NYAYA YEKUDZIDZA 32
Vechidiki—Rambai Muchifambira Mberi Pashure Pekubhabhatidzwa
’Rudo ngaruite kuti tikure muzvinhu zvese.’—VAEF. 4:15.
RWIYO 56 Ita Kuti Chokwadi Chive Chako
ZVICHADZIDZWA *
1. Zvinhu zvipi zvakanaka zvakatoitwa nevechidiki vakawanda?
GORE rega rega, zviuru zvevaKristu vechidiki zvinobhabhatidzwa. Wakatora danho iri here? Kana wakadaro, hama nehanzvadzi dzako dzechiKristu dzinofara nezvawakaita uye Jehovha anofarawo! (Zvir. 27:11) Chimbofunga nezvekuwanda kwezvinhu zvakanaka zvawakatoita nechekare. Wakanyatsodzidza Bhaibheri, zvichida kwemakore anoverengeka. Zvawakadzidza zvakaita kuti uve nechokwadi chekuti Bhaibheri iShoko raMwari. Asi kupfuura izvozvo, wakasvika pakuziva uye kuda Munyori webhuku dzvene iroro. Kuda kwaunoita Jehovha kwakakura zvekuti wakasvika pakuva mushumiri wake akazvitsaurira uye akabhabhatidzwa. Wakaita chisarudzo chakazonaka.
2. Tichakurukurei munyaya ino?
2 Usati wabhabhatidzwa kutenda kwako kwakaedzwa munzira dzakawanda. Asi sezvaunokura, uchasangana nemimwe miedzo. Satani achaedza kuita kuti usada Jehovha uye urege kumushumira. (VaEf. 4:14) Usarega izvozvo zvichiitika. Chii chingakubatsira kuti urambe wakavimbika kuna Jehovha uye uzadzise mhiko yako yekuzvitsaurira? Unofanira kuramba uchifambira mberi, ‘uchishanda nesimba’ kuti uve muKristu akakura pakunamata. (VaH. 6:1) Asi izvozvo ungazviita sei?
UNGAITEI KUTI UVE MUKRISTU AKASIMBA PAKUNAMATA?
3. VaKristu vese vanofanira kuitei pashure pekunge vabhabhatidzwa?
3 Pashure pekunge tabhabhatidzwa, tese tinofanira kuteerera zano rakapiwa nemuapostora Pauro kuvaKristu vemuEfeso. Akavakurudzira kuti vave vaKristu ‘vakakura zvakakwana.’ (VaEf. 4:13) Izvozvo zvaireva kuti vaifanira ‘kuramba vachifambira mberi.’ Tinogona kunzwisisa zvairehwa naPauro paakaenzanisa kukura pakunamata nekukura kwemwana. Vabereki vemwana mucheche vanomuda uye vanodada naye. Asi haazorambi ari mucheche. Nekufamba kwenguva anofanira kusiya “zvinoitwa nemwana.” (1 VaK. 13:11) Ndizvo zvinoitikawo kuvaKristu. Pashure pekubhabhatidzwa, tinofanira kuramba tichifambira mberi. Ngationei mazano anotibatsira kuita izvozvo.
4. Unhu hupi hunogona kukubatsira kuti ufambire mberi pakunamata? Tsanangura. (VaFiripi 1:9)
4 Wedzera kuda kwaunoita Jehovha. Wagara unoda Jehovha chaizvo. Asi kuda kwaunomuita kunogona kuwedzera. Izvozvo zvinoitika sei? Muapostora Pauro akataura imwe nzira pana VaFiripi 1:9. (Verenga.) Pauro akanyengetera kuti rudo rwevaFiripi “rurambe ruchingowedzera.” Saka kuda kwatinoita Jehovha kunogona kuwedzera. Tinogona kuita izvozvo nekuva ‘neruzivo rwakarurama uye kunyatsova neungwaru.’ Patinowedzera kuziva Jehovha, tinowedzera kumuda uye kukoshesa unhu hwake nemaitiro aanoita zvinhu. Chido chekumufadza chinowedzera, uye hatitombodi kuita chinhu chinomugumbura. Tinoita zvese zvatinogona kuti tinzwisise zvaanoda kuti tiite uye kuti tingazviita sei.
5-6. Tingaitei kuti kuda kwatinoita Jehovha kuwedzere? Tsanangura.
5 Tinogona kuwedzera kuda kwatinoita Jehovha nekuwedzera kuziva Mwanakomana wake, uyo akanyatsotevedzera unhu hwaBaba vake. (VaH. 1:3) Nzira yakanakisisa yekuziva Jesu, ndeyekudzidza mabhuku mana eEvhangeri. Kana wanga usati wava kuverenga Bhaibheri zuva rega rega, unogona kutotanga izvozvi. Paunenge uchiverenga nyaya dzine chekuita naJesu, nyatsofunga nezveunhu hwake. Vanhu vaifarira kuva naye uye kutaura naye, uye akatakura vana vadiki mumaoko ake. (Mako 10:13-16) Aiva nemutsa neushamwari, uye vadzidzi vake vaisatya kumuudza manzwiro avaiita. (Mat. 16:22) Panyaya iyi, Jesu aitevedzera Baba vake vekudenga. Jehovha anotaurikawo naye zviri nyore. Tinogona kunyengetera kwaari. Patinonyengetera, tinogona kudurura mwoyo yedu kwaari. Tine chokwadi chekuti haazotipi mhosva. Anotida, uye ane hanya nesu.—1 Pet. 5:7.
6 Jesu ainzwira vanhu tsitsi. Muapostora Mateu akati: “Achiona vanhu vazhinji, akasiririswa navo, nekuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira semakwai asina mufudzi.” (Mat. 9:36) Jehovha anonzwawo sei? Jesu akati: ‘Baba vangu vari kudenga havadi kuti kunyange mumwe chete wevadiki ava aparare.’ (Mat. 18:14) Izvozvo zvinobaya mwoyo chaizvo! Patinowedzera kuda Jesu, kuda kwatinoita Jehovha kunowedzerawo.
7. Kushamwaridzana nevaKristu vakakura pakunamata kunokubatsira sei?
7 Kana ukashamwaridzana nehama nehanzvadzi dzakakura pakunamata dzemuungano menyu unogonawo kuwedzera kuda Jehovha uye uchafambira mberi pakunamata. Tarisa kufara kwavanoita. Havazvidembi nekusarudza kwavakaita kushumira Jehovha. Vakumbire kuti vakuudze zvimwe zvinhu zvavakasangana nazvo mubasa raJehovha. Kana uine chisarudzo chinokosha chauri kuda kuita, vabvunze mazano. Yeuka kuti “panova nekubudirira kana vanopa mazano vakawanda.”—Zvir. 11:14.
8. Ungaitei kana ukasava nechokwadi nezvinotaurwa neBhaibheri?
8 Iva nechokwadi nezvaunotenda. Sezvataurwa mundima 2, Satani achaedza kukutadzisa kuramba uchifambira mberi pakunamata. Imwe nzira yaangaita izvozvo ndeyekuita kuti usava nechokwadi nezvimwe zvinhu zvinodzidziswa neBhaibheri. Semuenzaniso, vamwe vanhu vanogona kuedza kuita kuti utende kuti Mwari haana kusika zvinhu, asi kuti zvakavapo nekushanduka. Pawaiva mwana, unogona kunge usina kumbofunga nezvazvo, asi iye zvino unogona kunge wava kuzvidzidziswa kuchikoro. Zvinotaurwa nevadzidzisi vako vachitsigira dzidziso yekushanduka zvingaita sezvine musoro. Asi vanogona kunge vasina kumbobvira vanyatsoongorora uchapupu hunoratidza kuti kune Musiki. Yeuka pfungwa iri pana Zvirevo 18:17 iyo inoti: “Munhu anotanga kupira nyaya yake anoita seakarurama, kusvikira mumwe wacho auya, omubvunzisisa.” Pane kungobvuma zvese zvinodzidziswa kuchikoro, unofanira kunyatsodzidza zvinotaurwa neShoko raMwari. Tsvakurudza uchishandisa mabhuku edu. Taura nehama nehanzvadzi dzaimbotenda kuti zvinhu zvakaita zvekushanduka. Vabvunze kuti chii chakaita kuti vave nechokwadi chekuti kune Musiki anotida. Kukurukura kwakadai kunogona kukubatsira kuti uwane uchapupu hwekuti kune Musiki.
9. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Melissa?
9 Hanzvadzi inonzi Melissa yakabatsirwa chaizvo nekutsvakurudza kwayakaita nezvenyaya yekusikwa kwezvinhu. * Anoti: “Kuchikoro vadzidzisi vanotsanangura nezvenyaya yekushanduka kwezvinhu nenzira inoita kuti vanhu vafunge kuti ndeyechokwadi. Ndaisada kutsvakurudza nekuti ndaitya kuti ndaizoona kuti dzidziso yekuti zvinhu zvakaita zvekushanduka ndeyechokwadi. Asi ndakafunga kuti Jehovha anoda kuti tive neuchapupu hwezvatinotenda. Saka ndakatanga kutsvakurudza. Ndakaverenga bhuku rinonzi, Is There a Creator Who Cares About You? uye mabhurocha anoti, Was Life Created? uye The Origin of Life—Five Questions Worth Asking. Izvi ndizvo chaizvo zvandaifanira kuita. Dai ndakakurumidza kuzviita.”
10-11. Chii chingakubatsira kuti urambe uine tsika dzakachena? (1 VaTesaronika 4:3, 4)
10 Ramba maitiro akaipa. Paunenge uchiyaruka, chido chekuita zvebonde chinogona kukura chaizvo, uye ungava pamuedzo wakakura wekuita upombwe. Satani anoda kuti uite izvozvo. Chii chingakubatsira kuti ukunde muedzo wacho? (Verenga 1 VaTesaronika 4:3, 4.) Paunenge uchinyengetera uri wega, udza Jehovha manzwiro aunenge uchiita uye mukumbire kuti akupe simba. (Mat. 6:13) Yeuka kuti Jehovha anoda kukubatsira, kwete kukuranga. (Pis. 103:13, 14) Shoko raMwari rinogona kukubatsirawo. Melissa ambotaurwa nezvake airwisa chaizvo kuti asava nemafungiro asina kuchena. Anoti: “Kuverenga Bhaibheri mazuva ese kwakandibatsira kuti ndirambe ndichirwisa zvido zvakaipa. Kwaindiyeuchidza kuti ndiri waJehovha uye kuti ndinoda kumushumira.”—Pis. 119:9.
11 Usaedza kugadzirisa wega matambudziko ako. Udza vabereki vako nezvematambudziko auri kusangana nawo. Hazvisi nyore kuti uvaudze nezvenyaya dzakadaro, asi zvinokosha kuti uite izvozvo. Melissa anoti: “Ndakanyengetera kuti ndive neushingi uye ndakabva ndataura nababa nezvedambudziko rangu. Pashure paizvozvo ndakanzwa kuzorodzwa chaizvo. Ndakaziva kuti Jehovha aifadzwa nezvandaiita.”
12. Chii chingakubatsira kuita zvisarudzo zvakanaka?
12 Tungamirirwa nezvinotaurwa neBhaibheri. Nekukura kwaunenge uchiita, vabereki vako vachawedzera kukupa rusununguko rwekuita zvisarudzo zvako wega. Asi pachiri nezvinhu zvakawanda zvausati wava kuziva. Zvii zvausingafaniri kuita kuti usakanganisa ushamwari hwako naJehovha? (Zvir. 22:3) Imwe hanzvadzi inonzi Kari inotsanangura chakaibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka. Akaona kuti muKristu akasimba pakunamata haafaniri hake kuita zvekuudzwa kamwe nekamwe kezvaanofanira kuita kana kusaita muupenyu. Anoti: “Ndaifanira kunzwisisa mafungiro aJehovha pane kuda kuudzwa kuti ita ichi kana kuti usaita ichi.” Paunenge uchiverenga Bhaibheri, zvibvunze kuti: ‘Zvandaverenga izvi zvinondiudzei nezvemafungiro aJehovha? Pane pfungwa dzinogona kundibatsira kuti ndiite zvakarurama here? Kana zvakadaro, ndinobatsirwa sei kana ndikadzishandisa?’ (Pis. 19:7; Isa. 48:17, 18) Kana ukaverenga Bhaibheri wofungisisa mazano aro, zvichakuitira nyore kuti uite zvisarudzo zvinofadza Jehovha. Paunenge uchifambira mberi, uchaona kuti hapasi pese paunoda mutemo nekuti unenge wava kunzwisisa mafungiro aJehovha panyaya dzakasiyana-siyana.
13. Shamwari dzakanaka dzingakubatsira sei? (Zvirevo 13:20)
13 Sarudza shamwari dzinoda Jehovha. Sezvambotaurwa, shamwari dzaunosarudza dzinogona kukubatsira kukura pakunamata kana kuti kukukanganisa. (Verenga Zvirevo 13:20.) Imwe hanzvadzi inonzi Sara yakaona kuti mufaro wayo wakanga wava kudzikira. Pakabva paitika chimwe chinhu chakaibatsira kuti iwedzere kufara. Sara anoti: “Ndakawana shamwari dzakanaka panguva chaiyo yandaidzida. Ini nemumwe musikana wemuungano medu takatanga kudzidza Nharireyomurindi vhiki rega rega. Imwe shamwari yangu yakandibatsira kuti nditange kupindura pamisangano. Kubatsirwa kwandakaitwa neshamwari dzangu, kwakaita kuti nditange kunyatsodzidza ndiri ndega uye kunyengetera nemwoyo wese. Ndakatanga kusimbisa ushamwari hwangu naJehovha, uye ndakatanga kufara zvakare.”
14. Julien akawana sei shamwari dzakanaka?
14 Ungaitei kuti ushamwaridzane nevanhu vanokubatsira kuti usimbe pakunamata? Julien, uyo ava kushumira semukuru anoti: “Pandaiva mudiki, ndakawana shamwari dzakanaka pandaiita ushumiri. Shamwari idzi dzaishingaira uye dzakandibatsira kuona kuti ushumiri hunogona kunakidza chaizvo. Ndakatanga kuva nechinangwa chekuzoita basa renguva yakazara. Ndakaonawo kuti chimwe chikonzero chainditadzisa kuwana shamwari dzakanaka ndechekuti ndaingotsvaga shamwari pavanhu vezera rangu. Pave paya, ndakazowanawo shamwari dzakanaka paBheteri. Muenzaniso wavo wakandibatsira kuti ndivandudze pakusarudza zvinondivaraidza, uye izvi zvakaita kuti ndiwedzere kuswedera pedyo naJehovha.”
15. Pauro akapa Timoti yambiro ipi nezveushamwari? (2 Timoti 2:20-22)
15 Ko ukaziva kuti mumwe munhu ari muungano anogona kukanganisa ushamwari hwako naJehovha? Pauro aiziva kuti vamwe vanhu vaiva muungano yechiKristu yekutanga vaisava nemafungiro uye maitiro echiKristu, saka akayambira Timoti kuti atambire kure navo. (Verenga 2 Timoti 2:20-22.) Ushamwari hwedu naJehovha hunokosha chaizvo. Hatifaniri kubvumira chero ani zvake kuti akanganise ushamwari hwatakashanda nesimba kuti tive nahwo naBaba vedu vekudenga.—Pis. 26:4.
KUVA NEZVINANGWA KUNGAKUBATSIRA SEI KUFAMBIRA MBERI PAKUNAMATA?
16. Unofanira kusarudza zvinangwa zvakaita sei?
16 Iva nezvinangwa zvinokubatsira. Sarudza zvinangwa zvichasimbisa kutenda kwako uye zvichakubatsira kuti uwedzere kuva muKristu akasimba pakunamata. (VaEf. 3:16) Semuenzaniso, unogona kuva nechinangwa chekuti wedzerei kugara uchidzidza uri wega uye kuverenga Bhaibheri. (Pis. 1:2, 3) Kana kuti ungaona kuti unofanira kunyengetera kakati wandei uye zvichibva pamwoyo. Zvimwe unofanira kuwedzera kungwarira pakusarudza zvinokuvaraidza uye pakushandisa kwaunoita nguva. (VaEf. 5:15, 16) Jehovha paachaona uchishanda nesimba kuti ufambire mberi pakunamata achafara chaizvo.
17. Chii chinoitika kana ukabatsira vamwe?
17 Paunobatsira vamwe, unova muKristu akasimba pakunamata. Jesu akati: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) Uchafara chaizvo kana ukashandisa imwe nguva yako nesimba rako kuti ubatsire vamwe. Semuenzaniso, unogona kuva nechinangwa chekubatsira vakwegura kana kuti vanonetseka neutano vari muungano menyu. Zvimwe unogona kuvaendera kunotenga zvinhu kana kuvabatsira kushandisa zvinhu zvakadai semafoni. Kana uri hama, iva nechinangwa chekuva mushumiri weungano, kuti uwedzere kubatsira hama nehanzvadzi dzako muungano. (VaF. 2:4) Unoratidzawo rudo kune vaya vasiri muungano nekuvaudza mashoko akanaka eUmambo. (Mat. 9:36, 37) Kana zvichiita, iva nechinangwa chekuita ushumiri hwenguva yakazara.
18. Kuita basa renguva yakazara kungakubatsira sei kuti uwedzere kuswedera pedyo naJehovha?
18 Basa renguva yakazara rinoita kuti uve nemikana yakawanda yekufambira mberi pakunamata. Kushumira sapiyona kungaita kuti uzokwanisa kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo. Unogona kushumira paBheteri kana kuita basa rekuvaka zvivakwa zvesangano. Imwe hanzvadzi yechidiki inopayona inonzi Kaitlyn yakati: “Kuita ushumiri nehama nehanzvadzi dzagara nebasa ndiko kwakanyanya kundibatsira kuti ndikure pakunamata pashure pekubhabhatidzwa. Muenzaniso wavo wakandikurudzira kuti ndiwedzere kudzidza Bhaibheri uye ndivandudze madzidzisiro angu.”
19. Makomborero api auchava nawo sezvaunoramba uchifambira mberi pakunamata?
19 Paunoramba uchifambira mberi pakunamata, uchawana makomborero akawanda. Hauzopedzi simba rako uchiita zvinhu zvisingabatsiri. (1 Joh. 2:17) Hauzovi nemarwadzo anokonzerwa nekuita zvisarudzo zvakaipa. Uchabudirira uye uchava nemufaro wechokwadi. (Zvir. 16:3) Muenzaniso wako wakanaka uchakurudzira vaunonamata navo, vangava vadiki kana kuti vakuru. (1 Tim. 4:12) Uye chinonyanya kukosha ndechekuti uchava nerugare uye kugutsikana kunobva pakufadza Jehovha uye pakuva neushamwari hwepedyo naye.—Zvir. 23:15, 16.
RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu
^ Vashumiri vese vaJehovha vanofara vechidiki pavanobhabhatidzwa. Pashure pekunge vabhabhatidzwa, vadzidzi vatsva vanofanira kuramba vachifambira mberi pakunamata. Nyaya ino ichatibatsira tese kuti tinyanye kufunga nezvenzira dzingashandiswa nevaKristu vechidiki vachangobhabhatidzwa, kuti varambe vachikura pakunamata.
^ Mamwe mazita akachinjwa.