Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechidiki, Munogona Kuva Neupenyu Hunogutsa

Vechidiki, Munogona Kuva Neupenyu Hunogutsa

‘Munoita kuti ndizive gwara reupenyu.’—PIS. 16:11.

NZIYO: 133, 89

1, 2. Muenzaniso waTony unoratidza sei kuti munhu anogona kuchinja?

MUMWE mukomana anonzi Tony akanga ava kuda kusiyira chikoro panzira. Akanga asina baba, akanga asingafariri zvechikoro uye pakupera kwevhiki aiwanzoenda kunoona mafirimu kana kuti aiswera neshamwari dzake. Akanga asingarwisani nevamwe uye aisaita zvemadhiragi. Asi akanga asina chinangwa muupenyu. Uye akanga asina chokwadi chekuti Mwari ariko. Akabva asangana nemurume nemudzimai vaiva Zvapupu uye akakurukura navo zvinhu zvaaisava nechokwadi nazvo uye mibvunzo yake. Vakamupa bhurocha rinonzi The Origin of Life—Five Questions Worth Asking uye rinonzi Was Life Created?

2 Zvapupu zvacho pazvakadzoka, zvakawana Tony achinja mafungiro ake. Akanga averenga averengazve mabhurocha acho zvekuti akasvika pakutopeteka-peteka. Akati, “Mwari anofanira kunge ariko.” Akabvuma kudzidza Bhaibheri uye zvishoma nezvishoma upenyu hwake hwakachinja. Asati atanga kudzidza Bhaibheri, Tony akanga asingagoni chikoro asi akapedzisira ava mumwe wevana vaigona chaizvo pachikoro chake. Kunyange mukuru wechikoro, uyo aiziva zvakanga zvava kutendwa naTony, akashamisika. Mukuru wechikoro akati, “Maitiro ako achinja uye wava kugona chikoro. Asi inyaya yekuti uri kudzidza neZvapupu zvaJehovha?” Tony akati hongu uye akabva amuudzawo zvaaidzidza. Akazopedza sekondari uye iye zvino ari kushumira sapiyona wenguva dzose uye semushumiri anoshumira. Iye zvino ari kufara kuti ava naBaba vakanaka, Jehovha.—Pis. 68:5.

TEERERA JEHOVHA UYE UCHABUDIRIRA

3. Jehovha anoda kuti vechidiki vaitei?

3 Zvakaitika kuna Tony zvinotiyeuchidza kuti Jehovha anokufarirai imi vechidiki vari pakati pedu. Anoda kuti muve neupenyu hwakanaka uye hunogutsa. Saka anopa mumwe nemumwe wenyu zano rekuti: “Yeukawo Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako.” (Mup. 12:1) Mazuva ano izvozvo hazvisi nyore nguva dzese. Zvisinei, hazvirevi kuti hazvikwanisiki. Unogona kuzviita uchibatsirwa naMwari uye achakubatsira kweupenyu hwako hwese. Semuenzaniso, funga zvatinodzidza pakukunda kwakaita vaIsraeri marudzi aiva muNyika Yakapikirwa uye pakukunda kwakaita Dhavhidhi paakarwa naGoriyati.

4, 5. Chidzidzo chipi chinokosha chatinowana pakukundwa kwakaitwa vaKenani nevaIsraeri uye pakukundwa kwakaitwa Goriyati naDhavhidhi? (Ona mifananidzo iri panotangira nyaya ino.)

4 VaIsraeri pavakanga vava kuda kupinda muNyika Yakapikirwa, Mwari haana kuvarayira kuti vavandudze unyanzvi hwavo hwekurwa. (Dheut. 28:1, 2) Asi akavaudza kuti vaifanira kuteerera mirayiro yake uye kuvimba naye. (Josh. 1:7-9) Zano iroro raiita serisina musoro mukuona kwevanhu. Asi rainge rakanaka chaizvo nekuti Jehovha akaita kuti vanhu vake vakunde vaKenani. (Josh. 24:11-13) Kuteerera Mwari kunoda kutenda uye kutenda ikoko kunoita kuti tibudirire nguva dzese. Izvi ndizvo zvazvaiva kare uye ndizvo zvazvichiri.

5 Goriyati aiva murwi ane simba, ainge akareba mamita 2,9 uye aiva nezvombo zvaityisa. (1 Sam. 17:4-7) Zvisinei, Dhavhidhi aiva nezvinhu zviviri. Aiva nechipfuramabwe uye aiva nekutenda muna Mwari wake, Jehovha. Vaya vakanga vasina kutenda vaigona kuona Dhavhidhi sebenzi. Asi vakanga vakarasika. Goriyati ndiye aiva benzi.—1 Sam. 17:48-51.

6. Chii chatichaongorora munyaya ino?

6 Munyaya yakapfuura, takaona zvinhu zvina zvinoita kuti tifare uye tibudirire muupenyu. Zvinhu izvi zvinoti: kugutsa chido chedu chekuziva Musiki, kuonga shamwari dzatakapiwa naMwari, kuva nezvinangwa zvine musoro uye kukoshesa rusununguko rwedu sevanhu vaMwari. Iye zvino ngationgororei zvinhu izvi tichishandisa dzimwe pfungwa dziri muPisarema rechi16.

GUTSA CHIDO CHAKO CHEKUZIVA MUSIKI

7. (a) Ungarondedzera sei munhu ane mafungiro aMwari? (b) “Chikamu chomugove” waDhavhidhi chaiva chii, uye chakaita kuti anzwe sei?

7 Munhu ane mafungiro aMwari anotenda muna Mwari uye anoona zvinhu sezvinoitwa naMwari. Anotsvaga kutungamirirwa naMwari uye anoita zvese zvaanogona kuti amuteerere. (1 VaK. 2:12, 13) Mumwe munhu aiva nemafungiro aMwari ndiDhavhidhi. Akaimba achiti: “Jehovha ndiye chikamu chomugove wangu wandakapiwa nechekapu yangu.” (Pis. 16:5) “Chikamu chomugove” ichi chaisanganisira ushamwari hwakanaka hwaaiva nahwo naMwari, uyo waaipotera kwaari. (Pis. 16:1) Izvi zvakaita kuti Dhavhidhi ‘afare.’ Hakuna chimwe chinhu chaifadza Dhavhidhi kupfuura ushamwari hwake naMwari.—Verenga Pisarema 16:9, 11.

8. Zvii zvimwe zvinoita kuti tive neupenyu hunonyatsogutsa?

8 Mufaro waiva naDhavhidhi hauwanikwi nevanhu vanoisa pfungwa pamafaro neupfumi. (1 Tim. 6:9, 10) Imwe hama yekuCanada inoti, “Kugutsikana kwechokwadi hakubvi pane zvatingawana muupenyu, asi kunobva pane zvatinopa Jehovha Mwari, Mupi wezvipo zvese zvakanaka.” (Jak. 1:17) Kutenda muna Jehovha uye kumushumira kuchaita kuti uve neupenyu hune chinangwa uye kuchaita kuti ugutsikane. Ungasimbisa sei kutenda kwako? Unofanira kuwana nguva yekuva naJehovha kuburikidza nekuverenga Shoko rake, kutarisa zvaakasika, uye kufunga nezveunhu hwake, kusanganisira kuda kwaanokuita.—VaR. 1:20; 5:8.

9. Ungabvumira sei Shoko raMwari kuti rikuumbe, sezvarakaita Dhavhidhi?

9 Dzimwe nguva Mwari anoratidza kuti anotida nekutiruramisa sezvinoitwa nababa vane rudo. Dhavhidhi aibvuma kururamiswa saizvozvo. Akati: “Ndicharumbidza Jehovha, akandipa zano. Chokwadi, itsvo dzangu dzakandiruramisa usiku.” (Pis. 16:7) Akafungisisa nezvemafungiro aMwari, ndokuita kuti avewo ake uye akaabvumira kuti amuumbe. Paunoitawo izvozvo, uchawedzera kuda kwaunoita Mwari uye uchawedzera chido chako chekumuteerera. Uchawedzerawo kusimba pakunamata. Imwe hanzvadzi inonzi Christin yakati, “Pandinotsvakurudza uye pandinofungisisa zvandinoverenga, ndinonzwa sekuti Jehovha akaita kuti mashoko acho anyorerwe inini.”

10. Sezvinotaurwa pana Isaya 26:3, kuva nemafungiro aMwari kwakanakirei?

10 Kana uine mafungiro aMwari uchaona nyika neramangwana rayo sezvinoita Mwari. Jehovha anokupa zivo yakadzama uye kunzwisisa. Nei achidaro? Anoda kuti uzive zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu, uite zvisarudzo zvekuchenjera, uye uve nechivimbo chekuti uchava neramangwana rakanaka. (Verenga Isaya 26:3.) Imwe hama inonzi Joshua inogara kuUnited States, yakati, “Kuva pedyo naJehovha kunoita kuti urambe uchikoshesa zvinhu zvinokosha.” Ichi ichokwadi uye kuva pedyo naJehovha kunoita kuti ugutsikane.

TSVAGA SHAMWARI DZECHOKWADI

11. Dhavhidhi akasarudza sei shamwari dzake?

11 Verenga Pisarema 16:3. Dhavhidhi aiziva kutsvaga shamwari dzechokwadi. ‘Aifarira kwazvo’ kuwadzana nevanhu vaida Jehovha. Vanhu ava vainzi “vatsvene” sezvo vaiva netsika dzakanaka. Mumwe munyori wepisarema aivawo nemanzwiro akafanana naiwayo panyaya yekusarudza shamwari. Akanyora kuti: “Ndiri shamwari yevaya vose vanokutyai, neyevaya vanochengeta mirayiro yenyu.” (Pis. 119:63) Sezvatakaona munyaya yakapfuura, iwewo unogona kuwana shamwari dzakawanda dzakanaka pakati pevanhu vanotya Jehovha uye vanomuteerera. Shamwari idzi dzinosanganisira vanhu vemazera ese.

12. Ushamwari hwaDhavhidhi naJonatani hwaibva papi?

12 Dhavhidhi, munyori wemapisarema, haana kungoshamwaridzana nevezera rake chete. Unoyeuka here zita reshamwari yake yepedyo? Ainzi Jonatani. Ushamwari hwavo ndehumwe hweushamwari hwakanaka chaizvo hunotaurwa nezvawo muBhaibheri. Asi waizviziva here kuti Jonatani aiva mukuru kuna Dhavhidhi nemakore anenge 30? Saka ushamwari hwavo hwaibva papi? Hwaibva pakuti vaitenda muna Mwari, vairemekedzana uye vaiona ushingi hwairatidzwa nemumwe nemumwe wavo pakurwisana nevavengi vaMwari.—1 Sam. 13:3; 14:13; 17:48-50; 18:1.

13. Ungawedzera sei shamwari dzako? Taura muenzaniso.

13 Kufanana naDhavhidhi naJonatani, isuwo ‘tinofarira kwazvo’ vaya vanoda Jehovha uye vanoratidza kuti vanotenda maari. Kiera, uyo ashumira Mwari kwemakore akawanda, anoti, “Ndakaita ushamwari nevanhu vanobva munyika dzakasiyana-siyana uye vane tsika dzakasiyana-siyana.” Paunoitawo izvozvo, uchaona uchapupu hunoratidza kuti Shoko raMwari uye mweya wake zvine simba rekuita kuti vanhu vabatane.

IVA NEZVINANGWA ZVINE MUSORO

14. (a) Chii chinogona kukubatsira kuti uve nezvinangwa zvine musoro muupenyu? (b) Vamwe vechidiki vakanzwa sei nezvinangwa zvekunamata zvavakava nazvo?

14 Verenga Pisarema 16:8. Dhavhidhi ainge akaisa pfungwa pakushumira Mwari. Iwewo unogona kuva neupenyu hunogutsa kana ukaramba wakaisa pfungwa pakushumira Jehovha uye ukava nezvinangwa zvinoenderana nezvaanoda. Imwe hama inonzi Steven yakati, “Kushanda kuti ndizadzise chinangwa chandinenge ndiinacho, kuchizadzisa uye kuona zvandinenge ndaita kuti ndichizadzise kunoita kuti ndigutsikane.” Imwe hama yechidiki yekuGermany, iyo yava kushumira kune imwe nyika, yakati: “Pandinenge ndakwegura, handidi kuzotarisa zvandakaita neupenyu hwangu ndoona kuti zvese zvainge zvakangonakira ini chete.” Tinovimba kuti ndiwo manzwiro aunoitawo. Kana uchinzwa saizvozvo, shandisa zvipo zvako kuti ukudze Mwari uye ubatsire vamwe. (VaG. 6:10) Iva nezvinangwa zvekunamata uye nyengetera kuna Jehovha uchikumbira kuti akubatsire kuzvizadzisa. Anoda kupindura minyengetero yakadaro.—1 Joh. 3:22; 5:14, 15.

15. Zvinangwa zvipi zvaungava nazvo? (Ona bhokisi rakanzi “ Zvimwe Zvinangwa Zvaungava Nazvo.”)

15 Zvinangwa zvipi zvaungava nazvo? Zvinogona kusanganisira kupa mhinduro nemashoko ako pamisangano yechiKristu, kupayona kana kuenda kuBheteri. Unogona kudzidza mumwe mutauro uine chinangwa chekuzoshumira mundima yemumwe mutauro. Mumwe wechidiki ari mubasa renguva yakazara anonzi Barak anoti: “Kumuka zuva rimwe nerimwe, ndichiziva kuti ndiri kupa Jehovha simba rangu rese kunondipa mufaro kupfuura chero chii zvacho chandaizoita.”

KOSHESA RUSUNUNGUKO RWAWAKAPIWA NAMWARI

16. Dhavhidhi akanzwa sei nezvemitemo yaJehovha yakarurama, uye nei akanzwa saizvozvo?

16 Verenga Pisarema 16:2, 4. Sezvatakaona munyaya yakapfuura, mitemo yaMwari yakarurama uye mazano aanotipa zvinotisunungura nekuti zvinoita kuti tide zvakanaka uye tivenge zvakaipa. (Amo. 5:15) Munyori wemapisarema Dhavhidhi aiziva kuti “kunaka” kwake kwaibva kuna Jehovha. Kunaka kunoreva kuva netsika dzakanaka. Dhavhidhi akashanda nesimba kuti atevedzere Mwari wake uye kuti ade zvinhu zvinodiwa naMwari. Dhavhidhi akadzidzawo kuvenga zvinhu zvinonzi naMwari zvakaipa. Zvinhu izvozvo zvinosanganisira kunamata zvidhori. Kunamata zvidhori kunoita kuti zviite sekuti zvidhori zviri nani pane vanhu uye kunoita kuti Jehovha asapiwa mbiri yaanofanira kupiwa.—Isa. 2:8, 9; Zvak. 4:11.

17, 18. (a) Dhavhidhi akati chii chinoitika kana munhu akatevera kunamata kwenhema? (b) Mazuva ano, chii chinoita kuti vanhu ‘vawandirwe nemarwadzo’?

17 Panguva yaiitika zvinhu zvakanyorwa muBhaibheri, kunamata kwenhema kwaiwanzosanganisira unzenza hunosemesa. (Hos. 4:13, 14) Vanhu vakawanda vaifarira kunamata kwenhema nekuti vainakidzwa neunzenza. Asi kwaisamboita kuti vawane mufaro wechokwadi. Dhavhidhi akati: ‘Marwadzo aiwandira vaya vaikurumidza kutevera mumwe munhu.’ Vaiitawo kuti vana vakawanda vatambure chaizvo. (Isa. 57:5) Jehovha aivenga utsinye hwakadaro. (Jer. 7:31) Kudai wakararama panguva iyoyo, waisazoonga here kudai vabereki vako vainamata Jehovha?

18 Mazuva ano, unzenza kunyange ungochani zvinogamuchirwa muzvitendero zvenhema. Izvi zvinogona kuita kuti vanhu vanzwe sekuti vane rusununguko, asi zvinozoitika hazvina kumbosiyana nezvaiitika kare. (1 VaK. 6:18, 19) Sezvauri kuona, vanhu ‘vanowandirwa nemarwadzo.’ Saka vechidiki teererai Baba venyu vekudenga. Ratidzai kuti munoda kuteerera Mwari. Garai muchiyeuka kuti matambudziko anokonzerwa nekuita zvakaipa akakura kupfuura mufaro wamungawana kwenguva diki. (VaG. 6:8) Joshua, ambotaurwa nezvake kwekutanga, akati, “Tinogona kuita zvatinoda nerusununguko rwedu, asi kurushandisa zvisiri izvo hakuiti kuti tigutsikane.”

19, 20. Vechidiki vanotenda muna Jehovha uye vanomuteerera vachawana makomborero api?

19 Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu, muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Joh. 8:31, 32) Rusununguko irworwo runosanganisira kusunungurwa pachitendero chenhema, pakusaziva uye pakutenda mashura. Uye runosanganisira zvakawanda. Sezvataona, ruchasanganisira “rusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” (VaR. 8:21) Ravirai rusununguko irworwo kunyange iye zvino ‘nekuramba muri mushoko raKristu,’ kana kuti dzidziso dzake. Kana mukadaro, “muchaziva chokwadi” nekuchidzidza uyewo nekurarama maererano nacho.

20 Vechidiki, koshesai rusununguko rwamakapiwa naMwari. Shandisai rusununguko irworwo nekuchenjera, kuti muzova neramangwana rakanaka. Imwe hama yechidiki yakati: “Kushandisa rusununguko nekuchenjera sewechidiki kunozokubatsira paunenge wava kufanira kuita zvisarudzo zvakakura, zvakadai sekutsvaga basa rakakodzera kana kuti kusarudza kupinda muwanano kana kumboti mirei.”

21. Ungaramba sei uri munzira inoenda ‘kuupenyu chaihwo’?

21 Munyika ino, kunyange upenyu hunonzi nevanhu hwakanaka hunongova hwenguva diki. Hatizivi zvichange zvakaita upenyu mangwana. (Jak. 4:13, 14) Saka kuchenjera kuramba tiri munzira inoenda ‘kuupenyu chaihwo,’ upenyu husingaperi. (1 Tim. 6:19) Asi Jehovha haatimanikidzi kufamba munzira iyoyo. Tisu tinosarudza kuti tinoda kufamba mairi here. Ita kuti Jehovha ave “chikamu chomugove” wako. Koshesa zvinhu “zvakanaka” zvakawanda zvaakakupa. (Pis. 103:5) Uye iva nekutenda kuti anokwanisa kukupa ‘mufaro nekusingaperi.’—Pis. 16:11.