Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechidiki​—“Rambai Muchishandira Kuponeswa Kwenyu”

Vechidiki​—“Rambai Muchishandira Kuponeswa Kwenyu”

“Rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera, nenzira yamagara muchiteerera nayo.”​—VAF. 2:12.

NZIYO: 133, 135

1. Nei kubhabhatidzwa riri danho rinokosha zvikuru? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

GORE negore, zviuru zvevadzidzi veBhaibheri zvinobhabhatidzwa. Vakawanda vavo ndevechidiki vane makore anotangira pa13 kusvika pa19 uye vamwe vari pasi pemakore 13. Vanogona kunge vakarererwa muchokwadi. Uri mumwe wavo here? Kana zvakadaro, wakaita zvakanaka. VaKristu vanofanira kubhabhatidzwa, uye iroro idanho rinokosha kuti vapone.​—Mat. 28:19, 20; 1 Pet. 3:21.

2. Nei danho rekuzvitsaurira risingafaniri kutyiwa kana kunzvengwa?

2 Kunyange zvazvo kubhabhatidzwa kuchiita kuti munhu awane makomborero akawanda, pane zvimwe zvinhu zvaanotarisirwa kuita. Ndezvipi izvozvo? Musi wawakabhabhatidzwa wakapindura kuti hongu kumubvunzo wekuti, “Sezvo Jesu Kristu akatifira, wakapfidza zvivi zvako ndokuzvitsaurira kuna Jehovha kuti uite zvaanoda here?” Kubhabhatidzwa kwako kunoratidza kuti wakazvitsaurira. Kuzvitsaurira kuvimbisa Mwari kuti uchamuda uye uchakoshesa zvaanoda kupfuura zvimwe zvese. Iyi haasi nyaya yekutamba nayo. Unofanira kuzvidemba kuti wakaita vimbiso iyoyo here? Aiwa, hautombofaniri kudaro. Kana ukaita kuti Jehovha akutungamirire muupenyu hwako unenge usina kurasika. Munhu asingatungamirirwi naJehovha anenge ari pasi peutongi hwaSatani. Dhiyabhorosi haanei nekuponeswa kwako. Angatofara kana ukarasikirwa netariro yekurarama nekusingaperi nekuti unenge wamutsigira pakuramba uchangamire hwaJehovha.

3. Makomborero api anobva pakuzvitsaurira kuna Jehovha?

3 Pane kutsigira Satani, funga nezvekukomborerwa kwauri kuitwa naJehovha nekuti wakazvitsaurira kwaari uye wakabhabhatidzwa. Wakapa upenyu hwako kuna Jehovha, saka unogona kutaura nechivimbo kuti: “Jehovha ari kurutivi rwangu; handizotyi. Munhu wepanyika angandiitei?” (Pis. 118:6) Hapana imwe ropafadzo yaungava navo muupenyu yakakura kupfuura yekutsigira Jehovha uye kufarirwa naye.

ZVAUNOTARISIRWA KUITA

4, 5. (a) Nei munhu achifanira kuzadzisa ega mhiko yake yekuzvitsaurira? (b) Miedzo ipi inosangana nevaKristu vemazera ese?

4 SemuKristu akabhabhatidzwa, ushamwari hwako naJehovha hauna kufanana nepfuma yaunogona kusiyirwa nevabereki vako. Kusiyana naizvozvo, wava kutofanira kushandira kuponeswa kwako, kunyange zvazvo uchiri kugara pamba pevabereki. Nei zvichikosha kuyeuka izvozvo? Nekuti hapasi pese paunogona kuziva matambudziko auchasangana nawo mune ramangwana. Semuenzaniso, kana wakabhabhatidzwa usati wasvitsa makore 13, ungangozotanga kuva nemamwe manzwiro uye kusangana nemimwe miedzo paunenge wava panguva yekuyaruka. Mumwe musikana ane makore 18 akati: “Kazhinji mwana haambosvotwi nekuva mumwe weZvapupu zvaJehovha nekungoti haadyi makeke ekupemberera mazuva ekuberekwa kuchikoro. Asi pashure pemakore mashomanana chido chekuita zvebonde pachinosimba, mwana wacho anofanira kunyatsotenda kuti chisarudzo chakanaka kupfuura zvese ndechekuteerera mitemo yaJehovha.”

5 Vechidiki havasi ivo vega vanosangana nemiedzo mitsva. Kunyange vaya vanobhabhatidzwa vava vanhu vakuru vanosangana nemiedzo yakawanda yekutenda yavaisatarisira. Miedzo yakadaro ingava nechekuita newanano, utano, kana basa. Kutaura chokwadi, munhu wese pasinei nezera rake achasangana nemamiriro ezvinhu anoda kuti aratidze kuti akatendeka kuna Jehovha.—Jak. 1:12-14.

6. (a) Zvinorevei kuti vimbiso yawakaita kuna Jehovha pawakazvitsaurira haina chinoichinja? (b) Unodzidzei pana VaFiripi 4:11-13?

6 Kuti urambe wakatendeka, usambokanganwa kuti vimbiso yawakaita kuna Jehovha haina chinoichinja. Izvozvo zvinoreva kuti wakaudza Changamire wezvinhu zvese kuti ucharamba uchimushumira kunyange shamwari dzako kana vabereki vakarega kuita izvozvo. (Pis. 27:10) Chero zvazvingava, unogona kukumbira Jehovha kuti akupe simba kuti urambe uchiita maererano nekuzvitsaurira kwako.​—Verenga VaFiripi 4:11-13.

7. Zvinorevei kushandira kuponeswa kwako “nokutya nokudedera”?

7 Jehovha anoda kuti uve shamwari yake. Asi zvinoda kushanda nesimba kuti ushamwari ihwohwo hurambe huripo uye ushandire kuponeswa kwako. VaFiripi 2:12 inoti: “Rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera.” Mashoko iwayo anoratidza kuti unofanira kufunga nezvekuti uchaita sei kuti ushamwari hwako naJehovha hurambe hwakasimba woramba wakatendeka kwaari pasinei nemiedzo yaunosangana nayo. Haufaniri kunyanya kuzvivimba. Kunyange vamwe vakashumira Mwari kwenguva yakareba havana kuramba vakatendeka. Saka matanho api aungatora kuti ushandire kuponeswa kwako?

KUDZIDZA BHAIBHERI KUNOKOSHA

8. Kudzidza uri wega kunosanganisirei, uye nei kuchikosha?

8 Kuti uve shamwari yaJehovha, unofanira kumuteerera uye unofanira kutaura naye. Kudzidza Bhaibheri tiri tega ndiyo nzira huru yatinoteerera nayo Jehovha. Izvozvo zvinosanganisira kuwana zivo kuburikidza nekuverenga uye kufungisisa zviri muShoko raMwari nemumabhuku anotsanangura Bhaibheri. Paunoita izvozvo, yeuka kuti kudzidza Bhaibheri haisi nyaya yekungobata zvinhu nemusoro kunge uri kugadzirira zamanishoni rekuchikoro. Kudzidza kunobatsira ndekuya kwakafanana nekufamba rwendo runonakidza uchiona zvinhu zvitsva paunhu hwaJehovha. Izvi zvichakubatsira kuswedera pedyo naMwari, uye iye achabva aswedera pedyo newe.​—Jak. 4:8.

Unokurukura naJehovha zvakadini? (Ona ndima 8-11)

9. Zvinhu zvipi zvakakubatsira pakudzidza uri wega?

9 Sangano raJehovha rakabudisa zvinhu zvakawanda zvinogona kukubatsira pakudzidza uri wega. Semuenzaniso, “Nyaya dzomuBhaibheri Dzokudzidza,” dzinowanika pachikamu chepajw.org chakanzi “Vari Kuyaruka” dzinogona kukubatsira kuwana zvidzidzo zviri pazviitiko zvinotaurwa muBhaibheri. Uyewo unogona kusimbisa zvaunotenda uchishandisa zvinhu zvinobatsira pakudzidza zviri pajw.org pachikamu chakanzi “Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?” Zvinhu izvozvo zvinogona kukubatsira kutsanangura zvaunotenda. Mamwe mazano ekudzidza anogona kuwanika munyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndingaita Sei Kuti Ndinakidzwe Nokuverenga Bhaibheri?” iri muMukai! yaJuly-September 2009. Kudzidza uye kufungisisa zvinokosha pakushandira kuponeswa kwako.​—Verenga Pisarema 119:105.

KUNYENGETERA KUNOKOSHA

10. Nei muKristu akabhabhatidzwa achifanira kunyengetera?

10 Patinodzidza Bhaibheri, tinenge tichiteerera Jehovha, uye patinonyengetera tinenge tichitaura naye. MuKristu haafaniri kuona munyengetero setsika inongotevedzerwa kana kuuona sezango rinoita kuti munhu awedzere mikana yekubudirira pane zvimwe zvinhu. Asi kunyengetera kutaura neMusiki wedu. Jehovha anoda kunzwawo zvaunotaura. (Verenga VaFiripi 4:6.) Kana pakaita chero chii zvacho chinoita kuti uzvidye mwoyo, Bhaibheri rinoti “kanda mutoro wako pana Jehovha.” (Pis. 55:22) Unonyatsobvuma here kuti zano iroro rinobatsira? Pane mamiriyoni ehama nehanzvadzi dzinogona kukuratidza kuti izvozvo zvakadzibatsira. Zvinogona kukubatsirawo.

11. Nei uchifanira kugara uchionga Jehovha?

11 Kunyengetera haisi nyaya yekungokumbira Jehovha kuti akubatsire. Bhaibheri rinoti: “Ratidzai kuti munoonga.” (VaK. 3:15) Dzimwe nguva tinogona kunyanya kufunga nezvematambudziko edu zvekuti tinotadza kuona makomborero akawanda atiinawo. Wadii kuti zuva rega rega ufunge zvinhu zvitatu kana kupfuura zvaunoonga, wobva wanyengetera uchionga Jehovha nezvazvo. Mumwe musikana ane makore 18 anonzi Abigail, uyo akabhabhatidzwa aine makore 12 anoti: “Ndinofunga kuti Jehovha akakodzera kuongwa kupfuura chero ani zvake. Pese patinowana mukana tinofanira kumuonga pamusana pezvipo zvaakatipa. Ndakambopiwa chiyeuchidzo chakanaka chekuti: Kudai tamuka nhasi tingori nezvinhu zvatakaonga Jehovha nezvazvo nezuro, tingadai tasara nei?” *

KUKOSHA KWEZVATINOSANGANA NAZVO

12, 13. Nei zvichikosha kuti ufunge nezvekuravira kwawakaita kunaka kwaJehovha?

12 Mambo Dhavhidhi, uyo akanga anunurwa pamatambudziko akawanda akakura, akataura mashoko ekuti: “Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; anofara murume anopotera kwaari.” (Pis. 34:8) Vhesi iyoyo inobudisa pachena kukosha kwezvatinosangana nazvo. Paunoverenga Bhaibheri nemabhuku edu uye paunopinda misangano yechiKristu unonzwa zvinhu zvakaitika zvinokurudzira zvekuti Mwari akabatsira sei vamwe kuti varambe vakatendeka. Asi sezvaunokura pakunamata, unofanira kuona ruoko rwaJehovha muupenyu hwako. Iwe pachako wakaravira sei kunaka kwaJehovha?

13 VaKristu vese vane nzira yavakaravira nayo kunaka kwaJehovha. Vakakokwa kuti vaswedere pedyo naMwari neMwanakomana wake. Jesu akati: “Hapana munhu angauya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasaita kuti auye.” (Joh. 6:44) Unofunga kuti mashoko iwayo anoshandawo here kwauri? Wechidiki angati, ‘Jehovha akaita kuti vabereki vangu vauye kwaari uye ini ndakangotevera.’ Asi pawakazvitsaurira kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa, wakaratidza kuti iwe pachako wakanga wava neushamwari naJehovha. Iye zvino wava kunyatsozivikanwa naye. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Kana munhu achida Mwari, iyeyu anozivikanwa naye.” (1 VaK. 8:3) Edza kugara uchikoshesa nzvimbo yako musangano raJehovha.

14, 15. Ushumiri hungakubatsira sei kuti usimbise kutenda kwako?

14 Imwe nzira yaunokwanisa kuravira nayo kunaka kwaJehovha ndeyekuona kutsigira kwaanokuita paunoudza vamwe zvaunotenda. Unogona kudaro paunobuda muushumiri uyewo kuchikoro. Vamwe zvakavaomera kuparidzira vezera ravo kuchikoro. Unogona kunge uchinzwisisa chikonzero chacho. Hauzivi kuti vachaita sei pauchavaparidzira. Zvinogona kuoma kana uchitaura neboka rakakura pane kuti utaure nemunhu mumwe chete wemukirasi mako. Chii chinogona kukubatsira?

15 Kutanga, funga kuti nei uine chokwadi nezvaunotenda. Unogona kushandisa zvinhu zvinobatsira pakudzidza zviri pajw.org. Zvakagadzirirwa kukubatsira kuti ufunge nezvezvaunotenda, kuti nei uchizvitenda, uye kuti ungazvitsanangurira sei vamwe. Kana uine kutenda kwakasimba uye wakagadzirira, uchanzwa uchida kupupurira nezvezita raJehovha.​—Jer. 20:8, 9.

16. Chii chingakubatsira kuti usazeza kutaura zvaunotenda?

16 Zvisinei, kunyange wakagadzirira, unogona kuzeza kutaura zvaunotenda. Imwe hanzvadzi ine makore 18, iyo yakabhabhatidzwa iine makore 13 inoti: “Ndinoziva zvandinotenda, asi dzimwe nguva ndinoshaya kuti ndozvitaura sei.” Zvii zvaanoita kuti akunde dambudziko iri? Anoedza kutaura chokwadi cheBhaibheri sezvaanongoitawo dzimwe nyaya. Anoti: “Vamwe vemukirasi mangu vanotaura vakasununguka zvavanoita. Ndinofanirawo kusununguka saizvozvo. Saka pandinenge ndichitaura nyaya, ndinogona kungoti, ‘Mumwe musi pandaidzidzisa Bhaibheri . . . ’ Ndinobva ndaenderera nenyaya yandanga ndichitaura. Nyaya yandinenge ndichitaura inenge isiri hayo yeBhaibheri, asi kazhinji kacho vamwe vanenge vava kutoda kuziva zvandinoita pandinodzidzisa Bhaibheri. Dzimwe nguva vanobvunza mibvunzo nezvazvo. Pandinoramba ndichishandisa nzira iyi, kutaura zvandinotenda kunowedzera kuva nyore. Uye pashure pacho ndinofara zvikuru!”

17. Chii chimwe chingakubatsira kuti utaure nevamwe?

17 Paunoremekedza vamwe uye uchiratidza kuti unovafarira, kazhinji kacho vanokuremekedzawo. “Ndaigara ndichitya kuti kana ndikapinza nyaya dzeBhaibheri patinenge tichitaura, vanhu vanozondiona sendava kupengeswa naro.” Izvi zvakataurwa naOlivia, ane makore 17 uyo akabhabhatidzwa asati asvitsa makore 13. Asi akachinja mafungiro ake. Pane kuramba akaisa pfungwa pazvinhu zvaaitya, Olivia akati: “Vechidiki vakawanda havana chavanoziva nezveZvapupu zvaJehovha. Tisu tega Zvapupu zvavanoonana nazvo. Saka zvavachatiitira zvichaenderana nemaitiro edu. Ko kana tichinyara kana kutya kutaura zvatinotenda kana kuti tichidedera patinenge tichitaura? Vanogona kubva vatanga kutiona sevanhu vasingafariri zvavari. Vanogona kusatibata zvakanaka nekuti tinenge tisina chivimbo. Zvisinei, kana tikataura zvatinotenda takasununguka uye tiine chivimbo, tichitaura sezvatinongoitawo dzimwe nyaya, vanogona kutiremekedza.”

RAMBA UCHISHANDIRA KUPONESWA KWAKO

18. Unofanira kuitei kuti ushandire kuponeswa kwako?

18 Sezvataona, kushandira kuponeswa kwako haisi nyaya yekutamba nayo. Kuti udaro, unofanira kuverenga Shoko raMwari nekufungisisa zvarinotaura, kunyengetera kuna Jehovha, uye kufunga nezvekukomborerwa kwauri kuitwa naye. Kana ukaita izvi uchanyatsova nechivimbo chekuti Jehovha ishamwari yako. Izvozvo zvichakubatsira kuti utaure zvaunotenda usingatyi.​—Verenga Pisarema 73:28.

19. Nei kushanda kwaunoita nesimba kuti uponeswe kusiri kushandira pasina?

19 Jesu akati: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, arambe achinditevera.” (Mat. 16:24) Saka kuti muKristu mumwe nemumwe atevere Jesu anotofanira kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa. Asi izvozvo zvinoita kuti munhu awane makomborero akawanda iye zvino uye upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari. Saka ita zvese zvaunogona kuti urambe uchishandira kuponeswa kwako.

^ ndima 11 Kuti uwane mamwe mazano ona nyaya yakanzi “Vechidiki Vanobvunza Kuti​—Nei Ndichifanira Kunyengetera?” pamwe chete nemapepa ezvekuita pajw.org.