Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 35

RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika

Kubatsira Vaya Vanenge Vabviswa Muungano

Kubatsira Vaya Vanenge Vabviswa Muungano

[Kuchava] nemufaro mukuru kudenga pamusoro pemutadzi mumwe chete anopfidza zvivi zvake, kupfuura kufarirwa kunoitwa vanhu 99 vakarurama vasina zvivi zvavari kufanira kupfidza.”RUKA 15:7.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti nei vamwe vachifanira kubviswa muungano uye kuti vakuru vangabatsira sei vanhu vakadaro kuti vapfidze vodzoka kuna Jehovha.

1-2. (a) Jehovha anoona sei vanhu vanoita zvivi vasingapfidzi? (b) Jehovha anoda kuti vatadzi vaite sei?

 JEHOVHA haasi Mwari anobvumira zvese zvese; anovenga chivi. (Pis. 5:​4-6) Anotarisira kuti tiremekedze mitemo yake yakarurama iri muShoko rake. Asi Jehovha anoziva kuti tiri vanhu vanotadza saka haatarisiri kuti tisatombokanganisa. (Pis. 130:​3, 4) Kunyange zvakadaro, anoranga ‘vanhu vasingadi Mwari uye vanoshandisa nyasha dzake zvisiri izvo kuti vaite zvinhu zvakafumuka.’ (Jud. 4) Ndosaka Bhaibheri richitaura ‘nezvekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari’ pahondo yeAmagedhoni.—2 Pet. 3:7; Zvak. 16:16.

2 Kunyange zvakadaro, Jehovha haana waanoda kuti aparadzwe. Sezvatakakurukura munyaya dziri mumagazini ino, Bhaibheri rinoratidza pachena kuti anoda kuti “vanhu vese vasvike [pakupfidza].” (2 Pet. 3:9) Vakuru vanotevedzera Jehovha pavanoedza kubatsira vatadzi nemwoyo murefu kuti vachinje nzira dzavo vodzoka kwaari. Asi havasi vatadzi vese vanopfidza zvivi zvavo. (Isa. 6:9) Vamwe vanoramba vachiita zvakaipa pasinei nekuti vakuru vanenge vaedza kakawanda kuvabatsira kuti vapfidze zvivi zvavo. Pakadaro, vakuru vanofanira kuita sei?

“BVISAI MUNHU AKAIPA”

3. (a) Bhaibheri rinoti vatadzi vasingapfidzi vanofanira kuitwa sei? (b) Nei tichigona kuti mutadzi wacho anenge azvisarudzira ega kubviswa muungano?

3 Kana mutadzi akaramba kupfidza, vakuru vanenge vava kufanira kutevedzera zvinotaurwa pana 1 VaKorinde 5:13 zvekuti: “Bvisai munhu akaipa pakati penyu.” Tingatoti, mutadzi wacho anenge azvisarudzira ega kubviswa muungano; anenge ari kukohwa zvaakadyara. (VaG. 6:7) Nei tichidaro? Nekuti pasinei nekuti vakuru vakaedza kakawanda kumubatsira kuti asvike pakupfidza, munhu wacho akaramba. (2 Madz. 17:​12-15) Zvaakaita zvinoratidza kuti akazvisarudzira ega kuti haasi kuda kurarama maererano nemitemo yaJehovha.—Dheut. 30:​19, 20.

4. Nei ungano ichiziviswa kana mutadzi asingapfidzi abviswa muungano?

4 Kana mutadzi asingapfidzi akabviswa muungano, ungano inoziviswa kuti haasisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. a Chinangwa chechiziviso ichocho hachisi chekunyadzisa mutadzi wacho. Asi ndechekuti ungano ikwanise kutevedzera zvinotaurwa muMagwaro zvekuti ‘isafambidzana’ nemunhu iyeye “kunyange kudya” naye. (1 VaK. 5:​9-11) Pane chikonzero chakanaka chekuti ungano iite izvi. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mbiriso shomanana inovirisa mukanyiwa wese.” (1 VaK. 5:6) Kana vatadzi vasingapfidzi vakasabviswa muungano, vaya vanenge vachiedza kuteerera mitemo yaJehovha vanogona kutanga kufunga kuti hapana hapo chikonzero chekuti varambe vachiiteerera.—Zvir. 13:20; 1 VaK. 15:33.

5. Tinofanira kuona sei munhu anenge abviswa muungano, uye nei tichifanira kudaro?

5 Saka tinofanira kuona sei munhu watinonamata naye anenge abviswa muungano? Kunyange zvazvo tisingafambidzane naye, hatimuone sekuti haachabatsiriki asi tinomuona segwai rakarasika. Gwai rakarasika rinogona kudzoka kune mamwe. Yeuka kuti munhu iyeye akazvitsaurira kuna Jehovha. Kungoti panguva ino haasi kurarama maererano nekuzvitsaurira kwaakaita uye izvozvo zvine ngozi. (Ezek. 18:31) Asi chero bedzi nguva ichiripo uye Jehovha achida kumuratidza ngoni, pane tariro yekuti anogona kudzoka. Vakuru vanoratidza sei kuti vane tariro iyoyo kunyange kumutadzi anenge abviswa muungano?

VAKURU VANOBATSIRA SEI VAYA VANENGE VABVISWA MUUNGANO?

6. Matanho api anotorwa nevakuru kuti vabatsire munhu anenge abviswa muungano?

6 Kana munhu akabviswa muungano vakuru vanobva vangomusiya here, vasina kana zvavanomboita kuti vamubatsire kudzoka kuna Jehovha? Aiwa! Komiti yevakuru painenge ichiudza mutadzi asingapfidzi kuti ava kubviswa muungano, inomutsanangurira matanho aanofanira kutora kuti adzoke. Asi vakuru vacho havangogumiri ipapo. Kazhinji, vanoudza mutadzi wacho kuti vachada kuonana naye zvakare papera mwedzi mishoma kuti vaone kana achinja mafungiro ake. Kana mutadzi wacho akabvuma kuonana navo zvakare, vakuru vachamukurudzira zvine rudo kuti apfidze zvivi zvake odzoka. Kunyange kana asati achinja mafungiro ake pavanomuona, vakuru vacharamba vachiedza kuonana naye zvakare kuti vamubatsire.

7. Vakuru vanoratidza sei tsitsi dzaJehovha mumwe munhu paanobviswa muungano? (Jeremiya 3:12)

7 Vakuru vanoedza kutevedzera tsitsi dzaJehovha mumwe munhu paanobviswa muungano. Semuenzaniso, vaIsraeri pavakanga vatsauka, Jehovha haana kumirira kuti vatange ivo kutora matanho ekudzoka kwaari. Asi ndiye akatotanga kuedza kuvabatsira vasati vatomboratidza kuti vakanga vapfidza zvivi zvavo. Sezvatakaona munyaya yechipiri mumagazini ino, Jehovha paakaudza muprofita Hosiya kuti aende kunoyanana nemudzimai wake, uyo akanga achiri kuita chivi, aitoratidza kuti ndiMwari ane tsitsi. (Hos. 3:1; Mar. 3:7) Vakuru vanotevedzera Jehovha, saka vanoda chaizvo kuti mutadzi adzoke uye havatomboiti kuti zvimuomere kudzoka.—Verenga Jeremiya 3:12.

8. Mufananidzo waJesu wemwanakomana akarasika unotibatsira sei kuwedzera kunzwisisa tsitsi nengoni dzaJehovha? (Ruka 15:7)

8 Yeuka mufananidzo wakataurwa naJesu wemwanakomana akarasika watakakurukura munyaya yechipiri iri mumagazini ino. Baba vake pavakamuona achidzoka kumba ‘vakamhanya vakamumbundira, vakamutsvoda zvinyoronyoro.’ (Ruka 15:20) Ona kuti baba ava havana kumirira kuti mwanakomana wavo aite zvekukumbira kuregererwa. Asi ndivo vakatotanga kumuregerera, sezvaizongoita baba vane rudo. Izvi ndizvo zvinoedza kuitwawo nevakuru kune vaya vanenge vabviswa muungano. Vanoda kuti makwai aya akarasika adzoke kudanga. (Ruka 15:​22-24, 32) Kunova nemufaro kudenga kana mutadzi mumwe chete akadzoka, uye panovawo nemufaro panyika!—Verenga Ruka 15:7.

9. Jehovha anokurudzira vatadzi kuti vaitei?

9 Kusvika patasvika pari zvino, zviri pachena kuti Jehovha haangosiyi vatadzi vasingapfidzi vari muungano. Kunyange zvakadaro, anoda kuvabatsira. Anoda kuti vadzoke. Maonero anoita Jehovha vatadzi vanenge vapfidza anoratidzwa pana Hosiya 14:​4, apo panoti: “Ndichavabatsira kuti vavezve vanhu vakatendeka. Ndichavada ndega zvichibva pamwoyo, nekuti handisisina kuvatsamwira.” Mashoko aya anofanira kuita kuti vakuru vade chaizvo kugara vachicherechedza kana paine chiri kuratidza kuti mutadzi ava kutanga kupfidza. Uye mashoko aya anofanira kuitawo kuti vaya vakasiya Jehovha vade kukurumidza kudzoka.

10-11. Vakuru vachabatsira sei vaya vava nenguva yakareba vabviswa muungano?

10 Ko zvakadini nevaya, zvimwe vava nemakore akawanda vabviswa muungano? Vanhu vakadaro vanogona kunge vasisatomboite chivi chakaita kuti vabviswe mungano. Uye dzimwe nguva, vanogona kunge vasisatomboyeuke kuti nei vakabviswa. Pasinei nekuti munhu ava nenguva yakareba sei abviswa muungano, vakuru vachaedza kumutsvaga vomushanyira. Pavanoshanya, vakuru vachakumbira kuti vanyengetere naye uye vachamukurudzira zvakanakanaka kuti adzoke muungano. Kana munhu aita makore akawanda asiri muungano, anenge asisina kusimba pakunamata. Saka kana akaratidza kuti ari kuda kudzoka muungano, vakuru vanogona kuronga kuti mumwe munhu adzidze naye Bhaibheri, kunyange zvazvo asati atombodzorerwa. Asi nguva dzese, vakuru ndivo vachaita urongwa hwekuti adzidziswe Bhaibheri.

11 Vachitevedzera tsitsi dzaJehovha, vakuru vanoedza kubatsira vanhu vakawanda kuti vadzoke kuna Jehovha nguva ichiripo. Kana mutadzi akangoratidza kuti apfidza uye asiya mabasa ake akaipa, anogona kudzorerwa muungano.—2 VaK. 2:​6-8.

12. (a) Vakuru vanofanira kungwarirei vasati vadzorera munhu muungano? (b) Nei tisingafaniri kufunga kuti pane vamwe vatadzi vasingambofi vakaregererwa naJehovha? (Onawo mashoko emuzasi.)

12 Dzimwe nguva, vakuru vanofanira kunyatsongwarira vasati vadzorera mumwe munhu muungano. Semuenzaniso, kana munhu akabviswa muungano nemhaka yekuti akashungurudza mwana, akatsauka pakutenda, kana kuti akaita zvekuronga kuti adambure muchato newaakanga akaroorana naye, vakuru vanofanira kunyatsova nechokwadi chekuti apfidza zvepachokwadi. (Mar. 2:14; 2 Tim. 3:6) Vanofanira kudzivirira makwai. Asi panguva imwe chete, vanofanira kuyeuka kuti Jehovha anogamuchira chero mutadzi anenge apfidza zvepachokwadi uye asiya mabasa ake akaipa. Saka kunyange zvazvo vakuru vachifanira kungwarira vasati vadzorera muungano vaya vakabata vamwe zvine utsinye kana kuti neunyengeri, havafaniri kusvika pakutaura kuti pane vamwe vatadzi vasingambofi vakaregererwa naJehovha. b1 Pet. 2:10.

ZVINGAITWA NEUNGANO

13. Musiyano upi uripo pamabatiro atinoita munhu anenge atsiurwa nevakuru neuya anenge abviswa muungano?

13 Sezvatakakurukura munyaya yakapfuura, dzimwe nguva panopiwa chiziviso chekuti mumwe munhu atsiurwa. Pakadaro, tinoramba tichishamwaridzana naye, tichiziva kuti akapfidza uye akasiya mabasa ake akaipa. (1 Tim. 5:20) Anenge achiri muungano uye anoda kukurudzirwa nekuwadzana nehama nehanzvadzi dzake. (VaH. 10:​24, 25) Asi izvi zvakasiyana nezvatinoita kana munhu akabviswa muungano. Tinorega “kufambidzana” naye “kunyange kudya nemunhu akadaro.”—1 VaK. 5:11.

14. VaKristu vangashandisa sei hana dzavo dzakadzidziswa neBhaibheri pamabatiro avanoita vaya vakabviswa muungano? (Onawo mufananidzo.)

14 Zvatakurukura izvi zvinoreva here kuti hatitombotaure zvachose nemunhu anenge abviswa muungano? Aiwa. Hatifambidzane nemunhu akadaro. Asi vaKristu vanogona kushandisa hana yavo yakadzidziswa neBhaibheri pakusarudza kuti vokoka here kumisangano munhu akabviswa muungano, zvimwe weukama kana kuti mumwe munhu aiva pedyo navo. Ko kana munhu wacho akauya kumisangano, tinoita sei? Kare taisakwazisa munhu akadaro. Asi iye zvino muKristu mumwe nemumwe anofanira kushandisa hana yake yakadzidziswa neBhaibheri panyaya iyi. Vamwe vanogona kunzwa vakasununguka kukwazisa munhu wacho kana kumugamuchira kumisangano. Asi hatizoite nyaya naye kana kutandara naye tichiita zvimwe zvinhu.

VaKristu vanoshandisa hana dzavo dzakadzidziswa neBhaibheri pavanenge vachisarudza kuti vokoka munhu anenge abviswa muungano kumisangano here kana kuti vomukwazisa here paanouya kumisangano (Ona ndima 14)


15. Pana 2 Johani 9-11 panotaura nezvevatadzi vakaita sei? (Onawo bhokisi rakanzi “ Johani naPauro Vaitaura Nezvechivi Chakafanana Here?”)

15 Vamwe vanogona kufunga kuti: ‘Asi handizvo here kuti Bhaibheri rinotaura kuti kana muKristu akakwazisa munhu akadaro anenge achibatana naye mumabasa ake akaipa?’ (Verenga 2 Johani 9-11.) Mamwe mavhesi akapoteredza anoratidza kuti Johani aitaura nezvevanhu vakatsauka pakutenda uye vaya vanenge vachiedza kunyengera vamwe kuti vaitewo zvisingadiwi neBhaibheri. (Zvak. 2:20) Saka kana munhu ari kuparadzira dzidziso dzevakatsauka pakutenda kana kuti ari kuedza kunyengera vamwe kuti vaite zvinhu zvakaipa, vakuru havaite urongwa hwekumushanyira. Asi izvi hazvirevi hazvo kuti hapasisina tariro yekuti achapengenuka. Asi kana asati apengenuka, hatikwazise munhu akadaro kana kumukoka kumisangano.

KUTEVEDZERA TSITSI NENGONI DZAJEHOVHA

16-17. (a) Jehovha anoda kuti vatadzi vaitei? (Ezekieri 18:32) (b) Vakuru vangaitei kuti vashande pamwe chete naJehovha pakubatsira vatadzi?

16 Tadzidzei munyaya shanu dzakurukurwa mumagazini ino? Jehovha haana waanoda kuti aparadzwe! (Verenga Ezekieri 18:32.) Anoda kuti vatadzi vayanane naye. (2 VaK. 5:20) Ndosaka kubvira kare Jehovha aigara achikurudzira vashumiri vake vainge vatsauka kuti vapfidze zvivi zvavo, vodzoka kwaari. Vakuru veungano vane chikomborero chekushanda pamwe chete naJehovha pakubatsira vatadzi kuti vasvike pakupfidza.—VaR. 2:4; 1 VaK. 3:9.

17 Fungidzira mufaro unovako kudenga vatadzi pavanopfidza! Baba vedu vekudenga Jehovha, vanofarawo pese panodzoka gwai rinenge rarasika kuungano. Patinofungisisa nezvetsitsi, ngoni, uye nyasha dzaJehovha, kuda kwatinomuita kunowedzera.—Ruka 1:78.

RWIYO 111 Zvinoita Kuti Tifare

a Hatichatauri nezvevanhu ivavo tichivati vakadzingwa. Maererano nemashoko aPauro ari pana 1 VaKorinde 5:​13, tava kuvati vakabviswa muungano.

b Bhaibheri rinotaura kuti pane vamwe vanhu vasingazomboregererwi. Vanhu vakadaro vanenge vatosarudza kuti vachagara vachingoita zvinopikisana nezvinodiwa naMwari. Jehovha naJesu chete ndivo vanogona kutaura kuti mumwe munhu haasi kuzomboregererwa.—Mako 3:29; VaH. 10:​26, 27.