NYAYA YEKUDZIDZA 32
RWIYO 44 Munyengetero Wemunhu Akasuruvara
Jehovha Anoda Kuti Vanhu Vese Vapfidze Zvivi Zvavo
“Jehovha . . . hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike [pakupfidza.]”—2 PET. 3:9.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti zvinomborevei kupfidza zvivi, nei kuchikosha, uye kuti Jehovha akabatsira sei vanhu vakasiyana-siyana kuti vapfidze zvivi zvavo.
1. Kupfidza zvivi kunorevei?
PATINOTADZA, zvinokosha kuti tipfidze zvivi zvedu. Bhaibheri rinoti munhu anenge apfidza zvivi zvake anovenga zvinhu zvakaipa zvaakaita, anozvirega, uye anoita zvese zvaanogona kuti asazvidzokorora.—Ona Tsanangudzo Yemashoko emuBhaibheri pakanzi, “Kupfidza zvivi.”
2. Nei tese zvedu tichifanira kudzidza nezvekupfidza zvivi? (Nehemiya 8:9-11)
2 Munhu wese ari panyika anofanira kudzidza nezvekupfidza zvivi. Nei zvakadaro? Nekuti tese tinotadza zuva rega rega. Sezvo tiri vana vaAdhamu naEvha, tinoberekwa tiine chivi uye tinofa. (VaR. 3:23; 5:12) Hapana kana mumwe chete wedu angataura kuti haana chivi. Kunyange varume vaiva nekutenda kwakasimba, vakadai semuapostora Pauro, vaitotamburawo nechivi. (VaR. 7:21-24) Izvi zvinoreva here kuti tinofanira kungogara tisina kana mufaro nemhaka yezvivi zvedu? Aiwa. Jehovha ane tsitsi, uye anoda kuti tifare. Funga nezvevaJudha vemumazuva aNehemiya. (Verenga Nehemiya 8:9-11.) Jehovha aisada kuti varambe vakangosuruvara vachifunga zvivi zvavakaita kare, asi aida kuti vamunamate vachifara. Jehovha anoziva kuti kana tikapfidza zvivi zvedu zvinoita kuti tifare. Ndosaka achitidzidzisa nezvekupfidza zvivi. Kana tikapfidza zvivi zvedu, tinogona kuva nechokwadi chekuti Baba vedu vane tsitsi vachatiregerera.
3. Tichakurukurei munyaya ino?
3 Ngatichimbodzidzai zvakawanda nezvenyaya iyi yekupfidza zvivi. Munyaya ino, tichakurukura zvinhu zvitatu. Kutanga, tichaona kuti Jehovha akadzidzisei vaIsraeri nezvekupfidza zvivi. Zvadaro, tichazoona zvakaitwa naJehovha kuti abatsire vatadzi kuti vasvike pakupfidza. Tichazopedzisira nekuona kuti Jesu akadzidzisei vateveri vake nezvekupfidza zvivi.
JEHOVHA AKADZIDZISEI VAISRAERI NEZVEKUPFIDZA ZVIVI?
4. Jehovha akadzidzisei vaIsraeri nezvekupfidza zvivi?
4 Jehovha paakaronga vaIsraeri kuti vave rudzi, akaita sungano navo kana kuti chibvumirano chepamutemo. Akavaudza kuti kana vakachengeta mitemo yake, aizovadzivirira uye aizovakomborera. Achitaura nezvemitemo iyoyo, akavaudza kuti: “Murayiro uyu wandiri kukurayira nhasi hauna kukuomera, uye hausi kure newe.” (Dheut. 30:11, 16) Asi akavaudzawo kuti kana vakamupandukira, semuenzaniso kuburikidza nekunamata vamwe vanamwari, aisazovakomborera uye vaizotambura. Asi izvozvo zvaisareva kuti Jehovha aizovasiya zvachose. Vaigona ‘kudzoka kuna Jehovha Mwari wavo, voteerera inzwi rake.’ (Dheut. 30:1-3, 17-20) Izvi zvaingoreva kuti vaigona kupfidza zvivi zvavo. Izvozvo zvaizoita kuti Jehovha aswedere pedyo navo, ovakomborera zvakare.
5. Chii chinoratidza kuti Jehovha haana kuneta pakuedza kubatsira vanhu vake? (2 Madzimambo 17:13, 14)
5 Vanhu vaJehovha vaigara vachingomupandukira. Vainamata zvidhori uye vaiitawo zvimwe zvinhu zvakawanda zvinonyangadza. Izvozvo zvakaita kuti vatambure. Asi Jehovha akaramba achiedza kuvabatsira kuti vamushumire zvakare. Akatuma atumazve vaprofita vake kuti akurudzire vanhu vake kuti vapfidze zvivi zvavo vodzokera kwaari.—Verenga 2 Madzimambo 17:13, 14.
6. Jehovha akashandisa sei vaprofita vake kuti vadzidzise vanhu vake kukosha kwekupfidza zvivi? (Onawo mufananidzo.)
6 Kakawanda, Jehovha aishandisa vaprofita vake kuti vayambire uye varuramise vanhu vake. Semuenzaniso, achishandisa Jeremiya akati: “Dzokai, haiwa imi vaIsraeri vakatsauka . . . Handizokutarisii ndakatsamwa, nekuti ndakavimbika . . . Handizorambi ndakatsamwa nekusingaperi. Imi chingobvumai mhosva yenyu chete, nekuti makapandukira Jehovha.” (Jer. 3:12, 13) Achishandisa Joeri, Jehovha akati: “Dzokai kwandiri nemwoyo yenyu yese.” (Joe. 2:12, 13) Uye akaita kuti Isaya ataure kuti: “Zvichenesei; bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu; siyai zvakaipa.” (Isa. 1:16-19) Uye achishandisa Ezekieri, Jehovha akabvunza kuti: “Ko ini ndinombofarira rufu rwemunhu akaipa here? . . . Handidi here kuti atendeuke panzira dzake, oramba achirarama? Handitombofariri kufa kwemunhu, . . . saka siyai zvakaipa murarame.” (Ezek. 18:23, 32) Jehovha anofara paanoona vanhu vachipfidza zvivi zvavo nekuti anoda kuti vararame nekusingaperi! Saka Jehovha haangomiriri kuti vatadzi vatange vachinja kuti azovabatsira. Ngatikurukurei mimwe mienzaniso inoratidza izvi.
7. Jehovha akadzidzisei vanhu vake achishandisa nyaya yaHosiya nemudzimai wake?
7 Ona kuti Jehovha akadzidzisei vanhu vake achishandisa zvakaitwa naGomeri, mudzimai wemuprofita Hosiya. Pashure pekunge aita upombwe, Gomeri akasiya Hosiya achibva anotanga kugara nemumwe murume. Akanga asingachabatsiriki here? Jehovha, uyo anoona mwoyo, akaudza Hosiya kuti: “Enda kumukadzi ari kudanana nemumwe murume uye ari kuita upombwe umude zvakare, sezviri kuitwa naJehovha uyo anoda vaIsraeri kunyange zvazvo vachienda kune vamwe vanamwari.” (Hos. 3:1; Zvir. 16:2) Cherechedza kuti mudzimai waHosiya akanga achiri kuita zvivi zvakakura. Asi Jehovha akaudza Hosiya kuti aende kwaari omuregerera uye odzokerana naye. a Jehovha akashandisa muenzaniso uyu kuti adzidzise vanhu vake kuti aivaona sei. Kunyange zvazvo vakanga vachiri kuita zvivi zvakakura, akanga achiri kuvada uye akaramba achiedza kuvabatsira kuti vapfidze zvivi zvavo, vochinja nzira dzavo. Izvi zvinoratidza here kuti Jehovha, “muongorori wemwoyo,” anoedza kubatsira munhu anenge achiri kuita chivi chakakura kuti asvike pakupfidza? (Zvir. 17:3) Ngationei.
ZVINOITWA NAJEHOVHA KUTI ABATSIRE VATADZI KUPFIDZA ZVIVI ZVAVO
8. Zvii zvakaitwa naJehovha kuti abatsire Kaini kuti apfidze? (Genesisi 4:3-7) (Onawo mufananidzo.)
8 Kaini aiva mwanakomana wekutanga waAdhamu naEvha. Akaberekwa aine chivi chakabva kuvabereki vake. Uyewo Bhaibheri rinotaura nezvaKaini richiti: “Mabasa ake akanga akaipa.” (1 Joh. 3:12) Pamwe ndizvo zvakaita kuti Jehovha ‘asatombofarira Kaini nemupiro wake.’ Pane kuti achinje nzira dzake, “Kaini akagumbuka chaizvo ndokufundumwara.” Jehovha akabva aita sei? Akataura naKaini. (Verenga Genesisi 4:3-7.) Ona kuti Jehovha akaudza Kaini zvakanakanaka kuti kana akateerera aizomukomborera uye akamuyambira kuti asakundwa nechivi. Zvinosuwisa kuti Kaini haana kuteerera. Akaramba kuti Jehovha amubatsire kupfidza. Kusateerera kwaKaini kwakabva kwaita kuti Jehovha arambe kubatsira vamwe vatadzi kuti vapfidze zvivi zvavo here? Aiwa!
9. Jehovha akabatsira sei Dhavhidhi kuti apfidze zvivi zvake?
9 Jehovha aida chaizvo Mambo Dhavhidhi. Akatomuti aiva ‘munhu aidiwa nemwoyo wake.’ (Mab. 13:22) Asi Dhavhidhi akaita zvivi zvakakura, kusanganisira upombwe uye kuuraya munhu. Maererano nemutemo waMozisi, Dhavhidhi aifanira kufa. (Revh. 20:10; Num. 35:31) Asi Jehovha aida kubatsira Dhavhidhi kuti apfidze zvivi zvake. b Akatuma muprofita Natani kuti aende kuna Dhavhidhi, kunyange zvazvo Dhavhidhi wacho akanga asina kana chaakanga aita kuratidza kuti akanga apfidza. Natani akashandisa mufananidzo wakabaya mwoyo waDhavhidhi, uye izvozvo zvakaita kuti apfidze. (2 Sam. 12:1-14) Dhavhidhi akabva anyora pisarema rinobaya mwoyo achiratidza kupfidza kwaakanga aita. (Pis. 51, mashoko ekusuma) Pisarema iroro riri kunyaradza vatadzi vakawanda uye riri kuita kuti vapfidze zvivi zvavo. Tinofara chaizvo kuti Jehovha akabatsira mushumiri wake waaida Dhavhidhi kuti apfidze zvivi zvake.
10. Kuziva kuti Jehovha ane mwoyo murefu nesu uye anotiregerera kunoita kuti unzwe sei?
10 Jehovha anovenga chese chinonzi chivi. (Pis. 5:4, 5) Asi anoziva kuti tese tiri vatadzi uye nemhaka yekuti anotida, anoda kutibatsira kuti tirwise chivi. Anogara achibatsira kunyange vatadzi vakaipa kusvika pekupedzisira kuti vapfidze zvivi zvavo voswedera pedyo naye. Izvozvo zvinonyaradza chaizvo! Patinofunga nezvemwoyo murefu uye kuregerera kunoita Jehovha, tinonzwa tichida kuita zvese zvatinogona kuti tirambe takatendeka kwaari uye tikurumidze kupfidza patinotadza. Ngatichionai kuti Jesu akadzidzisei vadzidzi vake nezvenyaya yekupfidza zvivi.
JESU AKADZIDZISEI VATEVERI VAKE NEZVENYAYA YEKUPFIDZA ZVIVI?
11-12. Jesu akadzidzisei vanhu nezvekuregerera kunoita Baba vake? (Ona mufananidzo uri pakavha.)
11 Nguva yakazosvika yekuti Mesiya auye. Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, Jehovha akashandisa Johani mubhabhatidzi naJesu Kristu kuti adzidzise vanhu nezvekukosha kwekupfidza zvivi.—Mat. 3:1, 2; 4:17.
12 Paaiita ushumiri hwake, Jesu akadzidzisa vanhu nezvekuregerera kunoita Baba vake. Akazviita achishandisa mufananidzo wemwanakomana akarasika. Mwana iyeye akamborarama upenyu hwakaipa. Asi ‘akazopengenuka’ ndokudzokera kumba. Baba vake vakaita sei? Jesu akati mwanakomana wacho paakanga “achiri kure, baba vake vakamuona vakasiririswa, ndokumhanya vakamumbundira, vakamutsvoda zvinyoronyoro.” Mwana wacho aida kukumbira kuti abatwe hake semuranda pamba pababa vake, asi baba vacho vakamudana kuti “mwanakomana wangu,” uye vakamugamuchira mumhuri yavo. Baba vacho vakati: “Akanga arasika, uye awanikwa.” (Ruka 15:11-32) Jesu paaiva kudenga asati auya panyika, anofanira kunge akaona Baba vake vachiratidza tsitsi dzakadaro kuvatadzi vakawanda vainge vapfidza. Nyaya iyi yakataurwa naJesu inonyaradza chaizvo uye inoratidza tsitsi dzina Baba vedu Jehovha!
13-14. Muapostora Petro akadzidzei nezvenyaya yekupfidza zvivi, uye akadzidzisei vamwe nezvazvo? (Onawo mufananidzo.)
13 Muapostora Petro akadzidza zvakawanda kubva kuna Jesu nezvekuregerera kunoita Jehovha vatadzi vanopfidza. Kakawanda, Petro aida kuregererwa uye Jesu aigara achimuregerera. Semuenzaniso, pashure pekunge Petro aramba Ishe wake katatu, akanetseka chaizvo. (Mat. 26:34, 35, 69-75) Asi Jesu paakamutswa, akazviratidza kuna Petro uye anofanira kunge akazviita vari pavo vega. (Ruka 24:33, 34; 1 VaK. 15:3-5) Jesu aiziva kuti Petro akanga apfidza uye aida kuti azive kuti akanga amuregerera.—Ona Mako 16:7 uye study note yakanzi and Peter,” iri pavhesi iyoyo muBhaibheri reChirungu rekudzidza.
14 Zvakaitika kuna Petro zvakamubatsira kuti adzidzise vamwe nezvekuregerera kunoita Jehovha vatadzi vanenge vapfidza. Pane imwe nguva pashure pemutambo wePendekosti, Petro akataura pamberi pevaJudha vakanga vakaungana achivatsanangurira kuti vakanga vauraya Mesiya. Asi akavakurudzira zvine rudo kuti: “Saka pfidzai zvivi zvenyu, mutendeuke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva yekuzorodzwa iuye ichibva kuna Jehovha pachake.” (Mab. 3:14, 15, 17, 19) Apa Petro akaratidza kuti kupfidza kunoita kuti mutadzi atendeuke, kureva kuti achinje mafungiro ake nemaitiro ake, otanga kurarama upenyu hutsva hunofadza Mwari. Muapostora Petro akaratidzawo kuti Jehovha aizodzima zvivi zvavo. Papera makumi emakore, Petro akaudza vaKristu kuti: “Jehovha . . . ane mwoyo murefu nemi nekuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike [pakupfidza.]” (2 Pet. 3:9) Izvozvo zvinonyaradza chaizvo vaKristu pavanoita zvivi, kunyange zvakakura!
15-16. (a) Pauro akadzidzei nezvekuregerera? (1 Timoti 1:12-15) (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?
15 Sauro wekuTaso akaita zvivi zvakakura uye aifanira kupfidza kuti aregererwe. Akatambudza vaKristu zvine utsinye. VaKristu vakawanda vanogona kunge vaifunga kuti haabatsiriki uye kuti akanga asingakwanisi kupfidza zvivi zvake. Asi Jesu aiziva kuti Sauro aigona kuchinja, osiya zvivi zvake. Iye naBaba vake vakaona unhu hwakanaka hwaiva naSauro. Jesu akati: “Murume uyu mudziyo wakasarudzwa.” (Mab. 9:15) Jesu akatoshandisa chishamiso kuti abatsire Sauro kuti apfidze zvivi zvake. (Mab. 7:58–8:3; 9:1-9, 17-20) Paakanga ava muKristu, Sauro, uyo akazozivikanwa semuapostora Pauro, aiwanzotaura achitenda nyasha netsitsi dzaakaratidzwa. (Verenga 1 Timoti 1:12-15.) Muapostora wacho akadzidzisa hama dzake kuti: “Mwari ari kuratidza mutsa wake achiedza kuita kuti mupfidze zvivi zvenyu.”—VaR. 2:4.
16 Pane imwe nguva Pauro akanzwa kuti ungano yevaKorinde yakanga yabvumira murume aiita upombwe kuti arambe ari muungano. Pauro akavaudza kuti vaitei? Zvaakavaudza zvinogona kutidzidzisa kuti Jehovha anoratidza sei rudo paanoruramisa vashumiri vake uye kuti anovaratidza sei tsitsi pavanopfidza zvivi zvavo. Uyewo tinogona kudzidza kuti tingamutevedzera sei. Munyaya inotevera, tichakurukura zvakaitika muungano iyoyo yevaKorinde.
RWIYO 33 Kanda Mutoro Wako Pana Jehovha
a Izvi hazvina pamwe pazvakamboitika. Mazuva ano, Jehovha haatarisiri hake kuti kana munhu akaita upombwe, mumwe wake waanenge atadzira arambe achigara naye. Jehovha akatoudza Mwanakomana wake kuti ataure kuti munhu anenge atadzirwa anogona kusarudza kurambana nemumwe wake kana achida hake.—Mat. 5:32; 19:9.
b Ona nyaya yakanzi, “Kukanganwira kwaJehovha Kunokubatsira Sei?” iri muNharireyomurindi yaNovember 15, 2012, mapeji 21-23, ndima 3-10.