Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 34

RWIYO 107 Muenzaniso waMwari Werudo

Kuratidza Rudo Uye Kunzwira Tsitsi Vatadzi

Kuratidza Rudo Uye Kunzwira Tsitsi Vatadzi

“Mwari ari kuratidza mutsa wake achiedza kuita kuti upfidze zvivi zvako.”VAR. 2:4.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti vakuru vanobatsira sei munhu ari muungano anenge aita chivi chakakura.

1. Munhu anenge aita chivi chakakura anogona kubatsirwa kuti aitei?

 MUNYAYA yakapfuura, takadzidza zvakataurwa nemuapostora Pauro nezvemabatiro aifanira kuita ungano yevaKorinde nyaya yemurume akanga aita chivi chakakura. Mutadzi wacho haana kupfidza zvivi zvake uye aifanira kubviswa muungano. Asi sezviri kuratidzwa nerugwaro rwuri kutungamirira nyaya ino, munhu anenge aita chivi chakakura anogona kubatsirwa kuti asvike pakupfidza zvivi zvake. (VaR. 2:4) Vakuru vangabatsira sei vatadzi kuti vasvike pakupfidza?

2-3. Tinofanira kuita sei kana tikaziva kuti mumwe munhu watinonamata naye akaita chivi chakakura, uye nei tichifanira kudaro?

2 Kana vakuru vasingazivi kuti munhu aita chivi chakakura, havakwanisi kumubatsira. Saka tinofanira kuita sei kana tikaziva kuti mumwe munhu watinonamata naye akaita chivi chakakura chinogona kuita kuti apedzisire abviswa muungano? Tinofanira kumukurudzira kuti aende kunobatsirwa nevakuru.—Isa. 1:18; Mab. 20:28; 1 Pet. 5:2.

3 Ko kana mutadzi akaramba kuenda kunotaura nevakuru? Pakadaro, tisu tinofanira kuenda kunoudza vakuru kuitira kuti munhu iyeye awane rubatsiro rwaanoda. Kuita izvozvo kunenge kuri kuratidza kuti tinoda hama kana hanzvadzi yedu uye kuti hatidi kurasikirwa nayo. Kana mutadzi akasachinja mararamiro ake, izvozvo zvinotowedzera kukanganisa ushamwari hwake naJehovha. Anogona kukanganisawo mukurumbira wakanaka weungano. Saka kuda kwatinoita Jehovha uye mutadzi wacho kunoita kuti tive neushingi hwekunotaura kuvakuru.—Pis. 27:14.

VAKURU VANOBATSIRA SEI MUNHU ANENGE AITA CHIVI CHAKAKURA?

4. Chinangwa chevakuru ndechei pavanoonana nemutadzi anenge aita chivi chakakura?

4 Kana mumwe munhu ari muungano akaita chivi chakakura, dare revakuru rinoumba komiti yehama nhatu kuti ionane nemunhu wacho. a Hama idzi dzinofanira kunge dzichizvininipisa uye dziine mwero. Kunyange zvazvo vachizoedza kubatsira mutadzi kuti apfidze zvivi zvake, vanoziva kuti havakwanisi kumumanikidza kuti achinje maitiro ake. (Dheut. 30:19) Vakuru vanoziva kuti havasi vatadzi vese vachabvuma kubatsirwa sezvakaita Mambo Dhavhidhi. (2 Sam. 12:13) Vamwe vatadzi vanogona kusarudza kusateerera Jehovha. (Gen. 4:​6-8) Kunyange zvakadaro, chinangwa chevakuru ndechekubatsira mutadzi kuti asvike pakupfidza zvivi zvake. Zvii zvinogona kubatsira vakuru pavanenge vachikurukura nemutadzi?

5. Vakuru vanofanira kuyeukei pavanoonana nemutadzi? (2 Timoti 2:​24-26) (Onawo mufananidzo.)

5 Vakuru vanoziva kuti mutadzi akafanana negwai rinenge rarasika uye kuti achiri kukosha kuna Jehovha. (Ruka 15:​4, 6) Saka pavanoonana nemutadzi, havatauri naye nehasha kana kumubata zvisina kunaka, uye vanoziva kuti chinangwa hachisi chekungobvunzurudza munhu opindura achitaura zvakaitika. Asi vanoedza kuita zvinotaurwa pana 2 Timoti 2:​24-26. (Verenga.) Vakuru vanoramba vachiratidza unyoro uye vachibata munhu wacho zvakanaka vaine chinangwa chekumubatsira kuchinja mafungiro ake.

Kungofanana nevafudzi vekare, vakuru vanoedza zvese zvavanogona kuti vabatsire gwai rinenge rarasika (Ona ndima 5)


6. Vakuru vanogadzirira sei mwoyo yavo vasati vaonana nemutadzi? (VaRoma 2:4)

6 Vakuru vanogadzirira mwoyo yavo. Vanoedza kutevedzera Jehovha pazvese zvavachaita pakubatsira mutadzi, vachiyeuka mashoko aPauro ekuti: “Mwari ari kuratidza mutsa wake achiedza kuita kuti upfidze zvivi zvako.” (Verenga VaRoma 2:4.) Vakuru vanofanira kuyeuka kuti basa ravo guru nderekuva vafudzi vachitungamirirwa naKristu. (Isa. 11:​3, 4; Mat. 18:​18-20) Vasati vaonana nemutadzi, vakuru vari mukomiti yacho vanonyengetera vachifunga nezvechinangwa chavo chekubatsira mutadzi kuti asvike pakupfidza. Vanotsvakurudza muMagwaro uye mumabhuku edu uyewo vanonyengetera kuti vakwanise kunyatsonzwisisa munhu wacho nenyaya yacho. Vanozvibvunzawo kuti zvii zvavanofanira kuziva nezvemunhu wacho zvingangodaro zvakaita kuti apedzisire ava nemafungiro aakava nawo uye kuti azopedzisira aita chivi.—Zvir. 20:5.

7-8. Vakuru vanotevedzera sei mwoyo murefu waJehovha pavanoonana nemutadzi?

7 Vakuru vanotevedzera mwoyo murefu waJehovha. Vanoyeuka zvakaitwa naJehovha paaiedza kubatsira vatadzi kare. Semuenzaniso, Jehovha akaudza Kaini zvaizoguma zvaitika kana akasateerera uye akamuudza zvaizoitika kana akateerera. (Gen. 4:​6, 7) Jehovha akabatsirawo Dhavhidhi achishandisa muprofita Natani, uyo akataura mufananidzo wakabaya mwoyo waDhavhidhi. (2 Sam. 12:​1-7) Uye Jehovha ‘akaramba achituma’ vaprofita vake kuti vabatsire vaIsraeri vakanga vasiri kumuteerera. (Jer. 7:​24, 25) Aisamirira vanhu vake kuti vatange vapfidza zvivi zvavo ozovabatsira. Asi ndiye aitotanga kutora matanho ekuvabatsira kuti vapfidze zvivi zvavo.

8 Vakuru vanotevedzera Jehovha pavanenge vari kuedza kubatsira mutadzi akaita chivi chakakura. Vanotaura naye vachimuratidza “mwoyo murefu” sezvavanokurudzirwa pana 2 Timoti 4:2. Saka mukuru anofanira kuramba akadzikama uye achiratidza mwoyo murefu nguva dzese kuti akwanise kubatsira mutadzi kuti ade kuita zvakarurama. Kana mukuru akaratidza kugumbuka kana kubhowekana, mutadzi anogona kusateerera zano raanenge achipiwa kana kuti anogona kutoramba kupfidza zvivi zvake.

9-10. Vakuru vanobatsira sei munhu anenge aita chivi chakakura kuti aone paakakanganisa?

9 Vakuru vanoedza kuongorora kuti chii chakaita kuti munhu wacho azopedzisira aita chivi chakakura. Semuenzaniso, inyaya here yekuti ushamwari hwake naJehovha hwakanga husisina kusimba nekuti akanga ava kuregeredza kudzidza ari ega kana kuita ushumiri? Akanga asingachanyengeteri kakawanda here kana kuti minyengetero yake yakanga isisabve pamwoyo? Akanga asisarwise zvido zvakaipa here? Haana kusarudza zvakanaka shamwari dzake uye zvinhu zvaaizvivaraidza nazvo here? Zvisarudzo izvozvo zvaakaita zvakakanganisa sei mafungiro ake? Anonzwisisa here kuti zvisarudzo zvaakaita, zvakaita kuti Baba vake Jehovha vanzwe sei?

10 Vakuru pavanobvunza mibvunzo yakadaro, asi vasingazoedzi kuda kuzivurura kese kese nezvenyaya yacho, vanogona kubatsira mutadzi kuti asvike pakuona ega kuti zvii zvakazoita kuti apedzisire aita chivi chakakura. (Zvir. 20:5) Uyewo sezvakaitwa naNatani paaibatsira Dhavhidhi, vanogona kutaura mifananidzo inobatsira munhu wacho kuti aone paakakanganisa. Kana vakuru vakaita izvi, munhu wacho anogona kutotanga kuratidza kuzvidemba pavanoonana naye kekutanga chaiko. Anotogona kupfidza.

11. Jesu akabatsira sei vatadzi?

11 Vakuru vanoedza kutevedzera Jesu. Paaibatsira Sauro wekuTaso, Jesu akamubvunza mubvunzo wakaita kuti afunge wekuti: “Sauro, Sauro, uri kunditambudzireiko?” Achishandisa mubvunzo uyu, Jesu akabatsira Sauro kuti aone kuti zvaakanga ari kuita zvakanga zvakaipa. (Mab. 9:​3-6) Uye kana ari “mukadzi uya Jezebheri,” Jesu akati: “Ndakamupa nguva yekuti achinje.”—Zvak. 2:​20, 21.

12-13. Vakuru vangaite sei kuti vape mutadzi nguva yekuti apfidze? (Onawo mufananidzo.)

12 Vachitevedzera Jesu, vakuru havakurumidze kufunga kuti mutadzi haasi kuzopfidza zvivi zvake. Kunyange zvazvo vamwe vachiratidza kupfidza pavanotanga kuonana nekomiti yevakuru, vamwe vangada kumbopiwa nguva. Saka vakuru vanogona kuronga kuti vazoonana zvakare nemutadzi wacho. Zvichida, pashure pekuonana naye kekutanga, mutadzi uya anogona kutanga kufunga pamusoro pezvinhu zvaakaudzwa. Anogona kunyengetera kuna Jehovha achikumbira ruregerero. (Pis. 32:5; 38:18) Saka pavanozoonana naye zvakare, mutadzi anogona kunge ava nemaonero akasiyana neaaiva nawo pavakatanga kumuona.

13 Kuti vabatsire mutadzi kuti asvike pakupfidza, vakuru vanofanira kumunzwira tsitsi uye kumubata zvakanaka. Vanonyengetera kuna Jehovha kuti akomborere zvavachaedza kuita vaine tarisiro yekuti mutadzi wacho achasvika pakuona paakakanganisa opfidza zvivi zvake.—2 Tim. 2:​25, 26.

Vakuru vanogona kuonana nemutadzi kanopfuura kamwe chete kuitira kuti vamupe nguva yekupfidza (Ona ndima 12)


14. Ndiani anoita kuti mutadzi apfidze zvivi zvake, uye nei tichidaro?

14 Kana mutadzi akapfidza, panova nemufaro mukuru! (Ruka 15:​7, 10) Ndiani anenge aita kuti mutadzi apfidze? Vakuru here? Yeuka zvakataurwa naPauro nezvevatadzi paakati: “Zvimwe Mwari anogona kuita kuti vapfidze zvivi zvavo.” (2 Tim. 2:25) Saka Jehovha, kwete vanhu, ndiye anobatsira muKristu kuti achinje mafungiro ake uye unhu hwake. Pauro akatsanangura zvinhu zvakanaka zvinoitika kana munhu akapfidza zvivi. Akati munhu wacho anogona kusvika pakuva neruzivo rwakarurama rwechokwadi, anogona kupengenuka uye anogona kupukunyuka misungo yaSatani.—2 Tim. 2:26.

15. Vakuru vanogona sei kuramba vachibatsira mutadzi anenge apfidza?

15 Mutadzi paanopfidza, komiti icharonga kuti munhu iyeye arambe achifudzwa kuti abatsirwe kurwisa misungo yaSatani uye kuti aruramise nzira dzetsoka dzake. (VaH. 12:​12, 13) Asi vakuru havaudzi chero munhu upi zvake kuti munhu wacho akaita chivi chei. Ko zvakadini neungano; ine here zvainofanira kuudzwa?

“VATSIURE PAMBERI PEVANHU VESE”

16. Maererano na1 Timoti 5:​20, Pauro aitaura nezvaani paakati “vanhu vese”?

16 Verenga 1 Timoti 5:20. Pauro akanyorera mashoko iwayo kuna Timoti, uyo aivawo mukuru, achimuudza nezvemabatiro aaifanira kuita “vaya vanoita chivi.” Airevei? Paakati “vanhu vese” akanga asiri hake kureva ungano yese. Asi akanga ari kureva vashoma vangangodaro vaiziva nezvechivi chakaitwa. Vanogona kunge vakaona chivi chacho chichiitwa kana kuti vanogona kunge vakaudzwa nemutadzi wacho. Vakuru vanongoudza vanhu ivavo chete kuti nyaya yacho yakaongororwa uye mutadzi wacho akaruramiswa.

17. Kana chivi chava kuzivikanwa nevakawanda muungano kana kuti chichigona kuzozivikanwa, mukuru anofanira kupa chiziviso chekutii, uye nei achifanira kudaro?

17 Dzimwe nguva, chivi chacho chinogona kunge chava kutozivikanwa nevanhu vakawanda muungano kana kuti chinogona kuzozivikanwa. Pakadaro, “vanhu vese” vanosanganisira ungano yese. Saka mumwe mukuru anozivisa ungano kuti hama kana kuti hanzvadzi yacho yatsiurwa. Nei vachifanira kudaro? Pauro anoti: “Kuti vamwe vese vasazozviita.”

18. Vakuru vachaita sei kana mwana akabhabhatidzwa akaita chivi chakakura? (Onawo mufananidzo.)

18 Vakuru vanoita sei kana mwana akabhabhatidzwa, ari pasi pemakore 18, akaita chivi chakakura? Dare revakuru richaronga kuti vakuru vaviri vaonane nemwana wacho pamwe chete nevabereki vake vari Zvapupu. b Vakuru vacho vachaedza kuziva kuti matanho api akatotorwa nevabereki kuti vaedze kubatsira mwana wacho kuti apfidze zvivi zvake. Kana mwana wacho akaratidza kuti ari kuteerera vabereki vake uye kuti ari kuchinja maitiro nemafungiro ake, vakuru vacho vaviri vanogona kusarudza kuti pasaumbwa komiti inoona nezvenyaya yacho. Izvi zvine musoro nekuti vabereki ndivo vakapiwa basa naMwari rekurayira vana vavo. (Dheut. 6:​6, 7; Zvir. 6:20; 22:6; VaE 6:​2-4) Vakuru vanozopota vachitaura nevabereki vacho kuti vave nechokwadi chekuti mwana wacho ari kuwana rubatsiro rwaanoda. Asi ko kana mwana wacho akaramba achiita chivi? Pakadaro, komiti yevakuru ichaonana naye pamwe chete nevabereki vake vari Zvapupu.

Kana mwana mudiki akaita chivi chakakura, vakuru vaviri vanoonana nemwana wacho pamwe chete nevabereki vake vari Zvapupu (Ona ndima 18)


“JEHOVHA ANE TSITSI HURU UYE ANE NGONI”

19. Vakuru vanoedza sei kutevedzera Jehovha pavanenge vachibatsira vanhu vanenge vaita zvivi?

19 Jehovha akapa vakuru basa rekuti vadzivirire ungano kubva kuvanhu vasingadi kuteerera mitemo yake. (1 VaK. 5:7) Asi vakuru vanoitawo zvese zvavanogona kuti vabatsire vatadzi kuti vasvike pakupfidza pese pazvinenge zvichiita. Saka pavanenge vachiedza kubatsira munhu, vanoramba vaine tariro yekuti achachinja. Nei vachidaro? Nekuti vanoda kutevedzera Jehovha, uyo “ane tsitsi huru uye ane ngoni.” (Jak. 5:11) Ona kuti muapostora Johani akaratidza sei kuti aiva nemafungiro akafanana neaJehovha. Akanyora kuti: “Vana vangu, ndiri kukunyorerai zvinhu izvi kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine mubatsiri ari kuna Baba, iye Jesu Kristu, akarurama.”—1 Joh. 2:1.

20. Tichakurukurei munyaya yekupedzisira yemagazini ino?

20 Zvinosuwisa kuti dzimwe nguva, muKristu anenge aita chivi anogona kuramba kupfidza. Kana zvakadaro zvikaitika, anofanira kubviswa muungano. Vakuru vanobata sei nyaya dzakadaro? Izvi ndizvo zvatichakurukura munyaya yekupedzisira yemagazini ino.

RWIYO 103 Vafudzi—Zvipo Zviri Varume

a Kare, komiti iyi yainzi dare rinotonga. Asi sezvo basa ravo risiri rekungotonga chete, hatichashandisi mashoko iwayo. Tava kungovadana kuti komiti yevakuru.

b Zviri kutaurwa nezvevabereki zvinoshandawo kuvanhu vane kodzero yepamutemo yekuchengeta mwana kana kuti vamwe vanhu vane basa rekurera mwana wacho.