Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 34

‘Rambai Muchifamba Muchokwadi’

‘Rambai Muchifamba Muchokwadi’

‘Rambai muchifamba muchokwadi.’—3 JOH. 4.

RWIYO 111 Zvinoita Kuti Tifare

ZVICHADZIDZWA *

1. Tinobatsirwa sei nekutaura nezvemawaniro atakaita “chokwadi”?

 “WAKAWANA sei chokwadi?” Zviri pachena kuti wakapindura mubvunzo iwoyo kakawanda. Ndiwo mumwe wemibvunzo yatinotanga kubvunza hama kana hanzvadzi yatinenge tichida kuzivana nayo. Tinofarira chaizvo kunzwa kuti hama nehanzvadzi dzedu dzakasvika sei pakuziva Jehovha uye kumuda, uye tinonakidzwa nekudziudza madiro atinoita chokwadi. (VaR. 1:11) Kukurukura uku kunotiyeuchidza kuti chokwadi chinokosha zvakadii kwatiri. Tinobva tatowedzerawo kuva nechido ‘chekuramba tichifamba muchokwadi,’ kureva kuramba tichirarama nenzira inoita kuti Jehovha atikomborere uye atifarire.—3 Joh. 4.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Munyaya ino tichakurukura zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tide chokwadi. Tichabva takurukura zvatingaita kuti tirambe tichiratidza kuti tinoda chipo ichi chinokosha. Izvi zvichaita kuti tiwedzere kukoshesa kwatinoita zvakaitwa naJehovha kuti atiunze muchokwadi. (Joh. 6:44) Kuchasimbisawo chido chedu chekudzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri.

NEI TICHIDA “CHOKWADI”?

3. Ndechipi chikonzero chikuru pane zvese chinoita kuti tide chokwadi?

3 Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tide chokwadi. Chikonzero chikuru pane zvese ndechekuti tinoda Jehovha Mwari, Tsime rechokwadi. Kubva muShoko rake Bhaibheri, takasvika pakumuziva seMusiki wedenga nenyika ane simba, uyewo saBaba vedu vekudenga vane rudo uye vane hanya nesu. (1 Pet. 5:7) Tinoziva kuti Mwari wedu “ane ngoni netsitsi, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji, nechokwadi.” (Eks. 34:6) Anoda zvakarurama. (Isa. 61:8) Anorwadziwa paanoona tichitambura, uye anoda chaizvo kupedza kutambura kwese panguva yakasarudzwa. (Jer. 29:11) Nguva iyoyo takaimirirawo. Ndosaka tichida Jehovha chaizvo!

Chokwadi cheBhaibheri Chakaita . . .Sechinhu Chinotsigisa Chikepe

Sezvo chinhu chinotsigisa chikepe chichiita kuti chikepe chigadzikane, tariro yedu iri muBhaibheri inoita kuti tigadzikane patinenge tiri mumatambudziko. Chokwadi chiri muBhaibheri chinoitawo kuti tide kuudza vamwe nezvetariro yedu yeramangwana (Ona ndima 4-7)

4-5. Nei muapostora Pauro akafananidza tariro yedu nechinhu chinotsigisa?

4 Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti tide chokwadi? Chokwadi chinotibatsira chaizvo. Funga nezvemuenzaniso mumwe chete. Chokwadi cheBhaibheri chinosanganisira tariro yedu yeramangwana. Kuti aratidze kukosha kwetariro iyoyo, muapostora Pauro akanyora kuti: “Tine tariro iyi sechinhu chinotsigisa mweya, yechokwadi uye yakasimba.” (VaH. 6:19) Sezvinoita chinhu chinotsigisa chikepe icho chinoita kuti chikepe chisakukurwa, tariro yedu inobva muBhaibheri inotitsigisa patinosangana nematambudziko muupenyu.

5 Pauro aitaura nezvetariro yekudenga ine vaKristu vakazodzwa. Asi mashoko ake anoshandawo kuvaKristu vanotarisira kuzorarama nekusingaperi munyika inenge iri paradhiso. (Joh. 3:16) Zviri pachena kuti kudzidza nezvetariro yeupenyu husingaperi kwakaita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa.

6-7. Yvonne akabatsirwa sei nekudzidza chokwadi nezveramangwana?

6 Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Yvonne. Haana kukurira muchokwadi, uye paaiva mwana aitya rufu. Anoyeuka achiverenga mashoko akaramba ari mupfungwa dzake ekuti: “Rimwe zuva kuchange kusisina mangwana.” Anoti: “Mashoko iwayo aindishaisa hope pandaifunga nezveramangwana. Ndakati nechemumwoyo, ‘Upenyu hunofanira kunge huine chinangwa. Nei ndiri panyika?’ Ndaisada kufa.”

7 Paakanga ava kuyaruka, Yvonne akazoonana neZvapupu zvaJehovha. Anoti: “Ndakatanga kutenda kuti ndinogona kuva netariro yekurarama nekusingaperi muParadhiso panyika.” Kudzidza chokwadi kwakabatsira sei hanzvadzi yedu? Yvonne anowedzera kuti: “Handichashayi hope usiku ndichinetseka nezveramangwana kana rufu.” Zviri pachena kuti Yvonne anoda chokwadi cheBhaibheri, uye anonakidzwa chaizvo nekuudza vamwe nezvetariro yake yeramangwana.—1 Tim. 4:16.

Chokwadi cheBhaibheri Chakaita . . .Sepfuma

Kushumira Jehovha iye zvino uye kuva netariro yekumushumira nekusingaperi muUmambo hwake kwakaita sepfuma. Kunokosha kupfuura chero chii zvacho chatingafanira kurasikirwa nacho (Ona ndima 8-11)

8-9. (a) Mune mumwe wemifananidzo yaJesu, mumwe murume akaitei achiratidza kuti aikoshesa pfuma yaakanga awana? (b) Chokwadi chinokosha zvakadii kwauri?

8 Chokwadi cheBhaibheri chinosanganisirawo mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Jesu akafananidza chokwadi cheUmambo ihwohwo nepfuma yakavanzwa. Sezvakanyorwa pana Mateu 13:44, Jesu akati: “Umambo hwekudenga hwakafanana nepfuma yakavanzwa musango, yakawanikwa nemunhu ndokuiviga; uye nekufara kwaanoita, anoenda otengesa zvinhu zvese zvaainazvo otenga sango iroro.” Ona kuti murume wacho akanga asiri kutsvaga pfuma. Asi paakaiwana, ane zvinhu zvikuru zvaakaita kuti ave nayo. Akatotengesa zvese zvaaiva nazvo. Nei akadaro? Aiziva kuti pfuma yacho yaikosha chaizvo. Kukosha kwayo kwaipfuura nekure zvinhu zvaakanga arasikirwa nazvo.

9 Ndiwo manzwiro aunoita nezvechokwadi here? Zviri pachena kuti unonzwa saizvozvo! Tinoziva kuti hapana chinhu chinopiwa nenyika ino chinogona kuenzaniswa nemufaro watiinawo pakushumira Jehovha iye zvino, tiine tariro yekurarama upenyu husingaperi mune ramangwana tichitongwa neUmambo hwaMwari. Ropafadzo yatiinayo yekuva neushamwari hwepedyo naJehovha inokosha kupfuura chero chii zvacho chatingarasikirwa nacho. Mufaro wedu mukuru unobva ‘pakunyatsomufadza.’—VaK. 1:10.

10-11. Chii chakaita kuti Michael achinje mararamiro ake?

10 Vakawanda vedu tine zvinhu zvakakura zvatakasiya kuitira kuti tifarirwe naJehovha. Vamwe vakasiya mabasa epamusorosoro munyika. Vamwe vakarega kudzingirirana nepfuma. Vamwe vakachinja mararamiro avo zvachose pavakadzidza nezvaJehovha. Ndizvo zvakaitwa naMichael. Haana kukurira muchokwadi. Paaiva mudiki, akadzidziswa karati. Anoti: “Zvaikosha chaizvo kwandiri kuti ndigare ndakagwinya. Dzimwe nguva ndainzwa sekuti hapana anondirova.” Asi paakatanga kudzidza Bhaibheri, Michael akadzidza kuti Jehovha anoona sei zvekurwisana. (Pis. 11:5) Achitaura nezvemurume nemudzimai vakamudzidzisa Bhaibheri, Michael anoti: “Havana kumbobvira vandiudza kuti ndaifanira kurega zvekarati, asi vakangoramba vachindidzidzisa chokwadi cheBhaibheri.”

11 Michael paaiwedzera kuziva Jehovha, aiwedzerawo kumuda. Akanyanya kubayiwa mwoyo nekunzwira tsitsi kunoita Jehovha vanamati vake. Nekufamba kwenguva, Michael akaona kuti aifanira kuita chisarudzo chaizochinja upenyu hwake. Anoti: “Ndaiziva kuti kurega karati ndicho chinhu chaizondiomera pane zvese. Asiwo ndaiziva kuti izvi zvaizofadza Jehovha uye kuti kumushumira kwaikosha kupfuura zvinhu zvese zvandaizorega.” Michael ainzwisisa kukosha kwechokwadi chaakanga awana, uye izvozvo zvakamuita kuti achinje zvinhu zvakakura muupenyu hwake.—Jak. 1:25.

Chokwadi cheBhaibheri Chakaita . . .Serambi

Rambi rakanyatsojeka rinotibatsira kuona nzira yedu murima. Saizvozvowo, Shoko raMwari rinotibatsirawo kuona nzira yedu munyika yaSatani ine rima (Ona ndima 12-13)

12-13. Chokwadi cheBhaibheri chakabatsira sei Mayli?

12 Kuti riratidze kukosha kwechokwadi, Bhaibheri rinofananidza chokwadi nerambi rinovheneka murima. (Pis. 119:105; VaEf. 5:8) Mayli, anobva kuAzerbaijan, anokoshesa chaizvo kubatsirwa kwaakaitwa neShoko raMwari. Vabereki vake vaiva nezvitendero zvakasiyana. Baba vake vaipinda chitendero chechiMuslim, uye amai vake vaipinda chechiJudha. Anoti: “Kunyange zvazvo ndaibvuma kuti Mwari ariko, ndaiva nemibvunzo yakawanda. Zvaindinetsa kuti, ‘Nei Mwari akasika vanhu, uye kuti zvinobatsirei kuti munhu atambure kweupenyu hwake hwese uye ozotambura zvakare nekusingaperi mumoto?’ Sezvo vanhu vaitaura kuti zvese zvinoitika kuda kwaMwari, ndaizvibvunza kuti, ‘Mwari ndiye anoita kuti vanhu vaite zvavanoita here, ozonakidzwa nekuvaona vachitambura?’”

13 Mayli akaramba achitsvaga mhinduro dzemibvunzo yake. Nekufamba kwenguva akabvuma kudzidza Bhaibheri ndokuzouya muchokwadi. Anoti: “Mashoko anogutsa ari muBhaibheri akandibatsira kuti ndiwedzere kuva munhu anofara muupenyu. Tsanangudzo dzine musoro dzandakawana muShoko raMwari dzakaita kuti ndigadzikane mupfungwa.” Sezvinoitwa naMayli, tese tinorumbidza Jehovha, ‘uyo akatidana kubva murima akatipinza muchiedza chake chinoshamisa.’—1 Pet. 2:9.

14. Tingawedzera sei kuda kwatinoita chokwadi? (Onawo bhokisi rakanzi  “Zvimwe Zvinhu Zvatingafananidza Nazvo Chokwadi cheBhaibheri.”)

14 Iyi inongova mienzaniso mishomanana inoratidza kukosha kwechokwadi. Unogonawo kufunga nezvemimwe yakawanda. Unogona kuronga kuti paunenge uchidzidza uri wega utsvage zvimwe zvikonzero nei tichifanira kuda chokwadi. Patinowedzera kuda chokwadi, tinowedzerawo kuwana nzira dzekuratidza nadzo kuti tinochida.

TINORATIDZA SEI KUTI TINODA CHOKWADI?

15. Ndeipi imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinoda chokwadi?

15 Tinogona kuratidza kuti tinoda chokwadi nekugara tichidzidza Bhaibheri uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Pasinei nekuti tine nguva yakareba zvakadini tiri muchokwadi tinogara tiine zvimwe zvekudzidza. Magazini yekutanga yeNharireyomurindi yakati: ‘Munyika mune nhema dzakawanda chaizvo zvekuti zvinogona kuoma kuti munhu azive kuti chokwadi ndechipi. Kuti uchiwane unofanira kuramba uchichitsvaga. Zvinoda kushanda nesimba kuti uchiwane. Usagutsikana nekuwana chokwadi chishomanana. Ramba uchitsvaga chimwe.’ Kudzidza ibasa, asi kushandira zviripo.

16. Inzira ipi yekudzidza yawakaona ichishanda? (Zvirevo 2:4-6)

16 Hatisi tese tinofarira zvekuverenga uye kudzidza. Asi Jehovha anotiudza kuti ‘tirambe tichitsvaga’ kuti tiwedzere kunzwisisa chokwadi. (Verenga Zvirevo 2:4-6.) Patinoshanda nesimba saizvozvo, tinotowana mubayiro. Achitaura nezvekuverenga kwaanoita Bhaibheri ari ega, Corey anoti anoongorora vhesi imwe chete panguva. Anoti: “Ndinoverenga mashoko ese emuzasi, ndotarisa magwaro ese anoratidzwa nekabhii kanenge karipo, uye ndinotsvakurudza zvimwewo. . . . Kuverenga Bhaibheri nenzira iyi kunoita kuti ndidzidze zvakawanda!” Tingave tichidzidza nenzira iyi kana kuti neimwewo, tinoratidza kuti tinokoshesa chokwadi patinoshandisa nguva nesimba pakuchidzidza.—Pis. 1:1-3.

17. Zvinorevei kurarama maererano nechokwadi? (Jakobho 1:25)

17 Tinoziva kuti hazvina kukwana kungodzidza chokwadi. Kuti tinyatsobatsirwa, tinofanira kurarama maererano nechokwadi, kureva kuti, tinofanira kushandisa zvatinodzidza muupenyu hwedu. Izvozvo ndizvo zvichaita kuti chokwadi chitiunzire mufaro chaiwo. (Verenga Jakobho 1:25.) Tingaitei kuti tirarame maererano nechokwadi? Imwe hama yakati tinofanira kuzviongorora kuti tione kuti ndepapi patiri kuita zvakanaka uye kuti ndepapi patinofanira kuvandudza. Muapostora Pauro akazvitaura achiti: “Kusvikira patasvika tichienda mberi, ngatirambei tichifamba zvakanaka nenzira iyi.”—VaF. 3:16.

18. Nei tichiita zvese zvatinogona kuti ‘tirambe tichifamba muchokwadi’?

18 Funga nezvekubatsira kwazvinotiita patinoita zvese zvatinogona kuti ‘tirambe tichifamba muchokwadi.’ Upenyu hwedu hunovandudzika, uyewo tinofadza Jehovha pamwe chete nevatinonamata navo. (Zvir. 27:11; 3 Joh. 4) Izvi ndizvo zvikonzero zvakanyanya kunaka zvekuti tide chokwadi uye tirarame maererano nechokwadi.

RWIYO 144 Ramba Wakatarisa Mubayiro!

^ Tinowanzotaura nezvezvatinotenda uye mararamiro edu tichiti ndicho “chokwadi.” Tingava tiri vatsva muchokwadi kana kuti tange tirimo kweupenyu hwese, tinobatsirwa chaizvo nekukurukura kuti nei tichida chokwadi. Patinoita izvozvo, tinowedzera kuva nechido chekuita zvinhu zvinoita kuti tifarirwe naJehovha.