Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 33

Jehovha Anochengetedza Vanhu Vake

Jehovha Anochengetedza Vanhu Vake

“Ziso raJehovha riri pane vaya vanomutya.”—PIS. 33:18.

RWIYO 4 “Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei Jesu akakumbira Jehovha kuti achengetedze vateveri vake?

 USIKU hwekupedzisira asati aurayiwa, Jesu ane chimwe chinhu chinokosha chaakakumbira Baba vake vekudenga. Akakumbira Jehovha kuti achengetedze vateveri vake. (Joh. 17:15, 20) Ichokwadi kuti Jehovha agara achichengetedza vanhu vake. Asi Jesu aiziva kuti vateveri vake vaizopikiswa zvakanyanya naSatani. Jesu aizivawo kuti vaizoda kubatsirwa naJehovha kuti vakunde kurwiswa kwavaizoitwa naDhiyabhorosi.

2. Maererano naPisarema 33:18-20, nei tisingafaniri kutya matambudziko?

2 Nyika yaSatani inoita kuti vaKristu vechokwadi vasangane nematambudziko akawanda mazuva ano. Tinosangana nematambudziko anogona kutiodza mwoyo uye kunyange kutokanganisa kuvimbika kwatakaita kuna Jehovha. Asi sezvatichaona munyaya ino, hatifaniri kutya. Jehovha ari kutichengetedza. Anoona matambudziko atiri kusangana nawo, uye akagadzirira kutibatsira kuti tiakunde. Ngationgororei mienzaniso miviri yemuBhaibheri inoratidza kuti Jehovha ‘anochengetedza vaya vanomutya.’—Verenga Pisarema 33:18-20.

PATINONZWA SEKUTI TIRI TEGA

3. Ndepapi patinganzwa sekuti tiri tega?

3 Kunyange zvazvo tiri mumhuri yakakura yevanamati vaMwari, dzimwe nguva tinganzwa sekuti tiri tega. Semuenzaniso, vechidiki vanganzwa sekuti vari vega pavanenge vari kuchikoro vachitsanangura zvavanotenda pamberi pekirasi kana kuti pavanotamira kune imwe ungano. Vamwe vedu tingasuruvara kana kuti tingaodzwa mwoyo tichiona sekuti tinofanira kutsungirira manzwiro iwayo tiri tega. Tinogona kuzeza kuudza vamwe manzwiro edu nekuti tinenge tichityira kuti vangasatinzwisisa. Uye dzimwe nguva tingatoona sekuti hapana ane hanya nesu. Kunzwa setiri tega kunoitawo kuti tinzwe setisingabatsiri uye tizvidye mwoyo. Jehovha haatombodi kuti tinzwe saizvozvo. Nei tichidaro?

4. Nei muprofita Eriya akataura kuti: “Ndini ndega ndasara”?

4 Funga nezvemurume akatendeka Eriya. Jezebheri akanga apika kumuuraya, saka Eriya akaita mazuva anopfuura 40 achitiza neupenyu hwake. (1 Madz. 19:1-9) Paakanga ava mubako ari ega, akachema kuna Jehovha achiti: ‘Ndini ndega muprofita asara.’ (1 Madz. 19:10) Munyika yacho makanga muchine vamwe vaprofita, nekuti Obhadhiya akanga aponesa vaprofita 100 kuti vasaurayiwe naJezebheri. (1 Madz. 18:7, 13) Saka nei Eriya ainzwa sekuti aiva ega? Kungava here kuti akafunga kuti vaprofita vese vakaponeswa naObhadhiya vainge vafa? Kungava here kuti akanzwa sekuti aiva ega nekuti vamwe vanhu havana kubatana naye pakushumira Jehovha kunyange zvazvo Jehovha akanga aratidza kuti aiva Mwari wechokwadi paGomo reKameri? Angava here akafunga kuti hapana aiziva kuti aiva pangozi zvakadii, kana kuti hapana aiva nehanya naye? Nyaya yacho haitsananguri zvakazara manzwiro aiita Eriya. Asi chatinonyatsoziva ndechekuti Jehovha ainzwisisa kuti nei Eriya ainzwa sekuti ari ega, uye kuti ainyatsoziva kuti angamubatsira sei.

Kufunga nezvekubatsirwa kwakaitwa Eriya naJehovha kunotinyaradza sei patinonzwa sekuti tiri tega? (Ona ndima 5-6)

5. Jehovha akabatsira sei Eriya kuti azive kuti akanga asiri ega?

5 Jehovha ane zvinhu zvakasiyana-siyana zvaakaita kuti abatsire Eriya. Akakurudzira Eriya kuti ataure. Akamubvunza kaviri kese kuti: “Uri kuitei pano?” (1 Madz. 19:9, 13) Pese ipapo Jehovha akateerera Eriya paaidurura mwoyo wake kwaari. Jehovha akabva aratidza Eriya kuti aiva naye uye kuti ane simba guru. Akaitawo kuti Eriya azive kuti pakanga paine vamwe vaIsraeri vakawanda vainamata Jehovha. (1 Madz. 19:11, 12, 18) Eriya anofanira kunge akazorodzwa pashure pekunge adurura mwoyo wake kuna Jehovha uye anzwa mhinduro yake. Jehovha akapa Eriya mabasa anokosha akasiyana-siyana. Akamuudza kuti azodze Hazaeri kuti ave mambo weSiriya, Jehu ave mambo weIsraeri, uye Erisha ave muprofita. (1 Madz. 19:15, 16) Jehovha akabatsira Eriya kuti aise pfungwa dzake pazvinhu zvakanaka nekumupa kwaakaita mabasa aya. Mwari akamupawo shamwari yepedyo yekushanda nayo, Erisha. Ungaitei kuti ubatsirwe naJehovha paunenge uchinzwa sekuti uri wega?

6. Unganyengetera nezvei paunenge uchinzwa sekuti uri wega? (Pisarema 62:8)

6 Jehovha anoda kuti unyengetere kwaari. Anoona matambudziko auri kusangana nawo, uye anoda kuti uve nechokwadi chekuti achateerera minyengetero yako chero nguva. (1 VaT. 5:17) Anofarira kuteerera vanamati vake. (Zvir. 15:8) Unganyengetera nezvei paunenge uchinzwa sekuti uri wega? Durura mwoyo wako kuna Jehovha, sezvakaitwa naEriya. (Verenga Pisarema 62:8.) Muudze zviri kukunetsa uye kuti zviri kuita kuti unzwe sei. Mukumbire kuti akubatsire kuziva kuti ungaitei paunenge uchinzwa sekuti uri wega kana kuti paunenge wakasuruvara. Semuenzaniso, kana uchinzwa sekuti uri wega uye uchitya kutaura zvaunotenda kuchikoro, kumbira Jehovha kuti akupe ushingi hunodiwa kuti ukwanise kutaura wakasununguka. Unogona kutomukumbira uchenjeri kuti ukwanise kutsanangurira vamwe zvaunotenda nenzira yakanaka. (Ruka 21:14, 15) Kana wakaora mwoyo, kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti ukwanise kutaura nemuKristu akasimba pakunamata. Unogona kukumbira Jehovha kuti abatsire muKristu iyeye kuti anzwisise manzwiro auri kuita. Durura mwoyo wako kuna Jehovha, ona kuti ari kupindura sei minyengetero yako, uye bvuma kubatsirwa nevamwe. Kana ukadaro, hauzonyanyi kunzwa sekuti uri wega.

Unotsvaga nzira dzekuwedzera ushumiri hwako uye kuhuita nevamwe here? (Ona ndima 7)

7. Unodzidzei pane zvakaitwa naMauricio?

7 Tese takapiwa basa rinokosha naJehovha. Unogona kuva nechokwadi chekuti anoona uye anokoshesa zvese zvaunoita muungano uye muushumiri. (Pis. 110:3) Kuramba uchiita basa iri kungakubatsira sei paunenge uchinzwa sekuti uri wega? Funga nezvemuenzaniso weimwe hama yechidiki inonzi Mauricio. * Mauricio achangobhabhatidzwa, imwe shamwari yake yepedyo yakatanga kusiya chokwadi zvishoma nezvishoma. Mauricio anoti, “Kumuona achisiya Jehovha zvishoma nezvishoma kwakaita kuti ndisava nechokwadi nezvandaiita. Ndainetseka kuti ndichakwanisa here kuzadzisa mhiko yangu yekuzvitsaurira kuna Jehovha uye kuramba ndiri mumhuri yake. Ndainzwa sekuti ndiri ndega, uye ndaiona sekuti hapana anogona kunzwisisa manzwiro andaiita.” Chii chakabatsira Mauricio? Anoti, “Ndakawedzera ushumiri hwangu. Izvi zvakandibatsira kuti ndisangoramba ndichifunga nezvangu uye manzwiro andaiita. Pandaishanda nevamwe muushumiri, ndaifara uye ndaisanyanya kunzwa sekuti ndiri ndega.” Kunyange patisingakwanisi kuparidza nehama nehanzvadzi dzedu tiri panzvimbo imwe chete, tinosimbiswa patinoparidza nadzo tichishandisa tsamba uye mafoni. Chii chimwe chakabatsira Mauricio? Anowedzera kuti: “Ndakarambawo ndichiita zvakawanda muungano. Ndaiita zvese zvandaigona pakugadzirira uye pakupa zvikamu zvevadzidzi pamisangano. Izvi zvakaita kuti ndinzwe ndichikosheswa naJehovha uye nevamwe.”

PATINONZWA TAREMERWA NEMATAMBUDZIKO AKAKURA

8. Matambudziko akakura angaita kuti tinzwe sei?

8 Tinotarisira kusangana nematambudziko mumazuva ano ekupedzisira. (2 Tim. 3:1) Kunyange zvakadaro, mamwe ematambudziko acho anogona kutiwira tisingambotarisiri. Tinogona kungoerekana tava nedambudziko remari, tabatwa chirwere chakaipa, kana kufirwa nemunhu watinoda. Pakadaro, tinogona kunzwa tichinetseka uye takaremerwa, kunyanya patinoona sekuti matambudziko acho ari kuuya akatevedzana kana kuti auya panguva imwe chete. Asi yeuka kuti Jehovha anoziva zvatiri kusangana nazvo, uye tichibatsirwa naye tinogona kutsungirira chero dambudziko.

9. Taura mamwe matambudziko akasangana naJobho.

9 Funga kuti Jehovha akabatsira sei murume ainge akatendeka Jobho. Munguva pfupi akasangana nematambudziko akawanda akakura. Muzuva rimwe chete, Jobho akaudzwa kuti zvipfuwo zvake zvakanga zvabiwa uye zvimwe zvafa, uye kuti vashandi vake nevana vake vakanga vaurayiwa. (Job. 1:13-19) Izvi zvichangobva kuitika uye achiri kurwadziwa nekufirwa, Jobho akava nechirwere chairwadza uye chakakanganisa muviri wake wese. (Job. 2:7) Jobho airwadziwa zvakanyanya zvekuti akati: “Ndinosema upenyu hwangu; handidi kuramba ndichirarama.”—Job. 7:16.

Kuti abatsire Jobho kuva nechokwadi chekuti Jehovha anomuda, Jehovha akataura naye nezvenzira dzakawanda dzairatidza kuti ane hanya nezvinhu zvaakasika (Ona ndima 10)

10. Jehovha akabatsira sei Jobho kuti atsungirire matambudziko ake? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

10 Jehovha aiona zvaiitika kuna Jobho. Sezvo Jehovha aida Jobho, akamupa zvaaida kuti akwanise kutsungirira matambudziko ake uye kuti arambe akatendeka. Jehovha akataura naJobho, achimuyeuchidza nezveuchenjeri hwake husingagumi uye kuda kwaanoita zvinhu zvaakasika. Akataura nezvemhuka dzakawanda dzinoshamisa. (Job. 38:1, 2; 39:9, 13, 19, 27; 40:15; 41:1, 2) Jehovha akashandisawo murume wechidiki akatendeka ainzi Erihu kuti asimbise Jobho uye amunyaradze. Erihu akaita kuti Jobho ave nechokwadi chekuti Jehovha anogara achipa mubayiro vanamati vake vanoramba vachitsungirira. Asi Jehovha akaitawo kuti Erihu ape Jobho mazano anoratidza rudo. Erihu akabatsira Jobho kuti arege kunyanya kufunga nezvake pachake, achimuyeuchidza kuti aiva mudiki zvakadii kana achienzaniswa naJehovha, Musiki wezvinhu zvese. (Job. 37:14) Jehovha akapawo Jobho basa rekuita. Akamuudza kuti anyengeterere shamwari dzake nhatu idzo dzainge dzatadza. (Job. 42:8-10) Jehovha anotitsigira sei mazuva ano patinosangana nematambudziko akaoma?

11. Bhaibheri rinotinyaradza sei patinenge tiri mumatambudziko?

11 Jehovha haatauri nesu zvakananga sezvaaiita naJobho, asi anotaura nesu achishandisa Shoko rake, Bhaibheri. (VaR. 15:4) Anotinyaradza nekutipa tariro yeramangwana. Ona pfungwa shomanana dzemuBhaibheri dzinogona kutinyaradza patinenge tiri mumatambudziko. MuBhaibheri, Jehovha anotivimbisa kuti hapana ‘chingatiparadzanisa nerudo rwake,’ uye izvi zvinosanganisira matambudziko akakura atingasangana nawo. (VaR. 8:38, 39) Anotivimbisawo kuti “ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari” mumunyengetero. (Pis. 145:18) Jehovha anotiudza kuti kana tikavimba naye, tinogona kutsungirira chero dambudziko, kunyange kutowana mufaro patinenge tichitambura. (1 VaK. 10:13; Jak. 1:2, 12) Shoko raMwari rinotiyeuchidzawo kuti matambudziko edu ndeenguva diki kana achienzaniswa nemubayiro usingaperi waanotivimbisa. (2 VaK. 4:16-18) Jehovha anotipa tariro yekuti achaparadza vaya vanokonzera matambudziko edu, kureva Satani Dhiyabhorosi nevaya vanoita zvakaipa saiye. (Pis. 37:10) Wakabata nemusoro here mavhesi emuBhaibheri anonyaradza kuti azokubatsira kutsungirira pauchasangana nematambudziko?

12. Jehovha anotarisira kuti tiitei kana tichida kubatsirwa zvizere neShoko rake?

12 Jehovha anotarisira kuti tironge nguva yekugara tichidzidza Bhaibheri uye yekunyatsofungisisa zvatinenge taverenga. Patinoshandisa zvatinenge tadzidza, kutenda kwedu kunowedzera kusimba uye tinowedzera kuva pedyo naBaba vedu vekudenga. Izvi zvinoita kuti tiwane simba rekutsungirira miedzo. Jehovha anopawo mweya mutsvene wake kune vaya vanovimba neShoko rake. Uye mweya iwoyo unotipa “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro” kuti titsungirire chero muedzo.—2 VaK. 4:7-10.

13. Zvekudya zvekunamata zvatinopiwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara’ zvinotibatsira sei kutsungirira matambudziko?

13 Achibatsirwa naJehovha, “muranda akatendeka, akangwara” ari kubudisa nyaya dzakawanda, mavhidhiyo, uye mimhanzi zvinotibatsira kuti tive nekutenda kwakasimba uye tirambe tiri pedyo naJehovha. (Mat. 24:45) Tinofanira kunyatsoshandisa zvese zvatinopiwa naJehovha. Munguva pfupi ichangopfuura, imwe hanzvadzi yekuUnited States yakataura kuti inoonga chaizvo zvekudya zvekunamata zvese izvi. Yakati: “Mumakore 40 andashumira Jehovha, kuperera kwangu kuna Jehovha kwakaedzwa kakawanda.” Hanzvadzi iyi yakasangana nematambudziko akakura. Sekuru vake vakafa mutsaona yakakonzerwa nemutyairi ainge akadhakwa, vabereki vake vakarwara ndokufa, uye iye akabatwa kenza kaviri. Chii chakamubatsira kuti atsungirire? Anoti: “Jehovha ane hanya neni nguva dzese. Zvekudya zvekunamata zvaanopa achishandisa muranda akatendeka, akangwara, zvakandibatsira kutsungirira. Zvinoita kuti nditaure sezvakaita Jobho kuti: ‘Kusvikira ndafa, handizosiyi kuperera kwangu kuna Mwari!’”—Job. 27:5.   

Tingaitei kuti tibatsire vamwe vari muungano? (Ona ndima 14)

14. Jehovha anoshandisa sei hama nehanzvadzi dzedu kuti atitsigire patinenge tiri mumatambudziko? (1 VaTesaronika 4:9)

14 Jehovha akadzidzisa vanhu vake kuti vadanane uye vanyaradzane panguva dzematambudziko. (2 VaK. 1:3, 4; Verenga 1 VaTesaronika 4:9.) Dzichitevedzera Erihu, hama nehanzvadzi dzedu dzinoda kutibatsira kuti tirambe takatendeka patinenge tiri mumatambudziko. (Mab. 14:22) Semuenzaniso, Diane akakurudzirwa neungano uye akabatsirwa kuti arambe ari pedyo naJehovha murume wake paakarwara zvakanyanya. Anoti: “Zvainge zvakaoma. Asi takanyatsonzwa kuti Jehovha aiva nesu mumwedzi iyoyo yainge yakaoma. Ungano yedu yakaita zvinhu zvakawanda pakutitsigira. Kushanyirwa, kufonerwa, uye kumbundirwa kwataiitwa nehama nehanzvadzi kwakatibatsira kuti titsungirire. Sezvo ndisingakwanisi kutyaira mota, hama nehanzvadzi dzakava nechokwadi chekuti ndakwanisa kuenda kumisangano uye kubuda muushumiri pandaikwanisa.” Tinofara chaizvo kuti muungano tine hama nehanzvadzi dzine rudo dzakadaro!

TINOONGA RUDO RWATINORATIDZWA NAJEHOVHA

15. Nei tiine chokwadi chekuti tinogona kutsungirira matambudziko?

15 Tese tichasangana nematambudziko. Asi sezvatadzidza, tinenge tisiri tega patinosangana nematambudziko. Nguva dzese Jehovha anenge ainesu, sezvinoita baba vane rudo. Ari pedyo nesu, akagadzirira kunzwa zvikumbiro zvedu zvekuda kubatsirwa uye anoda chaizvo kutitsigira. (Isa. 43:2) Tine chokwadi chekuti tinogona kutsungirira matambudziko nekuti akatipa zvese zvatinoda kuti tikwanise kutsungirira. Akatipa chipo chekunyengetera, Bhaibheri, zvekudya zvekunamata zvakawanda, uye hama nehanzvadzi dzine rudo kuti tibatsirwe panguva dzekutambudzika.

16. Tingaitei kuti tirambe tichichengetedzwa naJehovha?

16 Tinotenda chaizvo kuti tina Baba vekudenga vanotichengetedza! ‘Mwoyo yedu inofadzwa navo.’ (Pis. 33:21) Tinoratidza Jehovha kuti tinokoshesa kutichengeta kwaanotiita kana tikashandisa zvese zvaanotipa kuti atibatsire. Tinofanira kuitawo pedu kuti tirambe tiri mumaoko aMwari. Nemamwe mashoko, kana tikaramba tichiita zvese zvatinogona kuti titeerere Jehovha uye tiite zvakarurama, achatichengetedza nekusingaperi!—1 Pet. 3:12.

RWIYO 30 Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu

^ Tinoda kubatsirwa naJehovha kuti tikunde matambudziko atiri kusangana nawo mazuva ano. Nyaya ino ichatibatsira kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha anochengetedza vanhu vake. Anoona matambudziko anosangana nemumwe nemumwe wedu, uye anotibatsira kuti tiakunde.

^ Mamwe mazita akachinjwa.