Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 31

RWIYO 12 Mwari Mukuru, Jehovha

Zvakaitwa naJehovha Kuti Anunure Vanhu Pachivi Nerufu

Zvakaitwa naJehovha Kuti Anunure Vanhu Pachivi Nerufu

“Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga.”JOH. 3:16.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zviri kuitwa naJehovha kuti atibatsire kurwisa chivi uye zvaakaita kuti tikwanise kuzorarama nekusingaperi tisina chivi.

1-2. (a) Chii chinonzi chivi, uye tingasunungurwa sei pachiri? (Onawo “Kutsanangurwa Kweshoko.”) (b) Tichakurukurei munyaya ino nemune dzimwe nyaya dzese dziri mumagazini ino? (Onawo “Mashoko Kuvaverengi” ari mumagazini ino.)

 UNODA here kuziva kuti Jehovha anokuda zvakadii? Izvi ndizvo zvaunogona kuita kuti uzive kuti anokuda: Dzidza zvaakaita kuti akununure pachivi nerufu. Chivi a muvengi, uye haugoni kuchikunda uri wega. Tese tinotadza zuva rega rega, uye tinofa nemhaka yechivi. (VaR. 5:12) Asi pane mashoko akanaka. Tichibatsirwa naJehovha, tine chivimbo chekuti tichasunungurwa pachivi nerufu.

2 Jehovha Mwari ava nemakore anenge 6 000 achibatsira vanhu kuti varwise chivi. Nei ari kudaro? Nekuti anotida. Jehovha agara achida vanhu kubvira paakavasika, uye rudo irworwo ndirwo rwakaita kuti aite zvakawanda kuti avabatsire pavanotadza. Mwari anoziva kuti chivi chinokonzera rufu uye haadi kuti tife. Anoda kuti tirarame nekusingaperi. (VaR. 6:23) Anoda kuti iwewe urarame nekusingaperi. Munyaya ino tichakurukura mibvunzo mitatu inoti: (1) Jehovha akaita sei kuti vanhu vane chivi vave netariro? (2) Vanhu vane chivi vanotaurwa muBhaibheri vakaita sei kuti vafadze Jehovha? (3) Jesu akaitei kuti anunure vanhu pachivi nerufu?

JEHOVHA AKAITA SEI KUTI VANHU VANE CHIVI VAVE NETARIRO?

3. Chii chakaita kuti Adhamu naEvha vaite chivi?

3 Jehovha paakasika murume nemukadzi vekutanga, aida kuti vafare. Akavapa musha wakanaka, chipo chewanano, uye basa rainakidza chaizvo. Aida kuti vazadze nyika nevana vavo, voita kuti pasi rese rive paradhiso sezvakanga zvakangoita munda weEdheni. Akangovapa mutemo mumwe chete wavaifanira kuteerera. Uye akavayambira kuti kana vakasarudza kusateerera mutemo iwoyo, vaizofa. Tinoziva zvakaitika. Chimwe chisikwa chemweya, icho chakanga chisingadi Mwari uye chisingavadi, chakauya chikavanyengera kuti vasateerera Mwari. Adhamu naEvha vakabvuma kunyengerwa. Vakatadza kuvimba naBaba vavo vane rudo. Pane kuti vavateerere, vakaita chivi. Sezvatinoziva, zvakataurwa naJehovha zvakaitika. Kusateerera kwaAdhamu naEvha kwakaita kuti vatambure kweupenyu hwavo hwese. Vakakwegura uye vakazofa.—Gen. 1:​28, 29; 2:​8, 9, 16-18; 3:​1-6, 17-19, 24; 5:5.

4. Nei Jehovha achivenga chivi uye achitibatsira kuti tichirwise? (VaRoma 8:​20, 21)

4 Jehovha akaita kuti nyaya iyoyo inosuwisa inyorwe muBhaibheri kuitira kuti tinzwisise chimwe chinhu chinokosha. Inotibatsira kunzwisisa chikonzero nei achivenga chivi. Chivi chinotiparadzanisa naBaba vedu uye chinokonzera rufu. (Isa. 59:2) Satani anovenga Jehovha uye vanhu. Ndosaka akanyengera Adhamu naEvha kuti vaite chivi uye anoramba achinyengera vanhu mazuva ano. Saka pakatadza Adhamu naEvha, Satani anogona kunge akafunga kuti akanga abudirira pakuita kuti chinangwa chaMwari chisazadziswe. Asi akanga asinganzwisisi rudo rwuna Jehovha. Jehovha akaramba aine chido chekuzadzisa chinangwa chake kuvana vaAdhamu naEvha. Anoda vanhu, saka akabva akurumidza kuita kuti vanhu vese vave netariro. (Verenga VaRoma 8:​20, 21.) Jehovha aiziva kuti vamwe vana vaAdhamu vaizosarudza kumuteerera uye kumuda. Uye sezvo ari Baba vavo uye Musiki wavo, aizoita urongwa hwekuti vasunungurwe pachivi uye vaswedere pedyo naye. Urongwa hupi hwaaizoita?

5. Ndiriini Jehovha paakatanga kupa vanhu tariro? Tsanangura. (Genesisi 3:15)

5 Verenga Genesisi 3:15. Jehovha akatanga kupa vanhu tariro paakapa Satani mutongo wake. Mwari akataura kuti paizova “nemwana” aizoponesa vanhu. Mwana uyu aizoparadza Satani, achigadzirisa zvese zvakanga zvavhiringwa muEdheni. (1 Joh. 3:8) Asi Satani aizotanga amuruma pachitsitsinho, kana kuti kumuuraya. Izvi zvaizorwadza Jehovha zvikuru. Asi Jehovha ainge akazvipira kurwadziwa uye kusiya mwana wake achitambura kuitira kuti aponese vanhu.

VANHU VANE CHIVI VANOTAURWA MUBHAIBHERI VAKAITA SEI KUTI VAFADZE JEHOVHA?

6. Varume vaiva nekutenda vakadai saAbheri naNoa, vakaitei kuti vaswedere pedyo naJehovha?

6 Nekufamba kwaiita nguva, Jehovha akaramba achijekesa kuti vanhu vane chivi vaifanira kuita sei kuti vaswedere pedyo naye. Abheri, mwanakomana wechipiri waAdhamu naEvha, ndiye aiva munhu wekutanga kuratidza kutenda muna Jehovha pashure pekunge vabereki vake vapandukira Mwari muEdheni. Abheri aida Jehovha, aida kumufadza, uye aida kuswedera pedyo naye saka akapa chibayiro. Abheri aiva mufudzi saka akatora mamwe makwai ake akatanga kuberekwa, akaauraya ndokuapa sechibayiro kuna Jehovha. Jehovha akanzwa sei? “Akafarira Abheri nemupiro wake.” (Gen. 4:4) Akaratidzawo kuti aifarira zvibayiro zvakapiwa nevanhu vaimuda uye vaivimba naye vakadai saNoa. (Gen. 8:​20, 21) Jehovha paakagamuchira zvibayiro izvozvo, airatidza kuti vanhu vane chivi vanokwanisa kufarirwa naye uye kuswedera pedyo naye. b

7. Tinodzidzei kubva pane kuzvipira kwakaitwa naAbrahamu kupa mwanakomana wake sechibayiro?

7 Jehovha akakumbira Abrahamu, uyo aiva murume aiva nekutenda kunoshamisa, kuti aite chimwe chinhu chakanga chakaoma chaizvo. Akamukumbira kuti ape mwanakomana wake Isaka sechibayiro. Izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti Abrahamu ashungurudzike chaizvo. Kunyange zvakadaro, Abrahamu akasarudza kuteerera Jehovha. Abrahamu paakanga ava kuda kuuraya mwanakomana wake, Mwari akabva amuti arege. Nyaya iyoyo inodzidzisa vanhu vese vane kutenda chimwe chokwadi chinokosha chekuti Jehovha aizozvipira kupa Mwanakomana wake waanoda sechibayiro. Izvozvo zvinoratidza kuti Jehovha anoda vanhu chaizvo.—Gen. 22:​1-18.

8. Zvibayiro zvemhuka zvaitaurwa neMutemo kuti zvaifanira kupiwa zvairatidzei? (Revhitiko 4:​27-29; 17:11)

8 Papera mazana emakore, maererano neMutemo wakapiwa rudzi rwevaIsraeri, vanhu vaMwari vaifanira kupa zvibayiro zvemhuka kuti vayananise zvivi zvavo. (Verenga Revhitiko 4:​27-29; 17:11.) Zvibayiro izvozvo zvairatidza kuti Jehovha aizopa chibayiro chikuru pane zvese, icho chaizoponesa vanhu pachivi zvachose. Achitaura nezveMwanakomana wake anokosha, Mwari akaudza vaprofita vake kuti vanyore nezvemwana akavimbiswa. Vaprofita vacho vakatsanangura kuti mwana iyeye, aizofanira kutambura ourayiwa. Aizourayiwa segwai rechibayiro. (Isa. 53:​1-12) Chimbozvifunga: Jehovha akavimbisa kuti aizopa Mwanakomana wake waanoda sechibayiro kuti aponese vanhu, kusanganisira iwewe, kubva pachivi nerufu!

ZVII ZVAKAITWA NAJESU KUTI APONESE VANHU?

9. Johani Mubhabhatidzi akatii nezvaJesu? (VaHebheru 9:22; 10:​1-4, 12)

9 Mugore ra29 C.E., Johani Mubhabhatidzi akaona Jesu wekuNazareta akati: “Onai, Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!” (Joh. 1:29) Mashoko iwayo akafemerwa akaratidza kuti Jesu ndiye aiva mwana akanga avimbiswa. Aizopa chibayiro chakanga chavimbiswa. Iye zvino mwana akavimbiswa akanga auya kuti aponese vanhu pachivi zvachose.—Verenga VaHebheru 9:22; 10:​1-4, 12.

10. Jesu akaratidza sei kuti akanga auya “kuzoshevedza” vatadzi?

10 Jesu aiisa pfungwa pakubatsira vanhu vakanga vakaremerwa nezvivi uye aivapa mukana wekuti vave vateveri vake. Aiziva kuti chivi ndicho chaiita kuti vanhu vatambure. Saka aibatsira varume nevakadzi vaizivikanwa kuti vaiva vatadzi. Achishandisa mufananidzo akatsanangura kuti: “Vanhu vane utano hwakanaka havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.” Akawedzera kuti: “Handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi.” (Mat. 9:​12, 13) Izvozvo ndizvo zvaiitwa naJesu. Mumwe mukadzi paakageza tsoka dzaJesu nemisodzi yake, Jesu akataura naye zvakanakanaka uye akamuregerera zvivi zvake. (Ruka 7:​37-50) Akadzidzisa mukadzi muSamariya chokwadi chinokosha pavaiva patsime, kunyange zvazvo aiziva kuti mukadzi wacho aigara nemurume asiri wake. (Joh. 4:​7, 17-19, 25, 26) Mwari akatopa Jesu simba rekuti abvise rufu urwo runokonzerwa nechivi. Saka Jesu aimutsa vanhu vakanga vafa, vangava varume kana vakadzi, vana kana kuti vanhu vakuru.—Mat. 11:5.

11. Nei vanhu vaiita zvivi vaifarira kuva naJesu?

11 Saka hazvishamisi kuti kunyange vanhu vaiita zvivi vaifarira kuva naJesu. Aivanzwisisa uye aivanzwira tsitsi. Vainzwa vakasununguka kutaura naye. (Ruka 15:​1, 2) Jesu aiitira zvakanaka vanhu vakadaro pavairatidza kutenda maari uye aivarumbidzawo. (Ruka 19:​1-10) Akanyatsoratidza vanhu tsitsi sezvinoitwa naBaba vake. (Joh. 14:9) Zvaakataura uye zvaaiita zvakaratidza kuti Baba vake, avo vane tsitsi, vanoda vanhu uye vanoda kubatsira mumwe nemumwe wavo kuti akunde pakurwisa chivi. Jesu aibatsira vanhu vaiita zvivi kuti vachinje maitiro avo uye vamutevere.—Ruka 5:​27, 28.

12. Jesu akadzidzisei nezvekufa kwake?

12 Jesu aiziva zvaizoitika kwaari. Akaudza vateveri vake kakawanda kuti aizotengeswa orovererwa padanda. (Mat. 17:22; 20:​18, 19) Aiziva kuti chibayiro chaaizopa chaizobvisa chivi chenyika, sezvakanga zvataurwa naJohani uye nevaprofita. Jesu akadzidzisawo kuti pashure pekunge apa upenyu hwake, aizoita kuti “vanhu vakasiyana-siyana vauye” kwaari. (Joh. 12:32) Vanhu vane chivi vaikwanisa kufadza Jehovha kuburikidza nekugamuchira Jesu saIshe wavo uye kumutevedzera. Kuita izvi kwaizoita kuti ‘vasunungurwe pachivi.’ (VaR. 6:​14, 18, 22; Joh. 8:32) Saka Jesu akazvipira uye akashinga kufa rufu rwunorwadza.—Joh. 10:​17, 18.

13. Zvii zvakaitika pakufa kwaJesu, uye rufu rwake rwunotidzidzisei nezvaJehovha Mwari? (Onawo mufananidzo.)

13 Jesu akatengeswa, akasungwa, akatukwa, akapomerwa zvenhema, akatongerwa rufu, uye akarohwa. Masoja akaenda naye kwavakanomuroverera padanda kuti afe. Paaitsungirira zvese izvozvo achirwadziwa, Jehovha aitorwadziwawo zvakanyanya. Aikwanisa kushandisa simba rake kuti mwana wake asatambura, asi haana kuita izvozvo. Chii chakaita kuti Jehovha, Baba vane rudo vadaro? Inyaya yekuti vanotida. Jesu akati: “Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.”—Joh. 3:16.

Paakabvumira Mwanakomana wake kuti aurayiwe, Jehovha akarwadziwa zvikuru achiitira kuti atinunure pachivi nerufu (Ona ndima 13)


14. Kupiwa kwatakaitwa chibayiro chaJesu kunokudzidzisei?

14 Chibayiro chaJesu ndicho chinhu chikuru pane zvese chinoratidza kuti Jehovha anoda vana vaAdhamu naEvha. Chinoratidzawo kuti Jehovha anokuda chaizvo. Akapa Mwanakomana wake waanoda, achizvirwadzisa zvikuru kuti akununure pachivi nerufu. (1 Joh. 4:​9, 10) Anoda kubatsira mumwe nemumwe wedu kuti arambe achimushumira kunyange zvazvo tiine chivi iye zvino uye anoda kuzobvisa chivi zvachose mune ramangwana.

15. Tinofanira kuitei kuti tibatsirwe nechipo chaMwari cherudzikinuro rwaJesu?

15 Chipo chatakapiwa naMwari, chechibayiro cherudzikinuro cheMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe woga, chinoita kuti tikwanise kuregererwa zvivi zvedu. Asi kuti tiregererwe naMwari, tine zvatinofanira kuita. Tinofanira kuitei? Johani Mubhabhatidzi uye Jesu Kristu pachake vakatiudza mhinduro yacho. Vakati: “Pfidzai zvivi zvenyu, nekuti Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.” (Mat. 3:​1, 2; 4:17) Saka kana tichida kurwisa chivi uye kuswedera pedyo naBaba vedu vane rudo, tinofanira kupfidza zvivi zvedu. Asi kana zvichinzi munhu apfidza zvivi zvake tinenge tichimborevei uye kupfidza kunotibatsira sei kurwisa chivi chatiinacho? Nyaya yekudzidza inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.

RWIYO 18 Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa

a KUTSANANGURWA KWESHOKO: MuBhaibheri shoko rekuti “chivi” rinogona kureva mabasa akaipa kana kuti kutadza kuita zvinoenderana nezvinodiwa naMwari. Asiwo shoko rekuti “chivi” rinogona kureva chivi chatakaberekwa tiinacho nemhaka yekuti tiri vana vaAdhamu. Chivi ichi ndicho chinoita kuti tese tife.

b Jesu asati auya panyika, Jehovha aigamuchira zvibayiro zvaipiwa nevashumiri vake vakatendeka. Aiita izvi nekuti aiziva kuti Jesu Kristu aizouya opa chibayiro chaizosunungura vanhu zvachose pachivi nerufu.—VaR. 3:25.