Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

VaKristu vakaroorana vangaona IUD (intrauterine device) senzira yekudzivirira pamuviri inowirirana neMagwaro here?

Panyaya iyi, vaviri vacho vanogona kuongorora zvimwe zvinhu zvinobatanidzwa uye mazano eBhaibheri. Vanofanira kubva vaita chisarudzo chinoita kuti varambe vaine hana yakanaka pamberi paMwari.

Kare pakwaingova nevanhu vaviri chete (uye pashure peMafashamo, pakwaiva ne8), Jehovha akarayira kuti: “Berekai muwande.” (Gen. 1:28; 9:1) Bhaibheri haritauri haro kuti murayiro iwoyo unoshanda kuvaKristu. Saka zviri kuvaKristu vakaroorana kuti vasarudze kuti voshandisa here nzira yekudzivirira pamuviri kuti mhuri irambe iri diki kana pakuronga kuti vozova nevana riini. Ndezvipi zvavanofanira kufunga nezvazvo?

VaKristu vanofanira kushandisa mazano eBhaibheri pakuongorora nzira chero ipi zvayo yekudzivirira nayo pamuviri. Saka vaKristu havabvisi pamuviri senzira yekuti varege kuita vana. Kubvisa pamuviri nemaune kunopesana nezvinotaurwa neBhaibheri panyaya yekuremekedza upenyu. VaKristu havasarudzi kudimbudzira upenyu hwekuti kana hukaregwa panozozvarwa mumwe munhu. (Eks. 20:13; 21:22, 23; Pis. 139:16; Jer. 1:5) Ko zvakadii nekushandisa IUD?

Nyaya iyi yakataurwa nezvayo muNharireyomurindi yeChirungu yaMay 15, 1979 (mapeji 30-31). MaIUD aiwanzowanika panguva iyoyo aigadzirwa nepurasitiki chete oiswa muchibereko kuti adzivirire pamuviri. Nyaya yacho yakati zvaisanyatsonzwisisika kuti maIUD aishanda sei. Vanamazvikokota vakawanda vanoti maIUD akadaro ane zvaaiita muchibereko zvaitadzisa mbeu yemurume kuti isangane nezai remukadzi. Kana mbeu nezai zvisina kusangana, upenyu hunenge husina kutanga.

Asi humwe uchapupu hunoratidza kuti apo neapo zai raigona kusangana nembeu. Zai rainge richangobva kusangana nembeu yemurume raigona kutanga kukura muchubhu inofamba nemazai (ectopic pregnancy) kana kuti raipinda muchibereko. Kana raizopinda muchibereko, IUD yaigona kuritadzisa kubatirira muchibereko zvoita kuti pamuviri pacho pabve. Izvi zvainge zvakafanana nekubvisa pamuviri. Nyaya yacho yakapedzisa ichiti: “MuKristu anofunga nezvekugamuchirika kwenyaya yekushandisa IUD anofanira kuongorora mashoko akadaro achishandisa zvinotaurwa neBhaibheri nezveutsvene hweupenyu.”—Pis. 36:9

Pane zvakavandudzika here mune zvesainzi kana zvekurapa kubva pakabudiswa nyaya iyoyo muna 1979?

Kwava nedzimwe mhando mbiri dzemaIUD. Pakazosvika gore ra1988, imwe mhando yeIUD ine kopa yakatanga kuwanika chaizvo muUnited States. Mamwe maIUD anobudisa mahormone akatanga kutengeswa muna 2001. Tinozivei nezvekushanda kwemhando mbiri idzi dzemaIUD?

Kopa: Sezvataurwa, zvinoita sekuti maIUD anotadzisa mbeu yemurume kuti ipinde muchibereko yosvika pane zai. Kuwedzera ipapo, zvinoita sekuti maIUD anobudisa kopa anouraya mbeu yemurume. * Uyewo, zvinonzi maIUD ane kopa anochinja zvakaita mukati mechibereko.

Hormone: Kune mhando dzemaIUD ane hormone rakafanana nerinowanzowanika mumapiritsi ekudzivirira pamuviri. MaIUD aya anoisa hormone racho muchibereko. Kune vamwe vakadzi maIUD iwayo anoita kuti zai risabudiswa. Saka kana zai risina kubudiswa, mukadzi haabati pamuviri. Hormone riri mumaIUD aya rinonziwo rinoita kuti mukati mechibereko mutetepe. * Hormone racho rine zvarinoitawo zvinotadzisa mbeu yemurume kupfuura pamuromo wechibereko. Mashandiro anoita maIUD aya anopfuura zvinoitwa neaya aigadzirwa nepurasitiki chete.

Sezvataona, mhando mbiri dzemaIUD dzataurwa nezvadzo dzine zvadzinoita mukati mechibereko. Asi ko kana zai rikabudiswa rosangana nembeu? Rinogona kupinda muchibereko asi rotadza kubatirira pachibereko nekuti chinenge chavhiringidzwa. Izvi zvinoita kuti pamuviri pacho pabve. Asi zvinonzi izvi hazviwanzoitiki, kungofananawo nezvingangoitika pakushandisa mapiritsi ekudzivirira pamuviri.

Saka hapana anogona kunyatsotaura kuti maIUD ane kopa kana ane hormone haatombobvumiri kuti zai risangane nembeu. Asi uchapupu hwesainzi hunoratidza kuti nemhaka yekushanda kwemaIUD ataurwa pamusoro apa, kashoma kuti pamuviri pabate kana munhu achiashandisa.

VaKristu vari kufunga nezvekushandisa IUD vanogona kukurukura nachiremba nezvemaIUD anowanika munyika mavo uyewo nezvekubatsira kwaanoita uye ngozi dzaangava nadzo kumudzimai. Murume nemudzimai havafaniri kutarisira kana kubvumira kuti mumwe munhu, kunyange chiremba chaiye, avasarudzire zvekuita. (VaR. 14:12; VaG. 6:4, 5) Izvi ndezvekuti vanosarudza vega. Vanofanira kuita chisarudzo chacho ivo pachavo vaine chinangwa chekufadza Mwari uye chekuramba vaine hana yakachena pamberi pake.​—Enzanisa na1 Timoti 1:18, 19; 2 Timoti 1:3.

^ ndima 4 Rimwe bhuku rakabudiswa neEngland’s National Health Service rinoti: “Kushanda kwemaIUD ane kopa yakawanda kunopfuura 99%. Izvi zvinoreva kuti pavakadzi 100 vanoshandisa maIUD akadaro panogona kushayika mumwe chete anobata pamuviri mugore rimwe chete. MaIUD ane kopa shoma haashandi kusvika ipapo.”

^ ndima 5 Sezvo maIUD ane hormone achiita kuti mukati mechibereko mutetepe, vakadzi vakaroorwa kana vasina vanogona kuapiwa nachiremba kuitira kuti vasanyanya kubuda ropa pavanoenda kumwedzi.