Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Toonana muParadhiso!”

“Toonana muParadhiso!”

“Uchava neni muParadhiso.”—RUKA 23:43.

NZIYO: 145, 139

1, 2. Vanhu vanotii nezveparadhiso?

HAMA nehanzvadzi dzakawanda dzaibva kunyika dzakasiya-siyana dzakanga dzauya kugungano rakaitirwa muSeoul, Korea. Pavaibuda munhandare gungano rapera, hama dzemunyika yacho dzakavaunganira. Vakawanda vaisimudza maoko, vachishevedzera kuti “Toonana muParadhiso!” Unofunga kuti vaitaura nezveparadhiso ipi?

2 Vanhu vakasiyana-siyana vane zvakasiyana-siyana zvavanoti ndiyo paradhiso. Vamwe vanoti paradhiso kungori kurota. Vamwe vanoti paradhiso inzvimbo chero ipi zvayo yavanogona kufara vari. Murume anenge aziya nenzara anogona kuona sekuti ari muparadhiso paanenge ari pane zvekudya zvakawanda. Makore akawanda apfuura mumwe mushanyi paakaona bani raiva nemaruva emusango akafadzwa nawo ndokushevedzera achiti, “Heyi, iyi iparadhiso chaiyo!” Nzvimbo iyoyo ichiri kunzi Paradise, kunyange zvazvo gore negore ichimbofukidzwa nechando. Iwe unofunga kuti chii chinonzi Paradhiso? Une tariro yekuti ichavapo here?

3. Paradhiso inotanga kutaurwa papi muBhaibheri?

3 Bhaibheri rinotaura nezveparadhiso yaimbovapo uye imwe ichavapo mune ramangwana. Tinoverenga nezveParadhiso mubhuku rekutanga reBhaibheri. Mashoko aGenesisi 2:8 mushanduro inonzi Douay Version iyo yakashandurwa kubva muchiLatin, anoti: “Ishe Mwari akanga agadzira paradhiso inofadza kubva pakutanga: maakaisa [Adhamu] waakanga asika.” (Tisu tatsveyamisa mabhii.) MuchiHebheru vhesi iyi inoti munda weEdheni. Edheni zvinoreva kuti “Kufadza,” uye munda iwoyo waifadza zvechokwadi. Waiva nezvekudya zvakawanda, wainge wakanaka uye vanhu vaiva nerugare nemhuka.—Gen. 1:29-31.

4. Nei tichigona kuti munda weEdheni waiva Paradhiso?

4 Shoko rechiGiriki rekuti pa·raʹdei·sos ndiro rinoenderana nerechiHebheru rinoshandurwa kuti “munda.” Cyclopaedia yakanyorwa naM’Clintock naStrong inoti muGiriki paainzwa shoko rekuti pa·raʹdei·sos, aifunga nezvepaki yakakura yakanaka, yakadzivirirwa kuti isakuvadzwa, iine miti inoyevedza inobereka michero uye hova dzine mvura yakachena nemhenderekedzo dzine mhara nemakwai zvinenge zvichifura.”—Enzanisa naGenesisi 2:15, 16.

5, 6. Paradhiso yakarasika sei, uye zvinoita kuti pave nemubvunzo upi?

5 Mwari akaisa Adhamu naEvha muparadhiso yakadaro, asi havana kuramba varimo. Nemhaka yei? Nekuti havana kuteerera Mwari. Saka izvi zvakaita kuti ivo nevana vavo varasikirwe neParadhiso. (Gen. 3:23, 24) Kunyange zvazvo wakanga usisagarwi nevanhu, munda wacho wakaramba uripo kusvikira pakauya Mafashamo emunguva yaNoa.

6 Vamwe vanogona kunetseka kuti, ‘Panyika pachazombova neParadhiso here?’ Pane here zvinoratidza kuti ichavapo? Kana uine tariro yekurarama muParadhiso nevanhu vaunoda, chii chinoita kuti uve netariro yakadaro? Unogona here kutsanangura zvinoita kuti uve nechokwadi chekuti panyika pachava neParadhiso?

ZVINORATIDZA KUTI PACHAVA NEPARADHISO

7, 8. (a) Abrahamu akavimbiswei naMwari? (b) Vimbiso yaMwari inogona kunge yakaita kuti Abrahamu afungei?

7 Tinowana mhinduro dzemibvunzo ine chekuita neParadhiso mubhuku rakafemerwa neMusiki weParadhiso yekutanga. Funga zvakataurwa naMwari achiudza shamwari yake Abrahamu. Mwari akati aizoita kuti vana vaAbrahamu vawande “sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa.” Uye Jehovha akapa vimbiso iyi inokosha kuna Abrahamu yekuti: “Chokwadi marudzi ose enyika achazvikomborera nokumwana wako nokuti wateerera inzwi rangu.” (Gen. 22:17, 18) Mwari akadzokorora vimbiso iyi kumwanakomana uye kumuzukuru waAbrahamu.—Verenga Genesisi 26:4; 28:14.

8 MuBhaibheri hamuna chinoratidza kuti Abrahamu akafunga kuti vanhu vaizowana mubayiro wekugara muparadhiso yekudenga. Saka Mwari paakataura kuti “marudzi ose” achakomborerwa, Abrahamu anofanira kunge akafunga nezvemakomborero epanyika. Vimbiso yacho yakabva kuna Mwari, saka yairatidza kuti ‘marudzi ese epanyika’ aizogara zvakanaka. Zvakazoitika kuvanhu vaMwari zvinotsigira pfungwa iyi here?

9, 10. Ndedzipi dzimwe vimbiso dzinoita kuti titarisire kuti kuchava neparadhiso?

9 Mumwe wevazukuru vaAbrahamu, Dhavhidhi, akataura zvichazoitika mune ramangwana pachabviswa “vanoita zvakaipa.” Zvichaguma nei? “Munhu akaipa haazovipozve.” (Pis. 37:1, 2, 10) “Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.” Dhavhidhi akafemerwawo kunyora kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pis. 37:11, 29; 2 Sam. 23:2) Unofunga kuti vimbiso idzodzo dzakabatsira sei vanhu vaida kuita kuda kwaMwari? Vaizova nechikonzero chekutarisira kuti kana nyika ikava nevanhu vakarurama chete, nekufamba kwenguva yaizova paradhiso sezvakanga zvakaita munda weEdheni.

10 Nekufamba kwenguva, vaIsraeri vakawanda avo vaizviti vaishumira Jehovha, vakamuramba uye vakarambawo kunamata kwechokwadi. Saka Mwari akarega vaBhabhironi vachikunda vanhu vake, vachiparadza nyika yavo uye vachitapa vakawanda vavo. (2 Mak. 36:15-21; Jer. 4:22-27) Kunyange zvakadaro, vaprofita vaMwari vakaprofita kuti paizopera makore 70, vanhu vake vaizodzokera kunyika yavo. Uprofita ihwohwo hwakazadzika. Asi hunewo zvahunotibatsira. Patiri kukurukura humwe uprofita hwacho ona kuti hunoita sei kuti titarisire kuti panyika pachava neparadhiso.

11. Isaya 11:6-9 yakazadzika sei, asi panosara paine mubvunzo upi?

11 Verenga Isaya 11:6-9. Mwari akagara ataura achishandisa Isaya kuti kana vanhu vake vadzokera kunyika yavo, vaizova nerugare. Hapana aizotya kurwiswa nezvikara kana nevanhu. Izvozvo hazviiti here kuti ufunge nezverugare rwaiva muEdheni? (Isa. 51:3) Uprofita ihwohwo hwaIsaya hwakatiwo nyika yese, kwete rudzi rwevaIsraeri chete, ‘yaizozara nekuziva Jehovha sekufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.’ Izvozvo zvichaitika riini?

12. (a) Vakanga vabva muutapwa muBhabhironi vakawana makomborero api? (b) Chii chinoratidza kuti Isaya 35:5-10 ichazadziswa zvakare mune ramangwana?

12 Verenga Isaya 35:5-10. Isaya akataura zvakare kuti vanhu vaizodzokera kunyika yacho vaisazorwiswa nemhuka kana nevanhu. Nyika yavo yaizobereka zvekudya zvakawanda nekuti maizova nemvura yakawanda, sezvainge zvakaita munda weEdheni. (Gen. 2:10-14; Jer. 31:12) Uprofita hwacho hwaizozadzika panguva yevaIsraeri chete here? Hapana uchapupu hunoratidza kuti pakaitika chishamiso chekuti vakanga vabva muutapwa vaporeswe. Semuenzaniso, mapofu haana kutanga kuonazve. Kunyange zvakadaro, Mwari airatidza kuti aizoporesa vanhu pazvirwere zvese mune ramangwana.

13, 14. Vanhu vakanga vambotapwa vakaona sei kuzadzika kwemashoko aIsaya 65:21-23, asi chikamu chipi cheuprofita hwacho chisati chazadziswa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

13 Verenga Isaya 65:21-23. VaJudha pavakadzoka havana kuwana dzimba dzakanaka, uye havana kuwana minda ine zvirimwa kana minda yemizambiringa. Asi zvinhu zvaizochinja sezvo Mwari akanga avakomborera. Vaizofara zvikuru pavaivaka dzimba vogara madziri! Vaizodyara zvirimwa uye vaizowana zvekudya zvine utano.

14 Ona pfungwa inokosha iri muuprofita uhwu. Ichasvika here nguva yekuti mazuva edu “achaita semazuva omuti”? Mimwe miti inorarama kwezviuru zvemakore. Vanhu vanofanira kuva neutano hwakanaka kuti vararame kwenguva yakareba kudaro. Kana vakazogara zvakanaka sezvakaprofitwa naIsaya, zvichange zvichifadza chaizvo. Ichange iri paradhiso. Uye uprofita ihwohwo huchazadzika.

Vimbiso yakataurwa naJesu nezveParadhiso ichazadziswa sei? (Ona ndima 15, 16)

15. Ndeapi mamwe makomborero akataurwa mubhuku raIsaya?

15 Funga kuti uprofita hwatichangobva kukurukura hwekuti vanhu vese vepanyika vachakomborerwa naMwari hunoratidza sei kuti kuchava neparadhiso. Hapana achakuvadzwa nemhuka kana kuti nevanhu vane unhu hwemhuka. Mapofu, matsi uye vakaremara vachaporeswa. Vanhu vachakwanisa kuvaka dzimba dzavo uye vacharima zvekudya zvine utano. Vachararama nguva yakareba kupfuura miti. Bhaibheri rinoratidza kuti izvozvo zvichaitika mune ramangwana. Asi vamwe vatinotaura navo vanogona kuti zviri muuprofita uhwu hazvirevi hazvo kuti panyika pachava neparadhiso. Ungapindura sei? Zvikonzero zvipi zvinoita kuti utarisire kuti paradhiso ichavapo panyika? Munhu mukuru kupfuura vese vakamborarama panyika akapa uchapupu hwakasimba.

UCHAVA MUPARADHISO!

16, 17. Chii chaiitika Jesu paakataura nezveParadhiso?

16 Kunyange zvazvo asina chaakanga atadza, Jesu akapiwa mhosva ndokurovererwa padanda, ari pakati pemakororo maviri. Vasati vafa, rimwe gororo rakabvuma kuti Jesu aiva mambo uye rakakumbira kuti: “Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.” (Ruka 23:39-42) Ramangwana rako rinobatanidzwawo pamhinduro yaJesu iri pana Ruka 23:43. Vamwe vaongorori veBhaibheri vanoshandura mashoko aya vachiti: “Chokwadi ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muParadhiso.” Jesu airevei paakati “nhasi”? Vanhu vane maonero akasiyana-siyana.

17 Mumitauro yakawanda yemazuva ano koma inoshandiswa pakuratidza kana kujekesa zvinenge zvichirehwa nemutsara. Asi muzvinyorwa zvekare zvechiGiriki hapasi pese paishandiswa nyora dzemutauro. Saka panomuka mubvunzo wekuti: Jesu aiti here: “Chokwadi ndinokuudza, nhasi uchava neni muParadhiso”? Kana kuti aiti here, “Chokwadi ndinokuudza nhasi, uchava neni muParadhiso”? Vashanduri vanogona kuisa koma maererano nezvavanofunga kuti ndizvo zvairehwa naJesu, uye unogona kuwana mashanduriro aya maviri mumaBhaibheri ariko mazuva ano.

18, 19. Chii chinotibatsira kunzwisisa zvairehwa naJesu?

18 Asi yeuka kuti Jesu akanga amboudza vateveri vake kuti: “Mwanakomana womunhu achava mumwoyo wenyika kwemazuva matatu nousiku hutatu.” Akatiwo: “Mwanakomana womunhu achatengeswa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya, asi achamutswa pazuva rechitatu.” (Mat. 12:40; 16:21; 17:22, 23; Mako 10:34) Muapostora Petro akataura kuti izvozvo ndizvo zvakaitika. (Mab. 10:39, 40) Saka Jesu haana kuenda kuParadhiso chero ipi zvayo musi waakafa iye negororo racho. Jesu aiva muGuva [kana kuti “Hadhesi”] kwemazuva matatu, kusvikira Mwari amumutsa.—Mab. 2:31, 32. *

19 Saka tinoona kuti vimbiso yaJesu kugororo yakatangwa nemashoko ekuti: “Chokwadi ndinokuudza nhasi.” Matauriro akadaro aiwanzoitwa kunyange panguva yaMosesi. Akati: “Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako.”—Dheut. 6:6; 7:11; 8:1, 19; 30:15.

20. Chii chinotsigira manzwisisiro atinoita zvakataurwa naJesu?

20 Mumwe mushanduri weBhaibheri wekuMiddle East akataura nezvemhinduro yaJesu achiti: “Chiri kusimbiswa ishoko rekuti ‘nhasi’ uye mhinduro yacho inofanira kuverengwa seizvi, ‘Chokwadi ndinoti kwauri nhasi, uchava neni muParadhiso.’ Vimbiso iyoyo yakaitwa musi iwoyo uye yaizozadziswa pave paya. Matauriro aya evanhu vekuMiddle East anoratidza kuti vimbiso yacho yakaitwa mumwe musi uye yaizozadziswa.” Saizvozvowo imwe shanduro yekuSyria yemakore ekuma400 inoshandura mhinduro yaJesu ichiti: “Ameni, ndinokuudza nhasi kuti uchava neni muMunda weEdheni.” Tese tinofanira kukurudzirwa nevimbiso iyoyo.

21. Chii chisina kuitika kugororo uye nei zvakadaro?

21 Gororo iroro rakanga risingazivi kuti Jesu akanga aita sungano nevaapostora vake vakatendeka yekuti vave naye muUmambo hwekudenga. (Ruka 22:29) Uyezve, gororo racho rakanga risina kubhabhatidzwa. (Joh. 3:3-6, 12) Saka tinogona kunzwisisa kuti paradhiso yakavimbiswa naJesu inofanira kunge iri yepanyika. Papera makore, muapostora Pauro akazotaura nezvemurume “akatorwa akaendeswa kuparadhiso.” (2 VaK. 12:1-4) Kusiyana negororo riya, Pauro nevamwe vaapostora vakasarudzwa kuti vatonge naJesu muUmambo. Kunyange zvakadaro, Pauro akanga achitaura nezveparadhiso yeramangwana. * Paradhiso iyoyo yaizova panyika here? Uye unogona kuvamo here?

CHII CHAUNGATARISIRA?

22, 23. Chii chaungatarisira?

22 Yeuka kuti Dhavhidhi akagara ataura kuti “vakarurama vachagara nhaka yenyika.” (Pis. 37:29; 2 Pet. 3:13) Dhavhidhi aitaura nezvenguva yekuti vanhu vanenge vari panyika vanenge vachiita zvinodiwa naMwari. Uprofita huri pana Isaya 65:22 hunoti: “Mazuva evanhu vangu achaita semazuva omuti.” Izvi zvinoratidza kuti vanhu vachararama kwezviuru zvemakore. Unogona kutarisira izvozvo here? Ehe, nekuti maererano naZvakazarurwa 21:1-4, Mwari achafunga nezvevanhu, uye chimwe chikomborero chakavimbiswa ndechekuti “rufu haruchazovipo” kuvanhu vese vachange vari munyika itsva.

23 Zvatinodzidziswa neBhaibheri nezveParadhiso zvakajeka. Adhamu naEvha vakarasa ropafadzo yekurarama nekusingaperi muParadhiso, asi nyika ichavazve paradhiso. Sezvakavimbiswa naMwari, vanhu vari panyika vachakomborerwa. Dhavhidhi akafemerwa naMwari kunyora kuti vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nekusingaperi. Uprofita huri mubhuku raIsaya hunofanira kuita kuti titarisire kuzonakidzwa neupenyu muparadhiso yakanaka ichange iri panyika. Izvi zvichaitika riini? Zvichaitika pachazadziswa zvakavimbiswa gororo naJesu. Unogona kuvawo muParadhiso iyoyo. Panguva iyoyo zvakataurwa nehama nehanzvadzi pagungano rekuKorea zvichazadzika zvekuti: “Toonana muParadhiso!”

^ ndima 18 Purofesa C. Marvin Pate akanyora kuti vaongorori vakawanda vanotenda kuti Jesu paakati “nhasi” aireva kuti aizofa ova muParadhiso zuva iroro, kana kuti pasati papera maawa 24. Akawedzera kuti “Chinonetsa papfungwa iyi ndechekuti inopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri kuti Jesu akatanga ‘aburukira’ kuhadhesi paakafa (Mat. 12:40; Mab. 2:31; VaR. 10:7) uye pava paya akazoenda kudenga.”

^ ndima 21 Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” mumagazini ino.