Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechidiki, Musiki Wenyu Anoda kuti Mufare

Vechidiki, Musiki Wenyu Anoda kuti Mufare

“Anogutsa upenyu hwako hwose nezvakanaka.”—PIS. 103:5.

NZIYO: 135, 39

1, 2. Patinenge tichisarudza zvekuita muupenyu, nei kuri kuchenjera kuteerera Musiki wedu? (Ona mifananidzo iri panotangira nyaya ino.)

KANA uri wechidiki, zvimwe unotombopiwa mazano akawanda nezveramangwana rako. Vadzidzisi uye vanopa mazano kuzvikoro, nevamwewo vanogona kunge vachikukurudzira kuti uve nedzidzo yepamusoro uye basa rinobhadhara. Zvisinei, izvozvo handizvo zvaunonzi naJehovha uite. Anoda kuti ushande nesimba kuchikoro kuti uzokwanisa kuwana cheuviri kana wapedza chikoro. (VaK. 3:23) Asi paunenge uchisarudza zvinhu zvinonyanya kukosha kwauri muupenyu, anokukurudzira kuti ushandise mazano anoenderana nechinangwa chake uye anoenderana nezvaanoda kuti tiite mumazuva ano ekupedzisira.—Mat. 24:14.

2 Yeukawo kuti Jehovha anoziva zvese. Anoziva zvichaitika mune ramangwana uye anoziva kuti kwasara nguva yakadini kuti nyika ino iparare. (Isa. 46:10; Mat. 24:3, 36) Anoziva zvinoita kuti tinyatsogutsikana uye tinyatsofara, anozivawo zvinoita kuti tiore mwoyo uye tisafara. Saka pasinei nekuti mazano anopiwa nevanhu angaita seane musoro, anenge asiri euchenjeri kana asingaenderani neShoko raMwari.—Zvir. 19:21.

‘HAPANA UCHENJERI HUNGARWISANA NAJEHOVHA’

3, 4. Kuteerera mazano akaipa kwakakanganisa sei Adhamu naEvha nevana vavo?

3 Vanhu vakabvira kare vachipiwa mazano akaipa uye Satani ndiye akatanga kupa vanhu mazano akaipa. Akaudza Evha kuti iye naAdhamu vaizonyatsofara kana vakazvisarudzira zvavanoda kuita muupenyu. (Gen. 3:1-6) Asi chokwadi ndechekuti Satani aingoda kuita zvakamunakira. Aida kuti Adhamu naEvha nevana vavaizobereka vanamate iye pane kunamata Jehovha. Asi chii chaakanga ambovaitira? Jehovha ndiye akanga avapa zvese zvavaiva nazvo. Akavaita murume nemudzimai, akavapa pekugara pakanaka uye vakanga vasina chivi zvekuti vaikwanisa kurarama nekusingaperi.

4 Zvinorwadza chaizvo kuti Adhamu naEvha havana kuteerera Mwari uye pavakaita izvozvo vaitozvibvisa pana Mwari. Izvi zvakakonzera matambudziko. Adhamu naEvha vakatanga kuchembera uye vakazofa sezvinongoita maruva ayo anosvava ooma kana akatanhwa. Vana vavo vakavawo nechivi. (VaR. 5:12) Kunyange zvakadaro, vanhu vakawanda vanosarudza kusateerera Mwari, uye vanongoita zvavanoda. (VaEf. 2:1-3) Asi zvinozoitika zvinonyatsoratidza kuti ‘hapana uchenjeri hungarwisana naJehovha.’—Zvir. 21:30.

5. Jehovha aivimba kuti vanhu vake vaizoitei, uye nei zvaiva nemusoro kuti adaro?

5 Jehovha aiziva kuti vamwe vanhu, kusanganisira vechidiki vakawanda, vaizomutsvaga vomushumira. (Pis. 103:17, 18; 110:3) Anokoshesa chaizvo vechidiki vakadaro. Uri mumwe wavo here? Kana zvakadaro, unofanira kunge uri kunakidzwa nezvinhu zvakawanda ‘zvakanaka’ zvinobva kuna Mwari zviri kuita kuti ufare. (Verenga Pisarema 103:5; Zvir. 10:22) Sezvatichaona, zvinhu izvi ‘zvakanaka’ zvinosanganisira zvekudya zvekunamata zvakawanda, shamwari dzakanaka, zvinangwa zvine musoro uye rusununguko rwechokwadi.

JEHOVHA ANOGUTSA CHIDO CHAKO CHEKUMUZIVA

6. Nei uchifanira kugutsa chido chako chekuziva Musiki, uye anoshandisei kuti akubatsire?

6 Kusiyana nemhuka, une chido chekuziva Musiki wako, uye iye ndiye chete anogona kugutsa chido ichocho. (Mat. 4:4) Paunomuteerera nemwoyo wese, unova munhu anonzwisisa, akachenjera uye anofara. Jesu akati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo [zvemweya].” (Mat. 5:3) Mwari anogutsa chido chako chekumuziva achishandisa Shoko rake uye zvekudya zvekunamata zvakawanda zvaanopa achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45) Uye zvekudya zvacho zvakasiyana-siyana uye zvinobatsira chaizvo.—Isa. 65:13, 14.

7. Zvekudya zvekunamata zvatinopiwa naMwari zvinokubatsira sei?

7 Zvekudya zvekunamata zvatinopiwa naMwari zvinoita kuti uve neuchenjeri uye mano kana kuti simba rekufunga, izvo zvinogona kukudzivirira pane zvakawanda. (Verenga Zvirevo 2:10-14.) Semuenzaniso, zvinhu izvi zvinoita kuti ukwanise kuziva dzidziso dzenhema, dzakadai seyekuti hakuna Musiki. Zvinokudzivirira panhema dzekuti mari uye zvinhu ndizvo zvinoita kuti ufare. Uye zvinokubatsira kuona uye kudzivisa zvido zvakaipa uye maitiro anokanganisa upenyu hwako. Saka ramba uchitsvaga uchenjeri hunobva kuna Mwari uye simba rekufunga, uye ona zvinhu izvi sepfuma. Paunowana pfuma iyi, uchazvionera wega kuti Jehovha anokuda uye anoda kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.—Pis. 34:8; Isa. 48:17, 18.

8. Nei uchifanira kuswedera pedyo naMwari iye zvino, uye izvi zvichakubatsira sei mune ramangwana?

8 Munguva pfupi, zvikamu zvese zvenyika yaSatani zvichaparadzwa. Jehovha chete ndiye achatidzivirira uye ndiye achatipa zvekurarama nazvo. (Hab. 3:2, 12-19) Ino ndiyo nguva yekuswedera pedyo naBaba vako vekudenga uye kuwedzera kuvimba navo. (2 Pet. 2:9) Kana ukadaro, pasinei nekuti chii chichaitika kwauri, uchanzwa sezvakaita munyori wemapisarema Dhavhidhi uyo akati: “Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handizozununguswi.”—Pis. 16:8.

JEHOVHA ANOKUPA SHAMWARI DZAKANAKA

9. (a) Maererano naJohani 6:44, chii chinoitwa naJehovha? (b) Kusangana nechimwe Chapupu kekutanga kwakasiyana papi nekusangana nemunhu asiri Chapupu kekutanga?

9 Jehovha paanoona chinhu chakanaka pane mumwe munhu, anomukoka kuti ave mumhuri yevanamati vake. (Verenga Johani 6:44.) Paunotanga kusangana nemunhu asiri muchokwadi, hapana zvakawanda zvaunogona kuziva nezvake. Zvimwe ungangoziva zita rake, chimiro chake, nezvimwewo zvishoma. Asi handizvo zvinoitika paunotanga kusangana nemunhu anoziva uye anoda Jehovha. Kunyange kana munhu iyeye achibva kune imwe nyika, ari werimwe rudzi, aine tsika dzakasiyana nedzako, une zvakawanda zvaunotoziva nezvake uye iye anewo zvakawanda zvaanoziva nezvako.

Jehovha anoda kuti tive neshamwari dzakanaka uye zvinangwa zvekunamata (Ona ndima 9-12)

10, 11. Vanhu vaJehovha vakafanana papi, uye izvi zvinotibatsira sei?

10 Paunongosangana nechimwe Chapupu, unoziva kuti mese munokoshesa zvinhu zvakafanana. Mese munotaura “mutauro wakachena.” (Zef. 3:9) Izvi zvinoreva kuti munotenda zvakafanana nezvaMwari, mune maonero akafanana panyaya dzekuzvibata uye mune tariro imwe chete yeramangwana. Izvi ndizvo zvinhu zvinonyanya kukosha pakuzivana nemunhu, uye ndizvo zvinoita kuti mukwanise kuvimbana. Zvinoitawo kuti mukwanise kuva neushamwari hwakasimba.

11 Semushumiri waJehovha, une shamwari dzakanaka pasi rese. Kungoti hausati wasangana nedzakawanda dzacho. Vanhu vaJehovha ndivo chete vane chipo ichi chinokosha!

JEHOVHA ANOKUPA ZVINANGWA ZVINE MUSORO

12. Zvinangwa zvipi zvine musoro zvaunogona kuva nazvo?

12 Verenga Muparidzi 11:9–12:1. Une chinangwa kana kuti zvinangwa zvekunamata zvauri kuedza kuzadzisa here? Zvimwe uri kuedza kuverenga Bhaibheri mazuva ese. Kana kuti unogona kunge uri kuedza kuvandudza mhinduro dzaunopa pamisangano uye madzidzisiro ako muushumiri nemuungano. Unonzwa sei paunoona kuti uri kubudirira uye paunorumbidzwa nevamwe? Hapana mubvunzo kuti unonzwa kuti uri kuitawo chimwe chinhu uye unova nemufaro. Manzwiro iwayo akanaka nekuti unenge uchiisa kuda kwaMwari pekutanga sezvakaitwa naJesu.—Pis. 40:8; Zvir. 27:11.

13. Nei zviri nani kushumira Jehovha pane kuisa pfungwa pakubudirira munyika?

13 Paunoisa pfungwa pakushumira Jehovha, unenge uchiita basa rinogutsa uye rinoita kuti uve neupenyu hune chinangwa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ivai vakasimba, musingazununguki, muchigara muine zvizhinji zvokuita mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi pasina munaShe.” (1 VaK. 15:58) Asi kutsvaga kubudirira munyika ino hakuiti kuti tive nemufaro. (Ruka 9:25) Tinodzidza izvi kubva pane zvakaitika kuna Mambo Soromoni.—VaR. 15:4.

14. Chii chatinodzidza kubva pane zvakaitwa naSoromoni?

14 Soromoni aiva nepfuma yakawanda chaizvo uye aiva nesimba. Akazviudza kuti: “Chiuya zvino, [ndikufadze ndione kuti zvinoguma nei.]” (Mup. 2:1-10) Akavaka dzimba, akagadzira mapaki, uye akaita zvese zvaidiwa nemwoyo wake. Akanzwa kugutsikana here nezvaakanga aita? Hatifaniri hedu kuita zvekufungidzira. Soromoni pachake akanyora kuti: “Ndakatendeukira kumabasa angu ose akanga aitwa nemaoko angu . . . [Ndakaona kuti] zvinhu zvose zvakanga zvisina zvazvinobatsira . . . uye hapana chaibatsira.” (Mup. 2:11) Unogona kuwana chidzidzo pane zvakaitwa naSoromoni.

15. Nei kutenda kuchikosha, uye kunokubatsira sei sezvinotaurwa pana Pisarema 32:8?

15 Jehovha haadi kuti utange wakakanganisa, wopinda mumatambudziko, kuti uzoona kuti chimwe chinhu chakaipa. Asi kuti umuteerere uye umuise pekutanga muupenyu hwako unotofanira kuva nekutenda. Kutenda ikoko kunokosha uye kana uinako hauzombozvidembi. Jehovha haazombokanganwi ‘rudo rwawakaratidza nekuda kwezita rake.’ (VaH. 6:10) Saka shanda nesimba kuti usimbise kutenda kwako, uye izvi zvichaita kuti uzvionere kuti Baba vako vekudenga vanoda kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.—Verenga Pisarema 32:8.

MWARI ANOKUPA RUSUNUNGUKO RWECHOKWADI

16. Nei tichifanira kukoshesa rusununguko uye kurushandisa nekuchenjera?

16 Pauro akanyora kuti: “Pane [mweya] waJehovha, pane rusununguko.” (2 VaK. 3:17) Jehovha anoda rusununguko, uye akakusika uchidawo rusununguko. Kunyange zvakadaro, anoda kuti ushandise rusununguko rwako nekuchenjera, uye izvi zvinokudzivirira. Zvimwe unoziva vechidiki vanoona zvinonyadzisira kana kuti vanoita zveunzenza, vanotamba mitambo ine ngozi, kana kuti vanodhakwa nedoro nemadhiragi. Izvi zvinogona kuita sezvinonakidza, asi kazhinji izvi zvinoguma nezvirwere, kupindwa muropa nazvo, kana kutofa. (VaG. 6:7, 8) Zviri pachena kuti pavanenge vachifunga kuti vane rusununguko vanenge vachizvinyengera.—Tito 3:3.

17, 18. (a) Kuteerera Mwari kunopa sei rusununguko? (b) Nei tingati pakutanga Adhamu naEvha vaiva nerusununguko rwakakura kupfuura rune vanhu mazuva ano?

17 Asi vanhu vangani vaunoziva vakarwara nekuti vakaramba vachiteerera zvinotaurwa neBhaibheri? Zviri pachena kuti kuteerera Jehovha kunobatsira uye kunoita kuti tive nerusununguko. (Pis. 19:7-11) Uyewo, paunoshandisa rusununguko rwako nekuchenjera, kureva kuti paunorushandisa uchitevedzera mitemo nemazano eBhaibheri, Mwari uye vabereki vako vachavimba newe. Vabereki vako vanogona kutokupa rumwe rusununguko. Uyewo Mwari anovimbisa kuti achapa vanhu vake vakatendeka rusununguko rwakakwana, urwo runonzi neBhaibheri ‘rusununguko runobwinya rwevana vaMwari.’—VaR. 8:21.

18 Adhamu naEvha vaiva nerusununguko rwakadaro. Pavaiva mumunda weEdheni, Mwari akavarambidza chinhu chimwe chete. Vaisafanira kudya michero yemuti mumwe chete. (Gen. 2:9, 17) Ungati mutemo iwoyo wainge wakaoma uye waivadzvinyirira here? Kwete. Asi chifunga nezvemitemo yakawanda yakadzikwa nevanhu uye yavari kumanikidza vamwe kuti vateerere.

19. Jehovha naJesu vari kutidzidzisei zvichaita kuti tive nerusununguko?

19 Jehovha anobata vashumiri vake neuchenjeri. Pane kutipa mitemo yakawandawanda, anotidzidzisa nemwoyo murefu kuti titeerere mutemo werudo. Anoda kuti titeerere mazano ake uye tivenge zvakaipa. (VaR. 12:9) Semuenzaniso, Mharidzo yaJesu yepaGomo inotidzidzisa kuti chii chinoita kuti vanhu vaite zvakaipa. (Mat. 5:27, 28) Uye munyika itsva, Jesu, saMambo weUmambo hwaMwari, acharamba achitidzidzisa kuti tione zvinhu zvisina kururama uye zvinhu zvakaipa semaonero aanozviita. (VaH. 1:9) Achaitawo kuti tive vanhu vasina chivi. Uchange usisanzwi kuda kuita zvakaipa uye hauzotamburi nezvinhu zvinokonzerwa nechivi chatinoberekwa tiinacho. Uye pakupedzisira, uchava ‘nerusununguko runobwinya’ rwawakavimbiswa naJehovha.

20. (a) Jehovha anoshandisa sei rusununguko rwake? (b) Ungabatsirwa sei nekutevedzera muenzaniso waMwari?

20 Kunyange patinenge tava munyika itsva, rusununguko rwedu runenge ruine parunogumira. Tichafanira kurushandisa nenzira inoratidza kuti tinoda Mwari uye vanhu. Patinoita izvi, tinenge tichitevedzera Jehovha. Kunyange zvazvo aine rusununguko rusina parunogumira, anosarudza kurushandisa nenzira inoratidza kuti anotida. (1 Joh. 4:7, 8) Saka izvi zvinoratidza kuti tinonyatsova nerusununguko rwechokwadi kana tikatevedzera Mwari.

21. (a) Dhavhidhi ainzwa sei nezvaJehovha? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

21 Unoonga here zvinhu ‘zvakanaka’ zvakawanda zvawakapiwa naJehovha zvakadai sezvekudya zvekunamata zvakawanda, shamwari dzakanaka, zvinangwa zvine musoro, uye tariro yekuva nerusununguko rwakakwana? (Pis. 103:5) Kana zvakadaro, unogona kunzwa sezvakaita Dhavhidhi paakanyengetera achiti: “Muchaita kuti ndizive gwara roupenyu. Kufara kunogutsa kuri pamberi pechiso chenyu; kuruoko rwenyu rworudyi kune zvinofadza nokusingaperi.” (Pis. 16:11) Munyaya inotevera tichakurukura imwe pfuma yatinowana muPisarema rechi16. Pfuma iyi ichatibatsira kuti tione zvimwe zvinoita kuti tinyatsova neupenyu hunogutsa.