zvinhu zvisingaoneki.’ (VaH. 11:1) Zvinotora nguva nesimba kuti tiongorore tega uchapupu hwacho, uye vakawanda havana chido chekuita izvozvo. Munhu asingaongorori ega uchapupu hwacho anogona kuzongopedzisira ati hakuna Mwari.

7. Vanhu vese vakadzidza vanoramba kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvese here? Tsanangura.

7 Pashure pekuongorora uchapupu hwacho, mamwe masaindisti akasvika pakuva nechokwadi chekuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvese. * Kungofanana naRobert ambotaurwa, vamwe vanogona kunge vachingofunga kuti hakuna Musiki nekuti nyaya yekuti zvinhu zvakasikwa haidzidziswi kumayunivhesiti. Asi masaindisti akawanda akasvika pakuziva nezvaJehovha uye kumuda. Kungofanana nemasaindisti aya, tese zvedu tinofanira kusimbisa kutenda kwedu muna Mwari pasinei nekuti tine dzidzo yakaita sei. Hapana anogona kutiitira izvi.

UNGAITEI KUTI USIMBISE KUTENDA KWAUNOITA KUTI KUNE MUSIKI?

8-9. (a) Mubvunzo upi watava kuda kukurukura? (b) Kudzidza nezvezvinhu zvakasikwa kuchakubatsira sei?

8 Ungaitei kuti usimbise kutenda kwaunoita kuti kune Musiki? Ngatikurukurei zvinhu 4.

9 Ongorora zvinhu zvakasikwa. Unogona kusimbisa kutenda kwaunoita kuti kune Musiki nekuongorora mhuka, zvinhu zvinomera, uye nyeredzi. (Pis. 19:1; Isa. 40:26) Paunoramba uchidzidza zvinhu izvi, uchawedzera kuva nechokwadi chekuti Jehovha ndiye Musiki. Mabhuku edu anowanzobudisa nyaya dzinotsanangura zvinhu zvakasikwa. Usarega kudzidza nyaya idzi kunyange zvazvo dzichikuomera kuti unyatsodzinzwisisa. Dzidza zvakawanda sezvaunokwanisa. Uye usakanganwa kuenda pawebsite yedu jw.org, kuti udzokorore mavhidhiyo anotaura nezvezvinhu zvakasikwa atakaona pamagungano emunharaunda makore achangopfuura.

10. Taura muenzaniso unoratidza kuti kune Musiki. (VaRoma 1:20)

10 Paunenge uchiongorora zvinhu zvakasikwa, nyatsocherechedza zvinhu zvaunogona kudzidza nezveMusiki wedu. (Verenga VaRoma 1:20.) Semuenzaniso, zuva rinobudisa kudziya nechiedza zvinodiwa kuti panyika pave neupenyu, asi zuva rinobudisawo imwe mwaranzi inokuvadza. Tinofanira kudzivirirwa pamwaranzi iyoyo. Uye takadzivirirwa! Takadzivirirwa sei? Nyika yakapoteredzwa negasi rinonzi ozone iro rinoita kuti mwaranzi inokuvadza isasvika panyika. Mwaranzi inokuvadza painowedzera kuva nesimba, kuwanda kweozone kunobva kwawedzerawo. Saka hauoni here kuti panofanira kunge paine akaita kuti izvi zviitike uye kuti anofanira kunge ari Musiki ane rudo uye ane uchenjeri?

11. Ungawana kupi mashoko anosimbisa kutenda kwaunoita kuti kune Musiki? (Ona bhokisi rakanzi “ Zvimwe Zvinhu Zvinosimbisa Kutenda.”)

11 Unogona kuwana mashoko akawanda anosimbisa kutenda anotaura nezvezvinhu zvakasikwa nekutarisa muWatch Tower Publications Index uye kutsvakurudza pajw.org. Unogona kutanga nenyaya uye mavhidhiyo zviri muchikamu chakanzi “Zvakangoitika Zvega Here?” Zvese zviri muchikamu ichi zvipfupi uye zvine mashoko anoshamisa anotaura nezvemhuka nezvimwe zvinhu zvakasikwa. Muchikamu ichi munewo mienzaniso yekuti masaindisti ari kuedza sei kutevedzera zvaanoona pazvinhu zvakasikwa.

12. Patinenge tichidzidza Bhaibheri, ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinofanira kuongorora?

12 Dzidza Bhaibheri. Musaindisti ambotaurwa nezvake mundima 4 aimboramba kuti kune Musiki. Asi nekufamba kwenguva, akazova nekutenda. Anoti: “Kutenda kwangu kwakanga kusina kungovakirwa pane zvandakadzidza musainzi chete. Kwakanga kwakavakirwawo pane zvandakanyatsodzidza muBhaibheri.” Zvimwe wagara uchitoziva chokwadi chinodzidziswa neBhaibheri. Kunyange zvakadaro, kuti usimbise kutenda kwaunoita kuti kune Musiki, unofanira kuramba uchidzidza Shoko raMwari. (Josh. 1:8; Pis. 119:97) Cherechedza kuti Bhaibheri rinonyatsotsanangura sei zvakaitika kare. Fungawo nezveuprofita hwaro hwakazadzika uye kupindirana kwezvinotaurwa nevanyori varo vakasiyana-siyana. Kuita izvozvo kuchasimbisa kutenda kwaunoita kuti takasikwa neMusiki akachenjera uye ane rudo uye kuti ndiye akaita kuti Bhaibheri rinyorwe. *2 Tim. 3:14; 2 Pet. 1:21.

13. Taura muenzaniso unoratidza uchenjeri hwatinowana muShoko raMwari?

13 Paunenge uchidzidza Shoko raMwari, cherechedza kubatsira kunoita mazano aro. Semuenzaniso, Bhaibheri rakayambira kare kuti kuda mari kunokanganisa uye kunokonzera “marwadzo akawanda.” (1 Tim. 6:9, 10; Zvir. 28:20; Mat. 6:24) Yambiro iyoyo ichiri kushanda here? Rimwe bhuku rinotaura nezvemaitiro evanhu rinoti: “Kakawanda, vanhu vanoda mari nezvinhu havawanzofari uye vanowanzoora mwoyo. Kunyange vaya vanongoshuva kuti dai vawana mari yakawanda vanoshaya mufaro uye vanova nematambudziko eutano akawanda.” Ndosaka Bhaibheri richitiyambira kuti tisanyanya kuda mari. Pane mamwe mazano eBhaibheri awakaona kuti anobatsira here? Patinofunga nezvekubatsira kunoita mazano ari muBhaibheri, tinobva taona kuti Musiki wedu ane rudo anoziva zvakanyatsotinakira uye tichavimba neuchenjeri hwake. (Jak. 1:5) Izvi zvichaita kuti tiwedzere kufara muupenyu.—Isa. 48:17, 18.

14. Kudzidza Bhaibheri kuchakubatsira kuzivei nezvaJehovha?

14 Dzidza Bhaibheri uine chinangwa chekuwedzera kuziva Jehovha. (Joh. 17:3) Paunodzidza Bhaibheri, uchaona unhu hwaJehovha uhwo hunoonekawo muzvinhu zvakasikwa. Kudzidza nezveunhu hwaJehovha kunoita kuti tive nechokwadi chekuti ariko. (Eks. 34:6, 7; Pis. 145:8, 9) Paunowedzera kuziva Jehovha, kutenda kwaunoita maari kunowedzera, kumuda kwaunoita kunowedzera, uye ushamwari hwako naye hunowedzera kusimba.

15. Uchabatsirwa sei nekuudza vamwe zvaunotenda?

15 Udza vamwe zvaunotenda nezvaMwari. Paunoita izvozvo, kutenda kwako kunowedzera kusimba. Asi ko kana mumwe munhu waunoparidzira akaratidza kuti haana chokwadi kuti Mwari ariko uye iwe wacho usingazivi kuti wopindura sei? Edza kuona kuti Bhaibheri rinopindura sei mubvunzo wacho uchitsvakurudza mune rimwe remabhuku edu, wobva wakurukura nemunhu wacho. (1 Pet. 3:15) Unogonawo kukumbira kubatsirwa nemuparidzi agara nebasa. Pasinei nekuti munhu wacho abvuma here mhinduro yawamupa inobva muBhaibheri kana kuti haana, iwe uchabatsirwa nekutsvakurudza kwaunenge waita. Kutenda kwako kuchawedzera kusimba. Izvi zvichaita kuti usakanganiswe nenhema dzinotaurwa nevanhu vanoita sevakachenjera uye vakadzidza avo vanoti hakuna Musiki.

ITA KUTI KUTENDA KWAKO KURAMBE KWAKASIMBA

16. Chii chinogona kuitika kana tikasaita kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba?

16 Pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tichishumira Jehovha, tinofanira kuita kuti kutenda kwedu maari kurambe kwakasimba. Nei tichifanira kudaro? Nekuti kana tikasangwarira, kutenda kwedu kunogona kupedzisira kusisina kusimba. Yeuka kuti kutenda kunosanganisira uchapupu hwezvinhu zvatisingaoni. Zviri nyore kuti tikanganwe zvinhu zvatisingakwanisi kuona. Ndosaka Pauro akataura nezvekushaya kutenda ‘sechivi chinotipiringisha nyore nyore.’ (VaH. 12:1) Saka tingaitei kuti tirambe tiine kutenda kwakasimba?—2 VaT. 1:3.

17. Chii chinotibatsira kuti tirambe tiine kutenda?

17 Chekutanga, kumbira Jehovha mweya wake mutsvene, uye gara uchizviita. Nei uchifanira kudaro? Nekuti kutenda chibereko chemweya. (VaG. 5:22, 23) Hatigoni kuramba tiine kutenda kuti Musiki wedu ariko kana tisingabatsirwi nemweya mutsvene. Kana tikaramba tichikumbira Jehovha mweya mutsvene wake, anotipa. (Ruka 11:13) Tinogona kutonyengetera tichikumbira kuti: “Tiwedzereiwo kutenda.”—Ruka 17:5.

18. Maererano naPisarema 1:2, 3, iropafadzo ipi yatinogona kuva nayo?

18 Unofanirawo kugara uchidzidza Shoko raMwari. (Verenga Pisarema 1:2, 3.) Pisarema iroro parakanyorwa, paingova nevaIsraeri vashoma vaiva nemabhuku akazara eMutemo waMwari. Asi mambo nevapristi vaikwanisa kuwana mabhuku iwayo, uye paipera makore 7, paiitwa urongwa hwekuti “varume, vakadzi, vana,” nevatorwa vaigara muIsraeri vateerere Mutemo waMwari uchiverengwa. (Dheut. 31:10-12) Munguva yaJesu, vanhu vashomanana chete ndivo vaiva nemabhuku eMagwaro uye akawanda acho aichengetwa mumasinagogi. Asi mazuva ano vanhu vakawanda vanokwanisa kuverenga zvikamu zveShoko raMwari. Iyoyo iropafadzo yakazonaka. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa ropafadzo yekuva neBhaibheri?

19. Tinofanira kuitei kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba?

19 Tinogona kuratidza kuti tinokoshesa ropafadzo yekuva neShoko raMwari nekugara tichiriverenga. Tinofanira kuva nepurogiramu yekuverenga uye kudzidza Bhaibheri kwete kungoriverenga chete panenge pamuka mukana. Kana tikava nechokwadi chekuti tiri kugara tichidzidza, tinoita kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba.

20. Tinofanira kuramba tichiitei?

20 Kusiyana ‘nevanhu vakachenjera nevakangwara’ venyika ino, tine kutenda kwakasimba kwakavakirwa paShoko raMwari. (Mat. 11:25, 26) Kudzidza kwatinoita Shoko iroro dzvene, kunoita kuti tizive kuti nei zvinhu zviri kuwedzera kuipa panyika uye kuti Jehovha achaitei nazvo. Saka ngatiitei zvese zvatinogona kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba uye kuti tibatsire vakawanda kuti vave nekutenda muMusiki wedu. (1 Tim. 2:3, 4) Uye ngatirambei takamirira nguva iyo munhu wese mupenyu anenge ari panyika acharumbidza Jehovha achitaura mashoko ari pana Zvakazarurwa 4:11 ekuti: “Jehovha Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa . . . nekuti makasika zvinhu zvese.”

RWIYO 2 Jehovha Ndiro Zita Renyu

^ ndima 5 Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka kuti Jehovha Mwari ndiye Musiki. Asi vanhu vakawanda havatendi izvozvo. Vanoti upenyu hwakangovapo hwega. Kana tikashanda nesimba kuti tisimbise kutenda kwedu muna Mwari uye muBhaibheri, zvavanotaura hazvizokanganisi kutenda kwedu. Nyaya ino ichatsanangura kuti tingazviita sei.

^ ndima 5 Muzvikoro zvakawanda pasi rese, vadzidzisi pavanotaura nezvezvikonzero zvingangodaro zvakaita kuti upenyu huvepo, havatauri nezvekuti zvinhu zvakasikwa naMwari. Vanoona sekuti vakataura izvozvo vanenge vachimanikidza vadzidzi kuti vatende muna Mwari.

^ ndima 7 Mashoko anotaurwa nevanhu vakadzidza vanopfuura 60, vanosanganisira masaindisti, avo vanobvuma kuti zvinhu zvakaita zvekusikwa anowanika muWatch Tower Publications Index inotangira muna 1986 zvichienda mberi. Pasi pemusoro wakanzi “Science,” tarisa pakanzi “scientists expressing belief in creation.” Mamwe mashoko acho anowanikawo muBhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza. Enda pakanzi “Sainzi uye Kugadzirwa Kwezvinhu Zvemazuva Ano,” wotarisa pakanzi “’Nhaurirano’ (Nyaya dziri muMukai!)”

^ ndima 12 Semuenzaniso, ona nyaya inoti “Sayenzi neBhaibheri Zvinowirirana Here?” iri muMukai! yaApril-June 2011 uye nyaya inoti “Zvinofanotaurwa naJehovha Zvinoitika” iri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2008.