Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Pakubatsira vana panyaya dzekunamata, nei vabereki vakatamira kune dzimwe nyika vachifanira kufunga nezvenyaya yemutauro?

Vana vanowanzodzidza mutauro wemunyika yavakatamira kuchikoro uye munzvimbo yavanogara. Zvinogona kubatsira mwana kana akaziva mumwe mutauro. Vabereki vanofanira kuona kuti ndezvipi zvinganyatsobatsira vana vavo kuti vabate chokwadi uye vakure pakunamata, kungava kupinda neungano yemutauro wemunyika macho kana kuti yemutauro wavo. Vabereki vechiKristu vanokoshesa zvinobatsira vana vavo pakunamata kupfuura zvavanofarira ivo pachavo.—w17.05, mapeji 9-11.

Jesu paakabvunza Petro kuti : “Unondida here kupfuura idzi?” shoko rekuti “idzi” raireva chii? (Joh. 21:15)

Zvinoita sekuti Jesu aireva hove dzaiva pedyo kana kuti bhizinesi rekubata hove. Pashure pekunge Jesu afa, Petro akadzokera kubasa rake rekubata hove. VaKristu vanofanira kuongorora kuti vanokoshesa zvakadini basa rekunyika mumwoyo mavo.—w17.05, mapeji 22-23.

Nei Abrahamu akakumbira mudzimai wake kuti ataure kuti aiva hanzvadzi yake? (Gen. 12:10-13)

Sara aiva mwana wababa vaAbrahamu. Kudai Sara akataura kuti aiva mudzimai wake, Abrahamu aigona kuurayiwa uye aisazobereka mwana waakanga avimbiswa naMwari.—wp17.3, mapeji 14-15.

Elias Hutter akashandisa unyanzvi hupi kuti abatsire vaya vaida kudzidza chiHebheru?

Aida kuti vanhu vaaidzidzisa vagone kusiyanisa madzitsi nezvivakashure kana zvivakamberi zvemashoko echiHebheru ari muBhaibheri. Saka akaprinda mudzi weshoko nemavara matematema asi pachivakashure kana kuti chivakamberi aiita kuti mavara acho asave matematema. Bhaibheri reNew World Translation of the Holy Scriptures—With References ndozvarakaitawo mumashoko emuzasi.wp17.4, mapeji 11-12.

Zvii zvingabatsira muKristu kuti aone kana zvakakodzera kuti agare nepfuti kuti azvidzivirire kubva kune vanhu?

Zvimwe zvacho ndeizvi: Mwari anoona upenyu sehutsvene. Jesu haana kukurudzira vateveri vake kuti vatakure mapakatwa kuitira kuti vazvidzivirire. (Ruka 22:36, 38) Tinofanira kupfura mapakatwa edu kuti ave miromo yemagejo. Upenyu hunokosha kupfuura zvinhu. Tinoremekedza hana dzevamwe, uye tinoda kuva muenzaniso wakanaka. (2 VaK. 4:2)—w17.07, mapeji 31-32.

Nei nhoroondo yeupenyu hwaJesu achiri mudiki yakanyorwa naMateu yakasiyana neyakanyorwa naRuka?

Mateu anonyanya kutaura nezvaJosefa, zvakadai sezvaakaita paakanzwa kuti Mariya akanga ava nepamuviri uye mashoko aakapiwa naMwari kuti atizire kuIjipiti uye kuzodzoka kwake. Ruka anonyanya kutaura nezvaMariya. Semuenzaniso, kushanyira kwaakaita Erizabheti uye zvaakaita Jesu paakasara kutemberi.—w17.08, peji 32.

Bhaibheri rakaramba riripo pasinei nechii?

Zvinorehwa nemashoko akashandiswa muBhaibheri zvakachinja nekufamba kwenguva. Zvematongerwo enyika zvakaita kuti mutauro unoshandiswa nevakawanda uchinje. Vanhu vairambidzwa kushandurira Bhaibheri mumitauro yaishandiswa nevakawanda.—w17.09, mapeji 19-21.

Une ngirozi inokuchengeta here?

Aiwa. Jesu akataura nezvengirozi dzevadzidzi vake dzainge dzakatarisa chiso chaMwari. (Mat. 18:10) Aireva kuti ngirozi dzinoda chaizvo vadzidzi vake, kwete kuti dzinoita chishamiso chekudzivirira mumwe nemumwe wavo.—wp17.5, peji 5.

Nderupi rudo runonyanya kukosha?

Rudo runobva pachokwadi chisingachinji, a·gaʹpe, ndirwo runonyanya kukosha. Runogona kusanganisira kufarira munhu uye kuratidza ushamwari. Asi runooneka nekuitira vamwe zvakanaka pasina udyire.—w17.10, peji 7.