Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 31

Unoda Kumirira Jehovha Here?

Unoda Kumirira Jehovha Here?

“Ndichamirira.”—MIKA 7:7.

RWIYO 128 Kutsungirira Kusvika Kumugumo

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Tichakurukurei munyaya ino?

NGATITII wakamirira kuti shamwari yako isvike nechimwe chinhu chauri kunyatsoda. Unonzwa sei kana akasasvika panguva yawanga uchitarisira? Unorwadziwa here? Manzwiro ako anogona kufanana nezvinotaurwa pana Zvirevo 13:12 iyo inoti: “Kana zviri kutarisirwa zvikanonoka, mwoyo unonetseka.” Asi ko kana ukazoziva kuti pane zvikonzero zvakanaka zvaita kuti anonoke kusvika? Izvozvo zvinogona kuita kuti uve nemwoyo murefu womirira.

2 Munyaya ino tichaona mazano eBhaibheri anogona kutibatsira kuramba ‘takamirira.’ (Mika 7:7) Tichabva tazoongorora mienzaniso miviri yepatinofanira kuva nemwoyo murefu takamirira Jehovha. Tichapedzisa nekukurukura makomborero akachengeterwa vaya vanoda kumirira Jehovha.

MAZANO EMUBHAIBHERI ANOTIDZIDZISA KUVA NEMWOYO MUREFU

3. Tinodzidzei pana Zvirevo 13:11?

3 Zvirevo 13:11 inotidzidzisa kuti nei tichifanira kuva nemwoyo murefu. Inoti: “Upfumi hunowanikwa nekukurumidza huchakurumidza kupera, asi upfumi hwemunhu anounganidza zvishoma nezvishoma huchawedzera.” Tinodzidzei pavhesi iyi? Munhu akachenjera anoita zvinhu nemazvo achiratidza mwoyo murefu, uye anobudirira.

4. Tinodzidzei pana Zvirevo 4:18?

4 Zvirevo 4:18 inotiudza kuti “gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chemangwanani chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.” Vhesi iyi inonyatsoratidza kuti Jehovha anobatsira vanhu vake kunzwisisa chinangwa chake zvishoma nezvishoma. Vhesi iyi inogonawo kutibatsira kunzwisisa kuchinja kunoita muKristu muupenyu hwake achiswedera pedyo naMwari. Zvinotora nguva kuti munhu azosvika pakuva pedyo naMwari. Kana tikanyatsodzidza uye tikashandisa mazano atinowana muShoko raMwari uye atinopiwa nesangano rake, tinotanga kuva neunhu hwakafanana nehwaKristu. Tinowedzerawo kuziva Mwari. Funga zvakataurwa naJesu achijekesa pfungwa iyoyo.

Sezvinoita chirimwa chinokura zvishoma nezvishoma, munhu anonzwa mashoko eUmambo oagamuchira, anokura pakunamata zvishoma nezvishoma (Ona ndima 5)

5. Jesu akataura muenzaniso upi unoratidza kuti zvinotora nguva kuti munhu achinje?

5 Jesu paaitsanangura nezvemashoko eUmambo atinoparidza, akaafananidza nembeu inokura zvishoma nezvishoma mumwoyo yevanhu vanoda zvakarurama. Akati: “Mbeu inomera yoreba, asi kuti izvi zvinoitika sei, iye [kureva mudyari] haazivi. Ivhu racho rega rinobereka zvibereko zvishoma nezvishoma, kutanga dzinde, kwozotevera hura, pakupedzisira tsanga dzakasvika dziri pahura.” (Mako 4:27, 28) Jesu airevei? Aireva kuti sezvinoita chirimwa icho chinokura zvishoma nezvishoma, munhu paanogamuchira mashoko eUmambo anokura pakunamata zvishoma nezvishoma. Semuenzaniso, vadzidzi vedu veBhaibheri pavanenge vachiswedera pedyo naJehovha, tinotanga kuona zvinhu zvakawanda zvavakachinja. (VaEf. 4:22-24) Asi tinofanira kuyeuka kuti Jehovha ndiye anoita kuti mbeu diki iyoyo ikure.—1 VaK. 3:7.

6-7. Tinodzidzei pamasikirwo akaitwa nyika naJehovha?

6 Pane zvese zvaanoita, Jehovha anotora nguva yakakwana kuti aite basa rake. Anoita izvozvo kuti zita rake rikudzwe uye kuti vamwe vabatsirwe. Funga zvakaitwa naJehovha pakugadzira nyika zvishoma nezvishoma kuti igarwe nevanhu.

7 Richitsanangura nezvekusikwa kwakaitwa nyika naJehovha, Bhaibheri rinotaura kuti “akatara kukura kwayo,” akagadzika “zvigadziko zvayo,” uye akamisa “dombo rayo repakona.” (Job. 38:5, 6) Akaitawo nguva achiongorora basa rake. (Gen. 1:10, 12) Funga kuti ngirozi dzainzwa sei padzaiona chinhu chimwe nechimwe chaisikwa naJehovha. Dzinofanira kunge dzaifara chaizvo! Izvozvo zvakaita kuti ‘dzishevedzere dzichirumbidza.’ (Job. 38:7) Tinodzidzei? Jehovha akaita zviuru zvemakore achisika nyika, nyeredzi uye zvinhu zvese zvipenyu, asi paakatarisa zvinhu zvese zvaakanga asika, akaona kuti “zvakanga zvakanaka chaizvo.”—Gen. 1:31.

8. Chii chatava kuda kukurukura?

8 Mienzaniso yataurwa yatibatsira kuona kuti pane mazano akawanda ari muShoko raMwari anotidzidzisa kuti tinofanira kuva nemwoyo murefu. Iye zvino ngationei mienzaniso miviri yepatinofanira kumirira Jehovha.

NDEPAPI PATINOFANIRA KUMIRIRA JEHOVHA?

9. Ndepapi pamwe patinofanira kumirira Jehovha?

9 Dzimwe nguva tingatofanira kumirira Jehovha kuti apindure minyengetero yedu. Patinonyengetera tichikumbira simba rekutsungirira dambudziko kana kuti tichikumbira kubatsirwa kurega chimwe chinhu chisingadiwi naJehovha, tingaona sekuti Jehovha ari kunonoka kupindura minyengetero yedu. Nei Jehovha asingapinduri mimwe minyengetero yedu pakarepo?

10. Nei tichifanira kumirira nemwoyo murefu kuti Jehovha apindure minyengetero yedu?

10 Jehovha anonyatsoteerera minyengetero yedu. (Pis. 65:2) Anoona minyengetero yedu inobva pamwoyo sechiratidzo chekuti tinotenda maari. (VaH. 11:6) Patinonyengetera kuna Jehovha tichikumbira kubatsirwa kuti tiite zvinomufadza, anoda kuona kuti tine chido chekuita kuda kwake. (1 Joh. 3:22) Saka patinokumbira Jehovha kuti atibatsire kurega chimwe chinhu chaasingadi tingafanira kuva nemwoyo murefu, toita zvese zvatinokwanisa kuti tichinje. Jesu akatibatsira kunzwisisa kuti mimwe minyengetero yedu ingasapindurwa pakarepo. Akati: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaga, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa; nekuti munhu wese anokumbira anopiwa, uye munhu wese anotsvaga anowana, uye munhu wese anogogodza achazarurirwa.” (Mat. 7:7, 8) Kana tikatevedzera zano iri ‘toramba tichinyengetera,’ tinogona kuva nechokwadi chekuti Baba vedu vekudenga vanotinzwa uye vachapindura minyengetero yedu.—VaK. 4:2.

Patinenge tichimirira Jehovha, tinoramba tichinyengetera kwaari tiine kutenda (Ona ndima 11) *

11. VaHebheru 4:16 ingatibatsira sei kana mhinduro yemunyengetero wedu ichiita seyanonoka?

11 Kunyange zvazvo mhinduro yemunyengetero wedu ingaita seyanonoka, Jehovha anovimbisa kupindura munyengetero wedu “panguva yakakodzera.” (Verenga VaHebheru 4:16.) Ndosaka tisingatombofaniri kupomera Jehovha kana chimwe chinhu chikasaitika nekukurumidza sezvataifunga. Semuenzaniso, vakawanda vava nemakore vachinyengeterera kuti Umambo hwaMwari huparadze nyika ino. Jesu akatotaurawo kuti tinofanira kunyengeterera izvozvo. (Mat. 6:10) Asi kunenge kuri kupusa chaiko kana tikarasikirwa nekutenda kwedu muna Mwari nekuti mugumo hauna kuuya panguva yataifunga kuti waifanira kuuya! (Hab. 2:3; Mat. 24:44) Tinenge tichiratidza kuchenjera kana tikaramba tichimirira Jehovha uye tichinyengetera kwaari tiine kutenda. Mugumo uchauya panguva chaiyo yakakodzera, nekuti Jehovha akatosarudza kare ‘zuva nenguva’ pauchauya. Uye iyoyo ichange iri nguva yakanyanya kunakira munhu wese.—Mat. 24:36; 2 Pet. 3:15.

Tinodzidzei pana Josefa panyaya yekuva nemwoyo murefu? (Ona ndima 12-14)

12. Ndepapi pazvingatiomera kuti tive nemwoyo murefu?

12 Dzimwe nguva tingatofanira kuva nemwoyo murefu patinenge tisingabatwi zvakanaka. Vanhu vari munyika vanowanzobata zvisina kunaka vanhu vavakasiyana navo. Kusiyana kwacho kuri paruvara rweganda, rudzi, kwavanobva, nyika yavo, uye kuti vanhurume here kana kuti vanhukadzi. Vamwe vanobatwa zvisina kunaka nekuti vakaremara kana kuti vane zvirwere zvepfungwa. Vanhu vaJehovha vakawanda vari kubatwa zvisina kunaka nemhaka yezvavanotenda zvinobva muBhaibheri. Patinobatwa zvisina kunaka saizvozvo, tinofanira kuyeuka zvakataurwa naJesu. Akati: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo achaponeswa.” (Mat. 24:13) Asi unofanira kuitei kana ukaziva kuti mumwe munhu ari muungano akaita chivi chakakura? Kana vakuru vaziviswa nyaya yacho, uchaisiya mumaoko avo, womirira nemwoyo murefu kuti vaigadzirise nenzira yaJehovha here? Vakuru vangaitei kana mumwe munhu akaita chivi chakakura?

13. Jehovha anoda kuti vakuru vaitei kana mumwe munhu akaita chivi chakakura?

13 Kana vakuru vakaziva kuti mumwe munhu ari muungano akaita chivi chakakura, vanonyengeterera “uchenjeri hunobva kumusoro” kuitira kuti vaone nyaya yacho semaonerwo ainoitwa naJehovha. (Jak. 3:17) Chinangwa chavo ndechekubatsira mutadzi kuti asiye “nzira yake yekukanganisa.” (Jak. 5:19, 20) Vanodawo kuita zvese zvavanogona kuti vadzivirire ungano uye kuti vanyaradze vaya vanenge vakarwadziswa. (2 VaK. 1:3, 4) Vakuru pavanoziva kuti mumwe munhu akaita chivi chakakura, vanofanira kutanga vatsvaga kuti chii chakanyatsoitika. Izvi zvinogona kutora nguva. Vanobva vapa mutadzi wacho mazano emuBhaibheri vomururamisa “zvakafanira.” (Jer. 30:11) Pavanoita zvese izvi vanonyengetera. Kunyange zvazvo vasingaverengeri, vakuru havamhanyiriri kuita chisarudzo. Kana vakuru vakatevedzera mirayiridzo inobva kuna Jehovha, ungano yese inobatsirwa chaizvo. Asi kunyange vakuru vakatevedzera mirayiridzo inobva kuna Jehovha, vaya vakatadzirwa vanogona kunge vachiri kurwadziwa. Kana zvirizvo zviri kuitika kwauri, ungaitei kuti usanyanya kurwadziwa?

14. Muenzaniso upi wemuBhaibheri unogona kukunyaradza kana wakarwadziswa zvakanyanya nemumwe muKristu?

14 Wakamborwadziswa zvakanyanya nemumwe munhu, kunyange waunonamata naye here? Unogona kuwana mienzaniso yakanaka iri muShoko raMwari inotidzidzisa kumirira Jehovha kuti agadzirise zvinhu. Semuenzaniso, kunyange zvazvo Josefa akabatwa zvisina kunaka nevakoma vake, haana kurega zvivi zvavo zvichimuita kuti ave nechigumbu. Pane kudaro, akaramba achiita zvese zvaaigona kuti ashumire Jehovha, uye Jehovha akamupa mubayiro wekutsungirira kwaakaita uye kuva nemwoyo murefu. (Gen. 39:21) Nekufamba kwenguva, Josefa akakwanisa kuregerera vaya vakanga vamurwadzisa uye akaona kukomborerwa kwaakanga aitwa naJehovha. (Gen. 45:5) Sezvakaitika kuna Josefa, tinonyaradzwa patinoswedera pedyo naJehovha, tomirira Jehovha kuti agadzirise nyaya yacho.—Pis. 7:17; 73:28.

15. Chii chakabatsira imwe hanzvadzi kuti itsungirire nemwoyo murefu kubatwa zvisina kunaka uye kuti isanetseke?

15 Zvakaitika kuna Josefa zvingasaitikawo kwatiri, asi tese tinorwadziwa patinobatwa zvisina kunaka. Patinoitirwa zvakaipa nemumwe munhu, kunyange munhu asingashumiri Jehovha, tinobatsirwa kana tikashandisa mazano emuBhaibheri. (VaF. 2:3, 4) Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi. Yakarwadziwa chaizvo payakaziva kuti mumwe mukadzi wekubasa aiudza vamwe zvinhu zvakashata, uye zvekunyepa nezvake. Pane kuti ikurumidze kuita chimwe chinhu, hanzvadzi yacho yakaita nguva ichifunga nezvemuenzaniso waJesu. Paaitukwa, Jesu haana kutukawo vamwe. (1 Pet. 2:21, 23) Ichifunga izvozvo, yakasarudza kusiyana nezvakanga zvaitika. Pave paya, yakazoziva kuti mukadzi wacho aiva nedambudziko rakakura reutano uye kuti aizvidya mwoyo. Hanzvadzi iyi yakaona kuti mukadzi uyu anogona kunge aisarevesa pane zvaakataura. Saka hanzvadzi yacho yakafara chaizvo kuti yakanga yatsungirira nemwoyo murefu kubatwa zvisina kunaka kwayakanga yaitwa, uye yakanga isisanetseki.

16. Chii chinogona kukunyaradza paunenge usiri kubatwa zvakanaka? (1 Petro 3:12)

16 Kana uri kutsungirira kubatwa zvisina kunaka kana kuti wakarwadziswa, yeuka kuti Jehovha ari pedyo ‘nevakaora mwoyo.’ (Pis. 34:18) Anokuda nekuti une mwoyo murefu uye unokanda mutoro wako paari. (Pis. 55:22) Ndiye mutongi wenyika yese. Anoona zvinhu zvese zvinoitika. (Verenga 1 Petro 3:12.) Saka paunosangana nematambudziko ausingagoni kugadzirisa, yeuka kuti zvinokosha kumirira Jehovha?

VAYA VANOMIRIRA JEHOVHA VACHAWANA MAKOMBORERO ASINGAPERI

17. Sezvakanyorwa pana Isaya 30:18, Jehovha anotivimbisei?

17 Munguva pfupi iri kuuya, Baba vedu vekudenga vachatikomborera chaizvo vachishandisa Umambo hwavo. Isaya 30:18 inoti: “Jehovha akamirira nemwoyo murefu kuti akunzwirei nyasha, uye achasimuka kuti akunzwirei tsitsi. Nekuti Jehovha ndiMwari anoita zvakarurama. Vanofara vaya vese vari kuramba vachitarisira kwaari.” Vaya vanoramba vachitarisira kuna Jehovha vachawana makomborero akawanda iye zvino uye munyika itsva iri kuuya.

18. Makomborero api atichawana?

18 Vanhu vaMwari pavachapinda munyika itsva, havazombotsungiririzve matambudziko avari kusangana nawo iye zvino. Hapana anozombobatwa zvisina kunaka, uye marwadzo anenge asisipo. (Zvak. 21:4) Hatizombonetseki kuti tichawana here zvatinoda nekuti pachange paine zvakawanda zvinokwana munhu wese. (Pis. 72:16; Isa. 54:13) Izvozvo zvichange zvichifadza chaizvo!

19. Iye zvino Jehovha ari kutidzidzisei?

19 Iye zvino Jehovha ari kutidzidzisa kuzorarama munyika itsva, nekutibatsira kuti tikunde tsika dzisina kunaka uye tive neunhu hunomufadza. Usaora mwoyo uye usarega kushumira Jehovha. Upenyu hwakanyatsonaka huri mberi. Tichitarisira ramangwana iroro rakazonaka, ngatirambei tichimirira Jehovha nemwoyo murefu kuti aite zvaakavimbisa.

RWIYO 118 “Tiwedzereiwo kutenda”

^ ndima 5 Wakambonzwa here mumwe munhu ava nemakore achishumira Jehovha achiti, ‘Ndaisambofunga kuti ndichasvika zera randava mugumo usati wasvika’? Tese tinoda chaizvo kuona Jehovha achigumisa nyika ino yakaipa, kunyanya panguva ino yakaoma. Asi tinofanira kudzidza kuva nemwoyo murefu. Munyaya ino tichaona zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kutibatsira kuti timirire Jehovha. Tichaongororawo mienzaniso miviri yepatinofanira kumirira Jehovha nemwoyo murefu. Tichazopedzisa nekuona makomborero achawanikwa nevaya vanoda kumirira.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Kubva ichiri mwana mudiki, hanzvadzi yainyengetera kuna Jehovha nguva dzese. Paaiva mwana mudiki, vabereki vake vaimudzidzisa kunyengetera. Paaiyaruka, akatanga kushumira sapiyona uye aigara achikumbira Jehovha kuti akomborere ushumiri hwake. Papera makore, murume wake paakarwara chaizvo, akateterera kuna Jehovha achikumbira simba rekuti atsungirire dambudziko iri. Iye zvino ava chirikadzi, anoramba achinyengetera aine chivimbo chekuti Baba vake vekudenga vachapindura minyengetero yake sezvavagara vachiita muupenyu hwake hwese.