Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Uchapupu hupi huri muBhaibheri hunoratidza kuti Mwari anotinzwira tsitsi?

VaIsraeri pavaiva varanda muIjipiti, Mwari aiona kutambura kwavaiita uye airwadziwawo. (Eks. 3:7; Isa. 63:9) Takasikwa nemufananidzo waMwari uye tinokwanisa kunzwira vamwe tsitsi. Anotinzwira tsitsi kunyange patinonzwa sekuti hatina kukodzera kudiwa naye.—wp18.3, peji 8-9.

Zvakadzidziswa naJesu zvakabatsira sei vanhu kuti vakunde rusarura?

Panguva yaJesu vaJudha vakawanda vaiva nerusarura. Kristu akati tinofanira kuzvininipisa uye akashora nyaya yekudada nerudzi. Akakurudzira vateveri vake kuti vaonane sehama.—w18.06, peji 9-10.

Chii chatinodzidza pakusabvumira kwakaita Mwari kuti Mosesi apinde muNyika Yakapikirwa?

Mosesi aiva neushamwari hwakasimba naJehovha. (Dheut. 34:10) Makore 40 ekugara murenje paakanga ava kupera, vanhu vakanyunyuta kechipiri nekuda kwekushaikwa kwemvura. Mwari akaudza Mosesi kuti ataure nedombo. Pane kuti adaro, Mosesi akarova dombo racho. Jehovha anogona kunge akatsamwa nekuti Mosesi haana kuteerera mirayiro yake kana kuti haana kuita kuti Mwari akudzwe nechishamiso chacho. (Num. 20:6-12) Izvi zvinofanira kutidzidzisa kuti kuteerera Jehovha uye kumukudza kunokosha.—w18.07, peji 13-14.

Nei zvingava nyore kuti tikanganise kana tikatonga nezvinooneka nechekunze?

Pane zvinhu zvitatu zvinoita kuti vanhu vatonge vamwe nekutarisa zvinoonekwa nechekunze zvinoti: rudzi, upfumi uye zera. Zvinokosha kuti titevedzere Mwari asingasaruri. (Mab. 10:34, 35)—w18.08, peji 8-12.

VaKristu vakura vangabatsira sei vamwe?

MuKristu akura asisaiti basa raaimboita, anoramba achikosheswa naMwari uye ane zvakawanda zvaanogona kuita kuti abatsire vamwe. Anogona kubatsira varume vasingatendi vehanzvadzi dzemuungano, kubatsira vasisaiti basa, kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri uye kuwedzera ushumiri hwake.—w18.09, peji 8-11.

MuBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa revaKristu munei?

Mune makadhi eJW.ORG uye mapepa ekukoka vanhu kumisangano. Munewo maturakiti 8 ari nyore kushandisa uye magazini eNharireyomurindi neMukai! Bhokisi iri rinewo mabhurocha mashoma, mabhuku maviri anoshandiswa pakudzidzisa Bhaibheri uye mavhidhiyo 4, kusanganisira vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?w18.10, peji 16.

MuKristu ‘angatenga chokwadi’ sei sezvinokurudzirwa pana Zvirevo 23:23?

Hatitengi chokwadi nemari. Asi tinofanira kushandisa nguva nesimba redu kuti tichiwane.—w18.11, peji 4.

Chii chatinodzidza kubva pamabatiro akaita Hosiya mudzimai wake Gomeri?

Gomeri akaita upombwe kanoverengeka, asi Hosiya akamuregerera uye vakaramba vari murume nemudzimai. Kana mudzimai kana murume wemuKristu akaita upombwe, muKristu wacho anogona kumuregerera. Kana akatangazve kurara naye, chikonzero chemuMagwaro chekuti amurambe chinenge chisisashandi.—w18.12, peji 13.